Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
February 27, 2025 at 05:55 PM
: *The Past* 🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥 Story written by Mai Tamia 📍📍📍 0786677765.....app 0786677765.....call Read,like and share 🤳 Chapter 11 Masline My life was now a mess, ndanga ndatove hangu chitunha chiri kufamba panyika coz ndanga ndisisina kana value, Sean was now demanding sex from me daily nyangwe mukadzi wavo aripo vaiziva kuti handisisina marambiro nekuda kwemavideo avakatora mamwe ndichipinda mumain bedroom mavo chaimo. Mazuva akafamba ndatove sex slave pamba apa zvekuti ndakabatsirwa panga pasisina nekuti nyangwe ukawana zvese usina mufaro hapana chiripo panyika, sezvineiwo ndakabva ndaziva kuti ndave nenhumbu after buying pregnant test, ndakavaudza rimwe day ndichienda kuchikoro kuti ndizvo zvavepo vachibva vangoti hoo ndokunyarara. From that day havana kana chavakazotaura kuti ndichatii or ndichadii kana zvabuda zvinove zvanga zvakundidya moyo dzamara ndadonha kuchikoro ndikamuka ndiri muchipatara. "A child is a blessing from God zvisinei nekuti auya nenzira ipi ,usazvidye moyo iwe coz your Mom loves you unofa or kuurayisa mwana nebp yako yanga yakakwora zvisingaite" , ndakavhunduka ndichinzwa mashoko aya kubva kunaDr chinhu chandakatanga kuvabvunza kuti "saka mhamha vave kuziva here?", vakati "ehe rega ndivafonere vauye vakutore. Vakabva vabuda havo ndikasara ndichinzwa kuzvinyarira chaiko, zvinonzi chisi hachieri musi wacharimwa chinobuda chete ndizvo zvaive zvaitika kwandiri izvi. Ndozvireva ndichiti kudii ndakamira pai chaipo. Ndakafunga zvakawanda ndikambofunga kutiza asi ndakafunga zvekare kuti kana ndikatiza kwacho ndotiza ndichienda kupi worse nezvandave izvi, ndakazvishingisa ndokuti ndoenda kumba kwacho ikoko tonzwa kuti muzvinanyaya achati kudii. Sezvineiwo vakauya havo mhamha and she wasn't happy at all, vakangoti hande vasina zvimwe zvavataura I followed her to the car kusvika tasvika kumba vari zii. Ndakasvikopinda mudining ndikaona rangu bag rakandimirira zvese nesatchel ndikaziva zvazvaireva , ndakapfugama pasi chaipo ndokuti "Please Maam musandidzinge pamba I have noway to go" ndakadaro ndichikumbira vachibva vati "Who is responsible for this thing?", vakadaro vachitsika dumbu rangu negogo yavaive vakapfeka ndakabva ndatarisa pasi kushaya pekutangira chaipo, ndaingoti nechemumoyo ko dai vabudikira kaa vataura nyaya yavo but he didn't show up. "Ndirikutaura ndega here pano?" Vakabvunza this time voice rave padenga denga chaipo ndikaona kuti vaive vatsamwa zvisingaite, ndakabva ndaona zvakanaka kutaura chokwadi "your husband," "Whaaaaat?", vakabvunza vachizvikanda pasofa chaipo ndichibva ndati "vakakumbira kuti ndivaitire mwana kuti mundichengete" Handina kuona kuti vakasimuka sei ndakayerekana ndapihwa mbama yandakanzwa parere moyo, "you are the devil, chii chandakakutadzira iwewe rudo rwandakakupa unoriwana kunani pasi pezuva rino, ndakatadza kukutora handiti now you want to be the madam of the house, zvino chimira unzwe manje this is my father's house I don't want to see you anywhere close to this place again" vakadaro vachibva vati "takura zvimabag zvako izvo," Ndakabereka satchel rangu kwave kubata mornach rangu "I curse the day I saw you, I never new that my heart will lie to me like this" Vakadaro vachibva vaita kundibata ruoko rumwe rwaive rwusina bag kwave kundizvuva neni kusvika tave kunze kwegate. "I don't want to see you anywhere near this gate again, and i curse the day I took you as my daughter " vakabva varivhara gate mumaziso mangu ndikasara ndichichema. Inonzi dai ndakaziva haitungamiri ndonanga kupi ndichibva apa ndoona ani ndichibva apa. Ndakavavarira kufamba ndichibva pagate iri ndokuzozorora ndave chinhambwe ndichifunga kuti ndichananga kupi, ndiani umwe wandichaona achandibatsira ndianizve umwe wandichaona achagona kundinzwisisa, ndakabva ndafunga Natalie kwave kumufonera achibva ati "I never new that ndizvo zvauchazondiitira Masline I helped ndichitarisira kuti uchaitawo zvakanaka, anyway call baba vemwana wako kaa handiti makawirirana kuitirana mwana" akabva akata ndikaziva kuti nyaya yangu yaive yasvika kumba kwavo, haana kana kundipa nguva yekutaura zvachose. Ndakafunga kufonera muzvinanyaya ndokufunga kuti ko kana vari vese naadzimai vacho vanozofungei pamusoro pangu ndakabva ndato kwete ndokusiyana nazvo kwave kutodzima fon yacho ndanga ndisisade kuramba ndichiudzwa mashoko anorema....... Mirabell Kurera imbwa nemukaka inofuma ichikuruma that's true, handizivi sei moyo wangu wakasarudza kundinyepera, mwana uyu ndaive ndakamuda nemoyo wese yangu heart yaindiudza kuti there is something special about her, I took her in as my daughter handina kuziva kuti ndirikutora munhu achazondirwadzisa zvakadaisoo. Mabag ake ndaive ndaburitsa ndichida kumuperekedza kumunhu akamupa nhumbu, only to find out kuti murume wangu chaiye, ndakarwadziwa handidi hangu kunyepa, regai zvinzi munhu anokuuraya ihama yepedyo chaiyo, uyu mwana handina kuziva kuti angasvike pakuita zvinhu zvakadaro nemaonero andaimuita. Without thinking twice ndakamudzinga pamba pangu Sean wacho asipo. And mheno kuti zvakadii zuva iri akanonoka kudzoka, i tried to call my father asi fon yavo yakaramba, ndakaenda kuApp asi last seen yaitove 2 days ago kureva havasi kutobatika, ndakabva ndafonera Mom ndichivaudza zvaive zvaitika, uyu Sean ndakati ndomuona face to face sezvineiwo akabva anonoka kudzoka asi akasvika ndakamumirira. "She is pregnant ", ndakadaro achibva ati "congratulations " Achiratidza kutoshaya hany'a hake "are you serious?", "About what? Ndiwe watanga nenyaya yako isina musoro" "Masline is pregnant for you" "Yes soo? Handiti wakatadza kundiitira mwana here, wakamuunza pano as whoo hanti ndozvawaida, hapana kana nyaya apa siya zvakadaro aite mwana agotipa ndizvozvatakawirirana izvozvo", akadaro wangu murume ndichibva ndanzwa kurwadziwa aisatomboratidza kana kutya kana kunyara hake zvachose, ndakamusiya muye ndichibva ndaenda kunozviikiira mubedroom ndichichema neshungu. Ndirimo ndakazonzwa ndave kusheedzwa nezwi riri padenga "where is Masline?", akadaro Sean ndichangovhura door "She is gone" Akabata musoro nemaoko maviri ndokuti "you know very well that that girl has no home urikuti anoenda kupi right now apa worse aine nhumbu" Ndakabva ndavhara door mumaziso make chaimo dai asina kutiza ndakamurova naro shuwa anganditongese zvinhu zvakapusa kudaro, ndakabva ndatolocker door nemukati akatanga kuknocker dzamara ati zii door ndakati handivhure zvachose aive azoita kundigura kunorira chaiko, End of chapter
😢 ❤️ 🙏 4

Comments