COCO NOVELS
COCO NOVELS
February 21, 2025 at 06:00 AM
*Huyai kuchannel for maprevious chapters nemamwe mabooks edu, maprevious chapters anowanikwa kuchannel not kuinbox kwemunyori so follow channel* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *Follow our Facebook page* https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d *✨ALL THAT GLITTERS✨* Written by Coco🦋🖤 Chapter 9 Ndakanyatsomusiya achindibvisa hembe ndikatomubatsirawo kubvisa dzake imi handitonzwisise zvaiitika asi chandinoziva ndechekuti takarara tese and it wasn't even painful sezvandaifungira coz ndinongonzwa nyaya dzekunzi kubviswa humhandara kunorwadza what what but munoziva ndakatozozvi realiser after the deed kuti ndatorara nemunhu uyu kaa ende humhandara hwangu hwatoenda pasina kana kurwadziwa kana chii infact ndaitonzwa kutoda some more handizive zvaiitika mubody mangu like I don't even know kuti zvaifamba sei even mupfungwa dzangu coz ndaizvibvunza kuti ndaitei then imwe pfungwa yondiudza kuti zvawaita zviri bhoo saka hameno ndingati ndanga ndabvuma kutongwa nemafeelings here kana kuti ndoti ndanga ndapfekwa nemweya wechipfeve zvino what's next after this coz apa ndanga ndakangorara pabed paJames iye tichingopedza zvataiita akabva abuda muroom maybe kuenda kubathroom hameno. I remember Tanya achindiudza zvinyaya zvake zvepaakabviswa humhandara and she talked about the pain plus ropa, ndakasimuka ndakatarisa pandanga ndakarara ndikaona pasina kana drop reropa, ndakatotaura ndega kuti hezvo ko chiiko ichi, ipapo James akabva apinda ndikadhonza chibedcover chake kuti ndizvomoneredze nekutonyara plus ndaisaziva kuti ndobehaver sei pamberi pake ndanga ndarara naye kaini so ndanga ndave kutomunyara zvimwe zviri extra zvekutodaro apa anga angoita zvekundijumha. James..." Uchiri wakamirirei, pfeka zvihembe zvako uyende kumba kwenyu, I even wasted my time ndichikudeedza pano munhu ane zigomba rakadaro mwana weform 1. ..." Aah nhai James ndizvo zvazvinoitwa here nhai, ko rough ndeyei and zvezigomba rauri kutaura ndezvei ingawani ndiwe wandideedza pano tikaita zvawanga uchida usina kutombobvunza kuti ndiri kuzvidawo here. Usangondiitira rough apa, you should be cuddling with me right now uchito apologizer coz watora humhandara hwangu without my consent and warara neni usina protection futi ko kana uine chirwere plus ko inini ndikaita nhumbu coz my mum told me kuti ndikarara nemurume ndave kutoita nhumbu. James..." Ukaita nhumbu unoenda nayo kuna baba vayo kaa zvinei neni izvozvo ndini ndingatozvityire kuti ndinozara zvirwere coz ndafamba nepakafambwa nevakuru kare kare. Uchinyepera kuzviita kainnocent madzimai. Ndati pfeka zvihembe zvako ubude muno, shuwa inini kuita kunge kapenzura kari kupinda muzigaba rebaked beans manje. Anga ave kutonhonga hembe dzangu achindikandira, I was trying to understand zvaiitika zvese zvemapencils negaba rebaked beans zvaaitaura but nothing was making sense to me, asi ave kupenga James manje munhu angandideedze kumba kwavo kuti apengere pamberi pangu here zvese zvaisambo maker sense kana but zvaingove pachena wani kuti uku kurambwa uku saka damn why am I stupid nhai, how did I fall for such a silly trap. ..." Nhaiwe chimbomira mafunnies kani hanty ndiwe wandideedza pano here saka chii chawave kuita handisi kuda kunetsana newe James saka ndizvo zvawainyengerera nezuro kaizvi, kundideedza kumba kwenyu kuti urare neni then ondi dumper just like that, kundiita senge hure rinorariwa whatsapp bundle remazig inini. Kundiita kunge tissue rekuti ukashandisa mutoilet unokanda muchamber oflusher. Vakomana muri shit dzevanhu, how can you do this kumwana wemumwe munhu. Kungorara neni then ondirasa kwakadaro uko kunge bepa remabiscuits awapedza kudya. James..." Take it however you want I don't care asi ndati pfeka zvihembe zvako ubude muno now ndave kutoshaya kuti chii chandinoda pauri, hauna kunaka, wakapera kare, haunake, you just a waste of my time. Zvaakataura zvakasvika zvichibaya pamoyo pangu kuti juu zvekutomboita katime ndichinzwa kasound kanenge kesiren mumusoro mangu, handisi munhu anongochema kaa but ipapo misodzi yakayerera. Ndinomboseka ndichinzwa nyaya dzevamwe vasikana vachinzwai kaa but apa ndini ndanga ndave kunzwai ndini ndanga ndave kukandwa kwakadaro uko kunge kaused pad kari kusemesa. Simba mumakumbo rinopera wena imagine uchiti wakangwara then wobva wasangana nevakangwarisa, hapana kusvaviswa kunodarika this level. Dai pasina kuti baba vangu ndinovaziva zvangu kuti havana kunyatsokwana ndaitoti kuna James warara neni handichabve pano ndave mukadzi wako asi nekuziva manje kuti kumba kwedu hazvibude bhoo plus James wacho anga akapfeka face yebasa ndakasimuka kubva pasi pandanga ndambodonha. ..." Ndokumbirawo kupinda mubathroom menyu ndiri kuda kungogeza ndingasvike kumba sei ndichinhuhwa kudai obvious my mum vanotozviona. Haana chaakapindura asi akavhura door achibva ayenda neni kubathroom kwavo kwaakangondisiya achibva ayenda. Apa ndanga ndatofamba zvakanaka wena zvisina kana kurwadziwa kana kudii maybe zvinosiyana zvekubviswa humhandara zvacho. Ndakageza ndikapfeka hembe dzangu imomo, chicover bed change ndakabva ndatochisiya imomo ndichibva ndabuda ndichienda kuroom kwake kwandakasvika ari paphone, aitaura nezvangu chete coz ndichipinda akabva acutter phone yake asi ndanga ndamunzwa achiti Nyarai maybe kutoudza mafia rake kuti kaNyarai ndapedza nako ndikabva ndakaramba yeah zviriko and handisirini wekutanga kuzviitwa asi zvinorwadza like ko inini ndatadza neiwo kuzvi controller, how could I allow someone to just take away my virginity ondiita rough kudai. James..." Kana wapedza chibaya, ubva wagara waziva kuti pakati pangu newe hapasisina dhiri zvapera haa uri wekumama iwewe ndatopedza simba rangu pakapfambiwo zvako kanoziva dzese nxaa. ..." Asi James ko ndaita sei tanga tichiwirirana wani and taita zvinhu zvedu mukuwirirana so this was your plan, to use me and dump me apa ndanga ndichiku truster James ndichikuda then ondidai kungorara neni ondiramba James unonzwa sei iri hanzvadzi yako iri kunzwai. James..." Hanzvadzi yangu haiyende kumba kwemukomana shaa, wauya pano uchiziva zvandiri kuda ndaita zvandanga ndichida handina kufara saka baya wangu zvekuramba uchingochema hazvisi kundinakidza, baya paden pako. ..." Eish hayas rega ndiende zvangu asi Mwari vakuitire zvakanaka James, Mwari vanyatsokukomborera nezvawaita izvi. Handina kana mashoko nhasi wandiratidza matrue colours ako asi ndozvi blamer after all ndini ndakwira combi kubva kumba kwedu ndichiuya kuzonzwai, ndini ndabvuma kupusa hameno aah hameno. Ndanga ndapusa munoziva ende misodzi yaingoyerera but zvaibatsirei haidzose humhandara hwangu plus treatment yandanga ndapihwa naJames yanga yatondiratidza zvinhu zvakawanda vakomana imbwa zvavo kana mazogara, kana mukangonzwa kunoda kurohwa vakomana ndifonerei any time ndinosvika nekuti haa. Ndakabuda mumba mana James hanty ndanga ndadzingwa ndikabuda pagedhi pavo ndanga ndapukuta misodzi but yaingoda kuyerera chete, ndatobviswa humhandara ndingori ne13 years chete nenyaya yekusadzikama. Imagine kubviswa humhandara nekurambwa same day moti munhu haasi muroyi. " Hesi iwe uri chiiko chaJames zvauri kungobuda pamba pavo ipapa pasina kana vanhu. Uri kuona kaa Esther hanty ndinenge ndichikuudza kuti James is cheating on me haasi musikana wekutanga wandaona achibva pamba pavo apa kubva zvakaenda maparents ake kumusha manje nhasi ndomuendera chete zvinobhohwa kuti unenge uri faithful iye munhu achikuhurira netype idzi mxm." Hamenowo shamwari yacho zvayakataura zvakaita kuti musikana uya atange kupopota achiuya kuzondijunga paguma pangu apa. Ndaisada zvekunetsana naye ndagara ndaitovewo nemastress angu and ndoziva zvangu kuti haunetsane nemunhu kumaraini kwavo kune vanhu vaanoziva nekuti unokutsanirwa. Saka James atori nemusikana wake zvake and he just called me kuti angowane kurara neni chete, I should have known manje nekupusa ndakati kudiwa. Ndakabva pane musikana uya ndisina kana kutaura naye chinhu ende iye anenge akatonetsekawo nekuda kwecalmness yangu zvekuti haana kana kumbonditevera asi ndaizvinzwa hangu kuti akanditarisa. Munyama hwai wekuti unobviswa humhandara then orambwa otoona kuti munhu ane mumwe musikana or I should say vasikana coz hanty anzi pamba pavo panongobuda vasikana obvious vaanenge achirara navo and now I'm one of them. Zvekumbonyara kuchema ndakazviisa paside ndikatanga kuchema heartbreak yandisina kunzwa paakandinyararira paye James ndanga ndave kuchinyatsoinzwa manje ndarambwa zviri pachena chaipo. Ndakasvika paMapuranga pasina kana combi yaiti Glenorah. Ndakabva ndagara parimwe dombo rakabatana nepole remagetsi ndakatarisa kuroad, kana magetsi acho dai atongondirova ndafira pano nhaimi chiiko chandaita kupa humhandara hwangu kumunhu asingandide here nhai. Kana mota dzaipfuura paroad ndaisadziona even macombi handina kuzomboteerera kuti ndinzwe yaiti Glenorah kana chii. "Hey sister, ndati sister nhaimi sister hamusi kundinzwa here." Hameno imwe mota yanga yamira pamberi pangu hombe chaiyo handina kumbotarisa kana zita rayo kana muridzi wayo handina kumutarisa. "Sister ndini ndiri kutaura nemi." Ndasimudza musoro ndikaona ari munhu aidriver mota yacho aitaura neni handizive ndingamuti mukomana here kana murume coz anokwana kwese. ..." Ehe ndokubatsirai nei nekuti hamusi kutozviona kuti kuignorer kwandiri kukuitai zviri kutoratidza kuti handisi kuda kutaura nemi. Tanaka..." Iiih sister musadaro, ndinonzi Tanaka ndiri kuda kuenda kuGlenorah A kuspecimen pane munhu wandiri kuda kunoona manje handizive kuti kunoendwa sei nekuti ifirst time yangu kuuya kuno, munokwanisawo kundibatsira nekundiudza kuti ndekupi here nekuti bharanzi racho randiri kuda kunoona harisi kugona kundi directer zvandinonzwisisa. Ndakamboita time ndakatarisa munhu uya not kuti ndaimutarisa kuti akaita sei asi pfungwa dzangu dzanga dziri kure ndakamutarisa zvangu, James hayas vamwe vabereki vakazvara varoyi chete. Mai vaJames vakaendera kulabour mahara chete mwana wavo imboko last chaiyo dai akawira muchidrain chemasewage onwa mazisewage obuda honye mukanwa, dai akadyiwa nemakonzo ari mupenyu. Tanaka..." Sister ko chiiko asi murikurwara kani, munokuziva here kuGlenorah A kuspecimen kwandiri kuda kuenda. ..." Sorry pfungwa dzangu hadzisi pano, ndogara kuGlenorah B kudhuze nekwamuri kuenda so togona kungoenda tese coz pano ndiri kushaya macombi. Tanaka..." Iribho sister vangu pindai zvenyu mumota ko hamuna kuzondiudza kuti munonzi ani kaa ende mabatsira ndanga nditori pama1 coz pane masinhi andiri kuda kungosiya maona apa arikutodiwa fast zvekuti ndanga ndave kutononoka. Ndakangoti ndonzi Nyarai ndichivhura door rekubackseat ndiko kwandakagara zvangu, kumberi handina kuda kukugara coz ndaida kunyatsochema ndiri kubackseat kuno, kumba handizonyatsowane nguva yekunyatsobowa chaiko. Tanaka..." Ko mabva magara kumashure here sister Nyarie madii magara kumberi muchinyatsondipa madirections makachena henyu by the way asi ndiri kuona kuti pane zviri kukunetsai ko chii ndoziva kuti chinochemedza kuvasikana i1 chete heartbreak, ko chiiko nemjolo mazuvaano nhai. Manje pain yenyu iyi inenge iri serious asi mazongonzwa babe rako raroora kani kana kuti mangoona mapictures pastatus mukati regai ndinozvionera mukaona zveshuwa paden munhu atove namadam vane nhumbu. Ndakatomboseka zvangu vanondiona ndiine makore manganiko mukoma ava zvekuti ndingatoroorwe inini. Akasekawo neni and akatotaura kuti ndafara kuti ndakwanisa kukusekesa achibva atanga kudriver paye ndichimupa madirections kusvika patakanosvika pandinoburukira then ndichibva ndasiya ndamupa madirections ekuenda kwaaida kunosvika plus vanga vave kucommunicater nemunhu waaida kunoona. Tanaka..." Chindipaiwo kaa number dzenyu nhai sister Nyarie ndizokufonerai ndichibvunza kuti irisei heartbreak yakakonzerwa netsaga riya varume vanobreaker moyo yevanhukadzi vakanaka semi so mabharanzi havafanhe kana kunzi varume coz vanotikanganisira isusu tine sweet love tinenge tave kutongonziwo imbwa pamwechete navo. Anotaurisa and ane majokes ndakatosekawo and ndakazongomupa number dzangu ko dzine basa rei. Ndakafamba kuenda kumba asi ndaifamba slowly chaiko ko dad vangu vakarota ndichibviswa humhandara nhai hanty zvinenge zvatoendwa here, ndingasarohwa ndikafa here nhai wangu munyama ndewei asi. Ndichipinda mumba handina kana kumhoresa mhamha asi ndanga ndatovaona ivo vandiona vakagara naMunashe wavo mudining achibatsira kubatanidza machira. Mhamha..." Hauwone manje kuti ndiko kudzoka nguva dzakanaka kumba uku. Ko zvaunenge wakatsamwa wani chii asi watukwa kana kurohwa nateacher kani manje mateacher ndizvo zvaari izvozvo. ..." Siyanai neni muzive zvekusona kwenyu uko kwete kunditaurira zvekushaya hamufunge chete imimi kusaziva pekunyarara nepekutaura. Ndakapindura ndichipinda muroom mangu and ndakakurumidza kukiya door coz lawyer ramhamha ranga riripo kaa iye Munashe saka ndaisada zvekurohwa zvangu ndiine stress dzangu dzeheartbreak. Munashe..." Vhura door iri hanty une muromo wekutaura sterek ndiri kuda kuti utuke mhamha wakavatarisa face to face hanty unogona kutuka here vhura door unyatsotuka. Akatanga kurova rova door, ndanga ndakamira ndakarizembera zvangu. Mhamha..." Chirega kudaro Munashe nguva dzababa vako dzekudzoka kubva kubasa dzave kukwana ende havambofare vachikuona uchida kurova mwana kudai hanty inotozoita nyaya kwandiri here chimusiya. Ndiko kubva kwaakaita padoor rangu, ndanga ndambozviti handicheme kana ndave kumba asi ipapo ndakagara pasi ndakazembera door and I just broke down. End of Chapter
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 564

Comments