SORA NEMITI ZVINORAPA
SORA NEMITI ZVINORAPA
February 23, 2025 at 09:45 AM
*CHIKWAMBO.CHIKWAMBO.CHIKWAMBO* Chikwambo choenda neyi. Vazhinji vanhu vanotambudzwa nehondo dzezvikwambo. Vanhu vazhinji vapedza kutorerwa mari nen'anga nemaporofiti pasina chiri kufamba. Chikwambo imhepo yemufi inoiswa pamurume kana mukadzi kuti asaite imba, aiite munyama, rombe, kurambwa kusemwa, kuvengwa, kuparara kwezvinhu zvavapedo kuitika kuti ubate chakanaka, musana unongorwadza, makumbo, musoro, chibereko, kushaya mbereko, kurira kwenzeve, kuvengwa, kushaya basa kana remaoko harifambi mushe etc Ungazive sei kuti une chikwambo, kurota uchiyamwiwa or wakaberekeswa mwana, kudyiswa kuhope, musana unovava, kusemwa neopposite lula lula Gynaecological problems kushaya mbereko zvakawanda, kurota uchiita bonde husiku hazvinei face yaunorota unogona kurota munhu waunoziva chikwambo. Chikwambo chouya sei. Hurombwa mukati me dzinza rekwako, kurara nevanhu vanonetswa nezvikwambo, kuromba wega nekuda kupfumba, kuturikwa mukushandirwa, kuita zvivi. Chikwambo chinowanzoda vanhu vakaita sei. Mhepo yechikwambo haingoenda pamunhu wese wese unotsvaga munhu anemudzimu kana chipo chemari nehushavi. Vanoshandisa chipo chemunhu uye votsipika zviri paari chikwambo chichipa munhu iyeye akachitsvaga mari dzaifanira kubatwa nemunhu uye ndosaka muchiona kuti vazhinji vane zvikwambo zvikabviswa anoita muporofita, nanga kana kupfumba zvakanyanya. Chikwambo chinobviswa sei. Ndopane hondo muhupenyu. Chikwambo hachibvi nyore, chinopima simba riri pamunhu ndosaka vazhinji vanoshandirwa vachisvika pakufa vachitambura. Vashoma shoma vanogona kubvisa mhepo iyi zvachose. Zvinogona kuitwa newe dunga munhu uchibatsirwa nasahwira 1. Siya chipfambi, kungorara rara nevanhu 2. Kumbirira pamwe nekugeza mishonga zvakasimba 3 chikwambo hachibvi zvekumhanya ndosaka vanhu vazhinji vachinonamata vouya kumatare asi chabuda hapana nokuti choda kushinga 4. Chikwambo imonitoring spirit chinoona zvese zvaunenge uchida kuita chofana chavhara saka uchiita zvisingabudi. 5. Ramba uchita chivanhu chako usingatadze zvikuru sei sexual sins, kugara wakatsamwa, kuda kunzwa kuda kungohura.ndezvimwe zvopa mweya iwowo simba 6. Kana watanga kubatsirwa kuchirwisa chinokurwisa zvakanyanya kupfuura zvachaisiita nekuti chinge chichida kukupai usimbe kuti uti hazvishande but ukashinga ukapfuura stage iyoyo wakuenda kubreak through. Kana wanga usina anokuda kana wakambwa unoona vanhu vaye vakudzoka vachikumbira ruregerero, life muzvese yakuendeka. 8. Chinopa masare kuvakadzi murume akarara newe anoshaya hanya newe hazvineyi kuti wakanaka sei. Ukabata mupfuhwira kana mushonga yekutambanudza zvinhu zvako hazvishande inopedzwa Simba nechikwambo chiye usati waushandisa. Nguva dzakakosha kukumbirira nhaurwa dzezvikwambo zvinoshandisa vanhu pakati pehusiku gara uchipepuka pakati pehusiku uchikumbirira zvikuru sei kwakuedza kuma 2 to 5 ndopanonyanya famba mhepo iyi. Inodzimaidza hope kukanganwa zvawarota nekuti kurota ndokune zambuko revakawanda. Ndatenda kune vachadzidza, muchabatsirika
🙏 ❤️ 😢 👍 17

Comments