
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
February 18, 2025 at 11:54 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N
*VANODA FROM ONE FOLLOW CHANNEL*
MAIN GROUP
https://chat.whatsapp.com/EVuEzgPoApJF9VTqnea07Z
Comments group
https://chat.whatsapp.com/GiM5bSYiFRcK8O94Lalos0
*🌺ARMOUR❤️*
💞💞💞💞💞💞
❤️❤️❤️❤️❤️❤️
💖💖💖💖💖💖
STORY BY
PRECIOUS
EDITED BY TATENDA
ROMANTIC AND SENSITIVE STORY
CHAPTER 13
*CLINTON*
Ndakadzokera kuna doctor kunovabvunza kuti parikudiwa marii, zvino mari yacho yavakataura ndaive ndisina. Ndaingove boss vezita asi ndaitove nemari yaisvika ku2K ndakavabvunza kuti surgery yacho irikuda kuitwa riinhi. Vakati 42 hours dzikadarika she will not survive izvozvo manje zvakandivhundutsa. I lied kuti ndirimurume wake so ngavasanonyora transfer ndodzoka. Havana kuramba ndakaenda kumba ndakasvika mama vachida kubuda.
Mama: "Clinton kwakanaka here?"
Me: "Mom ndangouya ndisina kutaura ndirikudawo 5K mama it's emergency Armour aita accident naTino but akuvara itori emergency ndoshanda hangu without paying me mama"
Vakaseka ndokuti
Mama: "Nhaiwe ndizvo zvaungaburutsire misodzi I'm sorry handina mari"
Me: "Hamuna moyo wekubereka nei?"
Mama: "Hezvoo kuti mwana wangu here akuvara nhai Clinton?"
Me: "Handiti mushandi wenyu"
Mama: "Akuvara aripabasa here?Teacher asi anombabuda achinodzidzisira vana kuroad"
Vakataura mashoko akandibhowa vakabva vati
Mama: "Ko iwe unobva wachema ihama yako here. Tino ngaamurapise ndainzwa hangu accident iyoyo I'm sorry mwanangu handina chandinokwanisa kubatsira nacho I'm already late"
Vakadaro vachipinda mumota vakanga vatotora moyo wemurume wavo mai ava.
Me: "Mom maramba?"
Mama: "Iwe vaita accident vatiza basa it's not my fault dzokera kubasa"
Vakadaro vachitobuda ndakaenda mumba ndichiita kumhanya ndagara ndaiziva password yesafer yamudhara ndakanobvisa mattress yaive pamubhedha chaipo. Ndakaisa kwakuvhurika ndakangotora mari ndisina kuverenga kuti imarii. Handizive kuti zvivindi zvacho zvanga zvabva kupi zvakangoitika so fast ndakaenda kuroom kwangu ndakatora madocuments angu ese ndichibva ndabuda. Ndakaenda kuchipatara ndakasvika mai vaTino vakamira panze vachingobaya baya phone pavakacheuka vakafara ndokuti.
Mai Tino: "Thank God ndakuona arisei Tanatswa akuvara zvakaita sei?"
Ndakava neconfusion chaiyo ndokuti
Me: "Tanatswa ndiani?"
Mai Tino: "Armour"
Me: "Akuvara zvakanyanya ndauya kutomutora arikuda kuitwa plastic surgery abvaruka face yese"
Vakabata muromo vachibva vati
Mai Tino: "Jehovha asi she is alive hake"
Me: "Yes"
Mai Tino: "Handei tese mukati macho ndinomira samai vake I will help you kubhadhara imwe mari irikudiwa"
Me: "Hatisisina nguva mama"
Takapinda mukati takanoona doctor I lied kuti ndiri murume wake. Apa manje panga pasina Visa ne passport zvemurwere. Mai vaTino vakafonera munhu wavakafonera kumba kwavo vakamuudza kuti huya ne visa ne passport yaTanatswa haana kana kunonoka kuuya akanga atouya ndizvo zvakashanda at least ndakafara kuti abatsirika.
Doctor vakaita zvese vaka booker medevac flight (medical evacuation). Hazvina kutora nguva takaenda ku airport apa hapana aive nebag rehembe yaive emergency chaiyo yanga yaitika ipapa. Takasvika nekutopinda flight yedu takasvika ku Capetown within two hours takasvika pa Capetown International airport achibva atotorwa ne ambulance takaenda ku Tygerberg Hospital.
Akangobva atoendeswa ku surgical theatre takanoona doctor akati plastic surgery yamakaudzwa haisiriyo yaari kufanira kuitwa. Akakuvara zvekuti akutoda kuitwa Craniofacial surgery ainge ave kutochinja her looks. Hatina kuramba we agreeed nekuti taida kuti Armour apore panguva yacho zvaisada kusarudza.
Vakasara voita basa ravo takaenda pa Protea Hotel. Takasvika nekupihwa makeys seni zvekudya ndaisada appetite ndaive ndisina. Ndakatanga hangu kufunga kuti zvandaba mari yababa vangu chii chichaitika nehutsinye hwavo ndaitosungiswa handina kutomboita hanya nazvo I was trying to save a soul kana vakada kundisungisa vaindisungisa havo. Line rangu ndanga ndaka register international roaming. Wifi yaive iri free so ndakabatidza wifi yangu ichibva yato connector. Mamessages amama nadaddy akapinda akadurikidzana ndakavhura a daddy ndakaverenga yekupedzisira yaive yakanzi.
Him: "Urikufira mujeri sahwira wanzwa ungabe mari yangu unoda kuzviita ani iwe heee kutotora mari yangu yandakashanda uchafira mujeri ende haubudi"
Me: "Okay ba Ken kana ndadzoka muZim I will hand over myself kumapurisa"
Ndakaenda pachat ramama ndakaona last message yaive yakanzi
Her: "Wakasvinwa pabundu remhezi here iwe chimbavha chakabvepi nekuda kusaver mutorwa zvino wave kuenda kujeri hako. Pahumbavha handiende kuside kwako wave kunovharirwa Clinton"
Me: "Okay mama once I'm back kuZim ndonozviita handover myself kumapurisa ndega musatye"
Ndakabva online ndichibva ndatorara ini mweya wehutsinye chaihwo ndaive ndisina. The following morning takamukira makuseni kuenda kuchipatara takasvikoona doctor. Vakatiudza kuti surgery yaitwa yapera she is now free from any dangers. Takafara zvisigaite takaenda kunomuratidzwa she was still asleep ndakaita kufara ndichimuona anga achiri nebandage.
Takanogara ku outpatient hedu namai Tino vakabva vati
Mai Tino: "Tino haasi kuziva kuti ndirikupi handina kutomuudza state ina Armour"
Me: "Shame I hope ave right"
Mai Tino: "Yes ndataura nadaddy vake vati ave right asi arikuti arikuda kuona Armour"
Me: "Haangatadze kudaro because he knows kuti akaita accident ainaye uye haasi kuziva state yaari"
Mai Tino: "I thank God kuti zvaita money is just a paper unomboziva hupenyu hwemunhu hwakakosha kupfuura zvinhu zvese. Pandakarasikirwa nemwana wangu ndipo pandakaona kuti money is just a paper"
Me: "Ko akafa nei?"
Mai Tino: "Aive ne heart problem she passed away last year"
Me: "I'm sorry mama kana neni ndakarasikirwa nemukadzi wangu last month but one"
Vakandibata shoulder ndokuti
Mai Tino: "I feel for you asi tongotenda Mwari kuti Tanatswa wedu is still alive"
Me: "Nei muchimuti Tanatswa"
Mai Tino: "Armour wandaiziva the old Armour aive akafanana nemwana wangu iyeye zvakangoita Armour ndizvo zvaanga akaita. Asi iye aive ne big body even Armour anotooneka kuti ane big body uyu. Let me show you pandakamuona ndakavhunduka ndakafunga kuti mwana wangu adzoka"
Vakadaro vachindiratidza photo rake ndakatoshama nazvo ndakaona Armour zvake apa kuzogerwa zvaingoitwa Armour ndakabva ndati
Me: "Hmmmm haasi munhu one here"
Mai Tino: "Ndatombofunga hangu kuti ndimuitise maDNA naTino maybe ndiye mwana wangu"
Takaseka ndakabva ndati
Me: "Don't worry mama Tanatswa wenyu adzoka and I understand you"
Mai Tino: "Chero face yake yachinja I dont care hangu ndogona kumu adopter hangu "
Me: "How old was she?"
Mai Tino: "Akafa aine 18 years"
Me: "Same age naArmour she is 19"
Vakaita kakuvhunduka ndokuti
Mai Tino: "Hmmm wave kundityisa manje"
Takaseka hedu takazodeedzwa anga amuka Armour. Takaenda kuward kwake akatoshamisika akabva ati
Armour: "Ba Riley"
Me: "Relax relax Armour"
Mai vaTino vakatanga kuchema vakaenda paaive ndokuti
Mai Tino: "Tanatswa"
Vakawedzera kuchema iye wacho akanga atoziva kuti ndimai vaTino akabva ati
Armour: "Mama"
Vakafara vachimubata ndokuti
Mai Tino: "Wave right Tanatswa wave okay wazvinzwa very soon todzokera kuZimbabwe"
Akatoshamisika ndokuti
Armour: "Zimbabwe"
Her voice raive risiri kunyatsobuda zvainzwikira kure akada kusimudza musoro but vakamuradzika ndokuti
Mai Tino: "Relax"
Vakataridza kufara kana ini moyo wangu wakafara doctor vakazouya he told us kuti bandage raizobviswa after 3 days zvaireva kuti taive takugara futi kwedzimwe three days. Takagara kwe 3days tichinoswera kuhospital ndakazoverenga mari yandanga ndatora ndakaona iri 30K ndakangotora mabrick emari. At least imwe yaive yasara ndainoidzosera mai vaTino vakanga vati vanobvisa mahospital bills ese saka zvaireva kuti mari iyoyo ndainodzorera yakakwana yangu ndiyo yatakatengesa mareturn ticket.
Musi waakabviswa bandage ndiwo musi wataodzokera manheru acho. Takanga tatotenga dzimwe hembe kusanganisira nedza Armour. Takaenda kuchipatara takaenda kuward kwake nadoctor iye wacho aive atoratidza kuti ave nani zvekuti.
Doc: "Right are you ready now?"
He said takagutsurira musoro tese iye Armour wacho akanga angotsinzina bandage rakatanga kubviswa pavakapedza I couldn't believe zvandakaona. Akanga atochinja ndaive ndakutoona umwe munhu asiri Armour but skin tone yanga isina kuchinja hayo she was more beatiful.
Mai Tino: "Woooow you look beautiful"
Vakadaro mai vaTino vachimundira akabva aiswa mirror pamberi pake akaramba akatarisa mirror for about 5 mins asina chaaitaura akabata dama rake akabva ati
Armour: "Tanatswa"
Akaita zvekuvhunduka ndokuti
Armour: "Makaitabasa nerudo rwenyu"
Aive akuyeredza misodzi doctor vakabva vatobuda.
Me: "Stop crying"
Armour: "Hanzvadzi yangu yakaudzwa here?"
Mai Tino: "Tadii tambotaura dzimwe nyaya"
Vakadaro I knew kuti something was wrong somewhere mukadzi wabhudhi vake aitoda zvekuti Armour afe. Nekuda kwemuitiro waakaita wacho. Takachinja nyaya asi airatidza kuti haana mufaro hake. Takadzokera kuZim takananga kuGomo ndiko kwaaizoudzwa na doctor kuti zvese zvave right here nekuti kuSA akanga aendera kunoitwa plastic surgery.
Takarara paGomo asi akanga aiswa hake muward. The following morning akatariswa nadoctor akanzi she is now fine. Takabva tatobuda hedu sezvo mota dzakanga dzaenda nemukomana akanga auya nema documents aTanatswa akangodzoka nadzo vari two neumwe wake. Tave pamota Armour akabva ati
Armour: "Ndoda kukutendai nerudo rwenyu once again dai pasina imimi pamwe dai ndakatofa asi makasarudza kumira neni mukandibatsira panguva yandakanga ndave."
MaivaTino vakamubata mashoulders ndokuti
Mai Tino: "Inga Tino akakuudza wani kuti ungori hanzvadzi yake utori mwana wangu pauri ipapa"
Me: "Even kwandiri utori hanzvadzi yangu kana ndichikuona ndoona Stacy pauri"
She hugged me achibva ahugger futi mai vaTino. Anga akuchema vakabva vati
Mai Tino: "For the mean time tomboenda kumba kwedu handiti kana wazoda hako kudzokera kubasa unodzokera asi warecover first"
Armour: "Ndanga ndichida kunoona bhudhi vangu"
Akadaro dai aiziva kuti vakanga varatidza kusava nehanya asina kumbodaro.
Mai Tino: "Okay asi unofanira kuvaona warecover"
Vakadaro mai vaTino takaonekana ini ndokuenda kumba hana yangu yaisatomborova kana kamwe chete. Ndakasvika mota yadady iripo zvese neyamama. Ndakanopinda mumba dady vakangosimuka nekuti
Dady: "Mbavha irikudei mumba mangu"
Vakauya nekundipa chibhakera mama vakabva vati
Mama: "Rovai ba Ken munhu ngaadzidze kudya cheziya ungabe mari kuda kurapisa mutorwa"
Ndakavabata nesimba rangu rese ndokuti.
Me: "Ndokuroverai mari yenyu baba imi ndadzoka nayo mari yenyu"
Ndakadaro ndichivasairira uko vachinodonha pasi mama shouted..
Mama: "Clinton!"
Ndakaridza tsamwa ndokubuda ndakanotora mari yavo kwakuuya nayo ndakaiisa patable. Vakasimuka ndokuti
Dady: "You are no longer my son ibva wabva pano tora mwana wako ubve pano. Wakamaonepi maguts ekurova baba hautsiurike ndakunzwira tsitsi ndanga ndichida kuti uende kujeri tora mwana wako ubve pano ushande unzwe kurwadza kunoita kushanda"
Vakadaro zvehasha ndakabva ndati
Me: "It's fine ndoenda I dont care as long as I'm happy handina basa nazvo murikukoshesa mari yenyu kupfuura ini mwana wamakazvara."
Dady: "Buda pano Clinton tora mwana wako"
Ndakaona mama vave kuchema vakapfugama ndokuti
Mama: "Ndokumbirawo shewe dzorai moyo mwana kutadza akatadza asi chiregai kumudzinga ndave kukumbirawo hangu"
Vakadaro vachiyeredza misodzi.
Dady: "Usandiudzire zvekuita pamwana wangu ndoda kumudzidzisa a very good lesson saka chimbavha chaakaita ndicho chinokunakidza here?"
Mama: "Inga adzoka nayo wani"
Dady: "Ndisiye tione kana ndatotaura ndataura handidzoke shure ngaatore mwana wake abve pano"
Vakadaro vachitosimuka mama vakasara vakanditarisa ndokuti
Mama: "Ambodiiko musikana iyeye wawakabira mari kuti umurapise"
Me: "Mama ndarambwa so what is bothering you handiti maitsigira zvekumapurisa. Mosara mowana peace nevana venyu vamunoda why muchindibata kunge mutorwa."
Ndakadaro ndave kunzwa hasha ndakaenda pavaive ndokubatanidza maoko angu ndokuti
Me: "Ndokumbirawo mundiratidze kune dzinza rangu ndizive hama dzangu ndatoona kuti pano hapana changu"
Vakadzungudza musoro ndokuti
Mama: "Uri mwana wepano Clinton usafunge zvakadaro mwanangu"
Me: "Saka why dady vakandivenga kudaro even nemi munoita zino irema you forced me kugara naJosephine manje muchasara muchigara naye imi ini ndave kuenda ndiko kupedzisira kuonana uku kana. Mwana wangu arikupi?"
Ndakabvunza ndichitokwira upstairs ndakaenda kuroom kwake. Ndakamira padoor ndichimuona akarara I cried ndiripo.
Me:"Nyari wakasiira mwana wako nhamo but I promise you I will take care of him."
Ndakadaro ndichinorongedza hembe dzake mama vakapinda ndokumutora mucoatbed vachibva vati
Mama: "Muzukuru wangu haana kwaarikuenda newe wacho you are not going anywhere kana vati ubve pano ndobva newe"
Vakabva vabuda hazvina kundidzosa kumashure ndakatora bag rake ndokubuda ndakaenda kuroom kwamama ndakavaona vave kunetsana nadady.
Dady: "Mai Ken ndirikuranga mwana iwe woda kupindira"
Mama: "Kuranga rudzii ikoko nei muchisarudza vana imi ndaiti zvimwe murikuda kumuvhundutsira izvo murikutoda kuti abve manje mwana wangu haana kwaari kuenda kana mati obva pano ndobva naye"
Me: "Please mama musangoende kwaenda mhepo inga pakuti nditore Josephine makawirirana kana ipapa manga mawirirana mama stop pretending nhamo haiurayi ndipei mwana wangu ndiende"
Ndakamubvuta ndichibva ndatobuda vakamhanya kunditevera vaifunga kuti ndirikuenda nemota ndakaisiya ndakanokwira makombi ekuenda kuChivhu ndaida kunotora mari yangu. Ndakasvika Josephine akatogara panze
Jose: "Wanga uripi Clinton?"
Akabvunza handina kudaira ndakafamba kuenda mumba ndakarongedza all of my belongings inclunding mapictures emukadzi wangu ndakatora mari yangu ndichibva ndatobuda mwana ndanga ndakamubereka nechibhabhu.
Jose: "Wave kuenda kupi uchindisiya?"
Akabvunza achipinda mubedroom ndakabva ndati
Me: "Enda kuna amwene vako ini ndave kumboita zvelife yangu maybe vachakupa Ken or vachakuzvarira umwe mwana handisi mwana wekwaMarufu"
Jose: "Huh!"
Me: "Wandinzwa musikana it's better hauna nhumbu waitozotambura hako"
Ndakamudhuma ndichibva ndatobuda phone yangu yakaringer ndave pagate vaive vaMarufu. Handina kudaira ndakai ignore ndichibva ndatofamba kubuda apa kunze kwanga kwave kusviba.
Ndaida kuenda ku orphanage kunorara ikoko the following day ndomuka kuenda kuHarare ndonotsvaga imba mari yangu ndaive ndisati ndaverenga mari yangu kuti yave marii. Ndaingoikanda ndichiti ndikawana ka10 or 20 ndaingoisa ipapo asi pandaive ndakapedzisira kuverenga yaive 2K.
Fon yangu yakaringer futi phone I picked it up yaive new number.
Call...
"Hello"
Dady: "Ibva kumba kwangu Clinton wanzwa ndoda kukuona usisiko"
Me: "Imi handina imba ini manzwa ndiri rombe ndiri nherera isina mumvumbamiri don't stress yourself also mubva marega kundifonera I have nothing to do with you"
Ndakanzwa mhamha vave kuti...
Voice: "Enda kuOrphanage Clinton ndine mapapers andiri kuda kukupa mangwana ndoda kukuona uripo"
Me: "Ndirikuda kutoenda kunotanga life yangu mai Marufu I dont think ndokuonai"
Ndakadaro ndichikata ndakabva ndadzi blacklister. Ndakaenda ku opharnage ndakaenda kuroom yaArmour uko kwaive kusina kukiiwa uye hapana aiziva kuti aakaita accident ndakarara nemwana wangu tisina chatadya. Ndaiita kunzwa shungu dzichibvira mandiri ndakamuka kugara ndave kufunga kuti ndoita business ripi chairo. Ndakafunga kuti zviri nani nditenge Hondafit ndiite zvemushika shika that was better uye nemwana wangu ndaikwanisa kushanda naye. Life yakanga yandidzidzisa kunzi une vabereki vane mari hazvireve kuti wave nemariwo uye kuzvishandira yako mari kwakanaka zvekuti.
Ndakazorara hangu makuseni ndakamukira kuchinja mwana wangu ndakabuda vanhu vasati vamuka ndakaona mota yamama yaka parkwa pagate ndakabuda vakabva vabuda mumota. Maziso avo aive akazvimba vaitaridza kuti vanga vambochema vakagwadama ndokuti
Mama: "Mwana wangu sorry hako pazvinhu zvandaikutadzira usaende Clinton vaMarufu is your biological father handitozive kuti nei vakakuvenga kudaro zvinondidya moyo mwana wangu usati kuzvida hako. I want you to know kuti opharnage ndeyako ndakaiisa muzita rako"
Vakanditambidza mapapers handina kumaverenga I sighed ndokuti
Me: "I'm sorry mai Ken ndoda kumbotanga life yangu ndega ndisina kujegerwa ndizive chinoziva chinonzi life ndizive kurwadza kunoita kushanda maybe I will be a better person pamberi pababa vangu handiti varikuda kundiranga ndave kuzviranga ndega I promise you kuti i will be fine"
Ndakadaro vakabva vati
Mama: "Chindipa muzukuru wangu Clinton handichadi kuita nharo newe pazvinhu zvako ndiwe muridzi wehupenyu hwako saka ndofanira kukusiya woita zvelife yako"
Me: "Nzou hairemerwe nenyanga dzayo ndoda kuchengeta ndega ndinzwe pain yacho mufambe boe"
Ndakadaro ndichitoenda vakazama kudeedzera kuti
Mama: "Mira ndikuperekedze"
Asi vaitaura vega havo ndanga ndatozviudza kuti I'm going to live my life without anyone's support........
End Of Chapter 13
#kutsamwa kune labour 🌹
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
452