THEOS NOVELS
February 22, 2025 at 07:03 AM
https://chat.whatsapp.com/Hmobo9QRKfG73gwZJv2C51
https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p
14.15.16
*THE LONG GOODBYE*🙆🏾
Story by Theo Chida
Chapter 14
+263788659793
" Kusungwa kuti ndaitei zvangu ? Kunwa doro kwava kusingisa here titsvake tambo dzakawanda dzekusunga vanhu ?"
"Iwe unononzwa mhosva yako kukamba yemapurisa usada kutinetsa chigebenga chemunhu. "
" Hooo officer ,mitemo ndinoiziva zvekuti . Munhu kana achisungwa anofanira kuudzwa mhosva yake kwete kungosungwa. Zvamuri kuita izvi yatova kidnaping . Just because ndiri pavanhu makuuya ne plan yekuti hee wazosungwa kuti muwane kundi kundi kidnap zvakanaka. "
" Wasungiraa mhosva yeku repa mwana ane makore Ari pasi pe 18years . "
" Taurai muchipedza I know kuti kukamba kure kwamabva and maneta nekufamba plus nekutaura munzira umu. Mwana akarepewa ndiani ?"
" Anonzani officer ?"akabvunza umwe wake wakanga achifamba naye.
" Hanzi Essy . " Bhanabhasi akaseka akaoma mbabvu.
" Haa kana Ari Essy ndisungei ko manonokereiko kuuya nhai akomana ,handei zvedu ku kamba chokwadi. " Akadaro achimara pasi nekuseka .
" Zvinosekesa here izvozvo ?"
" Aiwa hazvisekese asi zvinokatyamadza. Handei tichimuona ka ,tisati tasvika ku kamba maybe ane humbowo hwainahwo . "
" Officer munhu anoda kutamba nesu uyu ."
" Handei handimbotiza ini ,handei zvedu ko kutizei sendine mhosva ? Nyange dai ndanga ndinayo handaimbotiza ndaingomirira imi mondisunga monokandira ma key muna lake chivero zvenyu. Munonakidza ma officer rakadiiko basa ?" Mapurisa Aya akanga atarisana zvino.
" Handei tione shamwari . " Vakatanga kufamba akaisa chi scud chake muhapwa . Vakasvika Pana Essy ainga achiwacha zvake hembe dzemwana ,kapoto kembambaira Kari pamoto.
" Ah sekuru ipapa ndanga ndichitoshaya kuti ndokuwanai kupi ,ko asi masungwa?"
" Ko iwe chisikana ndiwe Ani?" Akabvunza mupurisa .
" Ndinonzi Esnat . "
" Uyu unomuziva here ?*
" Hongu ndisekuru vangu. "
" Varikupomerwa mhosva yekuti vakakurepa ichokwadi here usatya kutaura sununguka nekuti mabhinya akaita seiwawa anofanira kuti aorere mujeri . "
" Ah iye ataura wacho zvichida ndiye akarepwa na sekuru . Madii mambonyatsonomuongororesa nana chiremba zvichida munowana humbowo hwamuri kutsvaka ? Asi kana zvanzi Essy mhh inhema hakuna zvakadaro . "
" Amai vaya officer havana kuti Essy here paya ndini ndakanganisa kunzwa here ?"
" Vanyatsoti Esnat ndakanyora pasi apa . "
" Ehe ndiro Zita rangu ,ah officer munopedzerwa nguva nevanhu vatinenge tanyima sauti hedu . "
" Ambhuya ava vanoda kutamba nepfungwa dzedu haikona manje toda kuvaendera . Vanogara kupi iye Susan ?"
" Susan aikanganya nyama kapoto kachitenderera anogara IPO apo pamuri kuona panoita kunga pamba here kana kuti pazvirugwi zveshiri . " Vakadaro sekuru va Essy .
" Aizve ko ndiani wako?*
" Ndimainini mukadzi wa bamnini . Arikuda kuti sekuru vakasungwa vosara vondidzinga pano vogara . Sezvo ndisisina Mai so . "
" Hoo ndipo pane nyaya yacho saka vakutipinza ma personal avo . Mai iya iri kunorara kuchitokisi ndiri kutokuudza so handisi kuita zvekutamba officer . Handei tinoitora ,hatingafambe kubva kwese uko kuzofambira tu beef tusina musoro . "
" Yha handei tinoitora inojairira vanhu stereki ." Bhana akasara achiseka zvake semunhu akanga asingade kuenda nema officer kunoona vachisunga Mai Nelly .
" Mwari wechipoko ndi Mwari weminana . " Akadaro achiseka zvake.
" Hee!"
" Ibvapa ndosaka ndakakurepa . " Akaseka Essy .
" Sekuru kwanai apa ,maona nyaya yenyu yekudhakwa . Apa mava kuita kunge kamudhara nedoro haiwawo . "
" Saka uri kuti ndakura zvekuti ndingatadza kuroora zera Ra Nelly here ini ?"
" Hamuna kumbokura asi doro rakubikai sekuru makuita sekadhara kekudhara . "
" Ndibvirepo ,yhaaa ndiri kukuona zvangu Essy iwewe waizviita munhu kwaye ngirozi uchinyepedzera yha unodenha ndiri kukuona zvangu . "
" Hahaha siyanai neni sekuru handisi munhu kwaye ini ndinodenha. Muri kuda ndife nekukasika here ?" Bhana akaseka .
" Saka uri kuda kuita kahunhu kakaipa nekuti vakanaka ndivo vanoenda zvavo ?"
" Ehe . "
" Manje unopenga zvakanaka vanokasika kutoorwa namwari kuitira vasazotadza .Imi vatadzi ana Bhanabhasi munomuka chipoko muri vapenyu ,zvinongonzi kondinyu kusvika magraduate . Who knows maybe ndichatozoita one of tumadhara tuya tunonetsa muraini nekuroya . "
" Mhhh kana matanga kuroya musaswedere pedo neni . "
" Kuroya kune basa reiko handiti kungoenda nendege otonodya nyama yako odzoka kumba ,plus unenge uchiti tyisei mbijana kwete stereki . "
" Ehoi . "
" Mupfanha wangu asi akarara ?"
" Akutamba zvake ega mumba umu I guess ndowana makuita kunge panze . " Akaseka .
" Ndokuti boys dzangu ikoko. Wabikeiko ndine nzara ?"
" Mbambaira pindai mumba imomo muchachure . "
" Ndakambozvarwa ndakakura ndisina mahobi iyezvino wakuda ndiite mahobi ,Essy uri mudiki fani handingamboroora nyana yakaita sewe ama Neri vanobva vamhanya kumapurisa kuti vazodzivisa muchato . " Essy akaseka .
" Siyanai neni sekuru idyai mbambaira makanyarara kana muine nzara . Asi kana makaguta chipfuurai muende kwamanga muchienda. "
" Kuchitokisi? Don't worry Mai Neri vatora nzvimbo yangu ko zvepasi pano ndezvekukavhirana ka. Wakangoda kuti nhingi ndiye ngaasungwe ega zvinobuda here? Tinobva taita setisina kugarisana muraini . "
" Ehoi nedoro renyu . " Akaseka .
.
.
.
" Imi amai imi masungiwa nekutambisira mapurisa nguva. Kana muine zvamunoda kupikisa munonopikisa muri kukamba . Vaise cheni iwe Tsapo . " Cheni dzakabva dzachena vasati vatanga kupindura.
" Officer muri kundisungirei? Ehe ndakuudzai chokwadi ndivo vakunyeperai vanozivana. "
" Saka kana vachizivana vanenge vabvumirana imi munopinda papi ipapo ?"
" Handiti mwana here ?"
" Amai munotamba nepfungwa dzevanhu. Mbavha chaidzo dziriko kunze uko dzakamirira kusungwa imi mouya nezvinyaya zviri pesonari manje madzva nhasi munonorarako ndimi muchaudza vamwe kuti kana toenda kukamba handei nenhau dzine musoro . " Baba Neri vakabva vasvika .
" Ko chii chiri kuitika ?"
" Vasungwa . "
" Horight ama Nelly ndichauya ndokuona kujeri ndichakuigira chikafu mukadzi wangu. Ndobika chii?" Vakadaro vakatodhakwa zvavo.
" Baba Nelly ungabva wandidaro kwako kufarira ndisungwe here nhai akomana?" Mapurisa vakanga votosunda munhu. Baba Nelly votobatidza zvavo fodya yavo vakatanga kuputa.
" Ah ini ndingapindira nhau dzemapurisa here ,inonzi Justin obstructing ah justice here kana Justin handichaziva pakati pevakomana vaviri ivavo. " Vakadaro vachitaura zvavo vega .Mai Nelly vakanorara vachirumwa ne mosquito . Baba Nelly vakasara vakauraya huku ndokunyatsokanga vakasevesa nevana vavo. Hapana akanga aine stress ipapo vaiziva amai vavo vaizodzoka . Zuva ramangwana Mai Nelly vakaburitswa kuseni seni kuchiri kutonhora. Musi wacho kwakatonhora zvekuti vanhu vazhinji vaitozeza kubuda mudzimba . Vakanga vasina kana juzi pavakasungwa. Vakafamba 5km vachiita kudedera chaiko chando chichivabvura kuenda kumba. Vakasvika vanhu vakarara zvavo .
" Baba Nelly une chokwadi ?"
" Handina ,ndofunga chakasara kudenga. "
" Shuwa ndingasungwa ini mukadzi wako ogotadza kuuya nechikafu ?"
" Iwe hauzive Bhanabhasi ane mweya wasekuru vake vakafa asati azvarwa unomutrvera ? Ndosaka ndichitambira kure naye mwana uya , handimutye zvangu asi kana mweya wake wabata unomuitira favor . "
" Favor yekuitasei kwacho ? Favor yei yaunotaura ipapa ndatonhorwa . Ndoona sekuti aka Dizza mapurisa mukomana uya ."
" Hazvina kana basa chikuru wadzoka ndizvo zvakakosha. " Vakanga vatsamwa zvino murume wacho akanga achitaura zvake foshoro . Mazuva akanga achifamba ,Essy akakohwa chibage Chavo vaiva chisina kuwanda hacho . Baba vacho kana kufona havana ,teacher Dandure kana kufona havana zvavo . Kana kudzoka kuzodongorera havana . Kamari kakanga ainako ndiko kaimubatsira pazvjnhu zvemwana sekutenga shuga ye porridge nezvimwewo . Zvikoro zvakanga zvavhurwa mava muna May . Essy akamuka misodzi iri mumatama .Akachema kusvika akunzwa munhiku . Ari pakati pekuchema akanzwa knock pa door ..
" House gero asvika vhurai door sisi . " Akadaro Bhanabhasi achigogodza . Akapukuta misodzi achibva aivhura door nekukasika .
" Mamukasei ?" Akadaro akatarisa ku side .
" Uri kunditaudza wakatarisa ku side kwakanaka ? Essy handisati ndaromba saka mubobo handisati ndava nawo kana wandirota hameno munhu anga achitodawo zvake kutamba nepfungwa dzako . Handisi rini . "
" Sekuru . "
" Chii ,asi wakavharira kakomana mumba imomo ? Hooo ndiani Ari imomo iwe Budamo ndisati ndakupaza . "
" Sekuru hapana munhu. "
" Chibva pa door . " Akaramba akamira .
" Ndati ibva pa door . " Akasuduruka ,Bhana akabva apinda . Akaona Eddy chakafa zvacho nehope .
" Hoo I see waitira weti mumagumbeze ndosaka . "akadaro achibata Bata pamagudza . Essy akanyemwerera zvake akatarisa ku side .
" Asi iwe Essy wakakwana ? Saka uri kureva wamukira kuchema futi nhasi ? Chii chawanga uchichema ipapa?".
" Ndasuwa mama vangu . "
" Ok enda unovaona . "
" Kupi ?"
" Kuguva kwavo just visit ombonochema uriko. "
" Nhasi I first birthday ra Eddy. Birthday yake yekutanga mama vasipo . Sometimes ndinovasuwa sekuru ,Eddy anonditi mama ....." Akanga ava kutobuda misodzi.
" Dai ndakageza nezuro ndaku hug ,eish don't worry nhasi ndonogeza. Iyo mvura hanzi yakuda kupera murwizi ka . "
" Ichipera kupiko sekuru matanga zvandiri kutaura hamusi kutombozvinzwa zvenyu . "
" Ndazvinzwa wati haudi kuti Eddy akudane mama ,haudi kuti birthday rake riveko nhasi. Amai vako unombovasuwa pamwe pacho hauvasuwe ndazvinzwa zvese muzukuru and zvine basa . " Essy akangotarisa Bhana akazunguza musoro zvake .
End of chapter 14
*THE LONG GOODBYE*🙆🏾
Story by Theo Chida
Chapter 15
+263788659793
" Enda kuchikoro . "Sekuru ndoenda ne birthday ra Eddy here?"
" Aizve ,kuti ndi jesu here munhu kuchikoro . Chero jakazvarwa jesu chaipo majudha nevafarisisi vakanga vachitoenda kumabasa vachinoshanda Eddy ndiye akoshei?"
" I bhabheri rekupi ramunoverenga ?" Bhana akabva aseka zvake ..
" Ok munhu kuchikoro ,hazvimo mubhaibheri kana zvirimo hazvikutadzise kuti uende kuchechi izvozvo. "
" Mamboti kuchikoro wani ?"
" Ehe kuchikoro ,kasika tione unodzoka uchiimba happy birthday wadzoka . "
" Eho . " Akagadzirira achibva abuda akaenda . Zuva rake rakafamba zvakanaka ndokudzoka kumba. Akasvika Paine huku yakanga yakavharwa ne dish . Hapana kutorawo nguva Bhana akabva asvika.
" Wadzoka why wanonoka kudzoka nhasi?"
" Ah sekuru maswerasei ndiko kunonona here uku?"
" Ehe manonoka sisi ,Eddy anga achingondibvunza kuti mama wangu arikupi . "
" Madii kumuudza kuti varipachuru ?"
" Usada kundibhowa Essy handiti ka ? Gadzira huku yandatengera muzukuru wangu for birthday yake adye nyama . "
" Sekuru ,Eddy anodya nyama here ?"
" Chero muto wenyama anenge atodya nyama. Hahaha unondifungisa ambuya vangu. Vaiti vakatenga nyama Kwa Chida uko ndivo vaiwanzofarira kuuraya mombe. Vainyatsokupakurira Bondo ,risina kana nyama imagine ,vobva vawanza muto. Wainzwa voti ,ane Bondo ane nyama ,uumirire muto iwowo upedze sadza. Haa shamwari ,ndakanga ndatononokerwa nekukura ini . " Essy akaseka .
" Saka kana vanenge vakura havapiwe kuto ?"
" Vanopiwa nani Ivo vanenge vava kuzvipakurira ?"
" Sekuru nemiwo hai ah. Saka ipapa munozvipakurira ?"
" Handizvipakurire but ndakatenga nyama wakandipa ka nzondora mangwana ndopakura ndega ." Akaseka Essy . Vari pakati pekuseka ,Moze akanga achipfuura akabva adana Bhana .
" Bhatso ndeipi wangu ?"
" Bho zvangu ndiwe uchambobvako kuchechi?"
" Ko apa uri kuiteiko watozvibatira ka babe here ?"
" Wakawana nguva ukwane ,unodhakwa foshoro handiti. "
" Ko wakabuda rini mujeri?"
" Wakanga wandisunga here ?"
" Hanzi namaNeri vaida kukusungisa kuti uri kurara ne mwana we grade 7 . Saka achatoroorwa wakatarisa ?"
" Uri kuita nezvei uchitaura nezvei ?"
" Kungobvunza zvangu ndokubata . "
" Baya Moze ,vezera rako vakaroora basa rekungotevedzera doro uchitaura zvisina basa mxm . "
" Ambuya vako vandaida kuroora vakashaya ndiri mudiki . " Akadaro achiseka achienda. Bhana achingopira gotsi akabva anzwa munhu akanga achimudana.
" Saka ndipo pauri panapa ? Ku garden chaiko nhasi hakuna kudiridzwa basa rekuswera kumwana iyeyu ? Huku yawaonekwa wakabata iri kupi ?"
" Kwakanaka here mama?*
" Haundibvunze kuti kwakanaka here uri mwana wangu Bhanabhasi. Wava nenguva ndichikurega zvangu uchiita hubenzi hwekuendesa husavi kumwana wenzenza iri Harare ndizvo zvakarambira kuenda na baba vake kuti agoita hunzenza newe muraini muno ? Ndiani asiri kutaura nezvako nemwana uya ?"
" Mama taurirai pasi ka nhai ,ok handina kumbomutengera huku ini. "
" Ndoda kuzvionera ndega ndiri kunotora huku iyoyo wakajaidzwa nambuya vako. " Vakaridza tsamwa vachinopinda mugedhe. Vakawana Essy achiundura huku ,Bhana akanga achitevera.
" Oh ,saka wakaramba kuenda na baba vako kuti ugopota uchidya Mari yemwana wangu ndaifunga uri munhu kwaye nzenza yemunhu. Amai vako vakafirei vasina kukuraira ?" Vakadaro vachisimudza huku yakanga ichiundurwa na Essy. Bhanabhasi akabva Amira pa door.
" I respect you ,samai vanhu but zvamava kuita apa ka mava kuda ndikanganwe muri amai vangu. Essy iyeyu atadzei nekundipa Mari kuti ndinomutsvakira huku ? Nhasi I birthday ra Eddy anga asingatoda kuenda kuchikoro achiti anoda kutsvakira hanzvadzi yake huku amubikire ndikati chisiya Mari yacho ndigonotenga. Saka handichatumwa nevanhu here nekuti amai vangu vanozofamba vachivatorera huku dzavo dzavanenge vatengera hanzvadzi dzavo ?"
" Anoiwana kupi Mari nherera iyoyi ?"
" Oh ,sezvamambotaura baba vake vapenyu zvakare akapiwa Mari pakafa amai vake saka munobvunza mibvunzo isina kana basa. Inhamo here inopa muite makaro ekuda kutorera mwana wevanhu nyama yake ? Saka zvaari nherera haachafanira kudya nenyama nekuti inherera ? Manje inherera manyama inodya ne nyama imi musiri nherera muchidya nemufushwa. "
" Bhanabhasi ungandituka nekuda kwemuskana uyu ? Mwana mudiki pamusoro pazvo ?" Vakabva vakanda nyama iya mudish ndokubhidhaira vachienda .
" Ah nhai akomana ,vanhu vemuraini munomu vakaitaseiko nhai akomana ? " Essy akanga ava kutochema.
" Watanga Essy ,chasara kuzvisungirira osiya Eddy ega. Chauri kuchema chii ipapo?"
" Dai musina kutenga huku yacho ,vanongondituka ah. "
" Wakatukwa unofa ? Ndakakuudza kuti usatarisa zvakawanda. Kana usina mubereki obvious vanhu vanoita zvavanoda newe. But haunditeerere ,ubike huku iyoyo zvakanaka usapisa uchichema zvisina basa handisi kuda kudya tsito. " Akanyemwerera Essy .
" Hapana chaunonyemwerera apa shamwari bika tione ,zvauriwe uwanze mvura uchiti muto ,wakabika recipe yambuya Tendai namwari unoshaya anokuroora . "
" Sekuru pane pamusina kudya here muraini muno ?"
" Hakusi kuti ndinenge ndichikwata ,pane pamba ndakanzwa kuti pane anoda kundiisira poison ndife. Saka ndanga ndakufamba ndichidya zvangu ku test poison dzevanhu haa shame vanhu vanobika poison mudzimba umu. Unfortunately dzimwe dzaizoperera mu toilet . "
" Paya makamboti Maida kuona kuti vanhu vanogona kubika here nhasi makutaura zvimwe . "
" Exactly . Zvese ndizvo . Ndichambobuda ndoda kunotarisa mudhara uya wepamhiri apo anoita zvekugadzira mapadza. Ane ndoda akugadzirire badza chi salad chenhema chipere ichi . "
" Mhh sekuru ndiri mu salad kupiko hai ah. "
" Ukaona munhu achichema kuti anzi nherera mu salad . "
" Ndanga ndisingacheme izvozvo ini ,ndanga ndichichemq kuti Mai venyu vanga vatora huku yangu ini ndasuwa nyama yehuku . " Bhana akaseka .
" Really ! Don't worry vanga vasingamboenda nayo hauna kana kuona masimudziro avaiita vanga vachida kuiyeresa . "
" Chiendai hai ah matanga kuda kundirwadzisa mbabvu nekuseka yoh. " Vakaseka vachienda .
.
.
.
Nguva dzakanga dzava Kuma 7 ,Bhanabhasi anga akatandara zvake naMujubheki aigadzira mapadza.
" Mangwana ndoda badza rangu mudhara kwete kuzoita badza rekuti usati wasvika kumunda unenge watoneta kudhara usati watanga kushanda. "
" Iwe mupfanha unotaura zvaunoda apa unenge usina Mari futi. "
" Eh Chero ndisina mari ndizvo zvingaita mupedze material yese yamunayo muchigadzira badza one here ?"
" Aiwa handina kudaro. Ndikapedza material yangu ko vane mari ndinozovagadzirira nei ?" Akaseka zvake mudhara uya achibatidza fodya yake .
" Yha Rega ndiende ndoda kutopfuura nepama Essy apo ndichienda kumba. "
" Uri kuda kunoitei ndakanzwa kuti kune kaskana kaya kakanaka kaksiwa nama Essy . "
" Ko kunaka kwake kunoita vanhu vasapfuura vachimuona here vanhu vane mind yakaora muraini muno. Chirega ndinoona nherera dzamwari kuti dzadya here . Ini handiende kuchechi asi ndinonamata nzvimbo yangu iriko kudenga denga Kuna mwari. "
" Oh fodya ."
" Puta mudhara nhasi handisi kubata ,unozonzwa kamwana kaya kakuti sekuru murikunhuwa fodya chino chino saka handidi izvozvo. "
" Ok .ndanyarara semunhu mukuru . " Akasimuka ndokuoneka . Akasvika Essy apedza kubika sadza .
" Sekuru ndabika ,ndokupakurirai here ndakuda kunorara handiti maenda makakanganwa kuti masiya richikwata Kuno ?"
" Ranga richikwata here paya handina kuona ka. Ko ini zvekudya kumaraini wakati ndinombozvida here saka ndisina kuona whether ranga richikwatuka kana kukwata. " Akaseka Essy .
" Ndopakura?*
" Hauna chiranchi ?"
" Rega ndiise mu basin iri ,ah zva sekuru akomana. Makuda kunodyirepi futi ?"
" Chero kudenga chikuru kudya nenyama izvezvi vamwe varitsika nomuriwo wonyemba ndosaka bp dzabva dzakwira so . "
" But ko sei musingavatengerewo yavo."
" Haa zviri muhurongwa muzukuru ,waita basa muzukuru Rega ndinodyira mu dhadroom mangu . " Essy akangozunguza musoro achieongeza ndiro zvake . Sekuru vakaenda akasara akakiya door rake repa kitchen . Akubuda akavhunduka achiona Paine munhu anga akamira panze.
" Wakangoita noise chete ndiri kukucheka musoro. " Akadaro munhu uya . Kunze kwacho kwakanga kuine rima kusina kana mwedzi . Haana kukwanisa kuona kuti ndiani wakanga achimutyisidzira . Essy akanga afreez manje akabata mwana akanga avata. Akavhara maziso ,panguva yakamavhura munhu uya akanga adonha pasi.
" Uyu ndiye achaudza vamwe manje Essy . Ndipe tochi ndoda kuona ndiani ?*
" Ko sekuru manga musina kuenda ?"
" Ehe ndanga ndakanganwa zvandanga ndakanganwa ndabva ndatokanganwa zvandanga ndakanganwa zvacho. " Essy akamhanya kunotora Tochi ndokuuya nayo .
" Oh ,Willard ! Wanga uchida kuitei mwana panapa ? "
" Hapana ndanga ndichitamba naye zvangu . "
" Ok ,I know wanga uchitamba naye . " Akadaro achiseka zvehasha zviya. Akaburitsa chichamboko chake ndokumuradanura nacho kumusana .
" Ndati wanga uchida kuita sei mwana panapa ?*
" Ndinomuda Essy . " Kuzodaro ,Bhanabhasi akaita seakanga adirwa mabhagidhi maviri nehafu ehasha . Munhu akarohwa kusvika Ari baba ndagura.
" Saka kana wanga uchimuda ndipo paunomuvinga husiku ? Wadii kumuvinga maskati wakajaidzwa nambuya vako vaikubereka nebhaketi shit yemunhu. Ndikuone padhuze na Essy ndiri kukudambura musoro uri kunzwa ka. Satan weroma mxm ibva pano. " Akasimuka achidzadzarika oenda kumba kwavo .
" Sekuru zviri risk zvekuti ndigare ndega ,ndakufunga kuenda ini Kuna baba kwacho . "
"Pinda mumba ukiye door urare . " Akadaro achifuratira kuenda . Essy akasara akamira ,ndipo pakazoita kakuvhundukira akamhanya kupinda mumba akakiya door.
End of chapter 15
*THE LONG GOODBYE*🙆🏾
Story by Theo Chida
Chapter 16
+263788659793
Bhana akatanga kufamba zvake achidya sadza rake mu road . Akanga ava nenzara akaona kuti kusvika kumba kwaizoita kure nekunhuwira kwakanga kuchiita chikafu chacho. Achipinda mumba akananga kumugomo akachera mvura ne cup ndokunwa. Akachera imwe akanwa futi. Akapamha zvakare yetatu vanhu vanga vakangomutarisa.
" Angatadza kunwa mvura iye adya nenyama vamwe tadya nemufushwa . " Akadaro hanzvadzi yake yaimusiira .
" Ini muskana uya anonzi Essy ndiri kuda kumukwapaidza Rega uone zvako Brenda . " Akadaro imwe hanzvadzi yake .
" Hahahaha ,hahaha vanhu vemumba muno munondinakidza fani . Apa muri kuda kurova Essy kuti anodya nenyama imi nemufushwa apa ngatitauriranei chokwadi . "
" Angarovera munhu kuti anodya nenyama ndiani ? Tiri kutaura nhau yekuti iwewe since wava kushanda Essy arikukupa marii?" Akabvunza Brenda .
" Yekuita sei ? Essy inherera haasi here ? Ko imi munoda kubatsirwa neiko semuri nherera ?"
" Mama muri kumunzwa ka mwana wenyu ?"
" Hehehehe rimwe gore ndichaseka zvangu. Anenge achingoshandiswa so . Mwana uya nekunaka kwake achabva aroorwa nevane Mari iye instead yekutsvaka Mari Ari busy kutamba nemwana. "
" Ini mumuti wangu handidi munhu. Zvevanhu vanozoti vaona zvaipa vozvisungirira mumuti mangu handidi . " Vakadaro amai vacho .
" Basa ramati munoda kubatsirwa nderei zviya ?"
" Ndati kugarden kunoda kudiridzwa. "
" Chete ?"
" Ehe ."
" Mangwana ndinonodiridza don't worry. No need yekuchema chema nekuti madya nemufushwa . Nyaya haisi pakudiridzirwa iri pakurwadziwa nemufushwa ,inga unongonakawo wani? Mufushwa chandakaona haudi vanhu vanobika ma recipe enyu amuzobikawo mumba muno awa. Mufushwa ungada izvozvo here zvekuisa two Rita yemvura moisa 7 madomasi zvokwatirana hai ,mamwe mabikiro ndiwo anoita tidye kumaraini . Swallow your pride Bridget hakuna murume anoroora mukadzi akaita sewe. Enda kune vana vadiki vakudzidzisewo kubika sezvo amako zvakavaremera zvekukudzidzisa. "
" Bhanabhasi ! Chokwadi mwana iwewe hameno. Unoda kufanana na baba vako rombe vakatetereka nemasango nehurombe ."
" Maita basa . " Akabva abuda akaenda kunorara zvake asina kupindura. Kuma 12 midnight akabuda oenda kwana Essy. Akambotenderera tenderera achibva adzokera akanorara. Kuseni akanoka door .
"Essy !"
" Sekuru . "
" Muka ugadzirire kuenda kuchikoro. "
" Ok. " Akamuka achibva avhura door.
" Mamukasei sekuru?"
" Ndamuka bho ,Eddy akarara ? "
" Eh nhasi haana kurara ndofunga anga achinzwa mudumbu . "
" Saka wamuita sei ?"
" Hapana azongorara hake ega . "
" I think ndofanira kumuendesa ku clinic. Arikuchaya ?"
" Ehe ."
" Haa pamwe I korera ,Essy hausi kudyisa mwana tsvina here iwewe ?"
" Ah sekuru . "
" Kutamba zvangu ungatondichemera ipapa ndakazoshaya pekubata ndichikunyaradza. "
" Haiwawo ,ndanga ndichifunga kurovha ndimuendese ku clinic. "
" Ndakati hakuna munhu anorovha kuchikoro handina kudaro here ? Usada kundinzwa wanzwa ka . Kasika kuita zvekuti uende kuchikoro uko. "
" Ok ." Akagadzirira kuenda ndokugadzira bag remwana .
" Yha ndokuona wadzoka ,Rega ndimubereke chaiko ne towel. " Akatora towel ndokumubereka .
"Ok ."
" Hapana chaunoti ok wakapusa pusa Essy kuchikoro ngakuendwe. "
" Ehoi sekuru. " Akabuda oenda kuchikoro. Bhanabhasi akafamba akananga ku clinic nemwana. Paiva pa dhuze zvapo ,vaizovhura zvavo nenguva dzavnoda na 8. Akasvika ndokugara pachibhenji chaiva panze. Ma nurse acho aingofamba famba kunge mweya yetsvina iri kutsvaka wekuita naye alaj. Vakazovhura zvavo na 8. Bhana aiva wekutanga akabva apinda .
" Eh tokubatsirai neni bhudhi ?"
" Mwana wangu Ari kurwara. "
" Amai vake varikupi ?"
" Havapo. "
" Eh ndiri kuziva kuti havapo ndosaka wauya nemwana ,akurwara nei?"
" Mudumbu nekupisa muviri. "
" Muri kuita hutsanana here kumba ikoko kana kuti huchapa muri kuhuwanza ? Inogona iri cholera. "
" Handizoziva zvangu hutsanana hwamuri kutaura. " Nurse vaya vakabva vadhinda card.
" Vana vadiki vana ndeveiko nhai akomana ? Vamwe venyu vari kuchikoro watova nemwana akakura kudai asina kana kumbofanana newe. " Akaramba akanyarara zvake semunhu akanga achida mwana arapwe. Akapiwa card rake kwava kunopima mwana. Abva ipapo akaenda kune imwe room kwakanopiwa mishonga yemwana ndokubuda odzokera kumba. Akasvika akapa mwana porridge ndokumupa mushonga akabva arara zvake.
" Get well soon mudhara ,hazvinakidze kana muchirwara so maiketa. " Akadaro achisimuka . Mai Neri vakabva vauya vachiona door rakashama vakafunga kuti Essy akanga aripo .
" Gogoi mwanangu ,urimo here Essy mwanangu ?" Bhana akanga achida kubuda panze akabva abuda .
." Ah ko iwewe wava kuswera pano su? Ndipo pakuzobira mwana zvinhu zvake unoswera pano uchiitei ?"
" Ndoswera pano ndakatarisa iyemi kuti kana mafunga kuuya munenge muchiuya kuzoitei pano ?"
" Bhanabhasi kuchiri kuseni handiti ka. Wava kuda kundipinda nepausingakwane manje."
" Ok Rega ndinyarare kuchiri kuseni. Essy haapo aenda kuchikoro pane zvimwe zvamuri kuda here?"
" Iwewe akakupa mvumo yekugara pano ndianiko ?*
" Ndoshanda pano. "
" Uchibhadharwa nani ?"
" Ndega. Ko zvinoshamisa here ? Imi amai imi makawana nguva nemhuri yenyu garai pasi mumboonesana hupenyu kwete kungoti take take nemwana mudiki asina kana vabereki. Ndimi makauraya Mai vake here kuti mugozoshungurudza Essy ?"
" Wakutaura nonsense ini ndanga ndauya kuzoona Essy chete manje handina kumuona ndàva kuenda . Handina kuuya kuzonetsana newe panapa ndizvo ziva izvozvo . "
" Good ,mugeze kana mawana nguva ,vamwe mhino dzedu hadzina ma lid . "
" Uneni handiti ?"
" Handinei nemi Mai Neri asi zvekusageza izvi zvinodawo isu zvedu ana Bhana. Ndakageza nhasi ndinoita three days ndisati ndatanga kunhuwa. Manje imi mofanira kugeza mazuva ese manzwa ka. Chiendai kumba kwenyu munondimutsira mwana kana kuzoudza vanhu kuti ndinodanana na Bhanabhasi hamuna kukwana ka imimi . "
" Iwe mukomana iwe handina zera newe wazvinzwa ka. Usada kundijairira zvekudaro wanzwa ka. Handitambe newe ndiri mukuru fani kwauri. "
" Ok vahombe chiendai musatisembura . " Akadaro vachibva vaenda vatsamwa. Vaimuziva Bhana kuti anotaura searikudzika mu train yemagetsi ichiri kufamba . Aitaura zvanoda zvake mukomana wacho panguva yanenge ada kwete zvinodiwa neari kuudzwa wacho.
.
.
.
Essy akadzoka achibva kuchikoro . Akanga Ari worried nekurwara kwakanga kuchiita hanzvadzi yake. Hapana chinhu chakanga achitya seku lose hanzvadzi yake zvakaita Mai vake. Musi wacho kuchikoro akanga asinganyatso concentrate aizongonyaradzwa nekuti akanga asiya mwana na Bhana aimubata zvakanaka . Arimunzira kudzoka akàsangana nevamwe Mai vemuraini .
" Mhoro ka nhawo Essy wava kubvako kuchikoro ."
" Ehe maswerasei amai?*
" Aiwa ndaswera mwanangu kana waswerawo . Ah chokwadi dzimwe nherera mugere zvenyu hamutombohuona hunherera ka ?"
" Indava ?"
" Ah unotoenda kuchikoro so , ndaona Bhanabhasi achibva kukiriniki ndakati aiwa ava vana vagere chokwadi. "
" Yha sekuru Bhana vanondibatsira . "
" Eh achitadza kubatsira amai vake kumba kwavo . Izvezvi vanga vachipopota kuti haana kana nekudiridza garden . Inga unoziva ndiye mukomana ega kumba kwamai vake,vanenge vachidawo kuti avabatsire. "
" Ndiri kuzvinzwa ."
" Ehe ,handizive zvangu munowirirana pakuita sei asi pota uchiti amboendawo kumba kwamai vake anoita basa ikoko handiti ka. "
" Ndiri kuzvinzwa . "
" Imwe nhau yandiri kunzwa muraini ,Essy iwe swedera padhuze. " Akaswedera zvake .
" Hanzi Bhanabhasi arikuudza vanhu kuti anoda kudya Mari ye chema ndiyo yaari kutaimira kumba kwenyu . Vanhu vakabvisa ka paya Mari yakawanda ? Saka uchaona zvako paichapera Mari iyoyo anenge asisabatike . "
" Hoo."
" Ehe ndiri kutokuudza I secret"
" Ok Rega ndimhanye kumba maitabasa amai . " Akafamba achienda kumba. Akasvika kule vakagara zvavo pa danda vachiputa fodya . Pakaona Essy akabva aikanda pasi akaitsika.
" So !"
" So maswerawo Essy . "
" Ndiri kubvunzira fodya ini kuti saka Friday yamakanda pasi makandira inini ?"
" Kuti waita sei ?"
" Maswerasei sekuru ?"
" Ndaswera bho kwanga kuri sei kuchikoro ?"
" Ah kwanga kuribho tatanga kutamba bhora. Manje ini this time handisi kuda zvema sports ."
" Ma sports ndiwo auri kuzoita . "
" Ah sekuru ?"
" Ndatopedza motamba rini ma competitions ndoda kuuya kuzoona uchitamba ?"
" Ah sekuru . "
" Eddy aswera bho ezvino ava nani ndambomupa piritsi saka rinoshanda . "
" Ok . Nhai sekuru ndokumbirawo kubvunza .Mungaitawo ruzivo nekuti Mari ye chema yaipiwa Ani ?"
" Takuita zvenhamo futi here apa ?"
" No Pana Mai vandasangana navo varikufunga kuti ndiri kurarama nemari yechema. So hanzi Bhanabhasi arikuswera nemwana nekuti anoda kudya Mari ye chema ndizvo zvaari kufamba achiudza vanhu. Of which ini handina kana cent randakaona . "
" So you believed her?"
" No sekuru ndanga ndichamu believe sei ini ndichiziva handina mari yacho ?"
" Iwe ungatevedzera vanhu vemuraini muno ? Hameno zvako uchafa ne stress wakada kuramba uchitevedzera vanhu vemuraini muno ."
" Ndabva ndatongoda kuziva zvangu aibata Mari yacho ."
" Obvious amai mini vako handizoziva nani . Vekwa Mai vako vaya . "
" Ngavadya handiti ndivo vane muromo mxm. " Akadaro achipinda mumba . Akawana kakomana kachizvitambira hako.
End of chapter 16
❤️
🙏
👍
😂
😢
🎷
😮
75