QUEEN ZEE NOVELS
February 26, 2025 at 05:23 PM
[2/26, 7:21 PM] +263 77 196 9067: *🥀BLOOD ROSE🥀*
WRITTEN BY
*QUEEN ZEE*
Aka 〽️agumbo
☎️☎️☎️☎️
+263771969067
*Follow our channel for previous chapters and books*
https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T
*Join the grp link below*
https://chat.whatsapp.com/JMtqk1OS11m8BYsy5WSjuF
Book 📘12
(_Based on a true life story_)
CHAPTER 0️⃣4️⃣
*MARY*
“Iwe unopenga” vakadaro gogo ndikabva ndavati
“Haa musadaro plus kwaMuvesa kwacho kwamati mabva nema guava aya andikuzive ini” ndakadaro vakabva vandi tarisa vakati
“Ahh unoraramira kunyika ipi iwe usingazive ana Muvesa” vakadaro ndakabva ndati
“Ndiri serious andivazive ini” ndakadaro ende ndairevesawo cause kukura kwangu kwese mbuya vangu vaisada munhu ano famba famba ende ndaisava nenyaya nevanhu.
Ende nyaya zhinji dzainyanya kutaurwa kunzvimbo kwakaita sekumashops or kuchibhorani kana iko kuchikoro asi ini ndaisava munhu wevanhu ndosaka. Kumashops chaiko ndaienda apo neapo plus ndaisava nenyaya dzevanhu kuchibhorani ndaisaenda nekuti pamba paiva nemugodhi kozoita kuchikoro panoungana vamwe vana waisandiwana ndiripo
Ini I will be busy nekuverenga or kunyora manotes saka nguva nevanhu ndaisava nayo.
Saka obvious mbuya vangu ava nyaya vanenge vachitodzi ziva nekuti vaishanda kumashops plus vaitobika saka zvaitova chokwadi kuti nyaya vaidzinzwa. Pandakavati apana chandaiziva vakabva vanditi
“Zvakakuomera hako vangu vekwa Muvesa ndovane macombi 2 so anenge akanyorwa kuti PM so anowanza kutakura vangu kuvillage muno kuenda kutown. Ende ndeemwana wavo mukomana last born anogara kuHarare asi anouya apo neapo. Ini ndiko kumba kwakawanikwa sisi vangu nevamwe mukomana mukuru weikoko saka that’s why ndaenda ikoko ndachitonoona vamwe ndabva ndangonzwawo kuda maguava” vakadaro ndikabva ndavati
“Zvamataura zvese apana kana nyaya dzandino ziva hangu” ndakadaro vakabva vati
“Ende mai vakaku dzidzisa zvakanaka unopfuurwa nezvakawanda nekuti kuvillage medu muno mune madrama hako” vakadaro ndakaseka ndikati
“Chero ivo mbuya avana nguva yekutaura nyaya dzekunze vanenge vangori focused nezvepano havo saka zvekunze atisvizive” ndakadaro zvikanzi naivo gogo
“Ndizvo zvakanaka isu nechibasa chataiita waitonzwa chete zvinyaya worse vakomana vekwa Muvesa vanenge vari topic yevanhu” vakadaro ende ndakabva ndatoona ndega kuti vaiva vanhu vanenge vaizikanwa zvekudaro
Takazo taura dzimwe nyaya ndivo batsira kubika tapedza takaendesera vanhu chikafu. Ende tichipedza takadyira kukitchen ende ndakaona kuti mbuya ava vainakidza havo nekuona kwangu munhu aiva hake free.
Zvakadaro takarara tasuka hedu ndakuenda kunorara zvikanzi namhamha vaya tete vana mhamha vangu
“Mary mangwana uno kwanisa here kurovha kuchikoro ndine kwandinoda kusvika newe” vakadaro ini nekuda kwangu chikoro ndakaona zvisingaite and at the same time kuva rambira futi kwaisaita saka ndakangoona kuti ndaingo fanha kurovha kuchikoro kwacho.
“Ok mhamha apana chakaipa ndorovha” ndakadaro
“Ok regai ndino rara” vakadaro vakabva vatoenda
Ende mangwana makuseni ndakamuka ndikatoita basa vakazomuka ndakupedza vakaenda kunogeza ende pavaka pedza ndakabva ndapindawo takatobuda kuenda ndisina kudya.
“Apa kwatiri kuenda apasi pano” vakadaro ndakabva ndangova daira zvimwe zviya ende takafamba hedu ndakaona takuenda pamwe pamba paiva nevanhu vaiva vakaungana paaiita sepasowe.
Ini zvemasowe zvaisava mandiri hngu nagogo taitopinda Salvation Army chaiyo church ende ndiyo church yandaiva ndakakura ndichiziva chete zvekuti masowe izvi zvaiva zvava zvimwe.
Saka apa ndakaona vandi tambidza dhuku rewhite vakabva vanditi ndisunge mumusoro hangu. Ndakaita sekudaro taka svika pamba paye takagara kusvika turn yedu yakwana.
Takasvika kukanzi namadzibaba vaye “ndino kumbirawo kuti kunongedzere kumabvazuva” vakadaro vachireva inini ende ndakaita saizvozvo
Ndaka nongedzera kumabva zuva kwacho vakabva vandi tarisa vakati
“Ndiri kuona pakati penyu nanyakutumbura apana kunzwanana” vakadaro ndakabva ndabvuma vakanditi
“Zvino mweya uri kundiudza kuti vari kuona pari kuzamwa kubatwa batwa pamusoro pehupenyu hwenyu. Kune asiri kufara nemagariro amakaita munhu iyeye ari kuzama kuti muvengwe nevamaka garisana navo” vakadaro ndikati
“Munga kwanisawo kundiudza kuti ndiani here” ndakadaro vakabva vanditi
“Andina hangu mashoko akawanda ekutaura pamusoro pemunhu iyeye asi munhu iyeye akakuvengai. Ende ndiri kuona zvee kumberi kuchaitika zvichagona kukurwadzai muhupenyu asi chemai netariro madzimai nekuti zambuko richauya kumberi. Andina munamato wekukupai asi shingai pakunamata” vakadaro ende mhamha vakazo namatirwa tikadzokera kumba
Ini ndaiva ndatoneta saka ndakabva ndadya ndikarara ndakazomunzwa nambuya mukadzi wasekuru Ranga vachinditi tiende kumaguava kuya ndikavati
“Amusi kutambudzika kani kuchimbuzi” ndakadaro vakabva vanditi
“Kana imi ndinomwa mvura hangu saka kurwadziwa andi rwadziwe” vakadaro ndakabva ndatomuka ndakavati
“Regai ndigeze ndabva kure chaiko ndangosvika nekudya ndikarara” ndakadaro vakabva vanditi
“Ok chigeza ini rega ndifane kunotanha mavegie ndodzoka ndobika” vakadaro ndakabva ndato geza ndapedza ndakapfeka dress hangu netight refu sezvo vaida kuti ndizo kwira mumuti.
Takaoneka mbuya vangu ndakabva ndaenda nambuya vadiki kumba kuya kwaiva kudhuze nekuchikoro zvekuti muroad ndaitoona vana vechikoro vaiva vabuda.
Takasvika pamba paye ndakanzwa hana kurova ndichiona mota yaiva naProsper musi uya yaka packer hayo ende munhu wacho akabva atobuda mumba aiva akabata water glass raiva nedrink mbuya vangu vakabva vati
“Ehh nhayi bamunini” vakadaro vakabva vato mhoresana naProsper uya zavakanaka zvikanzi naye
“Komamu wanepiko nhayi musikana uyu” akadaro zvikanzi nambuya
“Kana muchidaro muno reveiko muzukuru wangu uyu bamunini” vakadaro zvikanzi naiye
“Tichazo nyatsa kutaura nyaya iyi gulez koiwe Mary sei nhasi usina kuuya kuchikoro” akadaro ndikabva ndamuti
“Asi mava teacher vangu here” ndakadaro zvikanzi naye
“Ahh zvausitorina mumuromo nhayiwe” akadaro ndakabva ndamuti
“Ndezve kwenyu” ndakadaro mbuya vakabva vaseka vakati kuna Prosper
“Bamunini regai ndino mhoresa ana mhamha” vakadaro vachitopinda mumba ende ndakava tevera pamba pacho paiva pakanaka zvisingaite waitongoona wega kuti vanhu vepamba apa vangu vane mari dzavo.
Takapinda mudinning maiva makagara family yeipapo ende maiva nababa namai vechikuru ndakapfugama kwakumhoresa vamwe vaivapo ndakabva ndagara pasi
Mbuya vangu vakandipa hangu maintro zvikatonzi namai vechikuru vaiva umu
“Iwe unoreva ndiye mwana waSarah here musikana wekwaChigwada uyu akazowanikwa hake kumwe” vakadaro zvikanzi nambuya
“Ehe ndiye mai” vakadaro zvikanzi nambuya ivavo
“Ende anochengeta munhu ndiMwari zvesure mwana uyu atokura imi. Mbuya vacho ndosivaona hangu mai Chigwada vane moyo wakanaka asi mwana wavo musikana uya muhombe zvakatooma hazvo” vakadaro ende ndakabva ndatoona kuti nyaya yamai vangu taizikanwa nevanhu vakatoti wandei zvino ratidza kuti vaizikanwa nevanhu vakawanda mai vangu.
Zvakadaro takazoenda kunotemha maguava ende takapihwa kadish kekuisira zvikanzi nasis vambuya vangu
“Nhayi bamunini zvamaramba makatarisa musikana ari kutemha maguava uyu kwakanaka here?” vakadaro vachiseka iye prosper wacho akabva ati
“Ahh maiguru ndingatadza here imo mumuti mune tsvarakadenga” vakadaro zvikanzi naivo maiguru vacho
“Iye musikana wacho akanaka zvee” vakadaro vakatanga kuseka nemukadzi wakule vangu.
Ende takazombo gara ipapo takatobva time dzati fambei takasvika kumba kwakuona mbuya vaiva vatoisa muriwo pamoto vakati
“Zvino gore rino zvauchamera maguava nhayi mwanangu” vakadaro vachitaura nemuroora wavo zvikanzi naivo
“Ahhh mhayi dai zvaibvira ndaidyara muguava wacho pano manje paunozo kura” vakadaro vachigara pasi ende mimba yacho yaitoratidza kuti yati kurei
“Mhamha vako vatoenda asi vati vachadzoka” vakadaro ndakabva ndavaudza tsanangudzo dzangu vakati
“Muvengi ane godo zvesure nekuti ini ndava nema zuva ndichirota sekuti pane munhu ari kuzama kundi vharira muroom ine rima asi ari kukundikana zvega zvongo ratidza kuti Mwari watino namata mukuru uyu” vakadaro mbuya ndakabva ndati
“Asi mbuya munhu anenge achirwei neni pamusoro pehupenyu hwangu nhayi” ndakadaro vakabva vatonditi
“Rega kunyanya kufungisisa hako nekuti Satan ane kuita kwake pane chakanaka ndipo paanoda kuvhuringa iwe sezvo wandi shinga iwe chishinga ende usimbe pamunamato zvee nekuti wakaipa aripabasa” vakadaro ndakabva ndabvuma.
Ende mazuva aiva akafamba takapinda muimwe week tikaita mwedzi chaiwo Prosper ndaiva ndakusamuona sezvo ndaiva ndakaudzwa namaiguru kuti ndiye aigara kuHarare ari muridzi wemacombi that’s why musi uya ndakamuona achii driver.
Ndaiva ndisina hangu basa naye plus season iyo taiva takutanga kukanda mbeu zvekuti ndaiti ndikabva kuchikoro ndotomhanya kumunda mbuya ndivo vanenge variko.
Umwe musi vakabva vandituma kuma shops kunotenga sipo yekugezesa ndakaenda paya pakudzoka ndakaona Prosper achindi mhanyira akasvika pandaiva akabva anditi
“Mary” akadaro ndakamuti
“Makadi” ndakadaro akabva anditi
“Shaa unozo nyanya kundi remedzawo kokungonditi
“Prosper or Puro zvinoita vamwe unobvei nhayi munhu ane 24years seni wakutondi remedza kudai usadaro” akadaro ndikabva ndamuti
“Kwandiri muri munhu mukuru that’s why ndakupai respect and andione pane chakaipa hangu” ndakadaro akabva adzungudza musoro zveku pererwa
“Saka apa rega ndikuperekedze ndikuda kutaura newe shaa” akadaro takabva tatanga kufamba akazomira akanditi
“Mary ndambozama kunyarara hangu asi zvandi rambira ndinotokuda hangu so ndokumbirawo uite musikana wangu” akadaro ndakabva ndamuti
“Kwakanaka here” ndakadaro nekuti ndaiva ndato vhunduka nekuda kwemashoko ake akabva anditi
“Ehe ndiri serious shaa ndokumbirawo” akadaro ndakamuti
“Ini andikwanise musikana wenyu nekuti andikudei ende im still young hangu” ndakadaro akabva anditi
“Zvekuti aundide andina basa nazvo nekuti ini ndakunyenga ndino kuda plus pane pawambonzwa ndichiti ndide here kana ndati ndikuda uite musikana wangu” akadaro ndakabva ndato pererwa ndikamuti
“Andidi kuita musikana wako ndichiri mwana mudiki” ndakadaro akabva anditi
“Une makore mangani” akadaro ndikamuudza ndaiva ne17 ndaiva ndakango nonoka kuenda kuchikoro asi dai nditori kana form 5.
“Ukukwanisa 18 rinhi” ndakadaro
“Ok iribho rega ndiende ndozo kuona wakura andisi kuda kukudzvanyirira” akadaro akabva atoenda ndakasara ndakamira zveku pererwa chaizvo munhu uyu aipenga chete…….
Stay tuned
❤️
😂
🙏
👍
😢
😮
156