
Mai Ishe Novel❤️
March 1, 2025 at 05:28 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VajrXI4GE56oafng5X3c
Pinda muchannel usasare
https://chat.whatsapp.com/Crb32DbYruuK3r2u9RISEc
BROKEN SOUL 💔💔💔
Written by
Authoress
T. MUGABE
Read and share
Chapter 1
Vannesa
"Mubatei uyo, mubatei anopinda muroad akatsikwa nemota".Handina kana kumboteerera kuti ndiani aideedzera kudaro ndaiita kunzwa kugumirwa nehupenyu chaiko ndaingonzwa kuti dai ndafa zvangu ndazorora nhamo dzepano pasi. Ndaisamboda zvese izvozvo zvekubatwa zvaideedzerwa ndaiita kumhanya ndakabata wedding gown rangu ndaitoda kunozvikanda mudam padhuze nepataichatira. Ndaiita kunzwa mutsindo yevanhu vainditevera asi handina kumira ndaive shasha pakumhanya zvangu zvekuti vanhu ivavo vainge vakashinga. Ndakusvika padam paya ndakabva ndabatwa ende munhu wacho aive nesimba rakanyanya zvekuti ndakatadza kupikinyura.
Anyway my name is Vannesa Rugara. Ndiri musikana ane makore 31. Ndaive ndisati ndambowanikwa kwete kuti ndaishaya vakomana but taitodanana zvakanaka naka then ndozongonzwa kuti mukomana wako uya atizirwa kana kuti akaroora . Maybe inyaya yekuti ndairamba kurara nemukomana asati andiroora. Ndainge ndakatopihwa nickname yekuti sister holy nevakomana vakawanda asi handina kuda kuita basa nazvo. Mashoko amai vangu avainge vakandisiira ndainge ndakanyatsomaisa muhana.
Musi wavashaya ndaive ndichiri mudiki hangu asi ndinomarangarira vainge vakandiudza kuti pant rinobvisirwa munhu anenge akuroora. Ndainge ndakamaisa muhana mangu and ndaisada kuva disappointer kwavari ikoko. Zvino pamwe ndizvo zvaiita kuti ndisiiwe nevakomana but to me l believe kuti wako anokuda chaiye anomirira right time. Kunaka ndaive ndakanaka zvekuti ndaisada kuudzwa nemumwe munhu ndega ndaitozviona. Kana iri structure ndaive ndakaita yekuramwirwa chaiyo. Complexion ndainge ndisiri mutsvuku kana mutema asi ndaive mushava. Zvaizosangana nesaka randaive naro.
Ndakakura ndichichengetwa nasekuru vangu hanzvadzi yamai vangu kubva pakashaya mhamha vangu. Baba ndivo vakatanga vanonzi vakandisiya ndichitori nhumbu chaiyo ndikazobarwa vatoshaika. Ndakazobva kumba kwasekuru vangu ndakuenda kunogara nambuya vangu amai vamhamha vangu varwadziwa nemabatirwo andaiitwa nagogo mai Mutsa anove mukadzi wehanzvadzi yamhamha. Taigara kuChitungwiza nasekuru vangu zvino apa ndainge ndakunogara Kambuzuma kwaigara gogo.
Ndiko kwaive neimba yavo ikoko vaigara vega sekuru vainge vakashaya vachibva vasiya imba Inova ndiyo yaitovawanisa mari kuburikidza nemalodger aive ipapo. Taingoshandisa three rooms chete dzimwe 5 dzaive nevamwewo. Ndiko kwandakazonoitira Secondary yangu ndikatoendawo A level and ndainge ndakapasa zvaitodadisa. Shungu dzangu ndaitoda kuenda kuUniversity asi manje panoti mari ndipo painetsa nekuti gogo zvainge zvichivawandirawo plus semunhu airwara nesugar parent ndipo paitobva mari yemapiritsi avo.
Sekuru baba Mutsa vaitochemawo mari vainge vabarwa vangori two mumba mavo ivo namai vangu zvino apa vainge vasara vari one. Ndakazongoitiswa course yehotel and catering inova yaitombondibatsira kana ndikawanawo basa ndaimbobatsirika. Ipapa ndaitoshanda pane kamwe ka restaurant kainge kachangotanga hako. Kuside kwadaddy vangu ndaimbopota ndichienda asi vanhu vacho vaisanyatsondiratidza rudo zvinova zvakazoita kuti ndikure ndichichengetwa kumusha kwamai.
Vanonzi pakafa daddy vaida kugara mhamha vangu nhaka kungoramba kwavakaita vakabva vatotanga kuvaita rough kusvika vadzokera kumusha kwavo. Pakazofawo mhamha baba vababa vangu vanonzi vakatoti vakomana torai mwana wamukoma venyu asi vanhu vacho vaingondikandidzirana kusvika sekuru baba Mutsa vati regai nditore mwana wehanzvadzi yangu and vainge vasina problem dambudziko aive mukadzi wavo, gogo vaisafarira zvemunhu anouya kuzogara pamba pavo vaida zvevanoshanya vachienda.
Kuzokura kwese kwandakaita handina kumbonyatsoita bond nehama dzangu chaidzo vainge vasina kana basa neni kusvika ndazosiyanawo nazvo. Taingosanganawo kumusha kwedu ikoko kana kwaita function. Vabereki vangu vaibva kuside rimwe chete vese vainge vari vekuHwedza vaizongosiyana kuti mhamha vainge vari vekwa Sadza daddy vaibvawo kwaMupatsi asi kwaisave kure nakure zvako.
Waitoti ukaenda kuine zviri kuitwa vaibva vakuti unovhaira fani hautsvage hama sei tisu titori vabereki vako unoti uchawanepi vamwe vabereki vasiri isu asi ndaingoseka seka nhema ndonyarara hangu . Chavaisaziva ndechekuti vainge vakatoita kuti ndishayewo shungu navo nekuda kwemaitiro avo vanhu vandaitonyengerera vaive vekuside kwamhamha kwandainge ndachengetwa saka kwandiri kutouya Kuma functions nekuita macontributions aiitwa nevamwe ndaitoona zvakaringana. Kare gogo vaimbondipa mari yecomb ma weekends vonditi chimbonoshanyira vana baba vako asi vanenge vaibva vafunga kuti ndakuuya kuzogara zvachose Saka ndaipihwa cold shoulder yekuti ndega ndaitoona kuti pano hapana nzvimbo yangu kusvika ndazonetawo.
Asi nema cousins angu especially kuvakomana uku tainge tisina problem hedu vaitonditora sehama yavo chaiyo vasikana vamwe vaindiitirawo ka attitude handizive kuti vainyanyorwadziwa nei pandiri. Vamwe vasikana vadiki kwandiri mufamily medu vainge vakatoroorwa zvinova zvainge zvakundishungurudza kuti ko chii chainyatsoitika pandiri.
Back to my story.
Pandakabatwa ndakusvika padam handina kumboda kucheuka kuti nditarise kuti ainge andibata ndiani. Ndakaramba ndichingochema apa ndaive ndagara pasi manje. Zvese zvekuti ndainge ndakapfeka gown rewhite handina kumbozvitarisa.
Ndainyatsonzwa kuti moyo wangu watsemurwa nepakati chaipo. My heart was bleeding uku munhu ainge akandibata haana kundisiya aingondibhabhadzira kumusana. Ndakazonzwa munhu uya akupfikura kuchemawo ndichibva ndazosimudza musoro ndipo pandakaona kuti vaive sekuru Munashe mwana wehanzvadzi yamhamha.
Zuva iri rainge raunza ronda mumoyo wangu. Ndaiita kufara kuti ndave kuzochatawo ko nezera rangu iri chinhu chaifadzawo kuti at last ndainge ndakuzotorwawo nemuchato. Ndainge ndazvibatira mukomana wangu ainzi Panashe anove wandaida kuchata naye nhasi.
Tainge tatove neeight months tichidanana and everything was perfect. Taidanana zvekuti vanhu vese vaitozviona kuti paita vanhu vari murudo apa. Ndainge ndakatoendawo kumba kwavo Kuma intro and ndakatambirwa zvakanaka taive takasiyana ne1 year iye he was 32.
Taka engager and akabva atotanga kupa pressure yekuti ngatichirooranei tichate and everything went well pamarooro up until this day ratainge tichichata. Taitoronga zvinhu zvese pamwe chete handina pandinoti takambotadza kunzwanana and both families were happy for us.
Mhepo dzakazongosimuka musi wemuchato. Ndakatorara ndichifara kuti mangwana ndaive ndakuzochatawo the previous day racho akatondifonera manheru acho achinditi " l can't wait to make you mine officially" and it warmed my heart ko aive mashoko ainakidza kunzwa ka.
Takamuka tikagadzirira mota yaititakura ikauya. Tainge takasarudza venue yeku Stephen Margolis resort kuNyarongo river. I was very excited and happy at the same time. Takasvika and bamunini vangu munin'ina wadady mukuru ndiye aimira sababa on this day. He walked me down the aisle vachibva vanondisiya Kuna Panashe.
He smiled and l smiled back. Program yakatanga kusvika nguva yemavows yakwana. The Priest said " Panashe Ndoro do you take Vannesa Rugara to be your wife, promising to love, support and cherish her for all the days of your life?"
And boom he said " I'm sorry Vannesa I'm not ready ", ndakaita kunzwa kutsva chaiko achibva atotanga kubvapo.
Why me ?, why now? He left me at the altar.........
Stay tuned ♥️
❤️
🙏
👍
😢
20