𝑩𝑢𝑺𝑺 π‘³π‘¨π‘«π‘°π‘¬π‘ΊπŸ‡ΏπŸ‡Ό π‘ͺ𝑢𝑡𝑬𝑹 πŸ‘„β€οΈβ€πŸ©Ή || π™‹π™„π™‰π˜Ώπ˜Ό π™π™•π™‘π™„π™Šπ™‰π™€π™π™€ π™ˆπ™π˜Ώπ™•π™„π™ˆπ˜Όπ™„ π™’π˜Όπ™‰π™ƒπ˜Όπ™Žπ™„πŸ’ƒπŸ½
𝑩𝑢𝑺𝑺 π‘³π‘¨π‘«π‘°π‘¬π‘ΊπŸ‡ΏπŸ‡Ό π‘ͺ𝑢𝑡𝑬𝑹 πŸ‘„β€οΈβ€πŸ©Ή || π™‹π™„π™‰π˜Ώπ˜Ό π™π™•π™‘π™„π™Šπ™‰π™€π™π™€ π™ˆπ™π˜Ώπ™•π™„π™ˆπ˜Όπ™„ π™’π˜Όπ™‰π™ƒπ˜Όπ™Žπ™„πŸ’ƒπŸ½
February 26, 2025 at 06:03 AM
Hide πŸ†” Ndakanga ndourairwa mukadzi weMunhu kuBlacheath ,Cape Town. Varume inzwai-wo tsitsi kana mava kurova vamwe varume. Ndakasangana nemumwe mukadzi aishanda pamba pandainoisa paving kuEdgemead. Saka pamba apa iye mukadzi uyu ndiye aitotivhurira gedhe kana tasvika ... So ndakapihwa # dzake nemurungu kuti ndimuudze kana tasvika ativhurire. Ndakanakirwawo neBabe paya ..ndokutomusvitsa shoko akati iye akaroorwa. Ndakaramba ndongomunetsa kusvika ndazomuti, "murume wako haana basa". Saka akazoratidza murume wake zvaiitika .. murume wacho ndokutanga kutaura neni achiita kunge mukadzi uyu. So the other day akazonditi, "Dadie vakaenda kumusha kana uchida huya kuno", that was midweek ndikati ndouya tumol. Sezvinei kwakamuka kuchinaya ..ndikati kumukadzi nhasi ndirikuenda kubasa ..zvakatomunetsawo kuti takazotanga kushanda basa repaving kuchinaya riini?. ZveShuwa ndakasvika ndikawana Ari ega akapfeka Bra neTyte chete ndikati nhasi ndapinda. Ndichingogara paSofa ndikaona piti piti piti six machinda door richibva ravharwa. "Urikudei muno nhai muchinda!" Ndomubvunzo wekutanga pasina kana 'makadii!!' , ndakapindwa nefear yandisati ndamboita chizvarirwo. Ndisati ndapindura zvikanzi nemukadzi uya, "ndiyeyu Israel wekundipfimba akati imi Dade hamuna basa!" Ndakanzwa ropa rese richiungana kutsoka. "Bamunini ndipei phone yenyu" ..akadaro murume wacho nevukasha. Yanga isina password akabva avhura camera. Akabva ati, "right machinda itai basa". Ndakarohwa imwe shangu ndikanzwa kunge mhino yapinda mukanwa uku achitora maVideo achiisa paStatus yangu. Ndakarohwa zvekuti ndakakuvarira mukati. Ndakazoti, "Mukoma ndiregererei zvichida mweya wetsvina wandiunza pano!!". Aah ndikati ndaiparamura, zvikanzi, "saka wanga uchida kupedzera mweya yetsvina pamukadzi wangu here!?. Ndopandakatibura chibhakera ndokuzorora ndakadaro. Ndakazopepenuka ndanhongwa nevanhu kuMuizenburg beach ndiri musvo. Ikozvino ndirikuvatsvaga asi vakatama ..mukadzi uya akasiya basa paaishanda ..I think vakafunga ndafa. πŸ˜”πŸ˜”πŸ˜”
πŸ˜‚ 😒 3

Comments