
COCO NOVELS
March 1, 2025 at 11:24 AM
Kana wafarira book gara wapiwa muchanel ndimo marichange richisvikira mamwe machapters
https://whatsapp.com/channel/0029VaPR74vADTO6gZ9jEg1m
Group https://chat.whatsapp.com/IQkA6FIwWQEFdk51qGa9lO
Story by mama shalo 💙💙💙💙💙💙💙💙
Chirikadzi yemupenyu🧕
Chapter 1
Adelight ,, Mai Gladys
Zita rekuberekwa ndinoitwa Adelight Moyo, ndakaroorwa kumhuri yekwaGore nemurume wangu uyu wandaida kwazvo anova Thomas Gore.
Nemurume wangu taidanana zvaimwisa mvura izvo zvinova zvaifadza kunyange vabereki vangu
Thomas aitomaker sure kuti kunyange taiwanawo zvishoma vabereki vedu taivarangarira zvinova zvaizokonzera kuti anyanyodiwa nevaberek uye aivawo mwana aive nerudo nekuremedza vakuru vake
Takaroorana zvakanaka nemurume wangu ndokubvisirwawo zvishoma zvaaive nazvo mdokugara hedu zvakanaka pamusha pavamwene vangu,, handina kupedza mwedzi muviri ndiripo ndakanga ndave kutosvia svipa zvinova zvakafadza mhuri yekwandaive ndakaroorwa iyi
Vamwene vangu vaindina chose zvekuti pavakaziva kut ndakanga ndarema chero kuti ndishande vakanga vasingachatod asi iniwo kuti ndizogara zvaizondiremerawo pamusha pavamwene saka taizongobatsira hedu kuita
Days passed dumbu rangu richikurawo Thomas akabva atenga stand iyo yaaiti kna ndkapona ndiko kwataizonogara saka aivaka hake zvishoma nezvishoma n sezvo iye aizviitira zvinhu zvake ega kwaingove kutenga material chete basa rotofamba
Yakavakwa imba 3 rooms yaive yakanaka chaizvo zvekuti chero ini ndakaitarisa ndainzwa kufara chiazvo kuti ndiniwo here ndchazogara muimba yakanaka kudai, ndizvo zvinoita nyasha chokwadi n ndinototi inyasha nekuti kunzvimbo yataigara vanhu vaigara mudzimba dzemarata ndivo vaitove vashoma n taitoziva kuti ndvo vamhu vanenge vachitoverengwawo kuti vane upenyu hurinane saka ndainzwa kufara nezvandanga ndaitirwa nemurume wangu
Zvaifadza chose kuti munhu akange atanga kuita zvinhu zvinofadza kudai ko kuzoti kumakore anotevera tinenge tave kutogara mumagetsi, pese pandaizvifunga zvese izvi ndainzwa moyo wangu uchifara chaizvo kana iye mwana aive mudumbu mangu ndaiitwa kunzwa achitibvura chaizvo zvairatidza naiyewo aifara pamwe chete neniwo
Murume wangu aishingirira naro basa rekuvaka achiita zvishoma zvishoma ndokutenga Zvipfuwo zvake, takange tatovewo nemombe dzedu mbiri nembudzi, kugona kuronga kwake kwaifadza baba vake zvikuru zvekut vaigara vachimurumbidza kut aigona kupfuura madzikoma ake sezvo ari iye aive mukomana mudiki
Mwedzi wangu wekusununguka wakasvika ndaive ndongogara nekutya zvichida nekuzonzwa vamwe vakadzi vachikurukura kurwadza kwemimba haa ndaive ndotodzikira nekuda kwestress yelabour yataingonzwa nevamwe
Preparation yese ndaive ndakatenga zvekut zuva rekupona ndro rega randaive ndangomirira dumbu racho ranga rakura zvekuti chero kuzvigeza chaiko ndaive ndotonetseka kutotenda hangu vamwene vangu nemurume vaimira nen
Rimwe zuva ndakangomuka mudumbu muchiruma ruma ndikatoshaya kuti ko chave chiizve zvandaive ndangodya zvinhu zvisingambonzwisib mudumbu ko makange masvorei, murume wangu akatombondibvunza kuti chii chanetsa asat aenda kubasa ndikangoti zvese boo
Paakabuda handina kuzombogarisa pain ichibva yawedzera ndikasheedza vamwene vangu vakamhanya vachiuya n pandakangovaudza vakabva vatoti ndgadzire tiende kuchipatara yatokwana nguva vakabva vatonosunga ngoro navatezvara vangu ndokutakurwa ndoenda kuchipatara
Muroad ndakamboda kuridza mhere chaiyo nekuda kwemarwadzo asi ndaizongonyara hangu vatezvara vangu saka ndaingozopedzera shungu mukushinyira zvichida nekumbojatwa kwandaiitwa nengoro haaa ndainzwa ndainzwa sekuti mweya woda kupera ini
Yakafambiswa ngoro tikanosvika kuchipatara ndokudzikiswa hedu topinda mukati ini kana simba rekubata chinhu ndaisave naro ndakangodzika ndokutotanga kufamba zvangu ndchienda mukat vamwene vachitevera nemabag
Ndatopinda ndokutonanga kulabour room kwacho ko zvandainzwa ndaitoti kusvika nekupona haa ndairwadziwa ini , ndakanopinda ndokunotariswa paye ndokuudzwa kuti macm achiri kure saka zvaida kuti nditombofamba famba ndchidzoka ndchitariswa
Doctor achitaura izvi ndaitonzwa kuda kumuridza mbama chaiyo aa nepain yandaive nayo munhu ondiudza kuti ndichiri kure here nhy veduwe aaa zvinhu zvacho zvakanga zvakaoma
Ndakabuda nchiita kudhonza makumbo chaiko kuri kutopererwa, vamwene vangu vaitimbozama kundisimbisa asi haa kutaura kwavo kwaitoita noise munzeve dzangu zvekuti dai aive mumwe munhu haaa ndaimushura shura chaiko
Ndaive ndachingogara zvino padhuze nedoor remulabour chaipo nchitiwo kuda anytime zvinogona kungoita asi ndaitozvinyepera ndaitot after every two hours ndoenda ndonotariswa asi ndaingoudzwa kuti zvichiri kure
Ndaive ndatopererwa chaiko apa ndione kuti ndaive ndauya makusen chaiwo apa zuva ranga rave kutodoka zvaro vamwe vaingosvika vachibatsirwa ini ndichingovapo
Murume wangu akasvika ndchingoyuwira akada kutombonditaudza asi haa ndaisamboda kana kutaura nemunhu zvandainzwa zvacho zvaisanditendera ini
Zuva rakasvika pakudoka ndcingovamo ndokuenda kunorara asi haa ini ndaingofamba famba usiku hwese kusvika kuchinoedza,
Vamwene vangu vachiuya mangwanani ndakatoona kushushikana kwavo vanenge vaifunga kuti vachawana ndine mwana asi hazvina kuita sekudaro ndaingove naro dumbu rangu ndchiyuwira
Ndakagara kudaro pakabva pasvika vamwe Mai vaitobva kunogeza vakabva vanditi
Murcyko asikana, ndaona matambura nguva refu madii mamboedza kumwa weti yenyu zvinogona kukubatsiraiwo kana mawirirana nazvo, ini hangu zvakandibatsira handina panhumbu yangu yekutanga
Olk maita basa regai nditonomwa, ndakavatenda ndchitosimuka kunanga kutoilet ndokusvikoita zvandanga ndaudzwa ndokudzoka ndchigara hangu panzvimbo yangu
Follow Chanel unoverenga chirikadzi yemupenyu link risat rabviswa 🥰
End of chapter
READ, COMMENT AND SHARE@mamashalo stories
❤️
😂
🙏
😮
👍
😢
37