TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
February 19, 2025 at 04:39 PM
Our main whatsapp group https://chat.whatsapp.com/GJ1fPGPEacsAjnWbmdLa5n Vanoda zvekupa macomments https://chat.whatsapp.com/K4tAaptQR9QIvVUTodvmtu Join us kufacebook towanikwa zvakare https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share&mibextid=NSMWBT Kuti usasarise Uchida kubva pa1 Gara wapinda muchannel https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07 💘💘💘MARINA💘💘💘 A ROMANTIC SHORT STORY CREATED AND WRITTEN BY TENDAYI AKA MAI MUKU # MUZUKURU WACHIHERA A FRIEND OF THE ENVIRONMENT # NATURE🌳 +2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣ EPISODE 3 ASHLEIGH Nhamo yekuva munhukadzi yakaoma chokwadi. Hauna kana zororo everyday same routine kuswera wakamira kusvika ridoke. I wonder nebusy yandinoita ndichiri 1 ko ndikazoita mwana ndokuvara nekufondoka chete. Kubva zvandaroorwa naBlue ndakangoenda kubasa kwegore iroro chete ndokutosiya. Next year yacho hubby decided kuti ndichirega hangu kuenda kubasa since aiva apihwa promotion kubasa. Mari yaaitambira was enough kuraramisa ini naye pamwe nekuita masavings for the future. To me it was fine handina kuona paine problem nekuti handina chandaishaya zvangu kudya nekupfeka Blue would support me. Despite kuva stable financially, there was a problem. My husband wasn't ready kuva nevana, kwaari aiti zvaizoderedza rudo pakati pedu. Semunhu akarairwa natete nambuya paakabva kumba kwavo ndakangoteerera. Ndakakura ndichigara nababa nehanzvadzi dzangu 2. Admire akaroora ndiri form 3 then Adrian akazoroora ndava muform 6, so ndakakura ndakakombwa neboys. Zvinoitwa mumba necouple handaizviva nekuti ndakakura ndisina amai nababa vangu amai vakafa ndiine 4 years. Up to now baba vangu havana kana kuzoroora vakangozvigarira zvavo pamba pavo now vakapihwa vazukuru kuti vawana wekuita naye nyaya. So pandakaroorwa anatete vakandiudza zvese zvandaizotarisirwa kuita ndava mumba. I still remember their words vachinditi. " Ashy mwana wedu waroorwa watokura hauchazipwere. Chikumbiro usanoshooresa dzinza redu nehunhu hwakafumuka. Mukadzi akaroorwa anova pasi pemurume wake anoteerera zvose zvinodiwa naye. Kukuroora it's a sign yekukuda nekudaro his word is final. He is your second father obey him and respect him always. Avoid mafights netunhu tusiri necessary kana pane chawaona chisina kukufadza chaaita tauriranai murugare worega kuita mamoods. Be submissive to him even Bible rinodaro. Kuchurch kwemurume wako ndiko kwakowo. Chero akafuma ati akuda zvekumasowe tevera ikoko ndiye musoro wemba. Murume wako ngaive best friend yako zvinounza peace. Manetsana matadza kugadzirisana nyaya inoudzwa hama dzemurume wako nekuti ndivo vava hama dzako. Kwete kuti padiki padiki wamhanya kumba kwenyu matobvako, asikana kwedu kana mouya kwava kushanya. Unotidadisa mwana wedu tinodada newe urambe uine hunyoro hwako. " Mashoko iwaya ndogara ndakamafunga nguva nenguva uye ndakababatisisa. Apa every Tuesday ndokakasika kupedza basa nekuenda kuchurch toita maprayers. AFM ndiyo church yekumba kwanaBlue hakuna kundinetsa nekuti kwedu taienda kuZaoga so zvakangofanana. Semunhu anogara pamba all the time uye asina shamwari ndokwandinopedzera nguva yangu. Kubva kwangu pamba kunanga kuchurch nekumashops but most of the time kumashops kwacho toenda tese naBlue. I love Blue so much zvekuti ndinotya kumutadzira so every word rake l obey. Kwedu kumba hakuna zvekunzi tinoenda out kunofara no. Even zviya zvekunzi kune inonzi valentines day kwedu izuva rakangofanana nemamwe ese pacalender. Mazuva ekutanga zvaimbondibata asi with time ndakazvigamuchira. Blue aindida zvekuti ndaiona Mwari vakandigonera. Kunyangwe hake aisaenda kuchurch but aisaenda kubhawa either. So as usual ndapedza kugadzira zvekudya zvamanheru hubby akanonoka kuuya. That was unlike him nekuti akaita busy aiindiudza. I just assumed kuti maybe his fon was off or akanganwa and brushed it off. Kana paine chandaisaita kurara hubby asati apinda mumba no hope dzacho dzaisatobata. After ndaneta nekumirira munhu akabva azosvika. Ndakamhanyira daddy samazuva ose asi ndakuda kunomumbundira ndakanzwa smell yedoro. " Babe don't tell me wanga uri kubhawa ukunhuwa doro, since when kunwa doro hubby?" " No no no babe you know your hubby haanwe beer. It's just ndanonoka kupedza basa there is this project yandanga ndichida kupedza nhasi nekuti ikudiwa mangwana kuheadquaters. So ndaona kwakusviba ndisati ndapedza l had to take an energy drink. Ndatuma guard kuti anonditengera stings abva ashaya kwakuuya nedragon. Ndanga ndisati ndakamborinwa babe that drink smells like beer vanorinwa daily vakashinga. I tried kurinwa kuti ndisarare ndipedze work yangu but ndakundikana ndasvika pahalf only nekutozorirasa. Even ndega ndikutozvinzwa kuti mukanwa mangu idanger." " Ooooo sorry dear l hope wanyora zvisvinu but please next time gara nawo maenergy drink mufridge yemuoffice mako." " Good idea that's why you are my wife now excuse me ndinogeza mukanwa ndiwane kupihwa a proper welcome nawifey." That's Jay for you he always knows how to make me laugh. Akaenda kubathroom ndokunogeza whilst l was warming his food. Ndichipedza achiuya akangodya nekubva atonorara. Kana neni ndopakatozouyawo hope dzangu. Kuchiedza ndakamukira kugadzirira baba kuti vabude. I always make sure kuti ndoisa mvura nebreakfast not forgetting lunchbox. Iyo ndakatoiudzwa navamwene vangu hanzi Jay haadye junky food especially zvemustreet anosema. Baba vachibuda ndakasara ndoita zvangu rangu ramazuva ese. Kana warijaira hazvimbokunetsa kana nenguva diki unenge wapedza. Kuswera wega nguva dzononoka kufamba kuti kudoke. Padzanga dzava kuma3 hubby akaisa message achiti ainonoka kudzoka aiva nebasa rakawanda. Semukadzi akarongeka ndakarova kaquick bath nekupfeka zvirinani. Though ndaisaisa make up baba vakandirambidza ndichangoroorwa ndakangoisa lip gloss only. Kana dressing ndaisapfeka zvinobata no hubby haadi body yangu ive exposed. Ndavabhoo ndakabuda ndakananga kumashops kunotenga case rangu remasting nerimwe reswitch. Ndakananga kubasa kwababa ndokusvikonanga muoffice mavo. Ndichinoti padoor hana yangu yakarova handizive nei zvekuti ndakamboda kudonhedza zvandaiva ndakabata. Zvakandinetsa kuti why asi pane zvakaipa zvaida kuitika kani? End of episode 3
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 37

Comments