COCO NOVELS
COCO NOVELS
February 28, 2025 at 09:23 AM
*Huyai kuchannel for maprevious chapters nemamwe mabooks edu, maprevious chapters anowanikwa kuchannel not kuinbox kwemunyori so follow channel* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *Follow our Facebook page* https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d *✨ALL THAT GLITTERS✨* Written by Coco🦋🖤 Chapter 18 Phone yangu yakaita zvekubvutwa kubva mumaoko angu apa ndanga ndakaiisa panzeve ndichitaura namhamha vangu. Yakabvutwa phone munhu achiita kupopota zvekuti mhamha vanenge vakatozvinzwa chete coz aitaura nyaya yekuti hee ndichiri ndakamira muno apa iye akamirira chikafu chake what what. Tanaka..." Phone iyi hauchaiwane futi wanzwa I want to destroy this phone zvese nesimcard racho. ..." Ayehwa Tanaka usadaro ndakuenda kunobika kwacho please ndidzoserewo phone yangu. Tanaka..." Ndati chii nenyaya yekutaura nevanhu vekumba kwenyu hee, ndati chii nenyaya yekutaura nevanhu vekumba kwenyu ndipindure ndisati ndakurova nekuti ndanzwa senge unotonzwisisa language yekurohwa kudarika kutaurwa newe nemuromo. ..." Handina kumbotaura kwandiri ini kutaura chokwadi handina kana kutaura zita rako ndangovaudza kuti kwandiri ndiri right ndatambirwa zvakanaka. Tanaka unoti ndingakusingise here ini ndichikuda nhai ndiani angano reporter nezve munhu waanoda nemoyo wake wese kumapurisa. Tanaka..." Ndinyararire uko uyende kunobika haunete nekunyepa here haundide iwe and ndinozviziva so stop pretending mxm uri kutondibhohwa ndogona kungokuuraya pano tiri two and no one will ever find you not even your mother who is a failure nekuda kwekuti vane mwana anenge iwe and your father who is a failure too. Paakataura zvekundiuraya hana yangu yakarova coz ndanga ndaona kuti munhu uyu ane pfuti so pfungwa yangu yekutanga yakangove yekuti ndinopfurwa nepfuti ndourayiwa ende pfungwa iyoyo yakaita ndisarambe ndichipikisana naTanaka asi ndakabva ndaenda kukitchen kwandakasvika ndisina kana idea yekuti ndotangira kubika kwacho papi chaipo. Ndakambomira ndakabata chiuno ndichifunga kuti ndotangira papi chaipo nekubika apa zvese zvekubika zvanga zviripo wena asi mubiki ndipo panga pasina. Ndakazobika sadza nechicken asi mmm chicken yacho zvayanga iri kaa ndizvo zvinonzi namhamha kubika negumbo izvi asi ndakabika zvakadaro ini kwedu kumba handibike ini saka kubikira Tanaka kwakandirwadza ende chainyanya kundirwadza ndechekuti this guy is rich he can afford kubhadhara maid anomuitira basa but oti inini ndiite basa rake here nhai. Ndakanoisa chikafu patable ndikaisawo changu ndanga ndisina appetite asi ndanga ndiine nzara ndofunga ndiyo nhumbu iyoyi. Ndakanodeedza Tanaka musitting room maanga akagara, phone yangu ndanga ndisina kutozopihwa anga atoitora hanzi haunzwe. Ndakasvika achitaura paphone but voice rake ranga riri low aitoita kazevezeve paphone yake pamwe aisada kuti ndinzwe kana kuti ndiwo matauriro ake nevamwe vanhu. Ndanga ndave kuona kuti Tanaka is not who I thought he is ende kuzviona nefirst day here. Kungondiona chete fast yaakarova paku cutter phone dai musana wangu wanga usingarwadze ndaiseka chete but ndakatadziswa nekurwadziwa. Tanaka..." Chii uri kutsvagei muno? ..." Hezvo asi nemusitting room handifanhe kupinda here nhai mambo coz kubedroom kwenyu ndiko kwamati ndisapinde chete ko sitting room futi, anyway ndanga ndauya kuzokuudza kuti chikafu chaita ndaisa patable. Handina kumirira answer yake zvangu ndakadzokera kudining ndikagara pachair asi ndaishaya kuti ndonyatsogara zvakaita sei chaizvo kuti ndisazvidzimbire musana wairwadza ndive comfortable. Akateverawo akagara pachair achibva avhura chikafu chiye. Tanaka..." Chikafu chacho kuita kunge chiri kupakurirwa imbwa kudai, saka apa wanga uchitoti uri kupakurira inini here kana kuti mafunnies aya chii ichi. ..." Tanaka ndiri kurwara veduwee ndakuudza kuti wandikuvadza pamusoro pazvo urikundiitira rough and you don't even care saka ndiri kutongoitawo zvandinokwanisa semurwere. Tanaka..." Kuzviitisa kwakadai uku ndiko kwandisingade especially nefirst day munhu achitanga kugara pamba pangu, kurwara kwako kunei neni dai uchiminder business rako ndisina kukupusher and it's a lesson next time paunenge wave kuda kupinda muroom mangu uka remember pain iyi unogarira kure. Ndakangoramba ndakamutarisa zvangu achitora musova wesadza achiisa mukanwa, haana kumboritsenga sadza iroro akabva arisvipa. Tanaka..." Chii chawabika ichi, what is this? Uri kubikirira mhuka yemusango here iwewe nekuti kana imbwa haidye this type of shit. Sadza iri imbodza ritori nehupfu humbishi chaihwo chicken yacho handizive kuti waibika sei wakakwana here iwewe hee kamunhu kanoziva zvekurara nevarume asi uchibika tsvina dzakadai so saka ndotonodya kunze uko iwe uchisara wakarara pano zvako. Ndakaramba ndiri zii zvangu changu chikafu ndanga ndisati ndabata so ndakabva ndatopushira plate yangu kuside coz kana chikafu chacho chisiri kudyika handidye kaa ini zvekubika zvinondinetsa izvi hanty ndiye anga andi forcer kubika kwacho ngaadye izvozvo, ende ndakanyatsotarisa zvangu kuside kuita senge ndisiri kutombonzwa zvaari kutaura. Ndakazomutarisa anditema nesadza kuface, ehe akandipotsera nesadza kumeso kwangu chaiko rakasangana nezvisoup zvikayerera zvichiwira pamakumbo pangu apa ndotenda Mwari sadza iroro raisapisa nekuti dai ndakatopiswa face yangu. Tanaka..." Handizive kuti vabereki vako vakakurera sei asi imbwa dzevanhu amai vako vese nababa vako. Chavakagona kukutrainer kuvhurira varume vese makumbo asi kubika haugone, respect chaiyo hauna unotarisa kuside ndichitaura newe iwewe ndiri shamwari yako here inini ndine zera newe here. ..." Iiih wangu siyana neni wanzwa ndakunyararira zvakwana ndiwe wandiforcer kuti ndibike ndichirwara futi apa wave kunditema nesadza ko dai wandipisa face yangu then pamusoro pazvo otuka vabereki vangu wave kuenderera manje nyarika Tanaka. Iwe uri benzi wani zidofo rinoona munhu ane 13 years seane 20 asi ndiri kukutuka here. Wakasangana nemunhu akangwara kukudarika shaa ende wakapusa unotooneka kuti hausi wemuHarare iwewe unoda respect yei zidununu risingafunge rakaita sewe mxm usade kundibhohwa zvako siyana neni handisi mwana wako rubbish. Chandakangonzwa kurira kwekutsemuka kweplate kumashure kwangu ende plate yacho yanga yandipotsa nepadiki ndakazviona pandakacheuka kuti plate yanga yarovera padhuze-dhuze neni chaipo ende hana yangu yakarova coz dai yanga yanditema face ndaitokuvara chaiko ende face yangu anga aivavarira kutangira pasadza now plate yedhaga. Tanaka..." Muhupenyu hwako usafe wanzwa, usafe wakataura neni uchidaro haundituke mumba mangu ndinokuuraya ndikakuviga pano ndikakanganwa nezvako wanzwa. Akataura face yake yachinja kuita yemunhu wandisingatongombozive kana. Ipapo ndipo pandakatanga kuchema, ndazvipinza mugehena rakaita sei nhai ndizvo zvandaichema ndichizvibvunza coz mugehena mandazvipinda chete umu. Akasimuka achibva abuda ndikasara ndiri patable ndichichema, munhu akaita sei Tanaka iyeyu ingawani aive sweet kwandiri wani what changed now zvekuti ave kuita kunge mhuka chaiyo. Ndakanzwa mota yake panze anenge anga ave kubuda apa anga akapfeka all black zvake pamwe anozonopfekera worksuit kumberi coz hapana paangapinde mumine akapfeka mupfekero wekunge armed robber kudaro. Ndakasara ndikambochema chaiko ndakagara patable kusvika ndave kunzwawo zvirinani ndipo pandakasimuka ndikabva ndatanga kunhonga mapieces eplate iya zvese nekubvisa zvisadza zvandanga ndatemwa nazvo. Ndakacleaner misodzi iri pamatama asi maplates ndakanoisa musink ndaizomasuka mangwana nekuti ndaisambokwanisa kumira ndichimasuka. Kana kudya handina ndakaenda kunorara ndakadaro hope dzakanetsa kubata munoziva ndichiziva kuti ndiri muzimba zihombe apa ndiri ndega kutotya chaiko ndiko kwanga kwandibata apa zvasangana nekuti handina kana phone yekucommunicater nayo nevanhu kana pakawana chinoitika. Ndakazobatwa zvangu nehope hameno dzanga dziri kumanguvai ndikazomuka kunze kwachena asi Tanaka anga asati auya. Ndakaita zvangu basa repamba zvandinogonawo izvozvo ndikazvibikira tea ndikanwa coz chingwa changa chirimo mazai, baked beans zvese hapana changa chisimo mukitchen make eve fridge yanga yakaita kuzara nyaya iyi. Musana wanga usisanyanye kurwadza zvawo, ndakatozoswera ndave kuona tv zvinhu zvandisina kujaira kuita asi ndanga ndisina phone yangu so ndanga ndisina zvimwe zvekuita kunze kwekutongoona tv nekurara. Manheru akakwana ndikabika zvangu izvozvo zvekungodaro daro ndikatosiirawo Tanaka chikafu chacho asi haana kuuya kumba ndikarara zvakadaro. Ndakaita dzimwe five days ndiri ndega pamba pasina kana sign yaTanaka apa ndaingogara mumba hapana kana day randakambobuda panze zvangu kutotya kuti ko ndikasvikirwa naTanaka ndiri panze ndozoita sei coz munhu wacho mmm handizive kuti ndonyatsoti chii kana ndichitaura nezvake. Ndakazoti day rechi7 ndiri pamba pake ndapedza kugeza ndichitonetseka kuti ndopfekei coz hembe dzangu dzese dzanga dziine tsvina hanty ndanga ndakatakura dzishoma apa ndanga ndisina kumbodziwacha coz ndanga ndisina kuudzwa kuti ndikadziwacha ndodziyanika kupi, ipapo ndipo pandakanzwa kupinda kwemota kugedhi ndakaziva kuti obvious ndiTanaka. Handina kuziva kuti ndofara here kuti auya kana kuti ndotya nekuti day riya akabuda akatsamwa zvake ende ndanga ndave kuda kutopota ndichitsiura muromo wangu kuti ndinyarare zvangu kwete zvekutukana naTanaka coz haasi mhamha kaa ava vanongondisiya ndichiita zvandinoda akanyatsondiudza akaratidza kuti anondirova that day. Ndakambogara pabed kwekanguva ndichimirira kuti apinde mumba pandanga ndaave sure kuti ave mumba ndipo pandakabuda muroom mangu ndakamonera drying towel coz ndaida kunomuudza kuti handina hembe dzekupfeka hanty ndiye akandiudza kuti nditakure hembe shoma here saka anofanha kundipa hembe dzekupfeka. Ndakananga kusitting room chaiko nekuti ndiko kune main entrance asi ndichipinda musitting room ndakaona makazara varume apa patable paine chibox chinenge chisafe chiya chinochengeterwa Mari chakavhurwa apa patable pakaita kuzara mazi hundred dollars nema fifty dollars Mari iyoyo ichiverengwa. Ndakatarisa kudaro Tanaka akabva asimudza musoro wake achibva atarisana nani. Tanaka..." Chiiko newe urikudei muno usina kupfeka. Kutaura kwaakaita kwakaita kuti vamwe varume vaanga ainavo vanditarise and mafaces avo akandiitira familiar kunyatsoona kuti vanhu ava ndovaziva mhani asi kuti ndizive kuti ndakambovaonera kupi ipapo ndakatadza kana ndakazama kufunga asi ndakatadza asi vese vari five vanga vaina Tanaka ndakanyatsovaziva kuti vanhu ava ndinovaziva mhani ende vese vakaramba vakaisa maziso avo kwandiri vanenge vakandiziva handizive zvainyatsoitika ipapo kaa asi no mhani vanhu ava ndovaziva ini. Tanaka..." Ndati urikuitei muno usina kupfeka haunyare varume here iwewe. ..." Sorry handina kumbozviziva kuti wauya nevanhu. Ndakataura ndichibva ndaramba ndakamira ndanga ndave kutoita kunge munhu anamirirwa panzvimbo one, varume vaye vanga vatodzokera pakuverenga Mari yavo ini ndakangomira chete. Tanaka..." Ko iwe uchiri wakamirirei ipapo asi hauchagone kufamba kani. Sarai muchiverenga mari iyi ndimbononzwa kuti iyi imbwa iyi chairi kuramba yakamirira ipapa chii asina kana kupfeka anoda varume zvisingaite munhu iyeyu apa ane 13 years chete asi anoda varume kunge hure remubhawa rekumakorokoza chairo. Musasare muchiita chitsotsi ipapa coz tese tiri kuziva estimation yemari iri umu. Hameno zvakapindura vamwe vacho handina kuzvinzwa coz vakataura almost vese at once so kuti ndizonzwa kuti uyu ati zvakati kana kuti uyu ati zvakati handina chandakazongonzwa kuseka kwavo chete. Tanaka akasimuka akandibata ruoko akafamba neni kunosvika kubedroom kwangu. Tanaka..." Haunyare here iwewe uri kumirirei pane shamwari dzangu wakapfeka so, chii newe unopenga here iwewe. ..." Ayehwa ndanga ndichida kukuudza kuti handina hembe dzekupfeka hanty wakati nditakure hembe shoma here nhai. Tanaka..." Saka wakadii kudziwacha chero nehembe two chaidzo munhu anongorarama wani. ..." Ndaisaziva kwekudziyanikira. Tanaka..." Uri zibharanzi wanzwa, zibenzi wakapusa zvekuti. Akabuda muroom mangu akadzoka achindikandira t-shirt yake nechibottom ini handisati ndambopfeka trouse muhupenyu hwangu asi apa ndanga ndisina imwe option pane kutongopfema chibottom ichocho netshirt yandanga ndapihwa apa chibottom chacho changa chakabata zvekuti ndanga ndisiri comfortable kana asi atleast t-shirt yanga yakazokurawo zvekuvhara kumagaro uku. Ndakazosara ndopfeka Tanaka atobuda asi ndichipfeka ndaizama kuremember kuti varume avo ndinovazivira kupi ende chimwe chaindinetsa ndechekuti Mari yavaiverenga iyo imari yavanga vabva nayo kumine here nekuwanda kwayo ikoko or vanhu ava vane zvimwewo zvavanotoita coz nema all black avanga vakapfeka plus Tanaka ndakamuona ane pfuti mhani ndizvo zvandaizama kubatanidza izvozvo kuti ndione kuti Tanaka anonyatsoita nezvei chaizvo. Ndiri mukunetseka nepfungwa idzodzo ndipo pandaka remember pandinozivira varume avo aah one of those guys ndiye anodanana naTanya hameno kana vachiri kudanana iye uye wekuenda nesu kwaMashwede then vamwe 4 avo ndivo vandakazoona last day rangu randakaenda kwaMashwede pane one wacho wekuisa ruoko rwake mubhurugwa mangu shit how does Tanaka know these guys? Kuri kunzi vandiziva I doubt pano ndikapagara Tanaka ave kuziva kuti ndaimboenda kwaMashwede obvious anototi ndiri hure apa handisi. Vanhu avo vari kutsvagei pano nhai damn zvanga zvangozara mumusoro mangu ndezvekuti how does Tanaka know those men zvekutovati mafriends ake and where did they get so much money? End of Chapter
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 992

Comments