
Mai Ishe Novel❤️
February 28, 2025 at 06:32 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033
*INCIDENT OF LOVE*
*NGATIPINDEI MUCHANNEL KUINBOX HAKUNA BOOK*
STORY BY MAI ISHE
🚦0783873⁷¹5
🚦0716964³⁴5
🚦0719420¹⁵9
All rights reserved.
Parental guidance is advised
Group link👇👇
https://chat.whatsapp.com/JDJQXHXVBBq9HYYtHUh2At
CHAPTER 8️⃣
PASELA
Pakashama Andy muromo ave kuda kudya Ice cream ini ndakabata spoon maziso angu atonyura murudo neake,nguva iyoyo foni yangu yakabva yariri ,Ndakaita sekunge kakuvhundukira iye achibva abata ruoko rwangu ndokubata spoon iye achibva aisa Ice cream mukanwa make ini ndokudaira foni yangu ndichinyara zvisingaite
☎️""Hello daddy""
pandakadaro vakaita kakukosora iniwo ndichibva ndasimuka ndokumira
☎️"dady daddy,, chiii are you Olk ”
ndakadaro ndine kuvhundukira mandiri zvokuti Andy akabva asimuka akanditarisa, ini ndokudaira foni ndakaita kuzvhura ziso.
☎️""Am okey relax, uri kupi Pasela wabuda usina mota but dzatove 21:00 usati wapinda mumba chiii "" pavakadaro ndakatonzwa kuti varikutaura zvakanaka ndakatura mafemo ndokugara pasi.
☎️"" Daddy inga ndave munhu akura wani I know kuti hamuzogadzikani henyu asi ndiri safe,nhasi ii birthday ra doctor Andy ndoo vandaswera navo, ndiri kumba kwavo"" pandakadaro baba vangu vakatura mafemo
☎️"Are you shure Palesa, mupe foni ndiwane kudzikama"" pavakadaro ndakaseka ndokutarisa Andy "" baba vangu vanotondiona sekunge kamu teenage chaiko anzi nditaurewo newe"" ndichitambidza Andy foni akabva asimuka
☎️"" Hello sir""
☎️""Waita zvakakanaka mwanangu, ndoo zvega zvandanga ndichida kunzwa kana unaye aiwa ndinorara dzinouya ndinoziva akachengetedzekw"" pakadaro daddy, Andy akabva aseka
☎️"" haaa musatya yenyu kungoti kwadoka hako ndosaka ndamukumbira kuti arare kuno anomuka achidzoka kumba mangwana hazvinakidzi kuti munhu kadzi afambe oga husiku hwakadai musatya henyu""
☎️""Kana wadaro ndinotenda chose"" vachipedza kudaro ndakabva ndatambidzwa foni"" good night daddy "" foni yavo yakabva yakata ndokupedzisa kudya ice cream yangu kana nepatakange tasvika chaipo pakange pasingacha dzokereki ndakaridza tsamwa mumoyo mangu, asi ndakazvitenda chose nokuti zvakandipa ka value kuna Andy""asi nhai Palesa ndine zvandinoda kubvunza sorry hako ndogona ndanyanya but tell me about yourself” "" ipapo takange tachigara zvine hunhu pasina ma feeling pakati pedu, ndakamudza zvose pamusoro pangu, handina chandakasiya asi mumoyo mangu ndakatoziva kuti uku kwaive kupota gomo paida kubvunza pachasvika ipapo akabva atondibvunza "" do you have a boyfriend handisati ndambonzwa uchitaura nezvake"" pakadaro Andy ndakaseka ndichibva ndatomuudza chokwadi ipapo"" handina mukomana ini and I don't trust man, I don't feel like ndinoda kuve nemukomana ndakaita heart break yakandibaya pamoyo nanhasi zvinoramba kupera"" ndichipedza kudaro Andy akabva asimuka "" haaaa you are right Palesa,kana neni pamoyo pangu pane ronda,izvozvi mu account mangu mune 4k usd yandakachengeta ndichiti ndeye roora , ndakadana naAlone kubva kare ndisati ndaenda ku college kusvika ndaenda zvese nekuzopedza, ndomuda but handizivi kuti nhasi chiii, moyo wangu une ronda ndine pain soo andiita zvandanga ndisingafungire"" pakadaro Andy ndakasimuka ndokumira paive amira apa akange azembera Fridge"" I understand your pain Andy from now zvipe time utaure naAloe unzwisise kuti chiii nokuti kana uchiti mave nemakore ose aya pamwe pane zviri kuitika paari"" nguva iyoyo Andy akatura mafemo ndokuvhura fridge achibva abudisa mvura ndokuvhura hake achibva atanga kunwa "" yaa ipapo you are right nokuti vabereki vake vakafa vese last year vakaita accident and ndine shona yaataura neni ipapo""
"" Shona yaataura""
"" Yaaa anditi ndikaroorwa izvozvi ndisati ndanzwisisa zviri kuitika pfuma yababa vangu inopara, handizive kuti sei Alone adaro but varikugara natete hanzvadzi yababa vake I don't think kuti vangaita hutsinye kwavari asi kana pane zvimwe "" pakadaro Andy akabva aridza tsamwa "". Huya kuno"" akangodaro aridza tsamwa ndokufamba neni tichipinda mune imwe room"" rara hako muno ini rega ndishandise dinning"" akadaro achitotora chi fleece ndokundipa t-shirt yekuti ndirare ndakapfeka ndokutobuda hake"" good night"" akadaro ave kutobuda handina kudaira ndakaramba ndakanyarara, wooow bedroom make makanaka wakamboita godo wakatarisa pictures soo, ndoo zvandakaita, mubedroom ma Andy maive ne picture raive raka in larger soo paine Andy nemusikana wake ndofunga ndoo Alone wacho here hamheno, aiwa kunaka akanaka vasikana, zvokuti unenge wave kungonamatira kuti dai zvaramba zvakaita zvazvaive zvekusawirirana kwavo ikoko, apa raive rakaiswa kwaiiswa musoro izvozvo zvakandipa kuchinga kwekuisa musoro"" nhai Mwari ko kungondipawo mukomana ane respect sa Andy , anoda munhu wake nemoyo wese,anogona kukuda miyedzo yevasikana"" ndakadaro mumoyo mangu misodzi yangu ichibva yayerera ndakatora t shirt yandaive ndapihwa naAndy ndokupfeka ndichibva ndarara hangu "" inga ndakanaka wani ndakadzidza wani ko ndinosvorekeiwo ini" ndakachema vasikana kuita sekunge ndichanyorovedza pillow yemunhu nemisodzi , asi sezvamunoziva hope hadzirindi chero parufu chaipo uri mukurwadziwa dzinongobata chete, ndakatozopepuka kwatoyedza atove makuseni ndokuwaridza mubhedha nicely, pandakabuda ndichida kutobvinza paive nezve ku cleanisa,Andy anga atobika breakfast mumba make muri smart atopedza kucleana"" yowee nhai Andy ko wato cleaner nekutobika "" ipapo akaseka achibva anditarisa "" good morning,bathroom redu ndeiro ini ndoda kubata 10:00 nokuti ndine ma patients akawandei nhasi, soo ita fast uneless kana uchida kusara hako wega pano"" ipapo ndakamutarisa achibva aramba akanditarisa"" ndoziva kuti ndofanirwa kugeza but ndoda ku cleaner mubedroom first "" .
"" No enda unogeza Palesa chikafu chinotonhora uko siyana nako uko "unonyara uchiona smart yemumba memukomana moyo wangu waida kubvunza about picture raive kumadziro asi ndaitoshaya kuti ndaita sei chaiko asi ndakatozongo zvipira kubvunza"" musikana wako akanaka Andy mapudzi anowira kusina hari shuwa"" pandakadaro handina kuziva kuti pane zvakaitika nokuti Andy akaratidza kubatikana kwakanyanya ndokundiratidza foni yake pose paizama kufonera Alone asingadaire macalls ake "" ipapo hauna kunyepa, Alone ari kuita advantage yekuti ndakamupa moyo wangu, imhosva here kuda munhu"" pakadaro Andy ndakatoziva kuti akange ave kuda kutochema apa ini ndakabva ndakwenya minho nekasiyanwa "" watotanga rega ndinogeza when you feel like you need someone ndiripo"" nguva iyoyo ndakabva ndatora bucket ndokunoza ndapedza ndakawana zvose zvatove saved ndokunwa tea iye achigeza takatozobuda tese ini ndave kuenda kumba iye kubasa kwake "" mhamha nezuro handina kukupai introduction yakakwana uyu ndoo musikana wangu wandinoda kuroora uyu"" ndakaramba ndakatarisa Andy adaro kuna landlord vake handina kubvunza ipapo ndakatoti tati fambei ndokumubvinza sezvo taifamba hedu netsoka"" why waudza landlord vako kuti ndiri musikana wako""
"" Mybe one day my dream will come true"" ndoo yakave mhinduro yake ndakaramba ndakatarisa Andy apa ayitove serious combi yakabva yatosvika hapana chakazotaurika ndokuto taura dzimwewo nyaya ini ndokusarira pa main way nokuti ndaida kuenda kumba ndaburuka combi yasimuka Andy akabva asenda message.
✉️"" Sorry about yesterday hazvaifanirwa kudaro"" ndakaramba ndakatarisa message yake nokuti ndaitonetseka kuti yaive sorry yei
*SHALLOM*
Kufa kwamai vangu ndaiita sekunge zvese ndaizviona zvichiitika, zvoita sekunge ndinorota dziri hope asi ndichitofamba, ini ndaisa believer mune zvekurota hangu,zvadaro zvoti mumwe musi,ndakapepuka ndave kutsva ndokumuka ndichibva ndagara, hana yangu yakarova ndichiona tete vari kuseri kwedoor vasina kana chavaive vakapfeka apa ndabva kuzvirota munhu angori zvaive asina kusimira(naked), hana yangu yakarova apa ndichibva ndazama kumutsa Alone negokora ndichida kuti awonewo zvandaiona asi ahana kana kumuka kusvika tete vapedza kuita zvavaiita, ini pane zvaiitika pandiri zvinhu izvi kubva ndichikura zvaingoitika hazvo zvokuti ndaigona kungonzwa munzeve dzangu kuti nyarara ndotonyarara, zvakafanana neipapo ndakangonzonzwa munzeve dzangu muchiti muka ndichibva ndamuka ndoo zvandaingoita, munhu wandaive close naye zvakanya ndimhamha ndakavaudza zvinhu izvi vakanditi unenge utoriwo nezviri pauri shinga kunamata'I was afraid nekuda kwe age yangu nokuti chinhu chandaive ndakaona tete vaisatombondifarira zvachose,soo musi uyu tete vakataura zvavakataura asi ini handina kunyarara makuseni ndichimuka ndakabva ndasendera mhamha message,ndakavaudza zvese zvandaive ndaona message ichiti delivery ndakabva ndadeleta, message iyoyo ndaitoda kuudza Alone asi nguva yandaida kumuudza tete vakange vazviona apa mhamha vakabva vandipindura✉️"message yako ndaiona Shallom zvino ndoita sei ndotiza pamba pangu here kusvikepi ndichitya tete venyu, izvozvi husiku hwacho handina kurara ndaita pungwe ndichitadza kufemo, dai vandiregawo ndibate mwana wangu, asi iwe ibva pazviri unokuvara Shallom uri mwana mudiki"" pandakaona message yamhamha ndakabatikana zvakananyanya asi ndaiita sei isu munhu wacho taive naye mumba, musi uyu ndakaswera zvangu asi mumoyo mangu ndaitoziva kuti pane zvichaitika nyangwe pakataura mhamha kuti vaiuya nyama dzangu dzakabva dzatanga kurwadza, zvokuti pakazosvika nyaya dzekushaika kwema parents edu zvakandirwadza nokuti kuitika kwazvo zvese kwaive mumaziso angu,zvadaro takagara Bruce auya pamba tave kugara naye, mhamha vakabva vauya kuhope kwangu ndokundirotesa zvee "" unosvika kupi wakagara Shalom uchitadza kuwana zvekuita usatambe nehupenyu zvimwe ungatozochengeta Angie uyu hona kwave kuenda hupenyu hwenyu"" hana yangu yakarova ndokuvhunduka ndichibva ndamuka ndokugara ko Alone nhamo yake yaive yei akange akatofa nehope zvake"" Susan ndiye akange aturwa namhamha kuti ayizomuchengeta nokuti ndiye mumwe ayive nezita rekuti Angie,"" ndakachema ndakagara ndokumbozama kuzunungutsa Alone asi ayive akafa nehope chaiko ndakanamata ndapedza ndakabva ndatanga kufunga nezvazvo"" mhamha munoda kuzama kuti kudii handina kunzwisisa zvamuri kuda kureva"" ndakachema ndakagara kusvika ndazongorarawo, pakabuda mari dza daddy dzekubasa yakabuda yakawanda mwana umwe neumwe ndokupihwa yake asi imwe yese ndokusiwa iri ku account soo iyoyo ndoo yaingodyiwa pamba""ita beyuty therapy"" ndakangonzwa munzeve dzangu madaro ndokuzvitevedzera mukufamba mazuva ose ndichienda ku town kunoita course yangu, ndoo pandakasangana naPrince, ndaisatoda zvekutaura musi wacho, asi naPrince takatotaura nyaya dzakawanda ndokutodanana, ndaipihwa mari handidi kunyepa ndichinyatsoona kudiwa kwangu kwese, asi problem Prince akange angouyawo kwaMutare zvemunhu akange angouyawo nebasa, soo paakadzokera kuHarare ayiuya zvema zuva or weekend, kusvika ndapedza zvandaiita mutown ndokuve neka certificate re beaty therapy, ""ndine zvinhu zvandaingoona pamba ndichiverengera ndichida kubvunza zvoramba kubvunzika semwana ndonyarara, ndakatozosvika pandakaona kuti Bruce na Alone vanenge avakange vave kudanana chete, ipapo ndoo pandakataura, ndaida kuudza Alone mafiro akange ayita mhamha asi tete vakange vane chinyumwa nyumwa vakabva vapinda muspare medu, handina kuzotaura zvandaida kuudza Alone, uye handina kutozoita two hours voice rangu rakange ratoenda zvachose ndakangoita sekunge munhu ari kudzipwa ndokuda kuzama kurutsa asi zvakabva zvaramba ndokutopera kwakaita voice rangu, chakandirwadza Alone ndiye mukuru asi ahana chaiona pane zvose,"" ugotaura futi unoda kungwarisa iwe, masizo ako ave ekuonesa unondiziva"" pakadaro tete ndakatoziva kuti ndivo vakange vandidaro apa Prince akabva afona,ndakada kumbozama Hello hello asi zvakaramba voice rakamba kubuda apa ndaive ndisina buddle ndakabuda gedhi ndokunotenga airtme ko ndaitaura nepi ndakatoita zvekuvanyora pasi kumbozama kubvunza ndakangosimudza maoko ndokudzokera kumba, ndakasendera Prince massage ndichimuudza zvaitika asi ahana kuzvibvuma ayitoona sekunge kunyepa ndokutotanga kunetsana ipapo, zvakandirwadaa kuita matambudziko maviri panguva imwe chete"" ko iwe unomukira kurutsa kuti zvaitasei kana iri nhumbu Shallom"" ndakanzwa kubatikana Alone adaro ndokusimuka ndoenda panze hangu zvakandibhowa ndakanochema ndakamira nadziro panze apa munhu akabva atobuda zvaitoratidza kuti akange achipinda mutown zhinjii ndakange ndave kungoona nemaziso ndakapedza dzinenge two weeks ndiripo pamba pasina kana akange aziva kuti ndoo zvandaitwa natete kusvika Bruce azonditi"" Iwe Shallom ndave nemazuva akawanda ndisina kunzwa voice rako kana kuseka chaiko chiii"" pakadaro Bruce misodzi yangu yakayangarara nemaziso apa tete vaive vakanditarisa, handina kumudaira asi kuti ndakabva ndatarisa kutv ndichizama kudzosera misodzi mukati
Stay tuned
*Macomments enyu akakosha anondipa simba*
Mhamha vaIshe 💖
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
596