
🇿🇼MAI SHAMMAH SHONA NOVELS 🇿🇼
February 21, 2025 at 10:51 AM
Ava munova ziva here? Rume rinonyora magetsi irori bviravira chairo, let's follow him tese. Kana muchiti ndikuku vharai verengai *(TSVARU ANODANA TIVU)* munzwe kugona kwake muchinda uyu.
_Rakanyorwa na;_
*Mr. P Macheke👨🏾💻🎋🦅*
https://whatsapp.com/channel/0029VaGRNeG84Om6TYhYJP3l
♡ ㅤ ⎙ㅤ ⌲ 🔕
ˡᶦᵏᵉ ˢᵃᵛᵉ ˢʰᵃʳᵉ ᵘⁿᵐᵘᵗᵉ ᶜʰᵃⁿⁿᵉˡ
Chitsauko 01
*Mashoko mashomanene ezvichava munyaya yedu kuzvitsauko zvemberi anotanga, ndapota verengai zvinotevera kusvika kumagumo echitsauko.*
"Chakaita ubude munhanga wapokana nezvandakareva ini baba vako ndochakonzera zvirikuitika zvidai, wakaoma musoro Anodiwa iwewe zvimwe uchiteerera mashoko evakuru nekuti haawire pasi." Vaidaro baba vaAnodiwa kumwanasikana wavo wavaidisisa zvikuru kwazvo kubva achiri mudiki. "Zvamuri kutaura sandizvoba zvandiri kuda baba- sandizvo zvandiri kudaa aah!!" Anova pindura zvine ukasha uyo anopedza ofemera mudenga kuratidza kugumbuka kukuru achirovera gumbo pasi achiita seaibvisa tsvina munzwara dzake. "Zvino unoda ndidii inini nhai? Hahaha." Vanobvunza mubvunzo uyu vachiupedzisa nekuseka zvavo, ndokuzoti kwaari. "Zvino ukafemera mudenga kunge dhongi radzipwa nechitorobho urikuda kupedzera shungu pandiri here?" Mashoko asina kumufadza Anodiwa ndobva avapindura achiti. "Handina kudaro baba, asi ndauya kwamuri nekuti ndinovimba ndimi muchandi batsira, uye ndimi chipanga mazano changu. Tumai machinda enyu amutevere izvezvi handingarohwe nemwana mudiki zvakadaro ini bodo baba ndirikumuda pano ari mupenyu ndimudambure musoro neangu maoko aya?" Ndobva baba vake vamutarisa mboni yake, vainge zvino vasingacha seki pavanga vanzwa kuti arikuda kuuraya mwana waarohwa naye. "Wati urikuda kuuraya mwana wemurume wako?" Vanobvunza kudaro vangori vakamu tarisa mboni yake apo vaida kunatso ona kuti zvaari kutaura ane chokwadi nazvo here? "Zvandataura ndizvozvo baba ndozvandiri kuda." Vanoratidza kaku shamisika kuso kwavo baba vake, vanozvi gadzira mugariro wavanga vakaita ndobva vakotamira kumwana wavo zvishoma vakazvibaya mabvi nemagokora avo ese, uku muzvanza zvavo vakabata musoro wetsvimbo yavo vakaita kuturikanisa maoko. Vanotanga vatura mafemo kutanga ndokuzoti kwaari. "Tiriku taura nezve mwana wemurume wako panapa Anodiwa hatisi kutaura mumwe munhu asina kukosha kwaari wanzwa here? Handirambi kukubatsira mwanangu unoziva rudo rwandiinarwo pauri kubva uchiri mudiki, ndiwe wega mwana sikana wandaka pihwa naNyadenga. Asi zvawada izvi zvavekuda vanepfungwa dzakarodzwa sedzangu, kwete kungoti chero zvazvaita nhembe yebenzi. Iwewe kuona kwako unoona sokuti baba vevana vako achazvi tambira here kugara newe achiziva kuti ndiwe wakauraya mwana wake, mushure mazvo uriwe zvakare wakauraya amai vake mwana wacho iyeye waurikuda kuparadza zvakare?" Anodiwa ainge asina kutanga afunga zvese izvozvo, chaaingoda kufadza moyo wake bedzi nekudzorera kurohwa kwaanga aitwa nemwana wemurume wake. Zvino paakabvunzwa mubvunzo uyu nababa vake, anovhurikawo pfungwa zvishoma ndobva avabvunzawo kuti. "Zvino munoda ndiite sei nhai baba, ndomusiya achienda here? Honai zvandiri ooh! Ndoita chiseko chemudunhu rababa vangu ndarohwa nekamwana kadiki kudaro here?" Vanomu pindura nemubvunzo vachiti. "Ko baba vake varikupi?"
"Ndavasiya vabva kusvika ndavaudza kuti andirova havana chavataura avo."
"Handiti wavakuzvionaka? Ndakakuudza usaroorwa nembiti iyi haana kukufanira, wakaramba ikehino ooh wava kuchema. Vanozivana vaviri ava anotoziva kune mwana wake ndiye amuvanza."
"Saka mati ndoita sei nhai baba nekuti ndirikuda kutsiva." Paakabvunza kudaro, baba vake vasati vamupindura vanotanga vacheuka cheuka kutarisa mativi kuti hapana angavanzwa here zvavarikuda kutaura? Vanoona pakachena kunge ruware, panga pasina munhu nekuti ainge ava masikati zuva rakabaya nhongonya dzeharahwa, kwaipisa musi uyu mumativi enyika maionekwa mvumi kuratidza kuti chero ipi nguva mvura inokwanisa kuteuka. Mambo Mutsamhere nemwama wavo Anodiwa vaikururuka nyaya iyi vagere muzasi mebvute vasina kupfeka chipfeko chekumusoro, muhuro mavo muzere zvuma zvoushe bedzi mumusoro muine ngundu. Mambokadzi vainge vakatsivama mubvute ravo nevaroora vavo vaviri. Zvino Mambo Mutsamhere pavakaona kwakachena vakapindura mukunda wavo mashoko akaita abate hana, vainge vamuti.
"Ngatiuraye baba vake."
"Baba vakee!!!" Anobvunza kudaro abata hana yake..........
*Mavambo ekwaka tangira nyaya anotevera.*
Yanga iringuva yechirimo kunze kwaipisa zvikuru kwazvo muri mumwedzi waZvita, anga ari masikati machena asi zuva roenda kunorereka kupinda muna amai varo. Paivapo nevasikana vanga vari murwizi rwainzi Chayerera, rwizi ugwu gwaisapera mvura kunyangwe kukasanaya wairwuwana rwuine mvura, ndimo maicherwa mvura nevagari vemudunhu raMambo Mutsamhere. Zvino vasikana ava vaiva murwizi vachishambidza miri yavo, vachiita zvavo nyaya. "Ndakaonekwa nemukunda wamambo ndiine mukomana wake nezuro asikana, ziso ravakandi tarisa naro hariiti mufunge vanenge vasina kufara nazvo." Uyu mumwe wevasikana vaviri ava vanga vachigeza murwizi. "Ko iwe waizomira nemukomana wevaridzi kuti zvidii nhai shamwari, haisi hondo yawatotanga na Anodiwa here iyi? Akati unomuziva kuti haana tsitsi nemunhu pazvinhu zvisina maturo ese kuzoti pamukomana wake! Iih vasikana musadaro imi."
"Ko hamutangi mabvunza zvaanga achida mukomana wacho here nhai veduwe?"
"Ndabvunza inga wani, ndikati manga muchitaura nezvei?"
"Anga achibvunza Tungamirai kuti handina kumuona here? Handiti anoziva kuti Tungamirai anondi pfimba here ndosaka aindi bvunza. Zvino mukunda wamambo wedu haana kufara nazvo, kutomu mhoresa asi kana kundipindura hake."
"Inga zvakaoma, saka akazo taura nemukomana wake here?"
"Ndakava siya vari vese ini handina kuzomirapo hangu, asi moyo wangu hausati wagadzikana mufunge ndinogona kupinzwa tsekwende."
"Aah hameno tozongoona kana zvoitika, kungoti munhu wacho pane basa paye."
"Taura hako."
"Ko Mudiwa hasviki wani nhaiwe zvatichapedza kugeza asati auya, anoda tigomu mirira achigeza futizve ipapa?"
"Ati anouya anosvika hake tongomu mirira, anga achiri aka batikana kumba kwavo." Mudiwa uyo anga obvunzwa yaiva shamwari ya Itai uyo wekuonekwa na Anodiwa aine mukomana wake, Mudiwa na Itai vayiwirirana zvisingaiti hapana paiwanikwa Itai pachizo shaikwa Mudiwa. Wese aiona Itai ariega aito bvunza kuna Mudiwa kuti arikupi zvauri wega? Zvimwechete na Mudiwa wacho aito bvunzwawo kuna Itai kana vamuona ari ega. Semusi uyu Mudiwa ainge asara ari kumba achibatsira ambuya vake kushara chibage chembeu. Itai akasviko torwawo nemumwe musikana muvakidzani wake uyo akafarira hushamwari hwevaviri ava Itai na Mudiwa ndokutanga kuumba ushamwari navo, vainge vowirirana zvavo asi kwete zvakanyanya kudarika zvaiita Itai na Mudiwa. Zita rake vaimudana Rufaro, zvino Rufaro ndiye akanodeedza Itai akati vaende kurwizi, Itai akabva ati. "Rega ndimhanye ndinodeeza Mudiwa tiende tese." Saka akanowana Mudiwa aine zvaanga achiita, ndobva Mudiwa amuti. "Sozvo wati una Rufaro tungamirai henyu ndirikutevera ndave kutopedza." Aya ndiwo mashoko akaita Itai afunge kuti Mudiwa ainge ava pedyo kupedza, pfungwa yekumu batsira haina kumbobvira yamu shanyira, akangoti. "Uchatibata munzira ndasiya Rufaro ave kubuda." Mudiwa akati. "Ndinokubatai." Vasikana vakanosvika kurwizi asati avabata Mudiwa, ndosaka Rufaro ainge obvunza nekuti ainge aona Mudiwa anonoka kusvika.
Vanoti vari mukutaura nezvake Mudiwa kudaro, Rufaro imwe pfungwa yakamutuma kuti atarise nekwavabva nako pamwe angamuona Mudiwa achiderera. Panekuti aone Mudiwa achiderera anoona Anodiwa ariye anga achiderera aine shamwariwo yake. "Itai tarisa uone munhu ari kuuya." Itai anocheuka kutarisa kwaanga anzi atarise, apo hana yake inorova katatu paakaona Anodiwa. Mumoyo akatoziva kuti hondo iye yatanga. "Dai akasandiitira hake utsinye." Anodaro Itai achinzwika izwi rake kuti apindwa nekutya. "Tinotaura naye tomuudza chokwadi usatya hapana zvaanokuita, ukabva wanyanya kuratidza kumutya anobva afunga kuti pane zviri kuitika pakati penyu saka dzikamisa hana yako sahwira." Anodaro Rufaro oedzawo kusimbisa mumwe wake, ipapo Itai anombotura mafemo. "Usandisiya ndichirohwa Rufaro ndapota."
"Handiku siyi uchirohwa Itai usatya kani." Akaedza kuzvishingisa Itai asi mumoyo make ainatsozvinzwa kuti hapana chakanaka nhasi. Akasvika pavanga vari Anodiwa atori akadumbirwa nechekare neukasha, apa kubva kwaanga aita mumuzinda chinangwa chake chaisava chekuuya kurwizi bodo, aitotsvaka Itai uyo waaiti. "Ndirikuda kumu kinditsa, haangandi toreri mukomana wangu hazviiti." Apa mukomana wacho waakawana amire naItai ainge akamu tsanangurira kuti hapana nyaya pakati pake na Itai, anga achibvunza shamwari yake Tungamirai chete kwete zverudo. Asi Anodiwa haana kubvumirana nazvo akaona ari manyepo bedzi, munhu waaingoda kupedzerana naye ndiye Itai bedzi.. Nezuva rakatevera rachona ndirori iro raanga awana ari kurwizi mushure mekunge anomu tsvaka kumba kweVabereki vake, kunova ndiko kwaakano udzwa kuna Itai mushure mekunge vatanga vamubvunza kuti. "Kwakanaka here nhai mukunda waMambo?" Akanyepa achiti; "Hongu kwakanaka, tine zvatiri kuronga sevasikana saka ndauya kuzomutsvaka. Kana aripo ndirikumuda." Mai Itai vakanzwa kufara kunzwa Anodiwa achiti vane zvavari kuronga nemwana sikana wavo, mumoyo vakati. "Zvirinaani mwana wangu kutamba nemukunda wamambo mukana wekuzova muroora wamambo wavapo." Vaidaro nekuti paiva nevana komana vaviri vaMambo Mutsamhere vanga vasati varoora, mumwe chete mukuru anova nevanji ndiye anga akaroora, saka pavaviri avo ndopavai tarisirawo kuti mwana wavo aroorwewo kuhushe. Vakamuudza Anodiwa kuti; "Itai aenda kurwizi kunogeza na Rufaro." Vakanonoka vasati vataura nekuti vakazosaro pedza Anodiwa nasahwira wake vofamba zvavo kubuda chivanze, vakasara vachinyemwerera mai Itai chavasina kuziva kuti nyemwerero yavo ichadana kusuwa mwana adzoka pamba nemavanga.
Anodiwa asvika pana Itai ari akafuta nehasha, anosvika akamunanga paanga amire Itai uyo aiitira kuti muviri wake abomhe mvura agopfeka nhembe dzake sezvo ainge apedza kugeza. "Iwe pfambi unobvuma kufambidzana na Tamuka hauzivi kuti mukomana wangu here iwewe heee?" Akasvika akamumwaya mubvunzo uyu. "Handidanani na Tamuka ini vasi...." Haana kumapedza mashoko ake anga atopihwa chamatsenganzungu. "Maiwee! Ko munondi rovereiko?" Anodaro Itai azvibata padama paarohwa. "Hino kana makajaira kutora vakomana vevanhu wangu haango torwi zvongopera zvakadaro panorohwa munhu pano." Anodaro Anodiwa onanga Itai zvakare, akatanga kumurikita achingochema bedzi Itai asinga dzoreri, vamwe vasikana vakauya kuzookera Itai achirohwa uyo ainge azara ropa muviri wese. Rufaro uye aiti haasi kuzomusiya achirohwa haana chaaka kwanisa kuita akatyawo kubatanidzirwa nekuti aiziva Anodiwa mabasa ake. Akadududza hake kuvanda nevamwe. Ndonguva dzakazo svika Mudiwa uyo akanzwa ruzha asati aderera murwizi rwaiti; "Hure ngarirohwe, hure ngarirohwe!" Akamhanya achiti ndinga sarira kuona dhudhu, akazivei kuti anga achirohwa wacho ndisahwira wake. Paakasvika ndipo paakaona kuti Itai ndiye ari kurohwa. Mudiwa ndiye munhu akazobata uyo akasviko dhuma Anodiwa. "Hezvo unoda kuuraya munhu here nhaiwe? Handiti kusa dzorera zvadudza kukutya here chirovawo zvinemagumo kokana akafa?" Anodaro mukumu dhuma, haana kuzvitarisa kuti kwaanowira kunei? Munhu waaka koshesa aingova Itai bedzi. "Itai chii, ko watadzei muka?" Anodaro oedza kuda kumumutsa, asi anonzwa anzi dzvii rwooko ndiye zvetu kudhonzwa akano cheuka kutarisa munhu azviita. Anga ari Anodiwa amudhonza kudaro, vatarisana anobva amubvunza kuti.
"Unozviona saani iwewe, unondibata ndichirova hure hee? Unozviita ani iwe mudunhu rababa vangu?" Anodaro Anodiwa achisunda Mudiwa nemaoko ese achino dzedzereka kumashure. "Ndinozvi ziva kuti tinogara mudunhu rababa vako Anodiwa, asi ndangoku batawo kuti usauraya munhu hauo..." Haana kupedza mashoko ake akarohwa nembama yakanzwikwa maungira rwizi rwese kuti phaaaaaa. Mudiwa ndobva abata dama rake, pave paye anobvisa rwooko rwaanga azvibata narwo kwakutarisa apo aida kuona kuti haana kubuda ropa here? "Ngakuve kwekutanga nekupedzisira kuisa rwooko panyama yangu Anodiwa, ukazviita futi uchademba musi wawakazvarwa."
"Ndipo pauchandiita sei hee! Unondidii iwe oo-oo-oooh." Anodaro Anodiwa akanoridza imwe mbama kuna Mudiwa iyo yakaita Mudiwa agarwe neukasha husinga dzoreki kwakutanga kuu...........
*Vanoda kuziva zvakazo itika please followai channel ya Mr. P Macheke ndiko kurikuuya zvitsauko zvemberi Chitsauko 2 chatoveko ku channel kwavo, 3 kusvika kwarino perera zvirikutevera.*
Magumo echitsauko 1
Tochipa ma likes mangani Chitsauko chino? Ririsei iro taurai neni ku comment group, tanga waisa like mu channel wouya ku comment group wondiudza maonero ako. #hungwematapatira is back again.
❤️
👍
🙏
😢
😮
😂
39