MAI SHAMMAH NOVELS
MAI SHAMMAH NOVELS
February 25, 2025 at 05:08 AM
*PAINFUL LOVE 💘*                 BY    MAI SHAMMAH      To0778349453                                           EDITOR     MAI RYAN           To0719925853 *Book rino kuti uriwane nenguva please gara wabaya follow channel iyi* https://whatsapp.com/channel/0029VaDyrAr8fewnrBCUcz1c *Join my Whatsapp Grp* https://chat.whatsapp.com/I5J3n5o6qhn5tbZfCPav0Y CHAPTER 24 CATHERINE "Nigel ukudzokera rinhi nhai" Ndakadaro pawhatsapp ndatoona kuti panga patopera 3 days munhu achitaura neni apo neapo,akangopedzisira kutaura' anzi ndiri kumasvingo,hamheno kwaive busy zvakadii zvokutadza kungonditaudza chete? "Next week babe ukuda imwe night here?" "Ehe daddy kana two chaiwo," "Shuwa here Rega ndione kuti ndopinde Harare rinhi,ndoda kubva kuno order Yako yauya" "Hant Makati iri munzira inotora mazuva mangani" "Zvetrain hazvizikanwe asi zvosvika babe" "Yaaa ndina runner wandoziva anotora kuchina zvopedza kana 3 months asi zvichizouya" "Ehe zvouya wena," "Oky daddy I miss you" Yakangogrey tiker anga atibva online.Ndakatotanga kuronga kuti akauya ndoda kumuudza zvestand,ndoda iri imba chaiyo kuborrowdelle kwandobva kunze kwenyika ndosvika ndichiendako.Kwete zvaPrim zvokundiudza kuti akatengerwa imba yekugetto vamwe vanhu vane nhamo shuwa.Ndaingopota ndichitarisa msg iya kuti yapindurwa here ndoona isina,Zvakapa kuti ndifone panumber dziya dzaakafona nadzo achiuya kulodge,yakaringer ikadairwa ipapo ipapo, "Busy now" Akangodaro nokukata,ndakasekerera hangu sezvo ndanga ndanzwa voice rake.Ndakatoti ndimbosiya foni ndimbobata mabook ekuchikoro ndipo pakafonawo Peace,ndakangoidzikisa volume ndichiisiya yakadaro akafona kanenge ka5 handina kudaira moyo wangu waida kutaura' naNigel kwete naPeace Kana kuverenga ndakatadza ini.Zvakandituma kufona futi akabva adaira, "Nhaiwe nhaiwe ndanga ndiri busy nema builder shaaa akuvaka imba kuno kumusha tizowanawo pokusvikira" "Hoo inga magona asi ini zvekugara kumusha handidi daddy ndoda imba Kuma dalledalle" "Shuwa here chipondamoyo changu" Kundidaro ndakaita sendichanyunguduka, "Ehe daddy" "Don't worry my love manje manje tinodzifambira nyaya dzacho hant" "Orait daddy ndakusuwai" "I miss you more my sweetheart " "Ummm shuwa" "Shuwa babe ndichakuudza ndandopinda mutown tizonosangana hant une kamari kekubhadhara lodge kuya kwataiveri kuya kwakanaka kuya,hour vanoita marii?" "Ummm inenge 40 us" "Oky this time tongoita zvehour chete" ",Oraiti asi hour rishoma" "Riri boe babe tozotaura ndauya" Ndakazosara ndoti oraiti atokata kare,zvaive nani ndakambotaurawo naye ndakaswera ndichisekerera zuva rose,ndakatozofunga Peace akufona futi manheru apa aive ambofona zvekuma 10am apa yanga yatove to 8pm ndipo panga akufona futi.Ndakazvinyarira ini kuti ndomutii nhai,yokutanga call yakatokatta ndakazorovera Moyo padombo ndikadaira yechipiri yacho "Nhai Catherine wanga uripi kubva kuseni pandafona hauna kudaiira hauna kuzoona mamissed call here?" "Kutanga nokupopota ndiko kudiiko nhaiwe,inga ndakati tofanira kusuwana wani,ndatoirega maune ipapa ndanga ndisingade kukudaira futi" Ndaive ndatopinda mumood, "Zvichiitirwei nhai Catherine zvokuti tingatadze kkutaura tose here shaaa" "Totaura daddy apa voice renyu ronzwisa shungu sei maswera boe here?" Ndaitoseka hangu nechemumoyo "Babe usandidaro dai wanga uchiziva kuti ndanga ndonetseka sei ipapa usingadaro shaaa" "Sorry kani Saka mukuitei henyu" "Hapana ndakuda kugeza hangu" "Ndiuye ndikugezese here?" "Ehe babe" "Shuwa here manje manje tinenge takugezesana mazuva akundinonokera kufamba ini" "Tose wena ndokuti dai angomhannya " "Zvoita daddy" Takataura kusvika taitana bye bye, ini ndanga ndasiira pokutaura naNigel.Zvakandimbohwa sei,kumufonera yairamba,kuti nditaure naye paapp aive asiri online yacho.Ndakarara ndakabitirirwa nerudo imi,ndanga ndamusuwa dai adzokera hake Dubai kwatainyatsotaura ahhh ipapa kumusha hakuna network.Ndakazongobatwawo nehope zvokungodaro asi ndaifunga Nigel. PRIM Nigel haana kumbononoka kunovakisa kustand kuya,kubasa aive atsvagirwa vashandi nesister yake.Ini ndakanzi chigara kumba nemwana,ndaingoenda kunotora Mari manheru chete.Nokunovasiira mari yakachinjika kuseni kwega kwega.Nigel aripo taienda tose,aingonditarisa ndichiita ndoga zvemabook ekubasa kuti ndikugona here achinndibatsira,Mari ndoverenga ndoga iye ozoverengawo akaona kuti ndikugona,hant Zvekushanda nemari ndashanda nazvo kakawanda Saka ndanga ndisina kupusa hangu.Sister yake yaitondifarira zvekudaro wena,hama dzose dzaitaura neni pafoni vairatidza kundigamuchira. Pamazuva iyaya imba yakakwanisa kuplastiwa mukati nokupentwa mukati,sling akashinnga kutaura' nevarungu vake kuti vamutumire Mari.Zvakandifadza imi nokuti akatumira 3000usd.Ndiyo yakashanda pasling.Nokuisa madoors akasimba,durawall taimbosara pakadaro,ini pandosara ndichiona Mari profiti ndoisisawo durawall.Zvainge zvichitofamba wena. Mwedzi wakapera zvose zvaive zvapera manje.Takabva tatoenda kunogara kumba kwedu,magetsi taive nemasola,uye ndakatsvagawo amwe malodger kkuti ndisazogara ndoga ndoga pamba.Hupenyu hwangu hwainge huchindiitira hangu,rudo chairwo ndakanga ndichipihwa ini.Rimwe zuva ndakahwa Ian achitaura pafoni,hamheno chii chakaita kuti ndimire nditerere,handina kunyatsonzwa ini asi ndakasara nomubvunzo, "Catherine???" Ndakazvibvunza kudaro mushure mekunge ndahwa achiti, "Catherine unorevesa here iwe yes mwedzi wapera Saka wati hauna kuenda kuperiod" Zvakataurwa handina kuzvinzwa,ndobva iye ati, "Mira titange taita make sure" Zvakataurwa handina kunzwa iye ndobva ati "Oky" Apo ini ndaitova kuperiod.Kana ane girlfriend,asi girlfriend racho ringabva ranzi Catherine kuti I girlfriend.Ndakaita sendinopenga imi.Ndakambochema ndakamira nemadziro,ndokubva pamadziro payandichienda kubedroom.Iye aive mubath achigeza,foni yake ndaisava nebasa nayo asi aisaisiya pasi zvekumhanya kudaro.Nguva nguva akapinda akawanda ndakagara pabed nechiso chakapunyaira, "Ko chii Mai Maka kubva wapunyainza chiso kudaro" "Hapana hangu" "Hona babe wati ukuperiod" Akadaro achibata uyu yake yaive yakazvimba,ndakahwa Moyo kurwadza, "Ehe ndiko kwandiri" "Heyiii oky Rega ndingoshinga,asi izvozvi dakuenda kutown pane wandoda kuona wandoda kuronga naye zvekubasa" Ndakatadza kushama muromo kubvuna kuti Catherine here ndakangoti, "Ndoda kuendawo" "Kupi takamboenda tose Kuma friends angu rinhi,pamusoro pazvo unoda kunonhuwisa vanhu ropa reku period here Prim,handide tinetsane nezvinhu zvisina basa wanzwa,ukuda kuenda kupi kupi" Aive akutoita hasha kunge ndamutuka,ndakangobuda mubedroom ndichirovera door kunogara hangu pasofa misodzi ichiyerera,kana iri girl friend ine nhumbu zvichaitwa sei apa ini handina nhumbu. "Mai Maka ndakuenda ukuda kuvigirwei kunge ukuchema wani" Akadaro achena chena akuda kubuda, "Ndingatadze kuchema ndanzwa muchitaura zvenhumbu" "Nhumbua asi ndizvo zvawatsamwa zvenhumbu ya Catherine mwana watete veku mufakose here,munhu wanga ndichitaura naye ndichigeza" "Ehe asi ndicatherine mwana watete" "Saka wanga uchiti ndiani,zvakaoma wanga wati ndaita girlfriend" "Ahhh ndahwa muchitaura zvenhumbu" "Yes ati ane nhumbu zvikanzi sekuru dakuibvisa nokuti mukomana wacho handimude ndikati noo Mira titange Tama maker sure kuti haakude here nokuti mwana chipo chinobva Kuna Mwari" Ahhh ndakanyara imi apa ndanga ndafungira murume wangu zvisiri izvo apa, "Ahhh sorry ini ndanga ndatofunga kuti I girlfriend ini" "Primka munhu akasaitirwa girlfriend anoita seanopenga shuwa,ndashorei pauri ndakuda nhasi here,pandakakuda magirlfriends acho anga aripi?" "Sorry daddy" "Oky huya" Akavhura maoko ndikaenda ndikakisswa kisswaa paye,zvikanzi ukudei ndikati ndikuda pizza,zvikanzi ndinouya nayo,ndipo pandakahwa Moyo kureruka,akabva atora mota yangu kuenda nayo.Ndakasarawo ndakusekerera nhai kufungira murume wangu zvisiri izvo.. *The end of chapter 24* Book rino riri kuperera kusub grp.Kubva iye zvino sub grp rakuvhura,gara wabata nzvimbo Yako usasare pachizimbe ichi kuti bvirrrrriiiii ichooooo dhiiiii kusub grp. 1.5 USD ECOCASH 100ZWG ECOCASH NUMBER DZOKUISA MARI NDEIDZI0778349453 ZITA RINOBUDA P. NDIRIRE ANOSHAYA ECOCASH UNOTENGA 2 USD BUDDIE OR NETONE SCRATCH CARDS VARI KUSOUTH AFRICA R30 VOUCHER OTT,BLU,ONE FOR YOU,KAZANGE, EASY LOAD, TOSE TINOSENDA PROOF APA0778349453 KANA APA0771882503 NDIKASABATIKA BATAI EDITOR, (BOOK RINOVERENGWA NEBOOM ASINGAZIVE NEZVEBOOM NGAAPINDE MUBOOM HELP TIBATSIRANE IMOMO) THANK YOU,
❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 337

Comments