MAI SHAMMAH NOVELS
MAI SHAMMAH NOVELS
February 24, 2025 at 05:49 AM
PAINFUL LOVE 💘*                 BY    MAI SHAMMAH      To0778349453                                           EDITOR     MAI RYAN           To0719925853 *Book rino kuti uriwane nenguva please gara wabaya follow channel iyi* https://whatsapp.com/channel/0029VaDyrAr8fewnrBCUcz1c *Join my Whatsapp Grp* https://chat.whatsapp.com/I5J3n5o6qhn5tbZfCPav0Y CHAPTER 23 TAÑAKA Ndakachema kusvika ndanetà kwete kuti shungu dzakapera, ndaive ndaneta nokuchema ndipo pandakanyarara,shungu ndaive nadzo dzakawandisa kwazvo,Chokuita paive pasina rwendo rwangu rwekuenda kuchikoro rwakanga rwagurwa negurwe. "Chinondipa kurutsa kudai chiiko ahhh?" Ndakazvibvunza ndichitotaura ndoga nokuti moyo wangu wanga wamira futi,ndakatogadzirira kurutsa asi handina hangu kuzorutsa. Ndakageza mukanwa mangu ndokunwa mvura kuti ndiitewo zviri nani.Ndakafunga zano rokuenda kuchikoro ndinotaura naheadmaster kuti mari ichauya Ini ndambofana kudzidza nevamwe vana Ndakabereka bag rangu ndokufambisa ndichienda kuchikoro. Ndasvika pagedhi paitova nevamwe vana nevabereki vavo, waibhadhara school fees wopinda ne receipt muchikoro.Ndakamirira kuti vane mari vapedze kubhadhara Ini ndokuzoenda, "Hesi Tanaka ko zvatakanzwa kuti wakaroorwa wani wakuuya kuchikoro sei?" "Ndakarambawo ini ndokumbirawo kupinda ndoda kunotaura naheadmaster" "Ahhh panyaya yei nhaiwe asi waane madhiri nemukuru wechikoro" "Ndanga ndichida kuvati Mari ichauya baba vangu vasangana nehurwere saka mari yangu ndiyo yashanda" "Heeedeee Tanaka unopenga iwe, muchikoro mutemo unomuziva school fees pamberi munhu kumashure,kana usina mari unouya nemubereki kwete kuuya pano wega,suduruka ndimboona vakuuya nemari ava" Ndakakadzokera kumashure, ndakatsika munhu,ndakaenda padivi ndakagadzira kuti sorry,ndisati ndataura ndaive ndarohwa mbama yokuti ndakaona nyeredzi. "Mainini Revai ndakakutadzirei inini?" Ndakadaro misodzi iri pamatama angu,Ivo vakabva vabata muchiuno ndokutanga kutaura', "Wakatadzei hausi kuona kuti wanditsika here,pano uri kudei?" Ndakapererwa Ivo vatomira pedyo neni vachiziva kuti ndovatsika chete kuti vawane kundirova, "Ndanga ndauya kuzokumbira kupinda chikoro, ndikumbirireiwo mainini" "Heeedeee pfungwa dzako dzakatamba nepwere unoti chikoro chino ndechababa vako here?Dzokera unoita basa rekunyengwa nevarume muraini,varume vanoda mukadzi uyu hauna kodzero yokudzidza" Vakadaro vamwe vabereki vaivepo vakati haaa, "Mainini please ndokumbirawo kutaura' namhamha Linda please". Misodzi yakati mokoto neshungu, "Mai vako vakafa shamwari,wakada varume iwe ita zvevarume" "Nhaiwe Revai hant mwana uyu akugara kwababa vake here ko wadii kuchiudza Mai vacho vamuendese kuchikoro inga nhingi uya akaenda kuchikoro abva kumurume wani nemagonero aiita mwana uyu shuwa" Vakadaro vamwe Mai, "Musadairire nyaya dzamusingazive dzisiri dzenyu,rangu receipt iri" Vakadaro vachibudisa receipt ndakachema henyu,vakanyatsofamba vachienda ndakasara ndiripo.Vana vechikoro nevamwe vabereki vakatondinzwira tsitsi, "Tanaka zvimwe Mwari vane imwe nzira iwe chienda kumba uogara usafunga zvakaipa hant" "Eho" Akanga ari umwe mubereki akadaro,dakabva pachikoro ndikaenda kumba.Handina chandakakwanisa kuita asi kuvata hangu pamumvuri.Hamheno hope dzakabva nepi,ndakazomutswa nokudirwa mvura, "Mai Joy ukudirirei mwana mvura" "Ndiye muroi uyu inga chiremba vazvitaura wani kuti chivanhu ichi" "Pfutseke wanzwa usada kuti nditaure zvakawanda,wanzwa?waitira kuti upedze Mari yangu, Izvozvi ndazosara ndosvika kuchipatara matove kumashops kutenga Tenga nemari yangu imbwa yomukadzi" Muviri wangu wanga wakudedera,Ndakatarisa pavherenda ndokuona pane madish nemapoto eblack nechisaga nebag,panga pane zvakawanda Wanda zvatengwa. "Manga muripo pandarapwa imi doctor atoti ndezvekuroiwa izvi" Maziso avo mainini aive akatsvuka, "Pfutseki ndokurova wanzwa,ndogona kuzvipwanya izvi zvawatenga izvi hembe ndikadzipisa dzose idzi wanzwa izvozvi kana usingandizive zvakanaka benzi remunhu,chiremba vandiudza inini kuti mukadzi wenyu anwa surf,ende atoti tibudisei chiremba nokukasira,izvo wanga uchida kumhanyira kunoshandisa Mari yangu ndisati ndasvika Wakudira mwana akazvirarira mvura adii?" "Angarara achitadza kunodiridza garden" "Ndizvo zvawanga uchida manje haite basa anoswera akarara pano,haasi kuzoita basa,Joy achienda kuchikoro anobva atorara kana kugara,panodzoka Joy,voenda vose kumvura,mangwana kuseni vanochera vose mvura,chichaita Joy ndicho chaachaita ndigoona achisuka kana kuchera mvura Joy ari kuchikoro unondiona mupfana" "Eeee Saka mukuda kudii saga rine hembe dzangu" Vakadaro sezvo vaive vakuzvuwa saga Riya "Kunoripisa" Mainini vakamhanya kuti vabate,vakabva vanzi dzviii ndiwe wandanga ndichida chaiye.Mai vaingoita havo musindo,murume wavo anorova mhai,vakamboda kudzorera ndipo pavakairasa ipapo,zvino vanga vakungonzi unondidzosera ungandirove iwe.Kutambisa Mari yandakashanda kuti mwana wangu aende kuchikoro,ndanga ndakuchema ndichideedza" baba Tadiwa" vamwe baba vepanext.Aiwa vakasvika mhamha rangove ropa,Ivo vaitononokera kuuya Maune, avo nevamwe vakazouya asi vaitononoka kubata, hanzi neumwe unotora chimuti worova magaro asingakuvadze kwete kubvisa mazino sooo.Kana ndimiwo vaitoda kuti varohwe, vakarohwa kani pavanga vabatwa baba,mainini vakapfugama, "Sorry murume wangu ndaita hubenzi ndanga ndisingade aende kuchikoro" "Ndichakuramba wakura kudaro ndosara hangu nevana vangu pano" "Sorry imba yangu ndoida" Vanhu vakatanga kuti mukwane Mai imi,baba vakatanga kunyandanura zvinhu vachiratidza vanhu,kuti honai zvaatenga,ini ndanonoka kusvika kuchipatara ndazotevera natsano netsoka kwakuwana munhu atobuda,kutsvaga varipo kwakuzoona mota yakutodzoka kuwana vachitodya nemunin'ina wake atenga zvese izvi, Ndakazonyara vabudisa chibhurugwa chakadhamba,baba kana kunyara hanzi nokutenga zvibhurugwa pabhero. Haaa vanhu vakasvotwa,izvozvi mwana kuswera akarara neuniform ishungu dzokuenda kuchikoro, ndarwadziwa.Vanhu vakangoti sorry unotsvaga imwe mwana aende kuchikoro usapisa hembe nokupwanya mapoto. Vanhu vakaenda,baba ndokutora chingwa nedrink zvanga zviripo pane zvatengwa ipapo,vakati huya tidye Tanaka.Ndivo vakanditorera drink nokundipa chingwa, "Unoenda kuchikoro wanzwa mangwana chaiye ndikuzviziva kuti unogona kuva nenhumbu asi chandikuda ndikuda kuti ushinge wanzwa" Handina kupindura yenhumbu,asi yakandibata,ndakangoti ehoi baba. Ndakadya ndikatohwa kuti ndaguta paya, Mainini vakanga vazvimba kumeso nokurohwa hanzi bendekete rikurwadza.Pavaitaura baba Havana kumbovadaira,ndanga ndisina kutoona nehuku vanga vatotenga futi.Vakaigadzira voga vakabika voga.Ini ndaive ndabvisa uniform ndakazoenda kumvura yokushandisa,nokusuka ndiro dzose dzakasviba.Nguva dzanga dzaenda vana vechikoro ndipo pavakadzoka, Joy akawana ndichitopedza kusuka ndiro. "Sisi maswera sei?" Akadaro achisekerera kwazvo,takamhoresana akabva anopinda Mumba muna Mai vake. "Ko nhai sisi vakazvimba nei kufesi hanzi ndarohwa" "Ehe varohwa baba vazobatwa havo" "Ko varoverei munhu Ari kurwara asi vanga vachinyepera" "Anzi vanwa surf kuti ndisaenda kuchikoro" "Jesus Christ,nhaimi mhamha mazviitirei kunwa surf kuti mushandise Mari asi ndiyo imwe yamatenga huku manje mukuidya mega huku yenyu" Umwe mukomana akuziva akadairawo hanzi chii vanwa surf,vanga vakupopoterwa nevana vavo Joy akabva atoti handisi kuidya huku yamatenga,zvese matenga nemari ye school fees,iiii vakapopoterwa nevana vavo vakazopedzisira vati sorry veduwe. Zvisinei,nyama takazodya hedu Ava mangwana baba vakaenda neni kuchikoro,zvakaramba hazvo headmaster akatovatuka kuti Moda kutiuyisira hure pano endai naye kune chimwe chikoro kwete chino hapadzidzwe nemunhu akamboenda kumurume Zvakaramba hazvo baba vangu vanga vaita chido.Joy akarwadziwa kunyangwe neni asi chokuita panga pasina. "Unongogara hako pamba mwana wangu udzikame ndoziva varume vachada kukutsvaga asi dzikama usavasekerera" "Ehoi baba" Ndaive ndakugara hangu pamba vamwe vana vachienda kuchikoro. Mazuva aifamba,ndiripo pamba hangu.Mainini vaisandituma mabasa kana kundinetsa nokuti vaitya baba,kuhuni baba vakati handiendi ndoga,kugarden vakatizve haaendi ega.Saka kwandaienda kumvura chete, ndaitoenda naivo mainini kugarden kana kuhuni.Ichokwadi pandaingobuda ndoga paya vakomana vemuraini vaotonditaimira kunyangwe varume vevanhu chaivo.Handina wandakada ini ndakaramba vose nokuvatuka, vamwe baba vakandikumbira ruregerero ndavati ndikuvaudza baba vangu,vanga votya kurohwa zvino nababa vangu. Mazuva ose ndaitombowana nguva yokufunga Peace,zvakaramba hazvo asi ndaiti ndadiwa akabaya hake Moyo wangu.Dzimwe nguva zvaindiitira fun kufunga Alex,ndainyanya kurangarira paakandisiira Mari paya,apo Mari yacho ndaive nayo kutokanganwa mazuva ekuda kuenda kuchikoro Aya,ndakangoramba ndakaisungirira irimo mubag handina kumbotauraa nezvayo.Chakandipa kudaro inyaya yokufungidzira kuti ndine nhumbu,mwedzi wanga watopera ndisina kuenda kuperiod kureva kuti zvogona kudaro Mari yaizondibetsera kumberi iyi. Ndaimbofunga kuenda kubasa,ndakaudza mainini,mainini vakatoti baba venyu havabvume kuti muende kubasa.Ndizvo zvakaitika baba vakaramba hanzi chimbogara 3 months tichiona kuti une pamuviri zveshuwa here? Kubasa vanokuwanzira basa mimba ikabva zvikakuuraya uchiri mupenyu.Nokudaro ndaingova hangu pamba, Rimwe zuva ndichitofamba kuenda kwakanga kwatengwa chibage nababa,ndaive namainini.Kwaive kumaraini ekwasekuru kwataigara kuya.Takasangana nambuya Murapi munzira vachienda kubindu ravo, "Kwazjwai mbuya" Ndakadaro mhamha vakavakwazisawo, "Tiripo wena,ko Tanaka wakadiiko?" "Ndiri right hangu" "Hooo Alex nezuro chaiye akafona akati mbuya endai munopa Tanaka foni zvino ndikati kumba kwacho kure akati akuda kutaura' newe" "Hoo munomuudza kuti ndiri right hangu, mozomumhoresa akafona" "Oraiti ndomumhoresa" Mhamha vakabva vati, "Ko iye akamupa mimba haafonewo here anofanira kuziva kuti mimba yake inoda kuchengetwa kwete kungoti ziii" Hana yangu yakarova ko mhamha vakubva kupi nemwedzi umwe chete iwowu yakutonzi mimba, "Mimba, heeedeee ndichatoudza Mai vacho nhasi" "Ehe vaudzei ane nhumbu uyu" "Ehe anayo hamuone nzeve dzake idzi" Vakadaro vachibata nzeve dzangu ini handina kumbozvifarira hangu,takazopesana nambuya vaya mufaro wangu wapera kuti hwaaa Mainini vanga vongotaura vanotofanira kuzviziva kuti une pamuviri kwete kuti vasazive,nokuti mangwana anoda kuchengetwa mwana iyeye. Handina kumbovadaira hangu,misodzi ndiyo yaingojenga mumaziso mangu hamheno sei? The end of chapter 23 Book rino rinoperera kusub grp.Tichaudzwa kuti tinotenga sei pachapter 24. Thanks kune vose vachagadzirira kusupporta munyori wavo I love you guys mwaaaaaa,
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 612

Comments