
🔥🔥🔥DARE REVARUME HOT TOPICS🏇
February 28, 2025 at 07:28 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaawIY096H4W2zzOGB1H
Ndanga ndichishanda saClerk wekuStores ndichiverenga zvinhu zvanga zvave mustores. Ndazopinda mucoldroom ndichida kuverenga mapacks enyama. Sezvineiwo door rakabva ravhara apa rinovhurwa nekunze kut ndidaidzire hapana anga achindinzwa nekut nguva yekuyenda kumba yange yakutokwana so ndikati regai ndifone wanikwe 4ni handina yange aisiya pachaja.
Ndarohwa nehana ndikati nechemumwoyo pangu pagumira pano. chando chichindipinda mbichana-mbichana apa mweya wekufema wave kuita mushoma. Ndachema ndr mucoldroom ndichirangarira mukadzi nekamwana kangu kacheche ndikati zvino zvandotorwa nenguva ndiyani achandichengetera mhuri yangu. Ndapfugama ndikati *"MWARI ndinochema kwamuri panguva yekutambudzika kwangu mweya ne nyama yangu zvoparadzana asi ndirangarirei mabasa andakabata pane ino nyika murangarirewo mhuri yondosiya baba kutonga kwenyu hakupikiswe itai sekuda kwenyu..amen"* ndichipedza kunamata door repacoldroom rabva ravhurwa na gadhi ndikashamisika zvikuru ndokunowira pamakumbo a gadhi uye ndikati " *hama nhas ndiwe wayamura mweya wangu ndangandatarisana ne rufu. Ko waziva sei kut ndiri muno mucoldroom?"*
Gadhi andimusimudza nekut awona kuti aive akwara nechando andimupa juzi kuti ndipfeke ndokundisira moto kut adzirwe.
Chando chapera gadhi anditi *"shamwari MWARI ariko ndangoti vanhu vese vapedza kubuda ndangoti aah ko hama yangu yaita sei kusawoneka kudai nekuti uchipinda pabasa unonditi mangwanani hama manheru ndizvozvo ndikati nhasi hapana anditi manheru akanaka hama usare zvakanaka sezvaunoita ndikat ndikutsvage kusvikira ndakuwana kudai🥲😭*
Apedza kudaro, ndabva ndapepuka hana ichirova chaizvo kuti saka ndanga ndotofira kuhope kaa apa😭😭😭
"Hama ndinoti kwauri usavemudadi, usazvikudze uchitsvinyira vamwe nekuda kwekuwana kwaunoita kana kudzidza kwako hauzive achakuyamura mangwana ive munhu akareruka kune vamwe uchiitirana rudo nevaugere navo, Mwari vachakurangarira nemabasa ako..."
😭😭😭😭😭👏👏👏
FOLLOW THIS CHANNEL👇🏽
*Share and Save friends🤲*
Mwari achakurangarira naizvozvo👏
❤️
👍
😢
🙏
4