MAI SHAMMAH NOVELS
MAI SHAMMAH NOVELS
February 24, 2025 at 11:44 AM
*THE GHOST'S REQUEST* STORY BY MAI SHAMMAH AND MAI RYAN AKA MASIZIBA @App263719925853 @App0778349453 READ,COMMENT AND SHARE WhatsApp GRP https://chat.whatsapp.com/F0pv4jvzsbpJkDQsvLUozI *FOLLOW CHANNEL* https://whatsapp.com/channel/0029Vax9A1QL7UVc0csgha3X BOOK RINO KUTI URIWANE NGUVA PINDA MUCHANNEL NOMUGRP TIME TABLE ONE OR TWO CHAPTERS PER DAY. (Sunday no book) CHAPTER 2 Ndakasara ndichingozvibvunza mibvunzo isina mupinduri, ko ndiyani iyeye aita kuti ndirarame? Uye a sacrificer kufa iye pachinzvimbo changu? Ndaizvifunga izvi ndakangoti rabada, *midzimu ngaisandinyadzise kuti imi mutadze kuzomuka* akadzokazve mazwi Aya akanga ane maungira munzeve dzangu. Ndakabva ndakoka simba rangu rese, ndikabva ndamuka. "Ndinopika nevadzimu vangu, ivo vaite kuti mubatsiri wangu auye kuzondinunura. "Ndaakukumbira zvino ndiwane paiswa mutumbi wake. Nekuti handingawane zororo ndikasaziva paaiswa." Pandakada kusimuka ndakanzwa kuti nyama dzichiri kudzimba asi zvaive zvava nani, maziso aiona zvawo asi aivhurika zvishoma. Ndichiri kuteerera marwadzo ndakanzwa ruzha rwakanyanya mumashure mangu, ndakasvetuka ndichinomira ndave chinhambwe, ndaifunga kuti ndadzokerwa, pandakaona iri mhembwe ndakazviseka ndega.Ndakazofunga kuti midzimu ndiyo yandityisidzira kuti ndiite action nguva ichipo, ndaive ndanyanya kuteerera muviri. Ndakatanga kutevera kwandaifungira kuti kungava kuri iko waiswa munhu andibatsira uyu,ndaiita sendiufemerwa mandiri, ndichimbovhara maziso angu, pandinovhura ndinenge ndotofamba, kwakananga tsoka.Ndakasvika paitaridza kuti pambobatwa batwa ndikave nechivimbo chekuti ndimo maaiswa umu, pfungwa yekuti afira ini ndiyo yaindipa chivindi, apa ndaive nechishuwo chekuti ararame hake ndigozomutenda.Panzvimbo yacho pakanga pachityisa kwazvo,ndakanga ndava pakati paro sango,shiri dzidzo dzandainzwa kuchema.Ini ndaive nechivindi chakasiba kwazvo,ndanga ndatarisana nedombo guru kwazvo,nokuda kwemuromo wanga uripi ndakaziva kuti ibako iri,ndakapeka peka ndichitarisa madivi ose,nokuti mupako akadai munogara rova mbira,ndakaona kuti paive ziii uye pasi paisaoneks muhwezva hwerova mbira asi panga pane ropa uye tsika dzevanhu, "Saka ndimoka maaiswa umu" ndakazvibvunza kudaro, "Afira ini munhu uyu" Ndakadaro ndichizvishingisa kuti ndipinde mubako umu. Ndakapinda mubako muya zvinyoro nyoro, chero zvanga zvakaoma hazvo, asi ndakatoona kuti muupenyu munoda ma sacrifices, zveaakanga aita. Saka zvakandipawo simba izvozvo kuti ndipinde,ndaifamba Hana ichirova,ndakangoti hamheno hupenyu kana kurarama muno mubako hamheno maive nerima mubako umu,asi nokuda kwekachiedza kekumusiwo kwanga kusina kuvharwa ndakwanisa kuona mutumbi,uyu mutumbi asi kuti ndione kuti ndiani handina kukwanisa kuona kuti ndiani munhu uyu?Ndomutakura here? Ndokusiya here?Hana yangu yakadedera kwazvo,ndakazongoti, " Vadzimu venzvimbo ino, ndinoda munditarisirewo mutumbi uyu, wafira dzisinei naye. Zvikara zvesango zvisasvike pamutumbi uyu, shuwiro yangu ndeyekuti,hama dzake dzigozoziva paakatsakatira.Nekuti akarwa kurwa kukuru nekuti, haana kutendera kuti mwana wamambo afe rufu rwebvumo".Ndaiuchira maoko ndichidetemba ndakasimbisa moyo wangu. Ndakazobvapo ndichifamba zvinyoronyoro kubuda mubako umu.Marwadzo aive aserera, nekuda kwemishonga yandaive ndazorwa nemufi uya. Ndabuda mubako umu,ndakatarisa pedyo kuti ndingawanepi dombo rakasimba rekuvhara bako iri,rovambira handina dambudziko nayo inoruma chaisingadye,asi kune zvikara zvakaita semakava zvinodya nyama yose,ndakati kwete uyu murume hasfanire kudyiwanezvikara.Zvino nguva yandaitsvaga dombo,ndipo pandakatanga kuona masora kudonha,pandakanyatsotarisa kudai,takaita mahweke euno mukono werova mvura,yaive yakasvika kuti bhiii,ndakafamba nhende Shure,iyo yakasimudza musoro cete.Ndava chinhandwe kureva kuti ndagadzira distance yakakura pakati payo nayo,ndipo pandakati chitsoka ndibereke handina kuzocheuka kusvika ndava chinhandwe.Nyokayaive yasara kare kare,ini ndaive ndofamba kuenda kudubhu rekwedu,uku ndaive ndisina kupfeka chinhu,kunze kwemucheka wokuvhara nhenge nemagadziko chete.Ndaizosvika sei pamuzinda.Ndaingozvibvunza ndichiri mukufamba sezvo ndaive ndichiri musango. "Dai akanga angondiudzawo zita rake, zvaizondiitira nyore kutsvaka vekwake nekuzozorodza mweya wake ndaitsvaka chekumutenda nacho." Ndaifunga izvi ndichifamba kuenda. Zvino ndava pedyo kusvika kumuzinda wedu.Ndakafunga kuzvifugidza nemashizha kuti vanhu vasatya kundiona ndisina kusimira.Ndiri pakati pekutanha zvimiti zvine mashizha msnyoro,ndakahwa kuti Shwa Shwa kufamba kwemunhu,ndakacheuka ndokuona Ari Svovai,musikana weumwe muranda ANOVA muvhimi mudunhu redu "Svowai mwanasikana waGadzanai,mwana wemuranda wedunhu redu,ukutsvagei musango uri wega?" "Ndakuona kare ndichibva kurwizi,ndamhanya nomusango ndikakuofuurai,ndaenda kumba Kuna Mai vangu ndikati prince Havana kusimirandofunga pane zvaitika nokuti muviri wavo une ropa,zvino vachasvika sei Kuna mambo nepamberi pevazhinji vakadaro,ndatys kuenda Kuna mabo k AA ma kune umwe muomaa wekwenyu chandakwanisa kukumbira mai vangu mucheka uyu kuti kuti muzvifugidze mukwanise kuenda kumberi kwamambo nevose varipo pamuzinda" Ndakapererwa nemwanasikana uyu,akagadzika mucheka uya padombo, "Ndipe hako mumaoko Svovai,baba vako varipiko?" Ndakadaro akapindura kuti, "Sezvamunozova baba vangu muvhimi vaenda kunovhima samazuva ose vafumobsts jongwe muromo vaenda takatariaurawo kuti vava kudzoka,kwakanaka here kwamabva" Hana yangu yakarova zvakasimba,asi kuti ndiye here murume andibatsira,asi angava oye nemabatirwo aanoitwa nababa vangu aifanira kutosek ndichiurawa haasi iye chete "Hongu kwakanaka waita basa chienda hako" Ndakatambura mucheka uya ndokubva ndazvivhara nawo.Ndipo pandakatanga kufamba kupinda mumuzinda. Ndakaonekwa nerimwe jinda ndichingopinda mumuzinda,akaasira kufamba kuuya kwandiri,Akanditarisa kubva kutsoka kusvika kumusoro,semunhuakanga ane mubvunzo wakawanda,akandibata ruoko ndokupinda neni Muimba yake ndiyo yaive kunze, "John kwakanaka here,ndakambopinda muno rimwe zuva here?" "Mambo haungaendi musina kundiudza kuti maitwa sei uye nani uye kupi?" Akadaro Ari mukushamisika kwazvo, "Handina kuzununguka kutaura iye zvino ndisiye ndiende" "Jesus asi munoziva kuti ndiri jinda rinozikanwa nokungwara uye nokuchengeta ma secrets ose,ndoda kugara ndiri alert mabva kupi maitwe?" "Ndati handisi kutaura' iye zvino" Ndakadaro ndokubuda Mumba make.ndaksfsmba kunopinda mumba, Baba vangu vakashamisika kwazvo vachindiona,misidzi yangu yakayerera ndaona Mai vangu vachibata pamoyo Pavo zvanga ndiri zvaive zvashanisa vanhu kuti chii chaitika?neniwo ndaive ndodemba kubva pamba ndisina kuoneka The end of chapter 2
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 189

Comments