PERSEVERE JAY KAY NOVELS📕📕
PERSEVERE JAY KAY NOVELS📕📕
February 18, 2025 at 07:36 PM
🦚🌹🦚🌹🦚🌹🪺🦚🌹🦚🌹🦚🌹 KAYPEE WRITES📘🦋PRESENTS *THE BLIND MARRIAGE* https://whatsapp.com/channel/0029ValGYmv6hENk5Bpy931a Follow our channel for more👆 Don't forget to join our comments group https://chat.whatsapp.com/JIA7gJ17Kvr29AaISZQjn7 *CHAPTER 2: MISUNDERSTANDING* "Ko zvaunogoita kunge munhu aona chipoko hanzii?" MaiMiles vakadaro. "Ha ha ha. Ndanga ndichiti Miles arikuita mafunnies kaini," Rutendo akadaro with a nervous laugh achisuduruka padoor kuitira kuti vanhu vapinde. "Pindai henyu," she added. "Makadii mama," Amanda akadaro paye nekutotyora muzura chii chii. Makadii yaRutendo yakazoteverawo hayo but yanga yatobviswa weight neyaAmanda. When Rutendo's mom had first met Amanda, vakaita kunge vacha mbotora mwana wavo vachiisa paside. However after witnessing yavaiti the perfect example of a good child, she had gotten over kusafarira kwavo mabraids emacala macala, kuboorwa kahobho panzeve nekuboorwa pamhino. Nyaya dzakakurukurwa zvekuti Rutendo akatoshaya kuti uyu Amanda anga achiri kuda basa kana kuti. "Haa mama regai ndidzokere kubasa pachiri netime. Vanhu vacho kungononoka yetwo minutes vanenge vakutoita kunge waita week usingauye kubasa," Amanda akadaro. "Zvagara chisi chako masimba mashoma. Shandai mugoitawo panoti penyu mazuva anotevera," mai Miles vakadaro. "Ndichazouya kumba tonyatso kurukura, hunge muchiri kuno," Amanda akadaro and Rutendo was like bruh, when did your vocabulary broaden up. "Unongonzwa kuna Rutendo iyeye." Seeing Amanda head to the door, Rutendo akabva atoziva kuti her days were numbered. "Manga madya here," Rutendo akadaro achitambirawo kuside kudoor. "Tadya hedu kare but nzara tinayo," Miles akapindura. "OK mirai nditi muunzirwe chikafu, regai ndimbobudisa Amanda uyu," Rutendo akadaro achitobuda. Zvekuti ani akazosara achitii, zvanga zvazvimwewo. It was obvious kuti the right move was to stick around and chat with her mother but panguva iyoyo hwu mother daughter chat spirit hwanga hwamboenda kuholiday. What she needed was to regroup and gather her thoughts. Given distance yanga iripo between the door reoffice ne door re passage it was possible kuti vanga vanzwa zvakati ooo. In the spirit of relaxing vanga vakanganwa kushandisa mainside voices avo, that was the result. "Kana vanzwa isn't it better, at least now unenge wakusatangira conversation pazero," Amanda akadaro aona kunyarara kwanga kwakaita mumwe wake as they walked along sixth vachida kunobata intersection. "Ah hameno, " Rutendo akazongodaro. Kuti aipindura Amanda or aitaura ega, that part was unclear. *** "One hour, one hour munhu achingotaura twunyaya twusina musoro. Chavatadzisa kuti vangouya kunoku vataure nyaya yavo chii pane kundiinviter kulunch kuti vandiudze kuti havasati vane mari yedu," Mr Nyikayaramba fumed as he got into his office, followed by his assistant, Ms Ronde. "Apa muri kusekerera chii apa?" He turned to the woman. Ms Ronde havana kupindura, she simply stood by waiting for instructions. On the way back from the restaurant, Ms Ronde had pitched in but Mr Nyika vanga vati vanga vasiri interested in hearing zvavaifunga. And that vaifanha kugara silently, awaiting instructions. "Okay fine dakunzwa zvamunofunga," Mr Nyika said. "Are you sure sir?" Ms Ronde vakadaro. "Ehe hanty ndozvandataura here," "OK then, " Ms Ronde vakadaro ndokugara pacouch ranga riri muoffice imomo. "Maifanha kuvaturner down nezuro pavaka suggester lunch. Munhu aribusy, I'm sure vainzwisisa kuti nemiwo muri busy," she began. "Inga wani munonyatsoziva kuti zviri important kubata maclients edu zvakanaka, " Mr Nyika said in his defense. "Ndozvamunotaura henyu but makambogara pasi nemamwe maclients edu here? Hanty mukuona kaa. The fact yekuti anokwanisa kungotora time yenyu paadira ndozvinoita kuti asaite serious pakubhadhara mari yeproject and I'm sure munozviziva izvozvo. Which means manga muchida henyu kungoendawo out. Tozvinzwisisa." "Haa vahanzvadzi." Sezvo Mr Nyika naMs Ronde vaibva kumusha one, mumaraini mamwe, vaingoitana hanzvadzi hanzvadzi. At first Mr Nyika's wife had been concerned about the assistant but after getting to know her vakazoona kuti panga pasina chekutya. Twenty years later, Ms Ronde's family and the Nyikas were now practically family. It was good thing but manje, Ms Ronde naMr Nyika vanga vakusamboita kunge mumwe ndiboss weumwe. "Mofunga kuti nemhaka yeyi ndakusiyayi muchienda," Ms Ronde vakadaro vachisimuka. "Chinhu chakanaka kumborester, as long as muchizoita basa renyu chete," she added vachiisa mapapers aida signature yaCEO pamberi paMr Nyika. "Akomana, akomana," Mr Nyika complained. "Ko azowanda sei futi. Last time I checked anga ari mashoma shoma," he added. "Totsvaga maglass mamwe here nhai munhu washe?" "Nyangwe ndisina maglass, I'm sure ndinokwanisa kuona kuti aya mapepa mashoma aya." "Then I'm sure kuti zviri kungooneka kuti zvaanga akaita ndozvaakaita izvezvi." Mr Nyika just sighed ndokubva vatora pen yavo. "Is there anything else?" He asked Ms Ronde avo vanga vachiri vakamira paspot. "About the anniversary," she began. Mr Nyika stopped and frowned since vanga vasiri kunzwisisa panga paine nyaya yaMs Ronde. "Isn't that in two months?" He asked. "Uhu. Ndanga ndichifunga kuti you should make the announcement ipapo kuti Ronald is going to be taking your place when you retire. Vanhu vakawanda know for a fact kuti he is the sane choice but as long as musina kuzvitaura zvinoita kunge there is room for Damien to take the spot. Ka one percent ikako kari kuita kuti vanhu vave uneasy," Ms Ronde explained. "Makes sense, I will consider it." "But iye wacho achizobvuma here?" "Ronald is committed to the company and anozviziva kuti it's his responsibilty kuleader company." "That much I'm sure anoziva, ndanga ndichi reva nyaya yekusettler down. Your family has been receiptable to many scandals in the past, mostly thanks to Damien but Ronald also contributed a fair amount palist iroro. Kungoti he has his achievements and his brother to overshadow nyaya dzake chete chete so vanhu havataure nezvazvo stereki. Presenting him as a single man will ease them panyaya yekuti ndiani achatora chigaro after you retire but panenge paintroduswa fear nyuwani." "So you are saying Ronald anofanha kunge aine a woman by his side when I formally introduce him? Very well ndichataura naye." "Imi bhudhi munonyatsoziva kuti vana venyu they don't listen to reason, zvamurimi mumuudze sekuti ingoriwo suggestion," Ms Ronde warned as she exited the office. Mr Nyika just sighed ndokubva vabvisa maglasses avo and then she started to clean the lenses vachifunga. *** "Nhaiwe, asi Amanda anoshandira kure kani hanzvadzi yako zvayaita kutora gore iriko, isingadzoki," mai Miles vakadaro vachipedzisa chikafu chavainge vavigirwa. "Amanda anoshandira padhuze apa and Rue hapana paachambomusvitsa kure iye achidiwa pano. Ndinofunga adzoka kare but adeedzwa kukitchen, " Miles replied. "Mirai ndinonutarisa," he added ndokusimuka since he wanted out of there asap. Some quality time with his mother was not a bad thing except moms vake ukangovapa time, vaizoremember kuti anga asati aroora vobva vatotanga kumubudisira mamwe mareferences evanhu vezera rake vanga varoora vane vana. Zvekuti iye anga achiri kuda kumboenjoyer life vaisada kuzvinzwa. He walked to the main kitchen and there he found his sister blending some juice for shakes. Since the crowd had shrank some of the workers had taken a break so ndiye ega anga ari mukitchen. "Ukati rega nditevere kwazvabva, wauya nematips acho here," Rutendo started, when she noticed the guy. "Kuti ndakupenga here," Miles akadaro achitora one of the cups. "What are you doing?" Akadaro achitonwa hake. "Ndiri kugadzira madrinks," Rutendo replied. "You are paying for that," she added. "Don't worry ndiri kubhadhara, I wouldn't want to be the reason restaurant yako fails," Miles akadaro casually achinwa drink rake. "So manzwa zvese," Rutendo said. "Actually zvakawanda hatina kunzwa isu, tangonzwa zve secret chete. I already knew the truth." "Heeee." "I wish you'd stop treating me like an idiot. You did a very terrible job at hiding the fact that it's your restaurant. It was way harder to not notice. The only reason your mom doesn't know is because she is barely here chete." Of course, Miles knew. He had known around the time Rutendo had deferred. Well around that time it was a guess but then anga asina the final piece of evidence until his sister subconsciously shared a memory yekusouth Africa yaanga asinga zive. "Ahhh," was the only thing Rutendo could say because she was truly shocked. "And Amanda ari right, you should tell them now uchiri kucontroller conversation cause zvekuzopinzwa dare unenge wakuita kunge uneimwe reason hombe yawakahwandisira," Miles akadaro. "Anyways your mother is asking after you," he added ndokubva Rutendo amutevera after packing the drinks away. Ko handiti anga audzwa kuti her fears were ungrounded. Of course she was still going through the shock yekuti Miles aiziva chokwadi. "Isn't it nice how Rutendo's boss just allows her use the office whenever she wants," Miles akadaro stressing the word boss. "Iwewe lunch zvayapera kare but uri kuno wani," Rutendo shot back. "Ndatokumbira ufunge," Miles akadaro. "But I'm very sure boss vangu havangambondibvumidze kuti ndiinvite hama dzangu muoffice mavo. Nyangwe palunch, chingobvuma kuti boss vako munhu akanaka," he added. "Eh eh imbomirai kurwa," mai Miles pitched in. "Ini ndakuenda kubasa ini. Vamwe hatina mabosses ari nice, " Miles akapindura ndokuenda hake. Makamboita runyararo ndokubva mai Miles vazotanga kutaura. "Chii chiri kunetsa?" She said. "Hapana hapo." "Hatishandiwo nesimba tichikupai zvatinenge tashanda here nhai Rutendo?" "Munotipa," Rutendo replied still confused kuti conversation yaienda kupi. Miles had told her kuti hapana zvavanga vanzwa but what if kwanga kuri kunyepa. Not forgetting anga akuchidzira moto on his way out. "Saka mashura aunoita aya unoitirei nhaiwe?" Before Rutendo could start to apologise, her mother continued. "Imhosva kushaya mari here? Saka totofira iyo yekuti hatikwanise kukutengerai zvese? Shuwa shuwa size yako ungandiudza kuti iwe wakutoziva kuti kunovhurirwa makumbo mari? Heee? Ndipindure uko!" At this point Rutendo was definitely unsure kuti vaitaura dzei. "Muri kutaura nezvei mhamha?" Question yaRutendo was the Sara Jevo incident to mai Miles' wrath. Akafumhwa nebox ranga rine mabhonzo and she was very grateful vanga vasina kupihwa ceramic cause ha imwe yaipwanyikira mumusoro wemunhu. "Zvawavakukururana mabhurugwa nevarume vevanhu wakutozviona kuti wakura kaa. Hautonyarewo hanzvadzi yako iyi? Haunawo matyira nhaiwe Rutendo? Hautyi here kurara nemunhu akainzana nababa vako? Hautyi here kuputsa misha yevanhu? Hee?" "Aiwa?" Confused as she was, Rutendo akatoona kuti kudaira was the way to go. "Aiwa chii?" Mai Miles vakadaro vachipedzisa nembama. "Hautyi chihure? Vakomana vesize yako vari kushayika here?" Hasha dzamai Miles dzakatowedzera pavakanzwa mwana wavo achiti aisatya chihure. Vakatora changa chiri padhuze ndokumutema zvekare. Rutendo achiti ahwande, akabva atambirwa nemambama. "Mama ini handisi kuziva zvamuri kutaura," Rutendo akadaro atoona kuti mambama aisa mira kunaya. "Uchaziva hako," mai vake vakadaro vachisimuka. "Ndichipedza newe pano, uchanotuta twako. Zvepano zvapera. Zvebasa zvacho ngazvirege kana richibhadharwa nemakumbo. Kuri kufa nechirwere, uchifira basa roo. Isu tinoziva kuti kubasa unobhadharwa, kwete kubhadhara," she added vachinhonga broom raive kuseri kwedoor. Rutendo akatovhundukawo kuona broom iroro because it was her first time seeing that broom. Noticing and understanding the situation she was in, Rutendo decided telling the truth about the restaurant was the better idea. True her mother would kill her if the truth about her school attendance came out but then she had more pressing problems; *Her mother was about to kill her.* *End of chapter 2* Don't forget to follow, react and comment. @bluyue❤️
❤️ 😂 5

Comments