
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
February 18, 2025 at 05:09 PM
Our main whatsapp group
https://chat.whatsapp.com/GJ1fPGPEacsAjnWbmdLa5n
Vanoda zvekupa macomments
https://chat.whatsapp.com/K4tAaptQR9QIvVUTodvmtu
Join us kufacebook towanikwa zvakare
https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share&mibextid=NSMWBT
Kuti usasarise Uchida kubva pa1 Gara wapinda muchannel
https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07
💘💘💘MARINA💘💘💘
A ROMANTIC SHORT STORY CREATED AND WRITTEN BY
TENDAYI AKA MAI MUKU # MUZUKURU WACHIHERA
A FRIEND OF THE ENVIRONMENT # NATURE🌳
+2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣
EPISODE 2
BLUE JAY
Ndaona papera katime pasina action yaitika ndabva kuruka nhema hangu that's when l decided kuita zviite. Handaida kuti zviite easy so l faked a call kubaya keyboard fon iri locked ndokutanga kutaura ndega hangu fon iri panzeve.
" Hello yes it's Blue l think vanhu vari paduty kusecurity vakanganwa zvavavinga. Lift radzima about 15 minutes ago nanhasi takangovharirwa. Okay do so thank you."
Ndakaona babe kutura mafemo akanditarisa ini ndokudzosera fon yangu pakare. Pakapera 5 minutes pasina action yaitika ndokutanga kunyepera kupopota hangu ndokutora fon yangu and this time l called security zvemasure, ichingodairwa ndokubva ndatoisa paloud and said....
" Please do something about the lift tisati tasuffocater mweya wakutiperera."
"Yes sir on it."
With that said l knew nyaya yangu yakugadzirwa ko pabasa ndongotaura muromo 1 handidzokorore zvakare. Vanotonditi a man of one word yes hatitambe pabasa toita zvekushanda tozotamba panze. Nejust 1 fon call zvese zvakatanga kugadziriswa zvekuti malights akatanga kubaka kureva vaiva vakugadzira. With no time lift rakatanga kufamba ndokunomira nekuvhurika tasvika. Tichingonoti panze babe akamhanya kunondimbundira zvakaita ropa rangu rimhanye kwese kwese kusvika kutsoka.
" Thank you so much sir pasina imi hamheno taizobva nguvai pano mamiramira."
" Sure thank you my guy wabatsira nhasi ndaizononokesa kumba zvikaenda nepamwe vamwe toverengerwa maminutes. Shaaa l am sorry nhasi handikwanise kunokusiya ndobatwa necurfew wangu."
"It's fine ndokunzwisisa ndokwira macombi futi pane pandoda kupfuura napo."
"Curfew kupi futi iyo covid yakapera kare asi mogara kuheadquaters kani?"
" No wangu madam zve kumba married life."
Oooooo zvakaoma kutya mukadzi kudaro it can never be me yooo l love my freedom. Ndichinzwa zvekuti haasi kuenda nebabe ndikati ndaita manyemwe hangu mwana wevanhu kwakubva ndatoshandisa mukana. Ndakakwenya kamhuno ndokuoffer babe transport akamboda kuramba but l am Blue Jay l don't take no for an answer. Takakabva pabasa ndatone babe mumota paye ndakutofunga kumboenda naye paPlaka kumbonwa drink ko handiti aiva ati haasi kunanga kumba direct. Tasvika paye ndakavhura door kwakumutarisa hangu ndokuti.....
" lni ndasvika handizive kana uchida kumbonwa drink wozopfuurira or une mamwe madeals?"
" It's fine ndozvanga zvitoriwo mubrain dzangu l had a long day so l need to cool down stress nedrink."
Ichoo chirauro chakabva chabata gwaya chairo pakati kati pedziva zvisina stress. Takadungamidzana takananga mukati segentleman ndokumutengera gin nekumutambidza. Akatambira ndokutenda hake achibva anwa ndokuti..
" How did you know kuti ndikuda kunwa gin?"
" Semunhu ati aneta akuda kumbocooler down l just assumed kuti gin is the best medicine. By the way unonzani nhai chimhandara chokwadi ndingarohwe naamai vangu kuti ndaona musikana akanaka ndikamusiya achienda asina kundipa zita rake."
"What will she do kana ndikasakuudza zita rangu ukaenda wakadaro?"
" She will make me write l am a man a thousand times after that ndorohwa nemugoti."
" Wooow vari serious but cool, ndonzi MARINA and you Blue ndozita renyu here ndanzwa muchidaro pafon?"
"Marina cool name, are you a mermaid?"
Akabva aseka hake mwana wevanhu chiona nyemwerero zvayo her name really suits her personality. Ndokubva ndamudaira zvangu ndichimuudza kuti Jay was my surname and Blue my name repachitupa chairo. Vanhu vakawanda vanofunga kuti inickname but no that's my real name yandakapihwa nababa naamai vangu. Tiripakati pekunwa hedu tichiseka ndakabva ndarohwa bendekete ndokucheuka ndakatocharger kuda kuona anondisaiza pane babe kudaro. Ndakazviseka chibhakera chagumira kumhepo ndaona ari Craig shamwari yangu. Iye wacho kubva atoseka hake aona disappointment paface pangu.
"Blue unotogara wakagadzirira defense haaa wakapenga wangu, how far?"
" You know me paterritory yangu handidi mashura ndoita hondo."
" I can see wakapenga wangu yamazuva ese pick and lick handiti?"
" Haaaa no not now but zvikafamba bhoo togona kungochitangidza. Unoziva wani l am a real son wababa vangu."
" Do you Blue ini rega ndimbotsvaga hangu chekunwa hangu ndishaike panzvimbo vamwe takamirirwa kumba."
" Iwe baya sure muchangoroora kaimi isu vamwe tovata muno, kutandara pungwe kusvika kwati ngweee."
Craig akangonditarisa nekubva atoenda ini ndokuita continue patasiira naMarina. Takanwa tichiita nyaya paya kusvika babe azoti akuda kuenda paden. Takatenga rekufamba tichinwa asi ndakazopa babe rese ini ndabhoo. Muroad mese ndaigaya horror hangu kuti ndomupinda sei mwanasikana ndirare ndadya muchero but ndaishaya pekutangira. Akandipa madirection kusvika tasvika ndokumira pagate.
" Thanks Blue l am a bit relaxed l hope to do this again safe journey. "
Iwaya mashoko mashoma aireva zvakawanda, mwana wevanhu aisada kupinda neni mumba make uye akatondidzinga pachikuru. Semunhu aonera maths yake hake ndakadaira ndokumusiya achienda but ndakati asiye number. Iyewo obvious akatapirirwa neni akandipa ndikaifona ikatorira. Ndakarova u turn ndodzoka kwandabva since ndaigara opposite direction. Nemufaro ndakananga paden straight nekunoisa mota mugarage. Ndakaburuka paye ndokunanga kudoor. Ndichinorivhura ndiye dhuma naAshy achibva anditambira laptop achida kunoti hug akabva amira ndokuti...
" Babe don't tell me wanga uri kubhawa ukunhuwa doro, since when kunwa doro hubby?"
Oooooo shit kufarisa ndokuziva ini ko ndazofarira Marina kusvika pakukanganwa kuti kumba kwandakuenda kune mukadzi. Ashy anoziva murume wake asinganwi doro zvachose ari saint. Apa paiva pakuda plan b nekuti my wife was waiting for an explanation svinu chaiyo.
End of episode 2
So Blue Jay is a married man........ poor Ashy.
❤️
👍
😂
😮
😢
🙏
37