
COCO NOVELS
February 28, 2025 at 09:00 PM
*Huyai kuchannel for maprevious chapters nemamwe mabooks edu, maprevious chapters anowanikwa kuchannel not kuinbox kwemunyori so follow channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v
*Follow our Facebook page*
https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d
*✨ALL THAT GLITTERS✨*
Written by
Coco🦋🖤
Chapter 19
*Mai Nyarie*
Mai Mike..." Haa pakadai apa panoda kuti munhu ubva wangoenda kumusha kwenyu straight worse Nyarai asisipo uyu hapasisina need yekugarira vana kutoenda zvako kumusha kwenyu zvinhu zvinenge zvakanaka pane kuurayiwa.
..." Hamumbozvinzwisise asikana, ukaona munhu akagara mumarriage seyangu inorwadza Mai Mike zvamunoziva zvishoma kudarika gehena randiri hama yangu asi kugara kuziva kuti handina kwekuenda, chero ndikaenda kwandaenda kwacho ndinonogara nguva yakareba sei musakanganwe kuti munhu munhu kaa hapana paangazoda kugara neni kwehupenyu hwese masowe atinopinda chaiwo ndicho chimwe chinoita ndingogare Mai Mike nekuti hazvizodi kuti munhu anopihwa respect sababa Munashe anzi akarambana nemukadzi nekuda kwe abuse. Ndinogara asikana anogona kumbondirova nekundirwadzisa asi inguva ende zvichapera izvi.
Mai Mike..." Nhaimi kupusa kudaro kunge ana Mai vedu, mashoko enyu andi disappointer wena, saka apa muri kutodzokera pamba penyu yuhwi kana kurohwa kwamakaitwa nezuro muchiti kushoma iiih handidi kukunyeperai hatina mazuva akawanda nemi pano panyika tiri kukuvigai murume wenyu oyenda kujeri tione kuti vechurch yenyu vachazoti chii vamunotya ivavo, regai tichiisiya nyaya iyi zvanzi chiiko nadoctor handina kuzopinda nemi pamanorapwa kaa hamuna kutyorwa mbabvu here nhai aah zvakaoma munhu kuita zvekukupondai kunge nyoka yapinda mumba kudaro, baba Munashe ndakatya zvangu.
..." Aaah zvakaoma pakutorapwa ipapa ndipo pandabva ndatoudzwa dzimwe news futi dzatoita ndione kuti zvekusiya baba Munashe hapana. Hanzi ndine nhumbu Mai Mike ndatomboti doctor vatadza kuona sezvo ndanga ndisina kufambira izvozvo, kana ndimiwo hanzi idiki zvekuti haisati yatombosvika mwedzi chaiwo doctor vanga vachitoti tinotenda Mwari kuti haina kubva.
Mai Mike..." Hezvo nhumbu aah nhai asikana tototi makorokoto kaa nekuti nhumbu haina kumboipa zvayo asi murume wenyu ndiye akaipa zvake.
..." Ndeedu tese asikana.
Handina kupindura zvine chekuita nababa Munashe zvavanga vataura coz it's clear kuti vanga vatovenga baba Munashe ende hapana chandaimbotaura chingaite vavaone neimwe nzira. Ndanga ndichiri kurwadziwa hangu apa mapiritsi ndanga ndapihwa asi not ari strong nekuda kwenhumbu yangu iyi I can't believe kuti ndine nhumbu now imagine dai Nyarie asina kutizira aindituka kaa nekuda kwenhumbu iyoyi munoti pane chakanaka chiri pandiri here pamberi paNyarai. Takasiiwa nemota pamba pamai Mike, ndanga ndave kuda kutodzokera kumba kwangu kuti ndirware hangu ndichiita basa rangu rinondipa mari asi manje kukiiwa kwegedhi zvese nedoor ndiko kwakandidzosera kumashure.
Takanogara zvedu mumba mamai Mike ndikatombonorara asi ndaida kudzokera zvangu kumba kwangu kana baba Munashe vangodzoka kubva kubasa kuramba ndiri pamai Mike ndaiwona kuri kuvaremedza chaiko semunhu anga anditambira nezuro ndikarara pamba pavo zvakangonakawo kuti ndibve pamba pavo zvichakanaka pane kuzobva tisisataudzane especially nehunhu hwababa Munashe ndoziva kuti nhasi ndikasadzokera kumba vanenge vachitouya kuzo disturber vanhu futi pamba pavo, baba Mike vakakwanisa kuvadzinga zvavo nezuro asi ko nhasi vakabhohwekana nazvo nekuti kunenge kuri kutokanganiswa kurara zvakanaka, nenguva dzavanoda mumba mavo.
..." Asikana makaita basa makanditambira nezuro mukandibvumidza kuti ndirare pano ndisingataure kundiperekedza kuchipatara muchishandisa mari yenyu maita basa veduwee asika handicharambe ndakagara pano regai ndidzokere kumba kwangu. Mari yataendesa kuhospital ndinokupai mangwana maita basa veduwee.
Mai Mike..." Mave kutoenda pamba penyu musati masimba here nhai, munogona kugara two kana three days pano ipapowo baba Munashe vanenge vachi cooler down.
..." Regai ndiende veduwee vanono cooler down ndiripo nekuti iya ndiyo imba yangu manje ende handingasiye musha nekuda kwekuti ndakarohwa nemurume.
Mai Mike..." Kana mafunga kuenda zvakanakai asikana ndinokuonai mangwana makuseni.
Vakatondiburitsa vakandiperekedza kunosvika pagedhi rangu, baba Munashe vanga vauya so gedhi ranga risina kukiiwa. Mai Mike vakati havachapinde nekuti vanogona kuzonetsana nababa Munashe so vakandisiya pagedhi ndikasara zvangu ndichipinda asi ndaifamba zvishoma nezvishoma kusvika pandakanopinda mumba ndikawana baba Munashe vakamira pastove. Handina kutaura navo kana kudii ndakangopfuurira kubva pavari ndikanogara pasofa mudining. Zvinhu zvanga zvanga zvichingori semasiiro andaka zviita zvangu.
Baba Munashe..." Wapedza kaa kuhura wave kudzoka pano pamba pangu, wakarara kupi nezuro ende wadzokererei pano usina Nyarai.
Ndakazviudza kuti no munhu uyu handisi kuzomupindura zvangu. Ndakatoita zvekunyatsorara zvangu pasofa ende hope dzakabva dzatobata anenge mapiritsi anga ave kuita ndirare kudai coz kana kwamai Mike ndanga ndangoswera ndakarara zvangu so apa ndakatobatwa nehope mushushi achitaura zvisina basa zvake zvandisina kupindura kana kuda kuteerera ende ndanga ndatozviudza kuti handisi kuzomuudza kuti ndine nhumbu achanozvinzwira kumasowe.
Baba Munashe..." Iwe muka apa ndiri kutaura newe wakatorara zvako. Muka uko apa ndiri kuzvibikira ndega iwewe mukadzi wangu wakatorara zvako pasofa.
Ndakasimuka ndikabva ndapinda muroom maNyarai ndikakiya door. Ndakabva ndamufunga mwana wangu arikupi nhai ende arikubatwa zvakanaka here ndizvo zvakatanga kupinda mupfungwa dzangu. Baba Nyarai vakatanga kupopota vachirova door reparoom.
..." Mukaramba muchidaro ndave kuzonokutaurirai kumasowe munyadziswe pamberi pesowe rese nekuti ndaneta nemi ini. Nditoriwo worried nezva Nyarai ende I'm in pain makandirova nezuro nhasi ndanoudzwa kuhospital kuti ndine nhumbu asi hazvina kana basa nemi izvozvo chenyu kungoda kundipa mastress chete siyanai neni please ndiri kutonetsekana nezvaNyarai zvekuti kunzi hure nekutukwa zviri kutondiwedzera stress.
Baba Munashe..." Ndatadza kunzwa here kana kuti mati mune nhumbu.
..." Zvamatonzwa ndizvozvo ende kumasowe ndirikuda kutonoudza munhu wese anoda kunzwa kuti vazive hunhu hwenyu kwete zvenyu zvekumira pamberi pevanhu muchitaura hope dzenyu dzamunorota asi mumoyo menyu makasviba. Kuda kuzviita mutsvene pasowe asi pano pamba muchida kuzviita shumba. I have had enough of kushungurudzwa nekutambudzwa nemi ndiri mwana wemumwe munhu and I don't deserve this don't take advantage yekunyarara kwangu mokuita kupusa rambai muchiita zvamuri kuita ndino reporter kumapurisa kuti makandirova ende ndine nhumbu izvozvi muone kuti nyaya yacho inokupererai mushe here.
Hapana chavakazombotaura ende ndakavanzwa vave kubva padoor vachibva vabuda panze. Baba Nyarai vanojairira zvavo after kundirova kwanezuro kuya ndodzoka futi nhasi voda kusimudzira nyaya yanezuro apa ndivo honzeri futi yekutizira kwemwana wacho hanty ndivo vainditadzisa kuraira mwana vachizviita sweet father kuna Nyarai asi kwandiri vari mhondi chaiyo zvino Nyarai uya atizira mhosva yave kuda kupihwa inini kuita sekunge ndini ndai supporter mwana achiita zvinhu zviri wrong manje ayehwa kana bodo. Ini wacho zvaNyarai ndave kuda kutozama ndikanganwe nezvazvo akaita zvake zvaanoda ende aita chake ndihombarume haana wekuchema naye hanty ndakamuudza kuti all that glitters is not gold iye akati kwaari kune gold saka zvakanaka zvakadaro semwana wangu handizomukanganwe zvangu asi ndave kuda kutoedza ende anga andishungurudza mwana uya zvekuti ndikada kutozotarisa rimwe side ndotoona kuti ndinogona kufara now asisipo kudai asi baba vake ndivo muyedzo chaiwo, Satan wemunhu mxm.
Madays akafamba zvawo ende baba Nyarai kubva zvandakavaudza kuti vakangondirova chete ndinonoudza vanhu kumasowe vakabva vatorega nekundituka kana kubvunza zvaNyarai zvekuti ndingangoti pamba pedu tanga tave kutogara zvakanaka murunyararo and Nyarai ndaimufunga handidi kunyepa asi ndaizvisimbisa nekuti akagara zvakanaka kwaari ikoko nekuti anga andiudza kuti akatambirwa zvakanaka. Ndaimboedza kumufonera asi phone yake yaingoramba kupinda iyi, pandakaenda kuvisit kwaMunashe handina kutomuudza nezvaNyarai ndaisada zvangu kuti anetsekane nezvaNyarai otadza kuita zvechikoro apa next year anenge ave mucandidate kaa uyu saka ndakaona zvirinani kuti azonzwa kuti hanzvadzi yake yakatizira ave paholiday zvake.
*Nyarai*
Tanaka..." Vanhu vandanga ndiinavo avo unovaziva here iwewe.
..." Ayehwa ko ndingavazivirepi zvangu vanhu vekuShamva kuno, urikuda kudyei ndinobika.
Tanaka..." Usade kutiza nyaya yandiri kukubvunza nezvayo, vanhu avo unozivana navo chete iwe nekuti vataura kuti uri hure ravo ravakachinjana havana kuzondiudza zviri direct coz vanga vave kuseka asi zvishoma zvavandiudza zvandiratidza kuti iwewe navo munozivana and pane zvamakatomboita mese zvenyu.
..." Ndati hapana chandakaita navo wani ndatotangawo kuvaona nhasi nhai Tanaka ucharega kunditi hure riinhi coz ndaneta nekuudzwa chihure newe now wave kutondiudza vanhu vandakarara navo futi kutondipa list asi you know very well kuti ndakangorara naex wangu James akatondi tricker futi newe chete ndiwe wandakarara newe saka avo varume ndakarara navo kupi.
Ndanga ndatovewo confused zvemashuwa coz kuvaziva ndovaziva asi handina kumbobvira ndakarara navo kaini zvekuti vangataure kuti ndiri hure ravo, hure ravo pakuti ndakaenda navo kwaMashwede here asi Tanaka anga asina kumbotaura nezvakwo wani saka aah hameno pamwe anga angobatanidzawo nyaya zvake.
Tanaka..." Saka vandinyepera kaa vanhu avo.
..." Obvious wanyeperwa ko iwewe ndiudzewo kuti Mari yese yamanga muchiverenga iya makaiwanepi ende unozivana sei nevanhu vanenge mhondi vaye iwewe uri munhu ari soft soft wani unoitei nevanhu vanenge vanotumwa kunouraya vanhu vaye and you even called them your friends.
Tanaka..." Enda unobika uko ubike zvinhu kwazvo and stay out of my business nevanhu vandinowirirana navo nekuti mari yandinowana inobvepi hazvinei newe iwewe chingoita basa rako chete pano rehumaid undibikire zvinhu zvisvinu ikoko.
..." Asi iwewe wanga uchindibvunza mibvunzo ndichikupindura zvakanaka wani nhai Tanaka ko iwewe why can't you just answer mibvunzo yangu zvakanaka. Ndakakuona uine pfuti futi ndeyei pfuti iyoyo.
Tanaka..." Pfuti iyoyo ichauraya iwewe kana usingagone kuminder business rako. Uri mushandi wangu pano wanzwa slave wangu wekuti chese chandada unondiitira enda unobika uko nhasi ndiri kutoda husiku hwese newe hanty ndizvo zvauri kudyira chikafu changu pano izvozvo.
Mxm haya zvakaoma, yekunzi ndichaurayiwa nepfuti yakandityisa zvekuti ndakasimuka ndikaenda kunobika asi kubika kwacho ndakanobika rice risinganetse coz mumba macho manga muine rice cooker so ndiyo yandakashandisa nyama ndikaisa muoven sezvandinongoona mhamha vachiita. Chandakabika isoup chete nekugadzira masalads ndichibva ndatoisa zvese patable ndokuenda kunodeedza Tanaka asi ndakasvika akaita kuzadza table nezvimwe zvinhu zvewhite zvinenge chalk yakatswanywa ende aitozvifemedza zvinhu izvozvo hameno maitiro aaiita so asi zvinhu izvozvo aiita kuti zvipinde mumhuno make.
..." Chiiko chauri kuita ipapa zvii zvauri kuisa mumhuno zvinenge mapiritsi akatsondwa simuka tiende kunodya uko.
Akatora zvipowder zviya akabva aisa zvimwe mukanwa make mumagums umu ndimo maakazvizora ndanga ndakamutarisa hangu. Ipapo akabva asimuka apa zvipowder izvozvo zvanga zvangozara pamhuno pake pese apa. Ndakatoti munhu arikuuya kuti tiende kunodya apa aiwuya kuzondirova zvake mbama ende akanditsemura mbama ndakavarairwa.
Tanaka..." Ndakakuti chii nenyaya yerespect kwandiri, ramba uchitaura neni kunge mwana wako uwone zvandichakuita nxaa ende usandibvunze kuti chii chandiri kuita senge usingazive madrugs ndinoita zvemadrugs that's the only thing that keeps me sane atleast ndakadai I will sleep at night ndisingarote kana kuona zvivanhu zvese zvandakauraya sezvandichakuita iwewe hauna mazuva akawanda uri panyika gara wazviziva nxaa.
Akataura achibva atofamba achibva pandiri achiseka, kana nechaaiseka handizive asi ndakasara ndakabata dama rangu ndichichema. One ane pfuti, then mazimari hobho apa ane mazishamwari anenge mhondi then anoita zvemadrugs pamusoro pazvo zvese ondiudza kuti he will kill me kari kechi2 futi muzuva ranhasi and zveshuwa anondiuraya kaa coz atotaura kuti akambouraya vanhu vakawanda so inini I won't be the first person neither will be the last waachauraya. Ndakanzwa kutya chaiko, kunzwa kuda kuenda kumba apa ndisina kana phone kana Mari yekuti ndiendese kumba.
Mazuva akafamba ikaita mwedzi ndiri pamba apa asi ndanga ndisina kugara zvakanaka daily ndaifunga mashoko amhamha ekuti all that glitters is not gold ndiri muzimba zihombe muine chikafu chese chandingade chirimo asi ndisina peace of mind, ndichishungurudzwa naTanaka ende achindiudza kuti arikundiuraya ari serious I remember rimwe day akatoburitsa pfuti yake akandinongedzera akange ave kuda kutopuller trigger ndipo pakazo ringer phone yake zvekuti dai kutaura kuno ndakafa ini. Kungogara pamba apa kwanga kwave kwehuranda hwekuti gedhi rinogara rakakiiwa ende handina mabudiro. Iye Tanaka aitoita zvemadrugs ake pamberi pangu achienda kubasa kwake manheru vodzoka neshamwari dzake idzodzo vachitaura zvemaheist hameno ndozvipi izvozvo.
Pamba paTanaka pakandivava kugara apa nhumbu yanga yatokura iyi ende Christmas yakasvika ndiripo, musi wechristmas akanwa zviwhisky zvake akandirova kuti nei ndisina kumugochera nyama ndakarohwa zvekutozoswera ndiri mumagumbeze ndisingakwanise kana kusimudza ruoko urwu iye masikati achibva atobuda zvake akaita week asina kudzoka pamba, kubva ipapo handina kuzombonzwa zvakanaka futi handidi kunyepa ndanga ndave kungorwara chaiko everyday, musoro, musana, chest zvese muviri wese apa ndaikosora everyday ndaitokosora chete pese pandiri ndichinzwa kuoma pahuro apa nemuchest umu haa zvanga zvisina kundimirira zvakanaka zvekuti ndaitoita basa zvekuzvishingisa nekutya kurohwa kana kuurayiwa especially kuurayiwa haa pamba pano ndanga ndisiri kupabva ndiri mupenyu zvangu zvanga zvatove obvious and Tanaka is a psycho manzwa anenge anotopenga maybe it's bipolar or something coz zvaanoita hazvisi normal kana even mathreats ake haaite zvamuchose, dai ndisina hangu kumbouya kuno dai ndakangogara kumba kwedu nenhumbu yangu coz kuurayiwa ndiko kwanga kwasara chete apa.
End of Chapter
❤️
😢
👍
🙏
😂
😮
764