
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
February 21, 2025 at 10:13 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N
*VANODA FROM ONE FOLLOW CHANNEL*
MAIN GROUP
https://chat.whatsapp.com/EVuEzgPoApJF9VTqnea07Z
Comments group
https://chat.whatsapp.com/GiM5bSYiFRcK8O94Lalos0
*🌺ARMOUR♥️*
💞💞💞💞💞💞
❤️❤️❤️❤️❤️❤️
💖💖💖💖💖💖
STORY BY PRECIOUS
EDITED BY TATENDA
ROMANTIC AND SENSITIVE STORY
CHAPTER 16
*ARMOUR*
Ndakaita zvekuvhunduka asi ndaiita kunge ndirikuona mazengerere ndichamaonera kure kure ndakapedzisira ndave kuona tunhu tudiki diki twandaisaziva kuti twuyi. Vision yangu yakazove clear ndakaona ndakarara pabed asi kumeso kwangu kwaiita kunge kune zvakaiswa ikoko. Ndakada kumover ruoko rwangu ndakanzwa kuti pane chinhu chakabairirwa ipapo.
Ndakatarisa kwaive neleft hand rangu ndakaona drip randaive ndakabairirwa ndikaziva kuti ndiri muchipatara. Ndakangoti
Me: "Thank you Lord for saving my soul"
Ndakanzwa munhu akati
"Welcome back"
Ndakada kusimudza musoro akauya pandaive aive munhu mutema.
"Relax realx don't strain yourself"
Akadaro achindibaya injectionra akandibaya.
"I will be back soon"
Akadaro ndakagutsurira musoro akazouya after some time akasvikondiudza kuti ndanga ndave ne2 days ndiri unconscious uye ndakanga ndaitwa plastic surgery yekumeso face yangu yanga yakuvara zvekutadza kudzokedzana.
Aisataura shona hake aive muSouth African asi ndaive ndozvibvunza kuti ndiani andinzwira tsitsi akandirapisa ndakangofunga kuti hakuna umwe ndi ba Riley and for sure ndivo vakazouya nemukadzi wavakauya naye handina kuudzirwa hangu ndakatoona kuti ndimai vaTino.
Ndainzwa kufara hangu kuti at least ndaivewo nevanhu vaindiratidza rudo mulife mangu asi mupfungwa dzangu munhu wandaingonamatira ndiMichael uye ndaida kuziva kuti nei akanga asina kuita chido neni asi ndaingonamata ndirimo muchipatara kuti Mwari vamuite aoone kuona kwangu aove akadyiswa chete.
Zuva rekubviswa bandage rakasvika ndave kutaridzwa face yangu itsva. Ndakada kuchema ndichiona ndave neimwe face asi ndakazvishingisa and I was more grateful kuvanhu ivava nekuti vakanga varwa hondo isiri yavo yangu hanzvadzi yaifanira kumira mirawo. Takazodzoka kuZim ndikaonekwa nadoctor vakanga vandi refer kuSA vakati everything is okay.
Shungu dzangu ndaida kuenda kuChivhu asi mai vaTino vakati ndaizoenda mangwana ndakaona kuti hazviite kuti ndirambe ndichivaitisa nharo nekuti ndivo vakanga vandibatsira. Takapesana naba Riley paGomo isu toenda kumba kwavo vakabva vati.
Mai Tino: "Reason yandarambira kuti uende Tanatswa ndeyekudai izvi mukadzi wabhudhi vako akanga aramba kuti ndikubatsire"
Handina kuvhunduka kana kushamisika ndakaseka ndokuti.
Me: "I knew it and hanzvadzi atove pasi pake munhu iyeye"
Mai Tino: "Vanhukadzi tine kamwe kahutsinye katiinako zvekuti tikasachinja tinofa tingori vatadzi"
Me: "Vanhu vakasiyana mama mukadzi uya at first ndaitomuona sekunge munhu kwaye"
Mai Tino: "Yes we are good at pretending"
Me: "Zvakaoma"
Ndaive ndisisade zvekutaura nekuti ndakange ndatove stressed imwe pfungwa yaiti enda unomuona mwana wamai vako imwe yoti usaende mukadzi wake akakuvenga unoziva here kuti anogona kumuita sei uye pamwe havabvume kunditambira vachiti kunyepa.
Ndakanga ndave pakati pepfungwa dzangu. Takasvika kumba kwavo Tino akauya kumota achimhanya akasvikovhura door rekwandaive ndiri ndokuti
Tino: "Woow Armour you look beautiful come on hug your bro"
Ndakabuda I hugged
him takaota chinguva takambundirana akandisiya ndokuti
Tino: "Hmm kamunakiro kawaita aka boe here masisi"
Mai Tino: "Zvauchachiva mwana wangu uchait makunakuna iwe"
Takaseka hedu vachibva vauya kundimbundira ndokuti
Mai Tino: "Welcome home Tanatswa mwanangu"
Me: "Thank you mama"
Ndakadaro takafamba kuenda mumba ndaifunga kuti ndichaona murume wavo asi handina kumuona hangu. Vakaenda neni upstairs vachibva vandiratidza room yangu. Maive makanaka hamo apa macurtain raivemo colour yacho was my favourite colour yellow nechi comforter cheyellow nema pillow cases acho.
Mama: "Feel at home daughter you can freshen up wouya wodya don't mind colour irimuno inochinjwa mangwana"
Me: "Aaa muchichinjirei it's my favourite colour"
Vakamira ndokunditarisa zvekushamisika ndokuti
Mama: "Who are you?Ndiyo yaive favourite colour yaTanatswa"
Me: "Haa musandiudze"
Mama: "There is something hidden chete"
Me: "Kufanana kwatakaita chete"
Her: "Enda unogeza hako"
Ndakaenda mubathroom ndakageza ndapedza ndakaona pabed paine hembe dzandanga ndauya nadzo vanditengera dzaive netsvina dzese ndakapfeka ndichibva ndabuda ndakaenda downstairs. Vaive vakagara naTino uyo akanditarisa ndiripama stairs kusvikira ndadzika downstairs.
Tino: "Wachinja hako face asi ndichiri kungoona the old Armour"
Me: "Kuchinja kweface doesnt mean kuti ndachinja personality ka"
Mama: "True"
akadaira mama avo vaingonditarisa havo. Takaenda kunodya tapedza ndakabva ndapihwa phone yangu semunhu ainzwa kuneta ndakaenda kunorara asi kwete zvekukotsira. Ndaive neshungu dzekuda kufonera bhudhi vangu asi moyo wangu waindirambira hangu. Ndakamboda kufonera ba Riley ndivabvunze kuti mafamba sei asi ndakasiyana nazvo hangu.
Ndakanogara padressing table ndichiona new face yangu zvaingondiitira funny kuti ndatochinja face yangu kana skin yekumeso yanga yaita kakusiyana neyangu yekuzvarwa nayo yaingove chocolate skin iyoyo.
Ndakazvibata bata kumeso kwangu apa chiguma manje zvaindiitira funny zvino nekugerwa zvakanga zvisisabude kana kamwe chete hazvo. Ndakazorara mazuva akafamba ndichigara ipapo asi ndaive nemaplans ekuti ndidzokere kubasa baba Riley vanenge vanga vadzokera chete. Ndaingonzwa kunyara kuti ndivafonere Tino akanga atoti zvebasa asiya akumbo focuser ne carrier yake.
Saturday ndakamuka kuita basa mama vakazomuka ndatopedza basa ndakabatsirana namaid pavakandiona vakabva vati.
Mama: "Tanatswa wamukirei?"
Vakadaro vaive vongonditi Tanatswa vese nemwana wavo ndaingodaira nekuti ndaive ndisina marambiro.
Me: "Ndanga ndichida ku execiser"
Mama: "Aiwa unofanira kuzorora iwewe"
Tino akabva apinda achibva kunomhanya akasvika nekundirova dzoro rangu
Tino: "Musoro bhangu"
Akadaro achizviwisira pacouch
Me: "Ouch"
Ndakadaro ndichibata musoro wangu akabva ati
Tino: "Geza tiende unorukwa dzoro iro"
Mama: "Shuwa bvudzi iri harisi kuita rakurisa plus hauchafitwe nekugerwa"
Me: "I thought ndini ndega ndakazviona"
Akandidhonza Tino takaenda upstairs ndakanogeza pasina nguva ndakanga ndatopedza kugeza. Takagadzirira kubuda hedu tichibva taenda mutown.
Akaenda neni kusaloon ndakasvikorukwa Brazillian weave. Ndakabva ndanobooreswa mhino nenzeve ndikaisiswa manails. Tave mumota akabva ati
Tino: "Right now wave kufanira kuenda kugym nekuita ma workouts toda ku worker butty nehip iri"
Me: "Iiii ende hautonyare"
Akaseka ndokuti
Tino: "Tanatswa aive nebutty haaa iwewe une potential yekusimba mupfanha wangu nhasi chaiye tirikuenda kunobhadhara kugym no if or buts kutanga mangwana wave kundi joiner kumhanya after that toenda kuna fitness trainer after that toenda ku theatre kunotamba you are part of my dance group"
Ndakangomutarisa achitorutsa kutaura hake ndakabva ndati
Me: "Horaiti baba"
Akaseka hake takaenda kugym kwacho handina kuziva nzvimbo yacho yatakaenda hedu takazodzokera kumba. Tichisvika mama vakabva vati
Mama: "Hmmm ndirikuona here or ndapofomara?"
Takaseka hedu ndakabva ndati
Me: "Mapofomara"
Mama: "You look gorgeous darling"
Me: "Tino waita hako"
Tino: "Pachedu"
Akadaro takagara hedu musitting kwakutanga kutaura nyaya zvedu tichiseka asi baba vacho ndivo vandisina kubvira ndaona face yavo kana nezuva rimwe chete haro. The following day racho takatanga hedu daily routine yedu naTino first day racho ndakarwadziwa especiay pakuita maworkouts ndakadzoka nyama dzangu dzaita kudambuka dambuka. The following racho takaenda kugym kuya tave kudzoka takajogger ndipo patakaona mai vaba Riley ndipo pandakaziva pamba paana ba Riley.
Mubvunziro wavaiita Tino wakandiratidza kuti mai iyi inenge ine kakutaurisa. Takaenda kumota hedu tave mumota ndakatora chigubhu chemvura ndokunwa ndakabva ndati
Me: "Where is Ba Riley?"
Ndakabvunza Tino akabva anditarisa ndokuti
Tino: "I don't know?"
Akadaro achimutsa mota ndakabva ndati
Me: "But maiita kunge munoworirana wani?"
Tino: "Iiii handiwirirane naye he was my boss chete"
Me: "Okay"
Paive pasina need yekuti ticharamba tichibvunzana hedu he drove takananga kumba hedu takasvika ndokupesana umwe neumwe ave kuenda kuroom kwake asi ini ndakananga kunogeza ndapedza ndakasvikogara pabed ndave kufunga kuti ndaive ndichiri kuitei pamba paana Tino vakanga vandirapisa ndakanga ndave right ndaifanira kuita zvelife yangu nekuti ndaice nema goals angu andaive nàwo mulife mangu.
Ndakatura befu ndichifunga only way yaivepo kwaive kunotora zvinhu zvangu kumusha asi still zvaisashanda nekuti ndakanga ndachinja ndaigona kunzi mbavha.
Zvaive ku orphanage ndaikwanisa kutuma Tino onotora. Ndaifanira kutotsvaga ka basa kekuita chero remumba chairo ndaisasarudza hangu. Ndakabva ndatoenda online ini ndaisada zvinhu zvinonditemesa musoro hangu kana kuti ndikafunga kuita chinhu ndotora nguva kuchiita. Ndakavhura group remabasa zvakaita kunge zvine mhepo hamuna kana basa rimwe chete haro rakapinda ndakangozviudza kuti ndichagara ndiri alert ndichiona.
Ndakachinja ndave kubuda ndakadhumana naTino akabva ati
Tino: "Handei"
Me: "Kupi?"
Tino: "Kutheatre"
Ndakaruma lower lip rangu ndokuti
Me: "I'm tired"
Tino: "Waneta nei?"
Me: "Kumhanya"
Tino: "Husimbe here handiti tiri kuenda nemota"
Ndakazongobvuma asi ndaisada Tino aive nenharo nharo dzake idzodzo ndidzo dzakakonzera kuti tizoite accident. Takabva tatobuda apa nekudya ndakanga ndisina hangu. Takaenda mutown ndimo mayaive takasvika paine pakanaka hapo takapinda mukati macho maitove nevanhu vaiita ma rehearsal imomo.
He introduced me kuvanhu vaivemo. Takazotanga hedu kuita mareahersal tese zuva rakadoka ndave kutonakirwa hangu. Days passed tichingoenda this other day ndakafunga kumbobuda kunotsvaga basa zvepa phone zvacho zvakanga zvaramba apa Tino ndakanga ndisati ndataura naye zvekuti anonditorera hembe dzangu. Ndakapinda mutown ndakatanga kuteedza shop one by one ma boutique aya pamwe pacho ndaitosekwa zvandainzwa asi ndakangoti nechemumoyo
"Hamuzive kuti ndiri kuzviitirei"
Ndakazenge ndaneta hapana kana chisvinu chakabuda ndakanogara hangu paJoina City paya hangu pa Entrance yekupinda muPicknPay ndaive ndave kufunga kuti saka ndodii. Ndakabva ndaona mukoma Michael asi vaive nemusikana wavaive naye anga aine chiuno chakaumbika. I smiled ndokusimuka hangu I followed them ndakanzwa musikana uya achiti.
Her: "Michael ini ndokuda hangu promise me kuti unondiroora"
Ndakaereakana ndati
Me: "Aaah"
Vakacheuka ndakabva ndabata earpod randaive ndakapfeka ndokuti
Me: "Urikutiiko iwe?"
Vakaramba vakanditarisa ndakabva ndati
Me: "Let me be wanzwa ita zvemhuri yako"
Ndakafunga kuti achatirimuka kuenda asi akabva atomira kiti ndipedze ndakabva ndati
Me: "Makadii henyu kwakanaka here?"
Akabva akotama kwakunhonga phone yangu ndakarohwa nehana asi ndaida kuseka akanditambidza ndokuti
Michael: "Wanga uri busy kuterera conversation yangu nemukadzi wangu handiti ndoda kukudzidzisa lesson rausingafe wakakanganwa mulife mako"
Akabatwa nemusikana uya asi akamuvhizura ndokundipa mbama ndakaona nyenyedzi hangu ndakada kuti ndimuudze kuti ndini Armour asi ndakazviudza kuti ngaarove hake I'm not ready to reveal my identity. Akandipa imwe mbama ndakabva ndagara pasi
Girl: "Michael kani musiye"
Akadaro musikana uya pakabva pangosvika mupurisa aive akapfeka hembe kwakumubata ndokuti
Him: "Watosungwa handei kukamba"
Michael: "Amupurisa ndisiyei"
Ndakasimuka kwakuti kumupurisa uya
Me: "Please let him go atodzidza lesson kutaura kuno"
Havana kuterera vakabuda naye ndakatevera kusvika kucentral ndakasvimodhumana naBa Riley vakanga vatorine ma handcuffs vakangonditi ba ndokuti
Ba Riley: "Armour"
Michael akabva atarisa kwandaive ndakanga ndapisira ndakaramba ndakarova serious ba Riley vakaba vati
Ba Riley: "Armour hausi kundinzwa here?"
Me: "Are you talking to me?"
Ba Riley: "Ehe iwewe hausi Armour here?"
Me: "God forbid kufanana kwevanhu"
Michael akabva ati kuna ba Riley
Michael: "Right ndiwe wakatora hanzvadzi yangu ndizvo zvandafambira manje"
"Noise uko zivai zvekuve muhusungwa"
Ba Riley vakatarisa pasi asi ndakashaya kuti vasungirwei apa vanga vachinja kutoonda chaiko. Ndakaenda pamupurisa uya ndokuti
Me: "Ndokumbirawo mumusiye he is my brother"
Officer: "Ihanzvadzi yako handirambe asi kurova uku hakugumire pauri kana mukadzi wake chaiye achamurova toda kuti amborangwa nemutemo ibvai apa sisi"
Ndakanzwa kurwadziwa ndakaenda kune musikana wavaive naye uyo aingochema ndakasvika nekumubata shoulder rake ndokuti.
Me: "Stop crying dear anobuda"
Her: "Imhepo chete idzi ndatoshaya kuti apindwa nei?"
Me: "I'm sorry"
Ndakadaro akabva angoti zii ndakaona iriyo time yekumubvunza kuti chii chaMichael ndakanzwa conversation asi ndaida kuita make sure ndakabva ndati.
Me: "Is he your husband?"
Her: "Mukomana wangu"
Me: "Okay saka munogara kupi?"
Her: "Hatigare muno muHarare togara kuChivhu anga afambira kuzobvunzira zvehanzvadzi yake hanzi yakaita accident akabatsirwa nevanhu vakamubatsira anga achida information yavo manje varamba kuburitsa information yavo vanhu vacho hanzi vanhu vanoremekedzeka"
Me: "Oooh I see"
Her: "I'm scared now apa ndofanira kudzokera kumba"
Akadaro achiratidza kuti arikutya ndakasekerera nechemumoyo it was now crystal clear kuti Michael akanga adzoka kuve normal ainge akutogona kuhurira mukadzi Mwari vakanga vanzwa prayer yangu asi ndaisada kuburitsa my real identity munhu wandakange ndave kuda kuonesa moto ndiRuva handiti akanga aita zvinhu zvake achiti agona asi Mwari vakazviramba vakati hakuna munhu anocontrollwa nemushonga..........
End Of Chapter
kutsamwa kune labour 🌹
*NOTE THAT BOOK REDU KUTANGIRA PACHAPTER 20 RICHANGE RAVE KUWANIKWA KUSUB GROUP. RICHANGE RICHIITA $2 ECOCASH OR 100ZIG 0788257321 ZITA RINOBUDA TENDAI PRECIOUS MWANENGA. INNBUCKS $2 0716307914 TENDAI PRECIOUS MWANENGA. NETONE AIRTIME YE 2US KANA UCHINGE WABHADHARA HUYA NECONFIRAMTION PA NUMBER IDZI 0788257321 SEND CONFIRMATION CHETE NEKEY YAKO YEBOOM. RICHANGE RICHIVERENGWA NEBOOM READER OR BOOM STORY. SA SIDE MOTENGA MAVOUCHER AYO OTT,BLUE VOUCHER, ONE FOR YOU VOUCHER RE 30 RAND MOUYA NE SCREEN CAPTURE RE VOUCHER RAKO PANUMBER IDZI +263716307914 BUDDIE & NETONE AIRTIME THANK YOU*
❤️
👍
🙏
😂
😮
😢
223