
Mai Tamia Stories
February 27, 2025 at 04:10 AM
The Past
🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥
Story written by
Mai Tamia 📍📍📍
0786677765.....app
0786677765.....call
Read📚share🤳react🔥❤️🥰😂💖
Chapter 06
Mirabell
Things where getting out of hand kumba kwangu zvekuti I couldn't take it. Sean anga asisabate kana chii zvacho chandinobika kana kurara akabva atowedzera kubuda daily achienda out. Kumba aidzoka paanenge ada hake kana akarara mubedroom haadi kugumhwa kana kutaudzwa kungodaro aibva atobuda kunorara kune imwe room, tanga takungogara takatarisana pasina anotaura nemumwe, kana kubasa ndaitopedza zuva rese ndisina kumuona kusangana kupesana in and out chete zvatopera. Kana zvikanzi kuda mwana kwacho mheno aida ndiite zvekuita sei chaizvo kana achindidaisoo.
Ndakabva ndafunga kuenda kunoudza amai vangu zvese zvaiitika nekuti ndiye munhu wandaitarisira kuti anogona kundibatsira pathis situation. Ndakabva kubasa kuseni ndokunotenga tunhu twekuvaigira kwave kupinda munzira kuenda kuye ndakasvikowana paine mwana akandirovesa nehana kumuona. I felt deep connection with her ndakamutarisisa face yake ikaita sekunge ndakambomuona somewhere asi chakandinetsa ndaisamuziva ndakabva ndati ndibvunze ndikanzwa kuti aive shamwari yaNatalie ndakabva ndaoneka hangu ndokuenda asi ndakaramba ndichifunga nezvemusikana wandaive ndaona uyu.
Ndakasvika kumba ndichifunga nezvake chete, dzamarandafunga kuzodzoka kuzonzwa kuti aive ani wekupi, ndakabva ndasvika mhamha vatori kumba kwangu vaive vandifungawo zuva randaive ndavafunga iroro. Ndakabva ndavaudza kuti ndaive ndabva kumba kwavo.
"Umm uko ndauya kuzombozorodza pfungwa Natalie ave kutounza nzenza biyake kumba kwangu"
"You mean that girl wandaona?"
"Ehe"
"Umm but that one looks innocent Mom, is she really Natalie's friend, vanopindirana papi nemhepo iye"
"Ko urikuti akaunzwa nani?", vakadaro ndichibva ndazosiyana nayo nyaya yacho ndokutanga kuvaudza zvaive pamba pangu and she didn't believe it. Vakatoramba kuti Sean chaiye angadaro nekumuziva kwavanoita ivo vakatoona sekuti ndini ndiri kungofungira zvinhu zvisipo. Ndakadzimara ndasiyana navo ndaona kuti haoana chavari kunzwisisa kureva kuti havakwanise kundibatsira.
Kunze kwakadoka Sean asina kuuya hake dzamara tatoenda kunorara, sezvineiwo akabva auya kumba ari drunk zvaitobhowa ndakamunzwa kudaidzira achiri kucar park chaiko, apa Mhamha ndipo pavaive vauyawo vachiti vauya kuzombozorodza pfungwa mukuwasha ndipo paari kuuya akadhakwa achiita kutukirira. I tried kuenda naye kubedroom ndichida kuti mhamha vasanzwe asi voice rake raive padenga zvekuti vaitomunzwa chete
.Chinzwa unzwe mashoko aibuda mukanwa make, ndakatukwa ndikadzimara ndabuda mumba macho shungu dzandibata asi haana kumira kutuka chete
"So you where serious?", vakabvunza mhamha ndikati "you heard him" ipapo misodzi yakabva yauta manyemwe kubuda ndikatanga kuchema mhamha vakashaya kana simba rekundinyaradza coz vaive vasangana nemashura avaisatarisira.
Akazonyarara pave paye tikaziva kuti aive arara mhamha vachibva vati "chienda unorara "
"Handisi kuendako mhamha Sean ave kuzvinyanya I think ndave kufanira kuudza baba", ndakadaro mhamha vachibva vati "noo ukadaro things will get worse coz, baba vako vachamudzinga pano, he is your husband so try to fix your marriage "
"Ndoifixer how mhamha iye achida mwana,"
"God will surely bless you one day usafunge zvakawanda mwanangu, just pray to him anopindura minyengetero, ukatukwa iti sorry,paatsamwa you smile, that's how we defeat the devil, simuka tienzane haivake musha mwanangu nekuti zvinoita saturn anopfeka umwe wako kuti akufurufushe ukundike chete asi iwe ramba wakatsunga inga Jobho wakakunda miyedzo wani iwe ozotadza zvidiki izvi, enda unorara nemurume wako mwanangu, ukaona akarara zvisizvo mupindure avate zvakanaka"
Vakadaro mhamha vachibva vanorara ndikasara ndichichema ndiri ndega, ndakazozvishingisa ndokupfugama kwave kunamata mwari kuti vandinzwe, ndapedza ndokuenda kubedroom uko ndakawana munhu musoro wakaita kurembera pasi chaipo, zvekuti ndisina kupinda aigona kudonha akakuvara zvakaipisisa. Ndakamugadzirisa ndokurara zvakanaka. Asi ini handina kuvata zvekudaro hope dzakazondibata kunze kwatochena ndikazomutswa namhamha vachiti vave kuenda kumba kwavo.
Face yavo yaive isina mufaro zvachose ndakabvunza kuti chii vakati hapana asi Mai vangu ndaivaziva she wasn't happy at all ndakavasiya vachienda asi ndakati ndiri kutevera ndoda vandiudze zvirikuvanetsa...............
*Mai Mirabell*
Dzimwe nguva ndombofunga kuti zvimwe dzinza rangu ritori Cursed, coz hupenyu hwangu marwadzo ega, ndoti kutiza kumba kwangu ndichiti ndizorore ndiri kumba kwemwana wangu ndosvikosangana nezvinorema worse, ndakarwadziwa hangu nemashoko emukuwasha handidi kunyepa, kutuka kwake hatingati idoro nekuti nyaya yake aiiziva yaingodzoka panyaya yekushaya mwana apa, ndakanyatsoona kuti pane mhepo yaive yapinda mumba memwana wangu worse ndichirangarira hope dzandakamurotera dziye, handina kuda kumutyisa hangu asi kumuoa mashoko esimbiso kuti ashinge asi hondo yaive yasimuka.
Ndakati ndichataura newangu mukuwasha kuseni asati abuda ndichibva ndatora gumbeze kunogaririra mudining maanobuda namo kuseni ndaisada kumupotsa asi kumupa dzidziso semwana.
Sezvineiwo hope dzaive dzatobata paakandimutsa.
"Aah mhamha you are here?", akadaro achindimhoresa hake ndokugara pasi kwave kundikwazisa.
"Ndokuonai ndadzoka ndiri kumbomhanyira kubasa" akadaro ndichibva ndati "ndokumbirawo kutaura nemi two minutes "
Akatarisa watch yake ndokuti "totaura manheru amai apa ndiri kumhanya, Sarai muchitaura nemwana wenyu asiye mapiritsi andiitiroo mwana" akabva atobuda ndisati ndadaira kana word, aive atoramba kutaura neni kaapa Sean achiti nditaure nemwana wangu.
Mapiritsi api aanonwa nhai, mwana wangu ndoziva ave nenguva achitotsvagawo mwana iyeye pane here paanganwe family planning, hazvina kundiitira mushe zvachose , coz nyaya inogadziriswa nekutaurirana asi kana aramba kutaura zvoreva kuti haasikuda kugadziriswa kaa, ndakabva ndati handisi kumumirira kana arikuda achauya kumba ondiona ndakabva ndaoneka mwana wangu ndokuenda kumba, ndakaenda nekuchurch kumbononamata chaiko ndichidza mwari nhunha dzangu.
Ndokuzobvako ndoenda kumba uko ndakasvikowana kusina munhu. Natalie utori mutoro chaiwo muhupenyu hwangu dzimwe nguva ndombofunga kuti dai ndisina kuona Mai vake paye hangu, or dai ndakasiya vakamuisa havo kuophanage, asi ndikazofunga futi kuti ndiro rega ruva randaive ndasiirwa neweropa ndaibva ndashinga ndichiti mwari vachamuratidza nzira yekufamba one day...........
End of chapter
❤️
👍
😂
🙏
8