
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
February 18, 2025 at 08:16 AM
*Huya unzwe Chinyowani chichangoburwa naMama Tay. Chichiri kudziya ichi usasarire pane nyaya apa*
https://whatsapp.com/channel/0029VafvdchAzNc4qxN9BW3Z
*Garira Muchannel usazorasikirwe nebook and also for more updates plus book sometimes hariuye kumamwe magroups due to data and network issues*🥹❤️
✨My Childhood Friend✨
A story Created and Written By:
Mama Tay Aka Evernice✨
Edited by: _Nitah_❤️
Chapter1
Muno
"Saka nhaiwe munopa unoreva kuti ukuregerera mukomana wepagogo Hove kudya here" said mama ndikaramba ndakavanyararira hangu because havanatsozive how much that guy mean to me.
Kubvira ndichikura handina kumbobvira ndaita imwe shamwari kunze kwake iye Munashe ndiye shamwari yangu kubvira nekubvira zvino apa ainge azotorwa nevabereki vake kuenda kudhorobha achindisiya ndega ndaizozvigona here asi. Paakaenda ndakaita kubongomora mhere but chekuita painge pasina akabva andisiira kamwe kajacket kakanaka kandaigara ndakamukwereta kwakuti
"Munopa my besty wosara uchindifungirawo apa hanty?ehe usazokanganwe kuti kuna Mumue childhood friend and udzidze nesimba ugozouyawo kudhorobha xaaaz. I'll miss you" ndiwo mashoko ake ekupedzesera umwe munhu otoona sekunge zviri easy,ringadzika sei kana ndangosara ndega ndega kudai.
"Mama ndipei henyu sadza rake akazvimbirwa uyu sure zera rake kuonekwa achiramwira mukomana Sadza" said Miriro anove iye first born mumba medu uyu haamborina basa nezvakawanda chingori chimu l don't care zvacho now iform six eee zvimwe zvese angaite but pafazh ndivo varidzi.
"Miriro chiiko newe kuita majokes paasingadiwe can't you see umwe wedu is in pain. Sorry henyu sis Muno anodzoka Mumu handiti kupi kwacho kwaangagare asati auya nepfuma yangu"
"Mxm mese pano hamubatsire iwe Miriro ooh sadza racho unatsodya ukore tsereki handi ndizvo ukuda. Uyuwo anozviti hanzvadzi yangu busy kungofunga mari moda ndikuudzei sei chaizvo kuti Mumue is my friend. Iwewe Malvin zvikanzi Ronaldo aenda nhasi rinodzika here ipapa. Mhamha talk to your children please" ndakatodaro ndatsamwa vanhu kungoda kuita majokes paasingadiwe.
"Ini ndibvisei munyaya dzenyu hangu ini yuwii ko ndina Sahwira here wekuti mungazoti zvingandiwana. Atete dai matodya mungatirwarire mukazototipa stress yemari dzechipatara futi" said mom ndikabva ndasimuka kuenda kuroom kwedu kwatinorara naMiriro since imba yedu ine 3rooms apa ndomutendawo murume anozviti baba vedu uyu ndipo akatombofungawo. About my father variko zvavo enjoying his money nemukadzi wavo isu vamwe tichitambura kuno kumusha. Vamwe vangu ndivo vanotombotaura nezvavo but to me he is dead.
Ndichisvika muroom medu ndakaenda pachiwardrop chedu ndikabuditsa jacket riya kwakuripfeka misodzi ikayerera saka sure Mumue atoenda here. Handizive ndakabatwa nehope sei ndakatozoita kupeputswa naMiriro achindirova rova
"Nhaiwe Mirie chiiko amana wakazotanga rinhi yekutamba tichirovana why can't you let me rest in peace"
"Iwe iheartbreak here yakakurova kubva watokanganwa kuti nhasi iMonday kuchikoro. Muka hande unogeza apa you should be grateful ndakuisira mvura"
"Eish maitabasa masivanda kutokanganwa zvekuchikoro huh iyi inonzi heartbody and soul break kunyangwe ndikazonzi ndaita mukomana haambogone kundipa heartbreak yakadai"
"Huh sorry mafana you'll be okay hanty iwe zvingorwadza kuti munhu wawaitamba naye since Childhood ozongoenda maone. Chienda unogeza l think Malvin atopedza ndiwe wega wasara" ndakabva ndatomhanya kunogeza ndikadzoka ndichichinja ndikazononwa tea nembambaira dzangu sezvo vamwe vangu vanga vapedza vatomirira ini taidzidza tese pasame school ipo pamutungagore high tichigara kwachipenzi.
Takaoneka mom tikabva tatopinda muroad kuenda kuchikoro and day iri ndaitongove low low even muclass ndandajairaka Mumue aripo dai so nditori kumabook 5 manje apa ndave ndega
Ndakaswera muclass even pabreak time ndaitove busy nemabooks angu ko handiti handina imwe shamwari. Vanhu vaingonditarisa ndoona vakutaura tuzeve zeve but to me zvainge zvisina kana basa. Lunch ndakaenda hangu kumaupper ndichida kunoona sister yangu ndinzwe
"Aaah wauya kusotaimira Munashe zvino akaenda waiti zvosvikepi" said umwe musikana ainge ane crush naMumue but ndakazvivharisa ndaudza Mumue magames ake ese so kubva ipapo anga andivenga
"Ati ndikutaimira Mumue ndiani. Munashe ishamwari yangu saka handingatadze kuziva kuti akaenda usandiitire dzungu"
"Munozvinetsa sis saka unoti Mumue ndipo paacharamba achikuona seshamwari yake sure amuHarare mune type netype yevanhu apa veclass yake. Zvehushamwari zvakatopera aika"paakadaro hameno hasha dzakabva nepi ndakabva ndangonovhura door remuclass mavo kwakusvikonomudhonza necollar
" utaure zvaunoziva wanzwa Sasha. Munashe is my childhood friend haafe akandikanganwa even if zvikanzi awana dzimwe shamwari I'll always be his number one not zvako zvekuda kundikwidza bp yangu yakakwira kare" ndakabva ndatomusairira ndakuchema ko zvevanhu vanotaura zvisina basa ndombozvida here.
"Haiwawo tibvire apo wakutyazve kuti nhamo yepaden penyu yakunatsobuda handiti waimbovharidzirwa naMunashe. Mxm buda muclass medu tone ukunhuwa" ndakanyara fani ndichinzwaro ko handiti chaive chokwadi here Mumue ndiye aitondicover zvekuti ndaisaonekwa kutambura kwangu but handizvo zvandaichema manje apa zvakuita sekudaro. Ndakangobuda hangu muclass macho uku misodzi ichiyerera vanhu vemuclass macho vavakutondiseka. Ini hangu I'm not that type inoti ikanyanyosekwa or kupopoterwa ndochema like ipapa ndakatadza kuzvidzora.
"Ko iwe ukuchemei tatichitokutsvaga kuti tikupe chikafu makuseni momz yatipa mari hanzi tigotenga chikafu"said Malvin achitondibata ruoko apa anga ana sis Miriro. Kutozondidaro ndakabva ndatoita manyemwe kwakutanga kuridza mhere
"Muno xaaaz chinyarara utiudze ukuchemei hona wakuita vanhu vese vatitarise" said Mirie zvikanzi naMalvin
"Zvekutariswa hazvina basa izvo Muno tell us chii chakuchemedza udza ini baba vako handi unoziva handina nyaya inorara kuseri kwedoor"ndakatadza kutaura ndichichema zvikanzi naMirie
" huh its obvious inyaya yaMumue ikumuchemedza but now takuda kuziva kuti ndiani ane zvivindi iyeye zvekuchemedza mupfanha wangu. Munopa itombomira zvekuchema undiudze chii chaitika tone hazvifadze kuona uchichema kudai" ndakavatsanangurira zvese ndikaona Mirie ainge atsamwa kwakundibata ruoko
"Sis ingosiyanai nazvo please zvenoise hazvina zvazvinobatsira izvi"
"Munopa nyarara kana usina something chisvinu chekutaura hure iroro ndotoda kusiya ndanoriisa panzvimbo paro ndiye ani anoswera kutaura zvenhamo yekumba kwedu as if we applied for it mxm vanhu vanondipengera ndovandoda"
"But sis..."
"No but Muno nyarara chete iwewe rega uchijairirwa You're too soft mhani rega Mirie anopedzera munhu nxaa apa kaSasha kacho kachibage zvako shit mhani" said Malvin ndikamboda kuseka manje tainge tatosvika muclass macho Miriro akaita kudzemura Sasha mbama paakada kutaura futi akapihwa imwe zvikanzi
"Une lucky kuti tiri pachikoro but next time ndinokusiya wakumukira kuchipatara ndiwe ani anoudza mupfanha wangu zvenhamo as if takasigner mapaper ekuti toda nhamo. Yes tinayo nhamo and We're cool with it as long tiri kuuya kuchikoro and tisiri kufamba takashama hapana chakashata wanzwa here iwe" akangogutsurira musoro achibva aita kujungwa jungwa hanzi
"Aiwazve asikana natsodairirai handiti pawanga uchituka mupfanha wangu wauchinatsolouder saka ezvino chii chanetsa. Ndati wandinzwa here"
"Ehe ndakunzwa Miriro"
"Good ukaona mupfanha wangu unotofanhira kumurespecter otherwise ndokubvisa zamu" team rese rakaseka zvikanzi naMalvin
"Plus kana munhu wakashata usaganze nhaika asikana. Usati handizive une maprevious naMuno but izvozvo hatinei nazvo hedu coz togona kuzokunyadzisa takutaura dzekubvisa nhumbu plus kurara naSir Mahachi" kuzodaro team rese rakabva rangoti huh ini ndikamhanya kudhonza Malvin coz munhu wacho ane hana nhete.
Takazoenda vakandipa chikafu changu aingove mabhisvo nedrink ndikabva ndatoenda kuclass kwakunogara hangu ndega and mabhisvo acho ndakatodya anenge 3 achiramba kudzika ndikangofunga Munashe. Pakuenda kumba ndini ndakaita number one ko muroad ndaingove ndega ka. Mhamha vakatoshamisika vachiona ndichikasira kusvika
"Aaah ko shumbakadzi matodzoka kuchikoro"
"Ehe mhamha maswerasei"
"Ndaswera bho ini atete hanziiko kukasika kudzoka kumba"
"Nothing mom asi hamundide pano nenguva"
"Kana ndozvandinotoda izvozvo chitoita uwache uniform yako unondibatsira kutakura matengu angu eMango pambuya Zimunhu apo" ndakabva ndatopinda mumba fast ndikanowacha mauniform angu nekudya kwakunovabatsira hangu tikazosvika ana Mirie vadzoka apa vanhu vari busy kurwira poto yerice kana ndimiwo apa ndandatosiya rakawanda coz handina kumbodya zvoenda kure.
"Hezvo asi mukati vana VaMalvin makanatsokwana here chokwadi kurwira rice sezvinonzi matanga kuriona nhasi" said mhamha vachiombera maoko ini ndainge ndanatsoita kugara pari pasi ndichiona hangu drama remahara iri
"Ko iwe Muno wakatogara tsvee kubata vamwe vako vana imi munondinyadzisa haikona"
"Ndiregei hangu ini nditone stress dzangu ndombowana time yekubata vanhu vakuru vakadai ngavaurayane tidye macabbage zvipere"
"Mhamha handiti mamuonaka mwana wenyu anenge achitoti ngazvife manje fire hatife 2030 tetichiko" said Malvin ndikashaya fight yazopera nguvai munhu akuwana mukana wekutaurisa
"Ukutaurisa Miriro achitopedza chikafu chacho haahaahaa little bro kwana iwe"
"Munopa tanga wafunga tikafa unorwirwa nani iwe uri gwara. Momz mwana wenyu anobhowa uyu kungochemedzwa nevanhu mxm hameno zvikanzi ndapedza achaita sei"
"Haiwa hanty paukupedza kunyora ndendichipedzawo kana ndabook 5 baba vangu ava varipo to fight for me"
"Mxm unorwara" takaseka tese haiwa kungotaurawo but vanondirwira chete ava. Vakazosuka vakutoseka havo kwakuuya vachibatsirana kubika ini ndainge ndakagara ko handiti ndine stress here. Takadya tikabva tambotandara kwave kuzonamata takunorara. Patakasvika kuroom kwedu ndakabva ndatofunga mabhisvo angu nedrink ndikazvibuditsa apa light tatadzima ndofunga sistran dzakanzwa pfaa iya yemaMirinda ndinzwe
"Hiiii Muno saka wawakamirira kuti ndirare kuti ugozodya ndipoo shamwari eish ipapa ndandichishaya ndodii ndandakadzipwa"
"Ifa ka ndione ukutaura chokwadi"
"Usadaro Muno ndiri sister yako ini" akandinyengerera kusvika ndamupa wani ndikazosiya zvandaida kupa mhamha vangu ko uyo mutemo ndikatodya ndomaker sure kuti pasara chamom zvasiyana nevamwe vangu vanozoyeuka vaguta...........
End of chapter
❤️
🙏
5