
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
February 21, 2025 at 01:53 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N
*VANODA FROM ONE FOLLOW CHANNEL*
MAIN GROUP
https://chat.whatsapp.com/EVuEzgPoApJF9VTqnea07Z
Comments group
https://chat.whatsapp.com/GiM5bSYiFRcK8O94Lalos0
*🌺ARMOUR♥️*
💞💞💞💞💞💞
❤️❤️❤️❤️❤️❤️
💖💖💖💖💖💖
STORY BY PRECIOUS
EDITED BY TATENDA
ROMANTIC AND SENSITIVE STORY
CHAPTER 17
*CLINTON*
Panguva yandaifamba ndakabva ndaona Josephine achiuya ndakangoti hameno anoona yekutamba na amwene vake handiti ndivo vaimuda. Akamira kwakutanga kutaura mama vaive vari kumashure kwangu. Paakandiudza kuti ane nhumbu ndakanzwa kubatikana chaizvo it was clear kuti aisanwa ma morning after pills andaimupa.
Semunhu aive asina simba rekuita nharo takabvumirana kuti toenda tese and for sure takaenda tese ndakataura na agent wedzimba paphone akati itoriko kuBudiriro. Ndakanzwa Jose akuti
Jos: "Saka tirikuenda kupi nhai Clinton zvatangomira pano?"
Me: "Ko ukangoteera wakanyarara"
Jos: "Sorry apa ndasiya hembe dzangu"
Me: "Uchapfekei handina mari yekukutengera hembe Josephine ndiri rombe kana waive wakachiva hupfumi hurikumba kwedu uchiti ndehwangu waive wrong hako ndingori Clinton asina chaainacho"
Jos: "Handina kukudira mari ini Clinton"
Me: "Good handei"
Takatanga kufamba akafona agent uya achiti huya kuBudiriro 1 takanokwira makombi ekuBudiriro akandiudza pekuburukira. Takasvika atoripa takataura achibva atoenda nesu kumba kwacho takasvika pamba pacho ndokuona landlady wacho takataura tikawirirana ndakabhadhara ndaratidzwa room yedu.
Takaenda nemikwende yedu ndakagara pasi chaipo kwakutanga kutamba nemwana wangu. Ndakaona Josephine akayeverwa akanditarisa asi aiyeredza misodzi. Akabva ati
Jos: "Clinton I'm sorry"
Me: "Huh!"
Akapukuta misodzi akasvikogara paside pangu achibva aisa musoro wake pashoulder rangu ndokuti.
Jos: "I will never leave you"
Akadaro ndakadzikamira I felt like Nyarai wangu akanga adzoka ndakagadzirisa pahuro ndokuti
Me: "Okay babe"
Jos: "Ndokuda Clint"
Me: "I love you too"
Ndakadaira ndaisada kumupa bp sezvo akanga akatakura mwana wangu ndakabva ndati
Me: "Wazvion hako kuti wakaita wrong decision pakusanwa mamorning after andaikupa now chiona nhamo yatava nayo"
Jos: "Ndainwa asi haasi 100 percent effective"
Me: "Okay. Handina mari Jose kwanhasi tomborarira sadza rekutenga ndanonoka kufunga hangu dai tatenga two mablankets mutown"
Jos: "Unokwanisa kuenda wonotenga nekuti hapatorina chekufuga"
Me: "It's fine"
Handina kuda kuzoramba ndakagara ndakabva ndatobuda kuenda mutown ndakanotsvaga mablankets negas tank netuma poto ndakangotenga zvekusanoshandisa nemukaka waRiley ndakapfuura ndichitenga sadza kumashops.
Ndakasvika kumba Jose achitamba nemwana asi aingochema akati achindiona ndokuti
Jos: "Mwana wako anga achingochema kubva zvawabva"
Akadaro ndakamutarisa ndokuti
Me: "Ave wangu nhasi"
Jos: "Sorry don't mind me"
Ndakaridza tsamwa ndichimutora Riley akatanga kusekerera ndakamutarisa ndokuti
Me: "Unotogona kutamba nemwana here iwe?"
Jos: "Ehe ndotadza nei?"
Me: "Anga achichemei?"
Jos: "Maybe inzara"
Me: "Adii kuchema zvandamubata"
Akangotarisa pasi ari zii ndakamupa mari 5 dollars ndokuti
Me: "Enda unoisa gas timugadzirire mukaka"
Akasimuka ndokuenda akadzoka ndakaisa chiplate kwakuisa mvura yemukaka. Ndakaugadzira ndega ndakamupa akaunwa akanga ave nenzara ndakanga ndauraya mwana wangu nenzara shuwa.
Takazodya hedu sadza redu ndakanga ndave kufunga kuti ndikatenga kaHondafit inenge yasara yacho ndoitei nayo. Ndaisada kuigarisa mumba hangu mari iyoyo ndaifanira kutoita plan yekutanga business chairo. Ndakaenda pa FB pane rimwe group raiswa mota dzinenge dzichitengeswa.
Ndakatarisa Hondafit dzaivepo aive masecond hand ega ega. Ndakatoona kuti kutotenga hangu brand new kurinani. Ndakarara ndichiziva kuti mangwana ndirikumuka ndakananga kuAstol Motors. Ndakamuka kuseni seni ndokunogeza ndakadzoka ndokubva ndagadzirira mwana wangu mukaka wake. Josephine akabva amuka ndave kutora Riley
Jos: "Good morning"
Me: "Morning"
Jos: "Wachena urikuda kuendepi?"
Me: "Mutown"
Jos: "Asi wawana basa?"
Me: "Asi mutown munoendwa nemunhu awana basa chete?"
Jos: "No babe but I'm just asking"
Me: "Ndine zvandiri kufanbira ikoko"
Jos: "Okay"
Ndakatanga kupa Riley mukaka akabva ati
Jos: "Nhai Clinton unoti handigone here kupa mwana mukaka?"
Me: "Mwana wangu uyu ndoita zvandinoda naye"
Jos: "Hausiriwe wega watanga kuita mwana wazvinzwa"
Me: "I know asi mwana wangu ndomuda kupfuura chimwe chinhu ndomukoshesa my father never loved me zvakaipei ndikapa mwana wangu rudo rwandakatadza kupihwa nababa vangu"
Jos: "Okay"
Ndapedza kumupa mukaka ndakabva ndati
Me: "Make sure hausare uchichemedza mwana wangu Josephine mari iyi unotenga mapotatoes umupe chikafu"
Jos: "Yuwiii nhaiwe ini munhukadzi newe munhurume anofanira kuziva nezvemwana ndiani"
Handina kumudaira ndakabva ndatobuda ndakaenda mutown kwakunanga kwandaienda nemari yangu pahomwe. Ndakasvika ndikatambirwa zvakanaka ndakaiona hondafit yeblue ne affordable price ndakafara zvisingaite. Zvese zvakabva zvagadziriswa ipapo ndikapihwa book rangu zvaka processeswa ndiripo. Ndakapihwa mota yangu ndakapfuura ndichiisa fuel.
Imwe mari yanga yasara ndakatenga zvimwe zvinhu zvekumba ndakanga ndasara neimwe. Ndakasvika kumba Josephine akagara pazuva akatoshamisika achindiona ndichibuda mumota. Asi aive asina Riley
Me: "Where is Riley?"
Ndakabvunza ndichitofamba kuenda mumba ndakamuona akarara moyo wangu wakadzikama
Jos: : "Zvino kana wakundiona kunge ndisiri munhu zvinobuda here?"
Me: "Sorry hako urisei?"
Jos: "I'm not okay?"
Me: "Whats wrong?"
Jos: "Kunzwa kupindwa nechando"
Me: "Sorry inhumbu iyi"
Jos: "Sorry chete"
Me: "Unoda kuti ndikuite sei?"
Jos: "Kana usingadiwe munhu ungadii?"
Me: "Ndati handikude here Jose?"
Jos: "Zviripachena Clint"
Me: "Sorry babe"
Ndakadaro kwaive kuda kupedza mutauro ikoko akabva ati
Jos: "Mota ndeyani?"
Me: "Ndeyedu yebusiness"
Jos: "Saka waive nemari yekutenga mota"
Me: "Ehe mai boy"
Jos: "Mwari ariko shuwa"
Me: "Ehe anotida handei tinotora zvinhu zvirimumota"
Ndakadaro takabuda kwakunotora akatanga kurongedza hake tichitaura nyaya. Ndakatozviona kuti ndakanga ndagona hangu kuti Josephine auye mulife mangu kwete chibenzi chandanga ndave kuda kuita. Akabika tikadya manheru we had sex hedu.
The following day ndakatanga kutakura ndaitakura local. Ndaitakura Machipisa Budiriro ndakazopa Jose mari kuti anotora hembe dzake.
Mazuva akafamba ndakapedzisira ndaitirwa deal neumwewo mufesi aitakura Mt Pleasant ndakange ndave kutakurira kuna Rezende mutown uko kunokwirirwa Mt Pleasant.
Zuva randakatanga kutakurira ikoko ndakabva ndabatwa nemapurisa kusungirwa kuita mushikashika. Wakanga watoita munyama chaiwo nekuti ini ndega ndini ndakasungwa pavamwe vese. Ndakaendwa neni kuCentral ndakasvikogadzikwa pasi chaipo mukati muya ndipo pandakaona Armour.
Ndakamutaudza asi haana kudaira akatonyepera kuzungaira asi ndaiziva kuti ndiye hapana pandaitadza kuziva munhu wandakange ndiinaye during her healing process. Pandakazoona hanzvadzi yake ndakabva ndadzikama hangu uye ndakatoziva reason yaakanga aregera kundidairira asi zvakandinetsa kuti nei akanga auya akaenda kune mupurisa wavanga vauya naye akanomira ikoko asi ndakaona odzoka asuwa hanzvadzi yake ndiyowo yakazoti ndiudze kune hanzvadzi yangu ndikaziva kuti haana chaari kuziva at least ndakanga ndisina kuda kuenderera hangu. Mupurisa akanga andisunga akabva ati
Him: "Nhaiwe mwana waMarufu wave kuita zvemushika shika baba vako vaine mari ndivo vatoti tikusunge usiyane nekushooresa baba"
Ndakapera power baba vangu chii chaizvo chaiitika pavari vaisada kundisiya in peace. Vakabva vati
Him: "Mota yako tave kuiendesa kumba hauchatenderwi kuita zvauri kuita"
Me: "Have you gone nuts?"
Ndakabvunza akaseka ndokuti
Him: "Ndabhadharwa ini handina zvandingazviite"
Ndakatura mafemo kasingaperi handizive kuti nei baba vangu vakanga vakandivenga kudaro mhosva yandakanga ndakaita ndakaishaya kuti ndeyeyi chaizvo. Zvakananga zvisiri zvekuti ndakamitisa izvi yakanga yatove imwe nyaya ende daka ravaive naro neni rakanga rakakura.
Rent yacho ndaiibhadhara nei chaizvo kana ivo vasingade kuti ndishande. Ndakapotsa ndachema asi ndakazvishingisa semurume ndakamedza mate ndokuti
Me: "Okay chindisiyai"
Vakabvisa mahandcuffs ndokuti
Him: "Terera baba vako mupfanha"
Ndakavatarisa from head to toe ndokubuda ndakaona Armour akamira nemusikana waaive naye akabva ati
Armour: "Wait"
Ndakamira ndakanzwa andibata ruoko rwangu ndokuti
Armour: "Murisei ba Riley?"
Me: "Ndataura newe ukandiita benzi uko"
Armour: "I'm sorry handiti maon kuti hanzvadzi yangu yanga iinemi atosungwawo haasi kutoziva kuti ndini"
Me: "Okay how is life?"
Armour: "Iri kubhowa handisisina basa"
Me: "Asi ku orphanage wakadzingwa?"
Armour: "Handisati ndave kuda kuti vanhu vazive kuti ndini ndine mareasons andiri kuzviitira"
Me: "Okay I understand you"
Armour: "Ko imi munondibvunza zveku orphanage asi hamusisiko?"
Me: "Yah ndafunga kizviitira life yangu ndega ndigadzire future yemwana wangu I dont rely nemari dzevabereki"
Armour: "You are different from others I really like your spirit"
Me: "Ndave kuenda ini Armour"
Ndakadaro akandibata ruoko rwangu akaramba akanditarisa achibva ati
Armour: "You are going to meet your dad right?"
Akangoerekana abvunza ndakashamisika ndokuti
Me: "Wazviziva sei?"
Armour: "Ndofembera I want to advise you henyu don't go there"
Ndakangoti nechemumoyo kasi unondipengera akabva ati
Armour: "Murikufungei?"
Me: "Hapana rega ndiende"
Akandisiya ndakabva ndatoenda ku office kwavo chaiko. Ndakasvika nekupinda I was shocked ndichiona vachiita sex nevasikana 3 I was like
Me: "Oh my God?"
Ndaifunga kuti vachamira asi vakaenderera mberi ndakada kubuda ndakanzwa vakuti
Dady: "Mira ipapo"
Ndakamira asi shungu chaidzo ndidzo dzandanga ndave nadzo munhu wandairwadzirwa ndimai vangu vachiti vane murume mumba izvo munhu aitoita chihure apa vana vacho vadiki chaivo mazera aana Stacy.
Dady: "Wafunga kunoudza mai vako?"
Me: "You think I'm stupid right?"
Ndakadaro vakaseka ndokuti
Dady: "I know you kuti pfungwa dzako dzakadhakwa kufanana nefuture yako"
Ndakanzwa kubitiridzwa zvakanyanya ndokuti
Me: "Murikuzama kuti chii?"
Dady: "Wazvinzwa dai uri mumwe watoita zvandinoda inini nekuti future yako yakafa kare"
Me: "Asi munobata mishonga?"
Vakaseka ndokuti
Dady: "Handiite izvozvo"
Me: "Let me tell you something you are not God and you will never be God whatever you are doing to me now zvichauya time three kwamuri."
Dady: "Zvauri kutaura hazvife zvakaitika kwandiri iwe ndiwe uchafa uri rombe your future is in my hands wazvinzwa whatever you do ndozviziva"
Ndakapera simba kunzwa kuguka mumajoints umu ndokuti
Me: "Are you my father?"
Dady: "Ehe ndini baba vako chaivo kana uchiti I'm lying toenda kwaTinashe Mugabe kuma test"
Me: "Saka makaromba why makandivenga pavana vese"
Dady: "Haudi kuteedzera zvandinokuudza"
Ndakaseka nhamo serugare ipapo ndokuti
Me: "Zvii kubva zvauya Nyarai makabva matondivenga kunge mutorwa ini handinyengerere kudiwa nemi. Hamusi Mwari imi manzwa I live my life the way I want"
Dady: "Tichaona kuti uchasvikepi"
Me: "Asi munoroya here?"
Dady: "Maybe"
Ndakaridza tsamwa kwakubuda hangu kuenda kumba ndakasvika Jose akarara ndakamumutsa. Akamuka akatoshamisika kundiona akabva ati
Jos: "Ko kuuya this time hanziiko?"
Me: "Hupenyu hwangu haufe hwakanaka babe baba vangu vatora mota"
Jos: "Nhai Jehovha hanziiko naVaMarufu?"
Me: "Handizive kuti ndakavatadzirei ini?"
Jos: "Hmmm Clinton baba vako vari serious ava"
Me: "I'm done I'm done hangu ivo Mwari vacho havaonewo here dai vandirwira zvese izvi zvapfuura handizive kuti mhosva yandakapara ndeyeyi"
Jos: "Don't worry Clint zvichanaka"
Me: "Riinhi nguva yafamba zvakadai handizive kuti ndichawanawo here mufaro muhupenyu hwangu?"
Jos: "Usazvidye moyo zvichaita"
Aive mashoko ekundisimbisa asi zvaive zvakatooma hazvo. Ndaitangira papi chaipo ndakanga ndati ndabuda mulife mavo asi ivo vaizama kuzvitsokonyedza muhupenyu hwangu. Dai paive pasina Riley ndaizviuraya ini kuzorora chaiko apa Jose anga aane nhumbu ndizvo zvimwe zvakabva zvawedzera stress yangu ndaimuchengeta nei mwana wevanhu.
I cried zvekusvikira ndave kunzwa pahuro kupisa. Kana kudya manheru acho handina kudya hangu mangwana acho makuseni ndakamuka ndichinzwa nyama dzangu kuneta kuita kunge ndirikuda kutorwara chaiko. Jose akanditsvagira mapiritsi asi zvakaita kunge zvatove worse. Mazuva akafamba ndichingonzwa izvozvo apa chest yangu yaive yakupisa ndaionda everyday kupera chaiko. Mari yekubhadhara rent ndakanga ndachengeta yanga yasara ndaingozviudza kuti ndikapora chete ndototsvaga zvima piece job zvekusakurira vanhu mayard avo umwe musi ndakamuka makuseni Jose anga amuka paakapinda akaita kukanuka achinomira akati kwati nedoor.
Jos: "Clint! Face yako waona here zvayaita?"
Akadaro ndakada kusimuka kuti nditarise asi simba ndaive ndisina hameno zvandaive ndakunzwa munyama dzangu ndakabva ndati
Me: "Ndipoo mirror"
Akatora asi aitya akandipa ndakadonhedza misodzi ndichiona zvanga zvaita face yangu ndakaita kurwadziwa pamoyo pangu chaipo.
End Of Chapter 17
kutsamwa kune labour 🌹
*NOTE THAT BOOK REDU KUTANGIRA PACHAPTER 20 RICHANGE RAVE KUWANIKWA KUSUB GROUP.RICHANGE RICHIITA $2 ECOCASH OR 100ZIG 0788257321 ZITA RINOBUDA TENDAI PRECIOUS MWANENGA.INNBUCKS $2 0716307914 TENDAI PRECIOUS MWANENGA.NETONE AIRTIME YE 2US KANA UCHINGE WABHADHARA HUYA NECONFIRAMTION PA NUMBER IDZI 0788257321 SEND CONFIRMATION CHETE NEKEY YAKO YEBOOM.RICHANGE RICHIVERENGWA NEBOOM READER OR BOOM STORY.SA SIDE MOTENGA MAVOUCHER AYO OTT,BLUE VOUCHER , ONE FOR YOU VOUCHER RE 30 RAND MOUYA NE SCREEN CAPTURE RE VOUCHER RAKO PANUMBER IDZI +263716307914.AIRTIME NDIRIKUTORA NETONE NEBUDDIE YE 2US*
❤️
🙏
👍
😢
😮
😂
294