
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
February 27, 2025 at 03:02 PM
https://chat.whatsapp.com/HZv2j1mFSgu1mMEsGvfAnd
https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b/2551
*VASINA KUONA PANOTANGIRA BOOK BAYAI LINK IYOYI*
NYEMBESI
CREATED AND WRITTEN BY
NOMMAR AKA MAIYOLLAR 🐟
📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸
📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³
Chapter 17
LAST FREE CHAPTER
Mai Frank
"Tete vanhu varara here?"
Ndakazevezera zvine kutya mukati ivo ndokuti....
"Handei zvinosara zvikakunetsa izvi kana tikasazvigadzirisa kajira kandakakuti pfeka kuzasi unako handiti?"
Me... "Ehe ndinako ndokabvisa here?"
Tete... "Hande unonobvisira ikoko"
Takasimuka ndokupota neseri kwemba apa hana yangu yaita kubika manhanga kwete zvekutamba. Takasvika paya ivo ndokunditi...
"Iwe tsoka yako haifaniri kuonekwa.Chibvisa chijira chako ucherere apo utaure zita remurume wako womuudza kuti rudo rwako neni rwaperera pano.Chatiri kuda kupatsanura uyo afa newe mupenyu ngaachirega kukucheuka vakafa kuvakafa vapenyu kuvapenyu."
Ndakabvisa chijira chiya ndokuita zvaiva zvataurwa ndichitevedzera zvavakandiudza tikabva tadzoka panzvimbo pedu ndokurara. Ndakaita kutura befu nekuti ndaitya kani veduwe ndaingofunga kuti kuri kuonekwa handiti kutongonzi muroyi here.
Kunze kuchichena takamutswa mutswa tonzi tichienda kuguva takasvika vanhu vese ndokunzi vamire nechekure kwakunzi mbuya mukadzi wasekuru anova ndiye aiva atsvaira kuguva aswedere. Sekuru vakabva vati...
"Handiti ndimi makapedzisira kutsvaira apaka? Tinoda kuti isu tisati tatarisa mutiudzewo kuti zvakamira sei. Ndizvo here zvamakasiya pakaita paimba yemuzukuru wenyu. Izvi zvakagara zviriko hazvisi zvinhu zvitsva ndosaka makaona tichirambidza vanhu kuparara nezuro."
Mbuya vaya vakatanga kutarisa vachibva vati...
"Ndine hurombo vehukama kusaziva kana paine akazouya tabva asi ndiri kuona dzimwe tsoka dzinoratidza kuti dzakatsika ndabva. Pane panenge pane kakutsokodzerwa kandisina kunzwisisa zvekare pakadzimika mutsvairo."
"Ndazvitaura ini pakasvikwa apa kkkk haghhhh zvakaoma chokwadi. Mwana wamai vangu akatozvuviwa hamuchina munhu umu. Manje umwe munhu anodonha mazino masikati machena uyu hadyiki uyu" Tete nyakupepa murwere ndivo vakabva vadaro ko ini hana kurova zvayo.
Sekuru... "Horaiti mazvita ndofunga tese tatozvionawo mukatarisa kumwe kwese uku mutsvairo uri kuonekwa asi apa panoita sepakanga pakagarwa here hameno. Hazvinei ndizvo zvacho zvatinoti handei tinoona kuti bwiro rehama yedu rakanaka here. Handiti hama ndeyedu zvayo tichaona zvatingaita umwe ngaatiisire munamato tione zvikamu zvinotevera."
Munamato wakaitwa vanhu vakabva kuguva, kune vaiti hembe ngadzibude asi vana vamai vababa vaFrank vakaramba hanzi tozviona panyaradzo. Vana vangu vaingonzi vakumbira ruregerero asi handina kuona pazvakaitwa pacho ndaingoona vana sekuru pamwe ndivo vaiva kumbirira here hameno. Takavhundutswa nemhere zvekuti munhu wese akava neshungu yekuda kuona aiva asvika nyangwe vaiva mumba vakatodongorera wanike zvisikana zvaaimwa nazvo kambwa nxaa sekainyanya kuchema kacho ndaiva ndakatokavenga. Ngakatange kuchema kachitaura hanzi..
"Ndarwadziwa kani vehama, mamuvigireiko ndisipo mukomana uyu ndini ndaimutengera sadza kani ndini ndaiona kuti adya here. Aiuya otaura ndomuudza kuti taura zvibude pamoyo akati hanzvadzi ndinoradzikwa panze ini, hanzvadzi ndinonyimwa chikafu, hanzvadzi handisi kuramba kuti ndakatadzira mhuri yangu asi munhu anotadza otongwa zvopera wangu mutongo usingaperi wakaita sei makore afamba ndichirarama semhuka. Ndikamuti bhudhi dai masiya kadoro kedu aka mumboita zvinoita vamwe varume Pame waivapo akati chii vaudze vangati ndonyepa"
Pame wacho akabva ati "Vakati ndinoda kukasiya asi pandinosiya ndiri kubva ndakuvara nestress..."
"Maona manje ndanzwa nhamo ndiri kumarondera ndakaviga sekuru vangu nezuro ndikatoti ini ndaenda ini. Maiweee ndarwadziwa kani ndarwadziwa. Akati sisi pandinopiwa mukadzi moti ndinomugona here? Ndikati neiko hanzvadzi zvikanzi ndakaguma kare sisi."
Sahwira... "Haiwawozve musatinyaudza maswera naye muchitadza kungomuti atotse chero pauri ipapo zvine basa rei mune hukama here hezvo avigwa yakamira aghhhhhhh."
Vanhu vakabva vaseka uya musikana ndokuti...
"Mhamha ini vaindiona vaitoti ndodanana naye asi kwete. Zvamuri kutaura hamusi wrong nekuti ndakatoedza kumupa kasikana akataura kuti kwete ndakakumbira mhuri ruregerero hazvigoni kuti ndiite izvozvo. Chema iri kubatwa nani zvayo tauyawo nechema yedu iyi."
Sahwira... "Hunza ndini ndiri kubata, aghhhh ndinotenga kamukozodo ndiwewo ndichimurangarira."
Vakabva vatambidzwa $2 apa vanhu vaiteerera vachitorongedza hapana akada kuzomira imi pamba kana kuita sepanga paine nhamo vanhu kubva vatongoti mwanda mwanda.
Ndakaseka sahwira achidanidzira hanzi...
"Pamusoroi chita chenhamo ko mombe dziya dzanga dzakavigwa kuti vanhu vasadye nyama dzawanikwa dzauyaka. Ingourayiraj isu vehukama tidye zvedu. Asi mombe yakagona yakatiza nehupenyu hwayo haiwawo yakazvigaya ikati nditadze kupinda denga ndiurairwe iro rombe iroro."
Vanhu vakaseka zvavo apa dzaiva busy kurongedza chibag hanzi ndakuenda vakabva vanzi nasekuru...
"Hauendika sahwira anopedzisira kubva pano"
Sahwira..."Haghhh imi ndisare ndiwirwe nedenga remba ndiri ndega zvangu dai uko kusina guva pamukova ndaitika ndomboita mazuva ndichinyaradza afirwa manje guva pamukova roda varidzi varo kwete ini. Ko iye weLondon atorawo mavideo here agonoratidza vamwe kuti ndakabva kunoviga baba kkkkkk dai andipa ndatora ini ndaingonyanya kubudisa kitchen regai ndiende ini."
Sekuru... "weLondon ndiyani?"
Sahwira.. "Hamenoka anogarepiko kuUK here hooo hanzi Joni ndoreva iyeka wekutenga chikafu chainaka fani chekuzodirwa ivhu haghhh rombe irombe haurigoni chokwadi."
Sekuru... "Enda unozorora shuwa sahwira aiwa wasimbisa"
Tete vakataurira pasi vachitaura neni ndokuti...
"Haghhh ibasa chairo humwe husahwira hwacho hunonyanya ini handidi ini."
Zvakabva zvanzwikwa apa ivo vachiti hapana chanzwika, akatendeuka sahwira ndokuti....
"Hamungazvidi nekuti chokwadi chinorwadza hezvo makatadza kuraira mwana iri test ane zero uyu kubikira murume zero, kuwachira murume zero kupa murume bonde zero saka tiri kuendepi toti tikuudzei mugadzirise next time makuti masahwira akashata ndagara ndakuenda zvangu. "
Shasha yakabva yatakura mutundu yayo ndokuenda zvayo. Vana sekuru nedivi vachibudawo.
Tete... "Ini mainini ndoenda, nhaimi ko muroora wenyu Ari kunzi akaenda Harare kwakanaka here?" Nditete vakabvunza.
Me.. "Muroora upi Tete?"
Tete.. "Ivoka mai Nyembesi, hamuoni havana kuuya kunhamo here? Hanzi vakwira Harare"
Me.. "Handiti ndiko kwava nemurume here? Regai vagare kuchirungu. Tete mati motoendawo nhasi nxiii honaika vanhu vaya kusiya chikafu chakadaro izvi ndizvo zvandinotora handiti vana vangu vakatenga here asi macabbage nemafuta zvakauya nemwana watete zviya vatakura mazvionaka.."
Tete.. "Mainini vanhu vakagumbukazve imi, ini ndanga ndiri pamadziro apo nezuro masikati ndikanzwa nyaya dzese. Newewo kana wazogara muhupenyu zvawakaita hazviitwi. Horaiti ehe akakutadzira ukatsiva ari mutano ko paanga orwara apa wakatadza kudzorawo moyo here. Izvezvi ipo pano ibva watoudza vana kuti idzi ndidzo hama dzavo, ukaona ukatadza kuvabatanidza nehama dzavo watovauraya zvachose."
Me.. "Nhai Tete ndinovabatanidza sei imi muchiona zviri kuitika. Handiti vari kutotaura kuti havadi kuvaona here?"
Tete... "Ndati usaita same mistake yawakaita yekuudza vana kuti baba vakashata. kuno ngavatotsvaga something voenda kuna tete nemukuwasha vonotenda kupeperwa baba vari vapenyu vokumbira ruregerero ndoda kukutaurira chokwadi mukaita izvi muchaona zvinhu zvichitambanuka."
Me.. "Haghhh hameno, ini ndinozvigarira pano tete. Vanonokumbira vanoenda zvavo kwete ini."
Tete... "Ipo pano pacho wotombofamba nekuti hama dzemurume wako dziri kubheja."
Me.. "Vanobheja chii tete, chavanobheja chii? Idzi ndodzimirira ndega manje haghhhh tetee pano hapana chavanotaura panoti ini pano. Yuwiiiii handina kuuraya munhuzve ini."
Aghhh zvavo zvekuda kundivhundutsira vakanga vazvinyanya , Tete vakaoneka vakabva vabuda nevakomana vangu vaviri ava ndokusara tiri vaviri nemwanasikana wangu aidawo kutoenda asi akazonzi naivo tete ngaambosara neni. Vaitozvinetsawo zvavo handina chaindinetsa ini ndaitova boe kudarika boe.
Husiku hwekutanga takadzivata hope zvakanaka takatoswera boe uyu mwana wangu ndipo paiti mangwana acho anoda kumuka achienda. Ndakanga ndisina kuvhara window remumba mandairara zvakanaka saka ndakati ndivhare, pakunovhara ndakavhunduka nezvandakaona. Ndakapukuta maziso kuti ndainyatsoona asi ndizvo chaizvo zvandakanga ndakaona paguva pai pfungaira chiutsi. Ndakavhara window ndokugara pamubhedha ndichiedza kufunga kuti asi pane adarika akakanda fodya kani. Ndakadongorera zvekare ndokuona pasisina saka ndakaona kuti pane chaiva chakandwa.
Handina kuudza mwana ndakatya kuti anovhunduka apa nezvinhu zvisina basa futi zvandaisava shuwa nazvo.
Kuseni ndaingotarisa rinda rababa vaFrank ndichiedza kufunga kuti chaipfungaira chii ndakakasira kuzvibvisa mupfungwa. Ndaiva ndotofunga kutsvaga munhu wekugara naye kuti pamba pasazonyanya kurema. Ndakambofunga Nyembesi asi ndakazofunga kutsvaga mutorwa zvangu. Ndakaperekedza mhandara yangu ndokudzoka zvangu kumba, ndakasvika ndokunanga mukitchen pandakati ndibudemo ndokuona churu chenyuchi chakaungana paseri pedoor nechemukati memba.
NYEMBESI
Ndakaenda kuseri kwaiva kwapakwa mota ndokuona mota pasina mozivaka ndakaita sebenzi. Ndakadzungaira kuita rema chairo kana wekubvunza ndakamushaya. Ndakafunga kuti ko dai ndakanga ndachitora number plate hangu ndiri mukuzungaira kudaro ndakabva ndatanga kuzvituka kuti ko dai ndakanga ndachitanga ndatanga ndapiwa hangu mari yacho chokwadi kurasa humhandara hwangu pasina here.
"wahurasa kupi humhandara nhai zimhandara?"
Handina kunge ndaziva kuti ndaitotaura zvinonzwika ndakasimudza musoro ndokuona vari mai vechikuru vaiva vakamira mberi kwangu. Ndakavatarisa ndokuti...
"Mamboonawo chimota chewhite chapinda mugedhe muno here? Changa china driver anga akapfeka worksuit yeblue"
"Kwete mwanangu ini ndichango..."
Handina kumirira kuti vadaire ndakabva ndamhanya pane vaiva vakagara ndati ndakambeya chipatara chese ndichibvunza asi hapana aindipa mhinduro svinu. Chokwadi ndechekuti rume iri rakanga randigura kunorira. Ndakavenga mai vangu hameno kana ndaizovaregerera dai vaivapo ini ndaisarawo kumba ivo voita zvekuenda nemwana kuchipatara kana kutoti haainzwa nzara zvekusvika pakudonha mumushumha Ndakafunga kuti zviya iyi inhamo yangu hangu asi mari iri kudiwa.
apa kamari kandakanga ndinako ndiko kandakabhadhara x-ray nekutenga tumushonga twaidiwa. Ndakaona doctor aiva atarisa Sibo ndokuenda paari ndikatanga kuchema ...
"Doctor ndapota ndibatsireiwo kuti gumbo remwana wamai vangu risaora. Ndinoita hangu kese kamataura." Izvi ndaitotaura ndichirevesa ko ndaigotyei kununa ini ndakasasikwa zvangu nyangwe dai aingotiwo anoda kurara neni ndaitova ready. Doctor akabva ati...
"Wabhadhara here? Yes munin'ina wako ari kutoda plaster nekukasira kuti akasire kupora."
Me.. "Zvinoita marii doctor?"
Doctor... "Unoudzwa ikoko uko kwaunobhadhara handiti une card here?"
Me... "Card ndinaro asi handina kana mari ini, Ndini mubereki ndini zvese ipapa. Hapanawo zvamungandibatsira nazvo here chiremba?"
Doctor... "Ummmmm let me see what I can do. Yes pane that program inogona ku cover macosts iwaya rega nditange ndanzwa haghhhh haisi yekuvimba nayo zvayo. Ane makore mangani uyu?"
Me.. "Ane 10 doctor "
Doctor... "Okay anogona kupinda let me try."
Me.. "Maita basa doctor"
Doctor... "Iwe ramba uchitsvaga nekuti handizivi kuti ichipo here uye handizivi kuti inocover kusvika papi."
Ndakambofunga kuenda kumba kunotsvaga mari kuna Sydney asi ndakatya kuti ndikanoshaya ndaizodzoka nechii. Chiremba uya akazondiudza kuti Sibo ainge ava kuiswa plaster ende zvakaitwa zvikafamba zvakanaka ndaiva ndava neumwe mutoro wechirema mumba.
Musi watadzokera kumba takapinda nemagutu zvekare, ndaingomhanyisa mhanyisa maziso kuti pamwe ndichaona mota iya kana muridzi asi kana. Takanga tatogara zvedu takamirira bhazi ndiro raichipa saka ndakanga ndatenga half yechingwa ndiyo yataitemura ndakangosimudzawo musoro ndokuona mumwe murume wandakafananidza nairo bhinya riya. Ndakavhura speed ndokusvika ndichimubata bhande uya murume akatovhunduka saka paakanditarisa ndakabva ndaona kuti haasiye kwava kuti ..
"Aghhh soriyi ndakufananidzai, soriyi ndapota."
"Ko mudhara boe here? Hanzi madii?" Ndeumwe hwindi akadanidzira Ivo baba vaya ndokuti...
"Haghhh ma1 mupfanha wangu ndatopererwawo."
Hwindi... "Kkkk haghhh ndofunga munhu iyeye akarova zvunhu akasabhadhara manje hanzi ane huro inenge yenyu mukuru ndosaka mafananidzwa."
Vainge vowanzirana ini ndavakutonyara ndakasvika pana Sibo akati..
"Manga maona saani sisi?"
Me.. "Tax driver "
Sibo... "Ko mamuchimudii"
Me.. "Akaenda nechange yangu, bhazi rauya aghh handei kumba huya kumusana."
Sibo.. "Apa ndakurema sorry sisi amNyembi ndaisaziva kuti ndodonha."
Me... "It's okay hande huya kumusana tikasara nebhazi irori ma1 edu."
Sezvineiwo mahwindi anoziva basa rawo ndasvika pabhazi ndatotsvagirwa pekugara nemwana pakanaka takabva tapinda mubhazi ndokudzira kumba.
Maricho akachitanga kunetsa ko vanhu vakanga vava kuitaka vachikohwa. Chandakazviudza ndechekuti ini ndakakundikana kuenda kuchikoro asi vana vamai vangu vanotoenda chete. Ndakapinda murudo naSydney paya apa aitova nedzungu rekuda kuroora ini wacho ndaiva ndatongoti chauya chauya ko kurivara zvangu kuti humhandara hwakaenda nedusvura. Takadanana kwenguva diki asi zvaakanga andiitira zvikuru ende aitovimbisa kudarika ipapo hapanoi rimwe zuva ndadokerwako tichibva tashaisha kutamba zvedu ini wacho kana kumbovhundukira zvangu. Ndakazongoona munhu ati kwindi ini ndokuti...
"Ko chii?"
Sydney.. "Wakamborara nani?"
Me.. "Hapana, kunze kwababa vakanyepa kuti vanobhadhara mabills aSibo vakazotiza chete hapana mumwe."
Sydney.. "ukadii kutaura kuti hauchazi mhandara."
Me.. "Aghhh zvakatoitika manje manje pakatyoka Sibo gumbo paya iwe"
Sydney akatsamwa zvandakaona ndega kuti apa hapachina hukama. Yes kubva ndichiyaruka handina akanga ambogara neni pasi akandiudza kukosha kwehumhandara ini zvekuti ndakatoshaya kuti chii chanyanya kumutsamwisa ipapo maitiro akangoita taxdriver ndiwo aakatongoitawo chete kungoti zvataxdriver zvairwadza zvekutobuda ropa iye zvake hazvina kurwadza. Handina kuita shungu nazvo ini ndakazviendera kumba kwamai vangu.
Hupenyu hwakatanga kutooma ende maricho akanga asichawanikwi zvekudaro Shawn ndiye aitomboti wanei ekufudza mombe asi ini ndaisada izvozvo ndaitoda kuvaitira ndini.
Kana mazogara munhu ari nyore kukubatsira munhu rume asi vazhinji vacho vanotozongoguma vasvika iko kwazvakarehwa ini ndega ndakatoona kuti nguva yandakanga ndaveri yekushaikwa kwemaricho hapana chimwe chinhu chaigona kundipa mari yekuraramisa vana ava kunze kwekutengesa muviri wangu ende ndaityeiko ini ndakatombo rarwa nemunhu asina chaakandipa zvino apa ndakanga ndachingwara zvangu. Ko iye Sydney zvake ndaisangana naye nguva zhinji ndine maface akasiyana siyana ndiri kutaura zvekuti ndakanga ndoshanda neane mari musi iwoyo zvekuti ndiwe wandakarara naye nezuro zvakanga zvisingashandi kana iwe usina mari. Paakaona kuti zvava zvemari ndakaona oita achidzoka ndikati shaa pano chinotonga imari yako kwete zvimwe zvese izvo.
Ndakaita zvangu bhururu wangu Neria ava vanga vava masenior zvavo iiii mwana aiita mari zvake iyeye chokwadi munhu kutonotora passport yekuzoitira kuti kana awana vemagonyeti vaya. Ende aitovawana zvechokwadi kana ini zvangu handingashori nditori nenguva yandaizvituka kuti chokwadi kusaziva kufa, ndaizvisakadzirei nyama yangu ndichiswera mumaricho iko kune zviri nyore kudai.
Mufaro wakavapo pamba pedu, vana vamai vangu vakatanga kuenda kuchikoro nenguva, vachidya chavanoda vachipfekawo zvavada chikafu kutorasawo mugomba. Rimwe zuva ndaifamba zvangu ndakapfeka imwe min skirt yangu yandaida iyoyo ndaiti ndikaipfeka ndopinda muroad varume vaitogumburwa chete. Ndakanzwa vamwe vakadzi vachitaura hanzi..
"Imi mwana uyu atopanduka mambozviona apa mwana mudiki mufunge handifungi kuti kana kumwedzi kati kaenda aka, mwana akakura zuro uno ava kuita kunge joki rekare kare kudaro nhaimi?"
"Uyo mwana uyu haisi mhosva yake moda aite sei? Izvezvi imi mongosiya vana nhasi no support menge muchida kuti vararame chirudzii nhaimi. Kakamboshinga wani, kachiita maricho asi zvikaramba."
"Imika ndivo vana vatanga kusiiwa vega here tisiyei zvedu muri kudaro nekuti haasati akusvikiraika kwenyu. Uyu atotora mweya wamai vake chaiwo handiti kutotiza muno kwavakaita inyaya yekusanganisa varume vevanhu."
"Haghhh izvo hameno kana vadawo chana ichocho. Ini zvangu nyaya iri pakuti kune kusiya vana uchivatumira zvino uyu mwana zvinonzi mai vake havatotumiri chitongotii tototyira zvirwere haghhh akakusanganisai mese munoguma mava boe."
Ndakaseka zvangu moziva, ivo mai vaitaura zvekutya chirwere ivava murume wavo aitondinetsa asi ndakazenge ndanzi naNeria ndisanyanya kutamba nemadhara emunamisha. Sekuziva kwenyu ungava musika ,shop kana company unototangira pasi uchikwira neniwo pane pandakatanga kuona kuti ndaiva ndava kuita ndichikura mubasa rangu haghhh ukaona wava kutorwa uchinorova vhiki uri muhotera ungashora here kunyanya iwo madhara aya aibhadhara zvekurevesa. Iko Harare uko Bulawayo ndaienda imi naicho chibasa icho chiya vamwe vakanga vava kutofunga kuti ndava cross border izvo kupi kkkk naiwo mafuta ndaiva ndongozvitengera ko kutoita yellow borne zvangu kutofamba ndichidadzwa kutonzi kedha wani.
Ndakaita zvangu imwe boyfriend, ndati munhu iyeye aindida ndiye aiva ava kutobhadhara fees yevana aigara maGutu so aiwanza kundidana maweekends ndopedza weekend yese ndiri kumba kwake ko iye aitodaka zvekuroora. Ndinorangarira kuti akandidana iri Thursday ndipo paakandifonera akati andisuwa ende paakafona ndaitova kumba kwaSydney so ndakapedza naSydney akandipa mari yangu ndakangoti Mwari kudzwai ndawana chekusiirawo vana. Ndaiwanza kuti kana ndichibuda ndoda kusiya vana vamai vangu vaine zvakakwana nekuti pain yekusiiwa usina zvakakwana ndaiiziva. Ndakaudza team rangu kuti ndakuenda kubasa ndokubuda zuva rovira ndokunokwira chimota kuenda kwaGutu. Ndakasvika asipo ndokutopiwa makeys neaiva asiirwa kwava kupinda mumba ko ndaiva ndotozikanwazve handifungi kuti aiva nemumwe musikana kunze kwangu.Ndaiva ndakatoneta zvangu Sydney ndaisamunzwisisa anenge aiva ava kuita zvekundimwira mishonga uyu. Ndakangoti rare mbichana Antony achibva asvika. Takatobika ndokudya ndokutandara zvedu tichirezvana kusvika tarova basa redu zveshuwa akanga atondisuwa nekuti ndiye munhu wandaiziva kuti ndinongodya mari yake mahara asi musi uyu aiita kutouya zvekurevesa. Akarova marounds ake matatu ari strong ndokubva arara zvake.
Kuchiyedza ndainyatsonzwa kuti nyama dzakaneta veduwe saka ndakaona Antony akarara ndikati rega nditomborarawo zvagara aiva nehunhu hwekuti kana ndiri kumba kwake aizoenda kubasa zuva ratokwira chaiko.
Dzakanga dzatova past 10 ndipo pandakaona kuti ainge ava kufanira kuenda kubasa saka ndakamuka ndokuisa mvura kubathroom sezvineiwo pakabva patosvika friend yake akabva ati...
"Gulez madii? Ndabva nekubasa kwemukomana hanzi haasati asvika kune munhu ari kumudaka uku."
Me.. "Ndiri boe zvangu pindai arimo, kurara zvake."
Him..."kurara nguva dzino makavanyanyira kani?"
Akapindamo ndokubuda achinditi..
"Imi munhu ambomuka kuseni here uyu?"
Me.. "Aiwa kuseni haana kumuka, ko hindava?"
Ndakabvunza ndichishamisika nekuti uyu akanga angobata muchiuno akaruma muromo akatarisa mudenga. Ndakapinda mumba muya wanike.....
End of chapter 17
MAFREE CHAPTERS EDU AGUMIRA PANO KO IVO BABA VANYEMBESI VAPENYU HERE NHAIMI?
KO IVO MAI NYEMBESI ZVINOSHANDA HERE ZVEMAPOROFITA ZVAVARI KUDA KUITA KUTSVAGA MURUME?
KO NYUCHI DZABVEPI MUMBA UYE ZVINOPERA MUSHE HERE?
KO BOYFRIEND YASISI NYEMBESI YAONEI FUTI?
_INI SEMUNYORI WENYU NDINOKUMBIRAWO RUTSIGIRO RWENYU. ROPAFADZWA IWE UCHATSIGIRA._
KUNE VACHATANGA KUPINDA HUYAI MUNONGO BHADHARA👇🏻
*$1 ecocash*
*50 zig ecocash*
*1.50 airtime yemufoni*
*60 zig airtime yemufoni*
*$2 scratch cards buddie or net1*
Ecocash number 0773669548N Mushamiri.
Kana waisa mari yako huya kuinbox yemunyori neproof of payment screen shot nezita rasender mari pawatsap number +263⁷⁷³669⁵⁴⁸
Vari kuSA munotenga 20 rand voucher mounza pic revoucher yacho pawatsap number ➕2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣7️⃣3️⃣6️⃣6️⃣9️⃣5️⃣4️⃣8️⃣
Mavoucher anodiwa ndeaya
Ott voucher
Blue voucher
1 voucher
Dzimwe nyika huyai uripo mukana wekupedzisa book iri.
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
71