Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
February 27, 2025 at 08:37 AM
a: *The Past* 🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥 Story written by Mai Tamia 📍📍📍 0786677765....app 0786677765....call Read,like and share 🤳 Chapter 10 Mirabell Ndakaenda kumba kunamhamha zvemazuva mashoma kuti ndimbopora, neniwo ndaitoda kumbobva pamba zvishoma coz Sean aindipa stress zvanga zvave nani hazvo asi kunovhara door chete manheru aibva atanga, so kurwara kwangu chaiko ndanga ndisisazive kuti chii maybe stress chaiyo, apa vangu Mai nanhasi vachiri kungoramba kuti Sean is treating me bad. "Mirabell I think tofanira kuenda kuchurch unonamatirwa", vakadaro vangu Mai ndichibva ndati hapana chakaipa. Uyu Natalie aive aenda kumba kune mumwe wake, I was happy kumuonawo kuti ave kugara pamba Mai vangu achivadaidza kuti mhamha zvine respect. Aive achinja Natalie zvisingaite zvinotofadza. Ndakagadzirira kuti tiende kuchurch kuAFM ndipo patiri kusvika vachiparidza nyaya yekusungira zvinhu mumoyo. He went on kusvika asvika panyaya yekuvanza vana anababa vavo, Pastor....."nyangwe akakutadzira zvakaita sei mwana ngaazive rudzi rwake anaamai hazvireve kuti ukamuudza ave kunogarako asi mwana ngaazive kuitira mangwana, ko mukafa muchisiya mwana akazoroorwa kurudzi rwake nhai amai, chokwadi vana Mai vazhinji denga muchaita rekungonzwa kuti ririko asi hamurione nekuti ndimi murikukonzera zvipini munyika, zvaitika monyarara hamuchagadzirisa pakatadzwa. Izvezvi kuparidza kwandiri kuita riripo rimwe ririkutondituka asi ziva kuti you are being selfish nekuti urikuuraya future generation, munoziva here kuti vazhinji matambudziko amuri kuona inhau dzakaparwa nevakuru, vamwe venyu vakaponda kutaura kwatiri kuita nhasi, vamwe venyu vakarova vabereki kutaura kuno vamwe ndivo vakatuka vanaamwene nevaroora kutaura kuno, vakafa vakazorora vachisiya nhau dzisina kugadziriswa, mauraya hupenyu hwevana vachateera. Umwe arikushanda pasina chinobuda izvezvi nekuda kwenhau dzakaparwa nevakuru vedu, dzinoda kuripwa, ndirikuti kana paine akapara mhaka dzandiri kutaura idzi usapedze hako nguva kuuya kuchurch nekuti zambuko racho haurioni, asi kune vana vakaberekwa mumatambudziko aya tsvagai mwari anokusunungurai. Sezvakarehwa mushoko kuti handingotongwe nemhosva dzemadzinza. Mukanamata munokunda , kana varimo anamai nanababa vakaremerwa huyai mundione mureurure mwari andirwire, usapedza nguva wakagara pabench ipapo nekuti ushe wekudenga hausvike pane munhu akasviba, hongu wakatadza nekusaziva asi pawakazoziva kuti wakatadza wakadii, ishe jesu anoti huyai mose makaremerwa , haana kuti huyai mugare makanyarara asi huyai muture mitoro yenyu........... Mharidzo yaPastor ava vakanyatsoita kunge vaitoparidza zvavo inini, and ndaive ndauya kuzotsvaga solution to my problems ndakabva ndatoona kuti he won't help me at all, ndakasimuka paye ndokubuda panzr kwave kunogara mumota ndakamirira mhamha avo vakateera pasina nguva. "Ko zvaita sei?", she asked ndikati "ndave kunzwa dzungu maybe nzara chaiyo. I need to go home" "Usina kubatsirwa manje, rega ndinokumbira ubatsirwe" "Noo mhamha as you can see ndave nani hangu ndinozodzoka rimwe zuva", ndakadaro vachibva vati kana neniwo ndichasarirei hangu, takabva tatobuda kudzokera kumba hedu ini ndanga ndatobhoikana nemapastor anonanga vanhu muchurch uyu, zvaaiparidza aizviwana paverse ripi iroro nxcaa, ndakagara mazuva mashoma kwaMhamha ndokudzokera kumba kwangu ndichienda Natalie akabva adzokawo kwavo, uyu Masline ndiye aive asisina mufaro zvachose. Anga achinja ave kungogara ari zii. Sometimes ndaitomuona achichema kumubvunza aingoti ndasuwa gogo, kuchikoro aienda daily asi anga achinja zvisingaite. Ndakambozama kutaura naye asi nyaya yaingoramba iri yagogo vake dzamara ndasiyana nazvo ndave kungotarisa hangu.till this day randakafonerwa kuti mwana aive adonha kuchikoro. Ndakazosara ndoudzwa vatomumhanyisa kuchipatara kare uko ndakasvika asati amuka ainzi Bp yake yaive very high zvisingaite. Dr vakandibvunza kuti chii changu ndichibva ndati mwana vakabva vati "okay Mom hapana need yekuti tikuvanzei your daughter is 1month pregnant, and akuratidza kuti arikufunga zvakanyanyisa zvinove zvisiri right zvachose pacondition yake" . Ndakavhunduka ndichisimuka kumutarisa Masline ini uno wave mwedzi wechi3 ndiinaye meaning nhumbu aive aibata tave kugara tese. Ko vanasikana chiiko nhai zuro uno aichema nhamo ndomubatsira ave kuita zvevakomana. Ndakangoti okay ndokubhadhara mari yechipatara kwave kuti muzondifonera kana amuka ndouya kuzomutora, moyo wangu chaiwo waive watsemuka nepakati, I never expected this from her, regai mhamha vakati shamwari dzaNatalie hapana zvevanhu. Ndakasvika Sean aripo pamba ndichibva ndangodarikira handina kumuudza zvaivepo ndaida kutanga ndataura nemuridzi wenyaya first....... Mai Jenny Hupenyu chaihwo hwaive hwazondiomera manje ndisisazive kuti ndoita sei, apa Masline wacho aive achinja number asisabatike zvachose, each and every day ndaiona Mai vangu zvekutadza kurara chaizvo vachiti bring her back home. Zvakambotanga zvichidaro dzamara tave kumuka takarara panze mumwe nemumwe nemhuri yake nemidziyo yedu yese, first day kuitika izvi takangotiwo mheno ndokudzokera mumba asi zvakaramba zvichiitika dzamara anabhudhi vadzokera kudzimba dzavo ndasara ndega ini ndaive ndatosiya ndaoneka landlord vangu vatoisa munhu kureva kwekuenda parizvino chaipo handina. Pfuma yemufi iyi kana mazogara musaiyemura zvachose, kana iye anga akati ndezvanhingi let nhingi be, zvirinani kutodya muri seri kwake zvino isu Takada kuve selfish ndokudzinga muzvinapfuma wacho now tasara pamhene manje. Mai vangu vaiuya kwandiri ndikangoisa musoro pasi chete kuvarota vachiti ndidzose mwana pamba ipapa, ndakaguma ndave kurohwa chaiko, dzamara vana vangu vese vatiza kuenda kwababa vavo ndikasara ndiri ndega ndakabva ndazvipira kumutsvaga hangu mwana wacho apa ndaive ndisina kana kwekutangira ndakatora fon yamai vangu nemari ndokubuda nekuti pamba panga pasisagarike ndokutanga kufamba ndichitsvaga kutanga nekushamwari dzake. Ndakafamba kwemazuva akawanda chaizvo asi MuBindura hapana aive akambomuona zvachose ndaitsvaga ndichishandisa mufananidzo wake waive mufon mama vangu asi mwana aisawanika zvachose, mheno kana achiri mupenyu hake. Ndakasvika pakuneta chaiko ndokufunga kuenda kumusha kunogara ikoko, ko ndainanga kupi ndosvika kupi ndichingotenderera, ndakaenda kumusha uko ndakasvikoona vakomana vakatojamuka hapana aida kundiona pamba pake they where all blaming me pane zvakaitika and vanga vave kundinanga kuti ndini ndakauraya Mai, Ndakazama kutaura navo asi ndakakumhanyiswa nematemo dzamara ndadzoka zvekare mutown umo ndakasvikirana nevamwe baba vechikuru vairatidza kuti vane hupenyu hwavo hwakanaka, ndakasvika vakamira pagate............ End of chapter [29/01, 2:53 pm] Mai Tamia: *The Past* 🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥 Story written by Mai Tamia 📍📍📍 0786677765.....app 0786677765.....call Read,like and share 🤳 Chapter 11 Masline My life was now a mess, ndanga ndatove hangu chitunha chiri kufamba panyika coz ndanga ndisisina kana value, Sean was now demanding sex from me daily nyangwe mukadzi wavo aripo vaiziva kuti handisisina marambiro nekuda kwemavideo avakatora mamwe ndichipinda mumain bedroom mavo chaimo. Mazuva akafamba ndatove sex slave pamba apa zvekuti ndakabatsirwa panga pasisina nekuti nyangwe ukawana zvese usina mufaro hapana chiripo panyika, sezvineiwo ndakabva ndaziva kuti ndave nenhumbu after buying pregnant test, ndakavaudza rimwe day ndichienda kuchikoro kuti ndizvo zvavepo vachibva vangoti hoo ndokunyarara. From that day havana kana chavakazotaura kuti ndichatii or ndichadii kana zvabuda zvinove zvanga zvakundidya moyo dzamara ndadonha kuchikoro ndikamuka ndiri muchipatara. "A child is a blessing from God zvisinei nekuti auya nenzira ipi ,usazvidye moyo iwe coz your Mom loves you unofa or kuurayisa mwana nebp yako yanga yakakwora zvisingaite" , ndakavhunduka ndichinzwa mashoko aya kubva kunaDr chinhu chandakatanga kuvabvunza kuti "saka mhamha vave kuziva here?", vakati "ehe rega ndivafonere vauye vakutore. Vakabva vabuda havo ndikasara ndichinzwa kuzvinyarira chaiko, zvinonzi chisi hachieri musi wacharimwa chinobuda chete ndizvo zvaive zvaitika kwandiri izvi. Ndozvireva ndichiti kudii ndakamira pai chaipo. Ndakafunga zvakawanda ndikambofunga kutiza asi ndakafunga zvekare kuti kana ndikatiza kwacho ndotiza ndichienda kupi worse nezvandave izvi, ndakazvishingisa ndokuti ndoenda kumba kwacho ikoko tonzwa kuti muzvinanyaya achati kudii. Sezvineiwo vakauya havo mhamha and she wasn't happy at all, vakangoti hande vasina zvimwe zvavataura I followed her to the car kusvika tasvika kumba vari zii. Ndakasvikopinda mudining ndikaona rangu bag rakandimirira zvese nesatchel ndikaziva zvazvaireva , ndakapfugama pasi chaipo ndokuti "Please Maam musandidzinge pamba I have noway to go" ndakadaro ndichikumbira vachibva vati "Who is responsible for this thing?", vakadaro vachitsika dumbu rangu negogo yavaive vakapfeka ndakabva ndatarisa pasi kushaya pekutangira chaipo, ndaingoti nechemumoyo ko dai vabudikira kaa vataura nyaya yavo but he didn't show up. "Ndirikutaura ndega here pano?" Vakabvunza this time voice rave padenga denga chaipo ndikaona kuti vaive vatsamwa zvisingaite, ndakabva ndaona zvakanaka kutaura chokwadi "your husband," "Whaaaaat?", vakabvunza vachizvikanda pasofa chaipo ndichibva ndati "vakakumbira kuti ndivaitire mwana kuti mundichengete" Handina kuona kuti vakasimuka sei ndakayerekana ndapihwa mbama yandakanzwa parere moyo, "you are the devil, chii chandakakutadzira iwewe rudo rwandakakupa unoriwana kunani pasi pezuva rino, ndakatadza kukutora handiti now you want to be the madam of the house, zvino chimira unzwe manje this is my father's house I don't want to see you anywhere close to this place again" vakadaro vachibva vati "takura zvimabag zvako izvo," Ndakabereka satchel rangu kwave kubata mornach rangu "I curse the day I saw you, I never new that my heart will lie to me like this" Vakadaro vachibva vaita kundibata ruoko rumwe rwaive rwusina bag kwave kundizvuva neni kusvika tave kunze kwegate. "I don't want to see you anywhere near this gate again, and i curse the day I took you as my daughter " vakabva varivhara gate mumaziso mangu ndikasara ndichichema. Inonzi dai ndakaziva haitungamiri ndonanga kupi ndichibva apa ndoona ani ndichibva apa. Ndakavavarira kufamba ndichibva pagate iri ndokuzozorora ndave chinhambwe ndichifunga kuti ndichananga kupi, ndiani umwe wandichaona achandibatsira ndianizve umwe wandichaona achagona kundinzwisisa, ndakabva ndafunga Natalie kwave kumufonera achibva ati "I never new that ndizvo zvauchazondiitira Masline I helped ndichitarisira kuti uchaitawo zvakanaka, anyway call baba vemwana wako kaa handiti makawirirana kuitirana mwana" akabva akata ndikaziva kuti nyaya yangu yaive yasvika kumba kwavo, haana kana kundipa nguva yekutaura zvachose. Ndakafunga kufonera muzvinanyaya ndokufunga kuti ko kana vari vese naadzimai vacho vanozofungei pamusoro pangu ndakabva ndato kwete ndokusiyana nazvo kwave kutodzima fon yacho ndanga ndisisade kuramba ndichiudzwa mashoko anorema....... Mirabell Kurera imbwa nemukaka inofuma ichikuruma that's true, handizivi sei moyo wangu wakasarudza kundinyepera, mwana uyu ndaive ndakamuda nemoyo wese yangu heart yaindiudza kuti there is something special about her, I took her in as my daughter handina kuziva kuti ndirikutora munhu achazondirwadzisa zvakadaisoo. Mabag ake ndaive ndaburitsa ndichida kumuperekedza kumunhu akamupa nhumbu, only to find out kuti murume wangu chaiye, ndakarwadziwa handidi hangu kunyepa, regai zvinzi munhu anokuuraya ihama yepedyo chaiyo, uyu mwana handina kuziva kuti angasvike pakuita zvinhu zvakadaro nemaonero andaimuita. Without thinking twice ndakamudzinga pamba pangu Sean wacho asipo. And mheno kuti zvakadii zuva iri akanonoka kudzoka, i tried to call my father asi fon yavo yakaramba, ndakaenda kuApp asi last seen yaitove 2 days ago kureva havasi kutobatika, ndakabva ndafonera Mom ndichivaudza zvaive zvaitika, uyu Sean ndakati ndomuona face to face sezvineiwo akabva anonoka kudzoka asi akasvika ndakamumirira. "She is pregnant ", ndakadaro achibva ati "congratulations " Achiratidza kutoshaya hany'a hake "are you serious?", "About what? Ndiwe watanga nenyaya yako isina musoro" "Masline is pregnant for you" "Yes soo? Handiti wakatadza kundiitira mwana here, wakamuunza pano as whoo hanti ndozvawaida, hapana kana nyaya apa siya zvakadaro aite mwana agotipa ndizvozvatakawirirana izvozvo", akadaro wangu murume ndichibva ndanzwa kurwadziwa aisatomboratidza kana kutya kana kunyara hake zvachose, ndakamusiya muye ndichibva ndaenda kunozviikiira mubedroom ndichichema neshungu. Ndirimo ndakazonzwa ndave kusheedzwa nezwi riri padenga "where is Masline?", akadaro Sean ndichangovhura door "She is gone" Akabata musoro nemaoko maviri ndokuti "you know very well that that girl has no home urikuti anoenda kupi right now apa worse aine nhumbu" Ndakabva ndavhara door mumaziso make chaimo dai asina kutiza ndakamurova naro shuwa anganditongese zvinhu zvakapusa kudaro, ndakabva ndatolocker door nemukati akatanga kuknocker dzamara ati zii door ndakati handivhure zvachose aive azoita kundigura kunorira chaiko, End of chapter
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 38

Comments