MAI SHAMMAH NOVELS
MAI SHAMMAH NOVELS
February 23, 2025 at 10:25 AM
Join my WhatsApp group👇 https://chat.whatsapp.com/F0pv4jvzsbpJkDQsvLUozI STORY CREATED BY MAI RYAN 0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣9️⃣2️⃣5️⃣8️⃣5️⃣3️⃣ Follow my channel https://whatsapp.com/channel/0029Vax9A1QL7UVc0csgha3X For comments👇 https://chat.whatsapp.com/HIFG8ViGr9O8r77RpBKlR5 *YOU WILL REGRET* Chapter 1 "Aiwa Dziva!!!! "Hamungadaro mwana wenyu, hongu kutadza kuriko asika hamuzive kuti kwaari kuenda kwakamira sei? Ko madii kuti tisheedze tete vaende naye vanotanga vaona kuti kunoita here? "Mudzimai wangu mai Samantha vaichema vachidaro, vachindibata gumbo rangu, nehasha ndakavasabvurira kure neni vakadonha nemusana, ini ndaive busy kusunda Samantha ndichibuda naye gedhi. "Munhu wepi anoda kundisekesa muraini, ndinofambirepi gore rino? Ko kuchurch ndichamira sei? Pamberi pevanhu nhai? Haaa dai ndine chivindi ndaizviuraya chaiko. Asi ndikangofunga kuti pamwe ukafa kwacho uchawana kuri worse, kudarika pano pasi, ndaingoti ngazvigare zvakadaro nekuti hondo yepasi pano ndaijaira, pane yandisingazive. "Ndaifunga izvi ndichitori busy kusunda Sama, uyo aiita nharo achiti baba ndiregererei handizviiti futi kwaisave kuda kwangu ndak,,,,, putseke unoda kundiita fuza manje? Zvino pano hausisina nzvimbo, haaaaamba. "Ndakatodaro ndichito musundudzira akabva adonha nedumbu. "Ndakamutevera pasi ipapo ndichida kumukava, ndikanzwa gumbo rabatwa."Zvinonzwisa hasha sei? Nxaaa. "Ndaitoda zvehondo chaizvo saka ndaisada anondidzivisa, aitori mwanakomana wangu wechinumber 2 aive andibata nhai. Ndakazoona pamba pasvika varume vatatu vekuchurch ndiko kudzikama kwandakaita,nekuti kana zvave zvekuchurch ndaiita munhukwaye chaiye. "Ndiri muera Dziva ndinogara mubhuku rwekwa Shumba munzvimbo ye Sanyati, ndaive mufundisi weimwe kereke munzvimbo ino. "Tisu vaya vekungoti tozvigona asi tisina kumbozviendera kuchikoro chacho. "Vhangeri ndairova chaiko, raramo yangu kuchurch nemunharaunda haisiriyo yandairarama kumba, ndaive munhu akarongeka ane rudo anoda runyararo, zvakare ndayiyananisa vazhinji mudzimba umo, zvekuti vanhu vaindipa zvipo zvakawanda vachinditenda,asi ini ndaisararama mazviri. Kumba ndaityiwa kunyange nehuku chaiyo, ndaikavira kure uko yobva yafirapo. Vana vaiti vakanzwa bhutsu yangu vaibva vapetana muchikona,ndinovimba vaitoshuwira kupinda mumagumbeze Ari masikati chaiwo kana ndiripo. "Mudzimai wangu aiyera Moyo, aive munyoro kwazvo, asi ndaiti ndikatsamwa ndaimurikita kusvika ati tasa. Asi iye aivanza zvinhu izvi. "Waitonzwa achiudza vanhu kuti murume wangu anotya Mwari,apa dama rinenge rakazvimba.aitogara akapfeka mapoloneck nema long sleeve kuri kutya kuonekwa mavanga. Kana akanyanya kukuvara aisatobuda panze kana pauya vanhu,aiudza vana kuti itii mhamha havapo. "Taive tisina kupfuma zvedu asi zvaisaonekera nekuti vana vesangano vaimbomira mira chaizvo,ndaipiwa kubvira kumbatya dzevana nedzangu chikafu ichi yaive tapuchiye. Ndaive nevana four musikana 1 vakomana 3. Mai vacho vakanzi vasasaite imwe nhumbu nekuti pane zvakaonekwa nachiremba,ndaitoziva kuti kuvarova kwandaivaita,ndiko kwaikonzeresa,asi Mai vakazviramba kuti vano abuswer. Saka vakangonzi kana maakuda kufa mutakure imwe mimba hameno henyu. Ndiko kurega kwavakaita. "Rimwe zuva ndakafonerwa neimwe member yekuchurch achibvunza kuti ndiripo here? Ndikati hongu mhunhuwashe ndiriko, akati aizondishanyira masikati, ndikati pakanaka."Akazouya tikagara pamumvuri aive nenyaya yainakidza kwazvo ndakatozviona ndapfuma ini." Aiti ane mwana wasahwira wake anogara Bulawayo ari kuda mhandara yekuroora ndikati, wanonoka wataura ndinayo pano ini mhandara, haumuzive here Samantha wangu? "Akati ndiko saka ndauya nekuti ndinozviziva kuti aripo." Ngatitopedzai nyaya ndibve ndatomufonera kuti auye,munhu ane zvinhu zvake,munenge maakudya liver everyday."Yoweee kuzodaro ndaive ndapera kuti pepepe. "Hama dzangu ndakafara zvisingaite, ndaive ndotoronga nekurongonora kuti ndichaishandisei mari yemuwando iyi, ndaitozivazve kuti vekutaundi vane mari uye ndicha mbonoshanyako kana mwanasikana wangu avekugara ikoko." Ko liver yaive yotaurwa iyi,ndanga ndatoona ndaakusunda dumbu reumbinga zvañgu,ndakademba kuti dai ndakaita vasikana vashanu, chokwadi ndaizove business partner ya Strive. "Ndaive ndongokwenya kamhanza kaibuda tudikita, ndaihwa kunonokerwa. "Akabva andizunza," nhai Dziva!! 'zvaita sei asi hamuchade nemwana wenyu here? Honai foni yasvika pakukata ndichizama kuti mutaure naye. "Ndakanyara fani, ndikati ko anofonerei? Pane kuti angouya nemarooro chete, zvinei nekufona, asi anoda kuisa pa ecocash? Akadzungudza musoro akati saka ndichazosvika naye pano kana auya. "Ndikati bhoo. "Pasina mazuva, akanga adzoka naye mukomana wacho. "Chanda kacherechedza pamukomana uyu aizvinzwa chaiko respect chaiyo aive asina. "Akaramba kugara pachituro chandaive ndamupa, hanzi chinodhonza mbatya dzangu dzakadhura idzi,aaaa zviriko here izvi? "Ndaka ngosekenyeka ndichiti aiwa zvanhasi gara hako, ndichatonotenga zvakanaka zvekuti uchagara wakasununguka. "Simba aizama kumudzora, asi iiiiii zvakaoma hazvo chete kungoti ndaida mari chete, aitondisvota hake asi ndaigoita sei? "Akazogara zvake akati ko musikana wacho arikupi ndiri kuda munhu akanaka, anogeza. "Ndakasheedza Samantha akauya akapfugama, mhoresa vaenzi zve ko chii newe? Akasimuka kuti avamhorese Simba ndiye akatomhoresa zvakanaka, uyu umwe wacho akangomugumha neseri kweruoko. "Ndakabva ndati chienda tozosara tichitaura." Akaenda zvake mukomana uya hanzi anonzi Josh. " Akaramba akatarisa Sama ndikafunga kuti rudo,izvo aitomupima zvake Inga zvakatooma. "Simba akati, eeeh muface wangu bbe wariona todii toenderera mberi here? Kana kuti tombotsvaka kumwe? "Haaa bhoo zviri nani hazvo chero asati agona kugeza hake asi anenge ari nani,pane chidiki chandafarira paari saka rega timboona. "Ini ndinoitwa Samantha, ndini wekutanga mumhuri yekwedu, ndaive ndakanyora form 4 yangu ndikatopasa chaizvo,asi kuti ndienderere mberi mari yaisavepo,kutosvika kuform 4 vana vesangano raitungamirirwa nababa. "Kune vakomana vatatu kumashure kwangu. "Tese vana taida mai kupfuura baba nekuda kwemabatiro avaitiita. "Baba vaitotyisa zvavo asi waiti ukavaona vachiparidza apa waifunga kuti kudenga vachaenda netsoka dzavo. "Hanzvadzi dzangu dzaigara dzichiti tikakura chete mudhara uyu toda kumbomukwapaidza. Saul na Silas vanga vatove kusecondary umwe form 3 umwe form 1 mudiki ndiye aive achiri kuprimary grade 6. "Ndaive nemukomana wangu wemuraini redu aive akanyora A level maresults akatobuda tikapembera tese nekuti aive akapasa, saka aiti anoda kumbotsvaka basa kuti agozokwanisa kuenderera mberi nedzidzo nekuti tete vake vaive vasina mari yekumuendesa mberi sezvo vaivewo nevana vavo vaifanira kuenda kuchikoro, asi vanga vamira mira chaizvo kuti Paddy apedze A level."Vaimuda chose mwana wehanzvadzi yavo,akashaikirwa nevabereki anegore rimwe chete."Hanzi vaitobva kukadoma kunotengesa zvirimwa zvavo ndokuita tsaona nebhazi vakafira ipapo,iye haana kufa akatonongwa akandirwa kure uko."Saka Tete vakatomutora vakamuchengeta zvakanakisa vaisada kuona akasuwa. "Taidanana zvekurevesa tichivimbisana zvizhinji nemudiwa wangu, Tete vake vaindifarira zvisingaite."Vaiti ndaakutovimba newe Sama ndinoda undinyararidzirewo mwana wehanzvadzi yangu uyu,handidi naye,ipapa kusatoita zvishuwiro zvemoyo wake ndaremerwa,naiye atozviona."Ndaibva ndavavimbisa kuti havazonzwa kuti takonana ndichave mubatsiri wake panguva dzese. "Dambudziko rakazovepo pakauya uyo anonzi Josh akadiwa nababa vangu kwete ini. Vakaita kundimanikidza kuti ndimude, ndakatoudza Paddy nyaya yacho, ikasvika kuna tete saka taironga kuti tingazvidzivisa sei"Nekuti tete vakati itai zvinhu zvenyu chinyararire,musapaparike nekuti,Satan ari pabasa zvinogona kuzovhiringidza. "Aitsvinya Josh zvekuti ndaiita kusemeswa naye, aiti akatanga kutsoropodza pamba pedu soo, ndainzwa hasha."Ndakakubvunza kuti ko urikumbodei chaizvo kuno kune vanhu vasingageze uchisiya vacho vanogeza kutown? "Siyana neni nditori nemunhu anondida nekusageza kwangu. "Iwewe uzive kuti baba vangu ndivo vanokuda kwete ini,kuti makatangira kupi tunyaya twenyu handitozive,nekutya kushungurudzirwa amai vangu ndiko kubvuma kwandakaita,asi munhu wandinoda ndeakandinyenga tiri 2,ndinoziva kuti munyai anouya taakuroorana kwete kuzonyenga, ndakataura ndisina matyira nekuti ndaitosvotwa naye ndaida kunoona Paddy wangu. "Akatsamwa Josh paakasimudza ruoko kuti andirova, akangonzwa abatwa ruoko, paakacheuka akasanganidzana nechibhakera chisina Mwari mukati, akadonha pasi. "Ndakaona Paddy achifuratira kuenda, ndikati, Paddy ! Ndakasheedza kuti asandisiye ndingasara ndikarohwa. "Josh akanditarisa neziso rinotyisa achiti, hoo ndiyo tsvina yako iyoyi? "Wanga watomuudza kuti azondirova nhai? " You will regret, mark my words. "Akadaro, ndikati hameno ikoko, akasimuka achizunza mavhu achibva aenda neniwo ndikatoenda. "Ndikakwana Paddy akandimirira tikatanga kuseka zvedu. End of chapter 1 Malikes nemacomments zvichandizivisa kuti ndoenda mberi here, kana kusiira pano.
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 98

Comments