
PERSEVERE JAY KAY NOVELS📕📕
February 20, 2025 at 06:05 PM
⭕⭕⭕⭕⭕⭕⭕⭕⭕⭕⭕
*WRONG MOVE*
_WRITTEN BY:_ *PERSEVERE JAY KAY*
_EDITED BY LISSTTY_
https://whatsapp.com/channel/0029Vadg8wzCcW4uiPhj2T25
_COMMENTS GROUP_
https://chat.whatsapp.com/CJC8E8Sf2ZMLF3maH3d5hp
*----------------------------------*
*CHAPTER 3*
*CHAPTER 3*
*CHRIS*
I don't know how and why asi ndakazongo erekana ndati, "It's not what it looks like guys, tikuto wirirana ipapa," ndokubva Spencer aita kunge acha kachidzwa nemvura yaainwa nekuseka.
"Kotatiiko baba? Anyways hamuna kukuvara here?" Spencer akadaro ndokubva vafa futi nekuseka.
Wanike ini ndakufeeler kunge career yese yasarira mugomba pamwe nesugar. Ndakambo zama zama kuda kutsanangura ndikatoona kuti ndandisiri kuihwinha nyaya yacho. Vakomana vanga vanakirwa zvekuti ndakatozo pedzisira ndaakusekawo.
"Ndazongoona ndamu goronga ini,"
Kuzoti kudaro Spencer akaita zvekutozo gamhiwa naDadza mweya wake wave kuda kuenda nekuseka.
Nemisodzi_nemisodzi. Spencer aiti kana akuseka wainzwa hasha but nekumujaira ndaizongo pedzisira ndakuseka ndobvuma hangu defeat.
Ma parents angu aka splitter ndiri kuma grade 4 ikoko moms ndokubva vabaya neni. However mudhara vakabva vaita remarry 2 years down the line and mukadzi wavo aiita kunge anetwumari mari. So lucky for me mudhara vakabva vatangawo child support. Saka twumari mari ndaitumirwawo pano neapo saka sugar dzaisanetsa kubatanidza kana tabuda kumafaro chii chii. Waingoisa message mudhara voita magic. My mom was also working so vaiita cater for the basic needs. Imba tatinayo ka5 roomed muWhitecliff imomo so the basics of life ndandiri covered.
So ndanga ndakurira mughetto reCliff zvekutodaro and Spencer naDadza anga arima partners in crime zveipapo. We had grown into puberty together. Spencer ndiye aigara mudhuze mudhuze like opposite street while Dadza stayed nechekure. However taiwanzo chilla maryn aDadza. Ndoo kwatakazoona kekundiisa mugoronga aka. Raini raDadza ndairidira kuti taigara paroad kuseri kwemba yavo tichitaura nyaya uye nekutora stock yetwuvana tese twuri kuenda kubutcher.
Pandakapedza book 6 Ndanga ndaenda kuSA kwaigara mudhara for about 2 months ndokuzodzoka ghetto raane new stock yandanga ndisiri kuziva.
Anyways, tichiri kutaura paye we realised kuti kaRue kakabva katanga kufona. Kaye kekundiona ndichidhonzwa kaye.
[Hecy?]
[Uchiri kuuya here kwakudoka_] she said ini eeh.
[Uripi?]
[Takamira kucorner kuzasi. Wakuita kunge usina kutiona tichipfuura wani?]
[Hold on mira tisvike ipapo. Thought maenda.]
Ndichikata phone vakomana vanga vatoone curiosity.
"Ndiani futi?" Spencer akavhunza.
"Twuvana twapfuura apa twuya. Handei boys."
"Haaa wangu, ndambo dhumhana naBoris achipinda round kumaside kwauri kuda kutiendesa uko nebaby rake. Inini hangu mazino angu ndichiri kumada boys," Spencer akabva adaro ndokubva ndatanga kutomu simbisa simbisa chii chii.
"Plus unobva wadya kamwe kacho kaye. Usapuse wangu ndoo paunotangira ipapa. Mucharoora seiko", ndini uyo ndakutomupa pressure chii chii.
Akazobvuma Dadza ndokuti tisano famba since aida kutora juzi. Kwanga kwakuita kuchi sviba. Takatungamira ndokusvika twuvana twakatopeta maoko twakaminura zveipapo. Kotwunenge twaku vaviwa zve.
"Chris unobhowa iwewe aah nhai. Kundimisa pano apa kwakutonhora," kakadaro kakapeta maoko kakatsamwa ndokubva ndasvika.
"Sorry kani baby pane zvazvichiitika. Hauna kuona munhu wandanetsana naye apa cause ndandichida kukutevera?"
"Hmmm wakungondi nyepera apa," Rue akadaro ndokubva ndaswedera padhuze.
"Sorry kani. Chiuya undipe hug," kakabva kauya ndokubva kandipa hug ndikanyatsonzwa kuti kaita kundipinda apa kanga kari kashawty kane ass chii chii.
Ndo paunobva watotangawo kugumha nemistake ipapa. Spencer anga atotanga kuitawo matalks nekamwe kacho kaichitoratidzawo kudyira. Kotwuvana twacho twunenge twave kuonera zve. Zvisineiwo, Boris ndoo paakabva abudikirawo mwana akandi wandira.
"Hehede, mufanha hausi waku kuchidzira moto neblambi here iwe," akadaro achisvika neteam team mwana ndokubva ajambira uko achitiza.
"Madiiko king?"
"Usati madii kah. Ukuzama kudii? 2 days dzawaenda Joza wakutozviita unodya pese pawada? Ukuzama kudii apa?"
Mukomana ziso ranga rakatsvuka achiswedera mudhuze half half zvekuti aitoda.
"Asi ibaby renyu here baba? I mean, pandamuona anga asina munhu ini,"
Kuzoti kudaro mukomana akaita kuvirima furo achindi huka collar ipapo ipapo. Honestly ini hangu maoko ndaisatonakirwa nawo. Hana yaitorova asi munongozivawo kuti unenge wakuramba kupera shuga pane ma baby waakungotaura zvese zvese. Boris ranga rakareba zveipapo and aitozivikanwa neku tsonda.
"Mufanha dakumboku ratidza kuti ndonzani. Iwewe mufanha Spencer, ndakatii pabby rangu?"
"Haa hapana imboripo wangu ukutongo gairawo hako. Mwana angopihwa hug. Kana uchitongotora munhu wotongotora wobaya naye. Izvi zvekutsomana nehonho dzese dzanakirwa nemunhu wako hachisi chihwai here ichi?"
Mukomana akandisiya chopaz chopaz ndokunhamukira Spencer nembama. Ndakabva ndamuzvuva negumbo from behind ndokubva adonha. Takatozviziva kuti pashata so takabva tatovhura mapombi kutiza vakomana ndokubva vati tsoma tsoma nesu vari 3. Unenge uchinyatso nzwa kufemerwa mugotsi pamwe nesmell yedikita. Vaitoda vakomana vacho. Tichingo turner ndokubva tasangana naDadza achitopedzisawo kupfeka juzi.
"Eeeeh, chii chikuitika?" Dadza akadaro tichisvikawo vakomana ndokubva vasvikawo tichiita kufemuruka.
"Meno uyu akuti tikudya baby rake," Spencer ndiye anga akudaro achifemuruka arikuseri kwaDadza.
"Dadza, usapindire nyaya iyi," Boris akadaro face ichiita kuhwinya hwinya nehasha. "Especially mufanha iwewe Chris. Dakuku tsonda. Mufanha zera rako ungandi dhonza gumbo iwewe? Hehede une zvivindi."
"Wangu, haurove munhu kah nekuti ataura chokwadi. Spencer aroverwa kuti akuudza kuti ukuita chihwai? Uriwekushayawo futi iwewe," ndini uyo ndaane confafa manje.
Aiita kuboiller achiti akandi tarisa otarisa Dadza onditarisa otarisa Dadza.
"Mufanha ugare naye Dadza wako muhomwe. Next time yandiri kukuona dakuku ponchuleta. Ukundinzwa? Mark my words. Dakuku ma_mi_sa," mukomana akadaro ndokupfira mate pasi.
"Munhu haangorohwe baba. Newe ukangova rova topinda maoko acho. Kana uchitoda izvezvi tigare tatongozvi tanga uende usina front line izvezvi," Dadza ndokudaro achitobvisa juzi riya futi wanike Spencer kusatombo nonoka kutambira juzi nekumubatira mapush.
"Haa iwewe Dadza haundirove iwewe unonyepa," Boris akadaro achideedzera achiswedera kure.
"Kana newe ndofa newe. Huya apa kana wakazvitemba."
Boris naDadza vanga vasati vamborwa ever since. Hondo dzavo dzese dzaingo perera mumawords nguva zhinji. Asi zviri zve this time tanga tato surviver. Boris neteam rake vakazo rova pasi.
Rue akazondi textira zve later kuma 7 chaiko like,
[Hi I'm sorry nezvaitika. Ndoo zvaari Boris ari protective zvinobhowa apa handitombo nakirwe naye. Can we meet?]
[Mangwana?]
[Kana izvezvi. Ndatumwa kutuckshop kwaMaiguru vangu. Unogona kundiperekedza tichitaura. I remember uchiti unemazinyaya neni. That is kana uchida hako?]
Apa gaya ndanga ndakatozomba ndisina kana plan paden. Moms vanga vasati vadzoka kugraft and twuva fanha twanga twuri busy neTV. Ndakango nhonga juzi ndokutobuda. Ndaka linker nekamwana ndokumupusher ndokubva tazomira areas rangu ndokutosasa ma2 mins nako paseri peden rangu. Hazvina kumbotora nguva ndokubva ndatoka tsenga paseri peden paye ndichiita ndichi checker kuti moms havasati vakuuya here. Zvagara mwana aitonakirwa nedhiri zvekuti time ndoo dzandanga ndakuto tyira kuti dzogona kuzopinza mwana busy. Otherwise sport raitopera mwana anga akuto femera padenga zveibabo. Ko data base ndanga ndazoribata full time zve this time zvisina kubirira. Ndakazokapusher ndokubva tapesana patuckshop kuti ndichidzokera paden.
"Chibaya paden ndokuona mangwana,"
"So tave chii Chris. I mean what are we?"
"Lets see how it goes baby. We take it slow. Ukuziva wani kuti tichiri nema hanging issues nemuface wako?"
"But l told you l don't love him wani? I broke up with him nhasi even though arikuzvi ramba."
Zvaiita kunge zvine mweya musi wacho. Boris ndokubva asvika patuckshop paye tiri busy kusasa nemwana.
"Right, iwewe Rue ndakuti chii?" Akadaro ndokudhonza Rue nekuto tevera nembama.
Ndichimubata ndokubva ndacheukirwawo neyangu mbama.
"Uri sewe ndakuudza kuti dakuku zvambura. Dadza uya aripi?" Akadaro ndokubva aisa phone ne paper bag raanga akabata pasi. "Dakukupa 3 chete. ZvaDhadza tozviona mangwana."
"Chingo tauriranai. Zvekurwira vasikana izvi zvinozoda here?"
Takacheuka tese ndokubva ndasanganidzana nemubaby uya wekundiisa mugoronga.
"Iwewe usapindire nyaya dzausingazive. Ndokubatanidzira. Tenga urove pasi," Boris akabva adaro kumusikana uye.
"Okay okay fine soriyi," she said ndokubva apihwa drink raanga atenga patuck shop ndokuuya ndokundibata ruoko. "Iwewe Chris handei kumba."
"Heeey wena, mainini. Muda kuendepi nani. Rovai pasi. Asi handisi kunzwika?" Boris akadaro ndokubva aramba achindi dhonza musikana uya ndokubva apushira Boris uko.
Now I'm there like uyu musikana achatirovesawo tese uyu. Boris raisatana kuita hasha zve. Rakabva rauya richimhanya ndokubva atambidzwa mbama yakaita maungira murima imomo zvekuti takashamisika ini naBoris wacho murima imomo apa akawo Rue kanga katotiza kare.
Boris akabata dama for some seconds akavhura muromo ndokubva musikana uya andidhonza futi, "Enda kumba iwewe kwadoka."
Ini I'm busy worrying about her kuti zvaaita izvi anopinzwa busy na Boris so ndakabva ndato mira pakati ndiri busy kuudza mubaby kuti atize, mubaby wacho haasi kuda kutiza. Boris akauya akacharger ini ndikuzama kumu vharidzira and I'm like, "Boris, shes a chick. Pedzerana neni musiye abaye" chii chii.
Ndakapushirwa kuside uko ndokubva fight yatanga murima imomo. Ndanga ndakusanyatsoona since ka light kaivheneka kanga kari kemu tuckshop yanga yatengwa masinhi nemwana uya. Ndiri kuzama kubata but handisi kumboona kuti ndikubata ani. Yaingova bha bha murima ndokuzongoona Boris ave muvhu ini eeh. Musikana uya akazongo nhonga drink rake ndoku mhanya achienda.
Ndakaita imwe confusion yakalaster for about 30 seconds zvekuti Boris ndini ndakatozomu batsira kusimuka pasi paanga ari.
"Inyaya yekuti ndatsveedza," Boris akabva adaro ndokubva paita futi kasilence. Hapana kana akazombo taura nemumwe. Akanga zunza hembe ndokubva afamba achienda ini ndokumbo sara ndakamira paya trying to calculate what had just happened. Ndakaishaya answer yacho ini.
*GAMU*
Road yese kuenda kumba ndanga ndakungozvi vhunza if it was something wrong with me. Ndanga ndanzwa nekuzvi promiser kuti handichazviite futi zvekunetsana nevanhu asi zvaizongo pedzisira zvaitika. In this case ndakanyatsozvi feeler kuti apa ndini ndiri wrong apa. Ndanga ndatumwa kunotenga Sparkle yevaenzi ini busy nenyaya dzisinei neni. Boris hangu ndaimuziva ndanga ndanzwa mbiri yake so ndaitoziva kuti Chris aitorohwa manheru iyayo. Chaisa maker sense ndechekuti ndanga ndapindirirei munyaya dzaChris. Ndandisitori shuwa kuti inyaya yei yaaida kuroverwa yacho asi ndini uyo nenyaya dzevanhu.
At least ndakasvika ndisina shena kumba. Acted like nothing had happened ndokuto tanga kudirira vanhu drink muma tambler. Kumba kwanga kwauya vanhu vairatidza kuti dzaiva hama dza mhamha. Manheru nyaya dzavaitaura dzaisa nzwisisika asi mangwana makuseni ndoo patakazo nzwisisa. Ndakadeedzwa namhamha vasati vabuda kuenda kubasa makuseni.
"Ava ndofunga wakanzwa nezuro. Vanonzi Sekuru Givhi. Mwana wava sahwira vehanzvadzi yangu iya yekuMasvingo. Vachange vachigara nesu vachitsvaga basa vozo tama havo."
"Ndafara nekukuzivai," ndakadaro paya zvine tsika.
"Uyu anonzi Gamu. Mwana wangu uyu Givhi. Akabva kunyora form 4 yake."
"Tafara nekuku zivai," he said.
Vairatidza kunyarara nyarara sekuru Givhi vacho. Mama vakazobuda ndokuenda kubasa kwavo kwavaitengesa. Daddy vanga vatobuda kuenda kubasa makuseni seni takarara, semazuva ese. Pamwe naSisi Gire. Ndakazo sara kutanga kuita basa rangu pamba pango sara inini nasekuru Givhi.
*END OF CHAPTER 3⭕*
@lisstty
❤️
👍
😂
7