THEOS NOVELS
February 27, 2025 at 06:28 AM
KU CHANNEL NDIKO KURI KUPISA KUNE YESE. JOIN OUR CHANNEL FOR MORE BOOKS. 👇🏻 https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p Join our whatsaap group ,munowanikwa ma book evanyori vakasiyana siyana. 👇🏻 https://chat.whatsapp.com/Eny370yT9o93nm6f3qxRXE JOIN OUR FACEBOOK ndiko kune nyaya dzakare . 👇🏻 https://www.facebook.com/100053729953141/posts/pfbid02r3ptQPBoqLc1EfLFgiQzs1bsJJ2WH8LMd4GU1QrixMDTUMD1iz4yadroRXMETSGnl/?mibextid=rS40aB7S9Ucbxw6v [7/1, 10:09 PM] Theo: *WISPERS OF HEART*🌹 Story by Mani wa Nka . Chapter 16 0784027359/0788659793 Akatanga kubaya baya phone Blacks akatarisa. Akabva ati. .. " Manje urikuitei ?" " Ndiri kuisa call back . " " Why ?" " Handiti ndanga ndichifunga kuti ma minutes angu achirimo manje ndiri kutoona kuti handisisina. " " Ma minutes ndochii ichocho ?" " Bvunza ku econet. " " Haa babe ndotobvunza econet sei iwe uriwe wataura nezvazvo ? " " Ah ma minutes anotengwa ne 20cents ." " Ok .saka hauna 20cents ?" " Ndanga ndisati ndajusa. " " Chifona ne phone yangu. " " Ko vakazokufonera vachikunetsa ?" " Havambo. " Ah ko...." " Inyaya ye airtime here kana pane zvimwe ,babe ?"akabvunza zviri soft zvekuti naye Linet akabva anyara . " I'm sorry ndipe ndivafonere. " Akamupa phone . " Handizive inovhurwa sei. " " Ndipe number dzacho. " Akadanidzira number achibva afona. " Ah ko wanga wandiisira callback ?" Vakadaro mainini vake .. " Ndanga ndisina airtime ndatozopiwa phone neshamwari yangu. " . " Ambuya vako vanoda kutaura newe ava. " " Ok ." Akadaro Hana ichirova. " Nhaiwe rinet zvino zvawarovera Harare ndinodyeiko chokwadi ,chando chese ichi kana Shuka zvayo here ?" " Ndichauya ambuya zvinhu zvakandiomera . Handisi kana kushanda izvezvi ndinotochengetwawo na Prisca ndaiti ndichawana basa handina kana chiri kufamba ndofunga ndiri kuroiwa ini . " " Zvino uri kuroorwa neni here wawabva wandiramwa kudaro?" " Handina kudaro ambuya ,ndichangouya ndigare kumusha kwacho zvakangofanana. Nekuti kana ndava kutaura kuti zvinhu hazvisi kundifambira ndinoitwa munhu anonyepa. Hapana kana chiri kufamba ndigere mudzimba dzevanhu. Ndiri kutonyara nekudzoka kumusha ndisina kana chandakabata. " " Ah zvakaoma. Oh phone yako ama pirinzi. " Vakatsmbidza muroora wavo phone . " Dai wangovatsvakirawo kashuka Linet. Kuri kutonhora uku kunoda tea. " " Kungoti hamundinzwisise mainini. Handisi kushanda ,ndiri kutochesngetwswo. Ndichazama kukumbira ye bhazi ndidzoke kumusha nekuti hapana zvandiri kuita muno muharare. " " Zvirinani udzoke zvako kumusha nekuti kana usiri kushanda hazvibatsire. Dxoka ubatsire ambuya vako kurima " " Zvakanakai ." Akabva akata phone . Ainga ajenga misodzi mumatama . " I'm sorry. " " Ndanga ndisingade kutaura navo. " Misodzi yakanga yotobuda. " It's ok Linet ,it's ok my sunshine. I don't know kuti reason yako ndeyei yawanga usingadire kutaura navo but it's ok. Totenga chikafu chacho tiendese ." " I can afford ,Taffu kutenga shuga. Why ndisiri kutenga ndine ma reasons angu. " " Ok I understand. " Nhau yakanga achida kubvunza yemwana haana kuzobvunza aona kuti munhu wacho akanga ato shoot . " Ndaguta let me rest mbijana . " ' ok . " Taffy akakwira pa bed achibva arara zvake akatarisa mudenga. Linet akaburitsa ndiro akatanga kusuka ndokudzoka mumba . Akawana Taffy akarara akatarisa mudenga . " Handina kumbokutsamwira Taffy. " " I know ,come here. " Akamira padivi pe bed. " Kwirsa ka asi uri kutya kuti inotyoka here bed yako ?" " Ok*" akakwira achibva arara pa divi pa Taffy. Taffy akamudhonzera pachipfuva chake . " Wabva waomaradza muviri kuita semunhu asina kubvira amboiswa. Hahaha babe hai ah handisi kuda kurara newe haw chiiko ?" Akanyara Linet . " Ok fine. " Akabva arara pa chest. Akanzwa Hana ya Black ichiroverera. Akaerekana ava kuyerrdza misodzi. " Hai man ,Linet uri kuchema ?" " Aiwa . " " Saka wandiisa masiriri?" " Sorry." Akamusimudza face akaona munhu achipukuta maziso. " Whatever you are going through kana usingade kutaura handikwanise kukubatsira. " " Taffy iwewe unondishora. " " Ndati sorry wani babe. " " Handigone kunyatsobika ,maybe unoda muskana anogona kubika ." " Don't worry zvinhu zvinodzidzisika babe. " " Saka haundisiye nekuti handigone kubika?" " Vanhu vanogona kukudzidzisa kubika vakawanda shaa. I love you my sunshine. Never doubt my love for you. " " Sometimes I doubt. " " Don't worry . Ndakunzwa hope but chimubhedha chako chinobaya. " Akadaro achiseka. " Haa inga unongofanana nemimwe mibhedha wani ?" " Hauna comfort . " " Hahaha ehoi. " Vakamboita nyaya vachibva vazongobatwa ne hope. . . . . . " I'm worried Taku. You know baba vako vakamboita sevakanga vaine zvaivagara. Now ndava kutyira kuti pamwe mumwe wako ane zvakamugara. Honestly ndanga ndafara pakauya achiti mama pane muskana wandawana but ane mwana wake. Hazvina basa zve mwana ,asi semubereki ndinofsrawo kuona aine mukadzi wake. Vanhu vanoguma votaura neniwo ndotya kuti zvino chii chaita mwana wangu asanziwo amitisa kwakati. " " Don't worry mama ,I heard muroora wenyu achitaura na Essy vachiti vachambosvika panguva yavanonamata nezvazvo. Ndakanzwa semakuhwa zvangu handina kuzobvuna. " " Is that why asina kudya nhasi? Handiti dai andiudza ndamu join ?" " Ah mama hapana chandiri kuziva handina kukuudzai. " " I don't know kuti Chido wakamuwana kupi Takue. Mukadzi wako ,akabva Kuna mwari chaiko not kumba kwavo. You remember last year Tadi achiti ava kuda kusiya Imba akati mama ngatinamatirei tete. Nhasi arimo mumba make ,mwana uya handizive ndomuitirei chaizvo .". " Just love her ,momira kumunyeya neni. " " Hahaha ibvapa Takudzwa saka uri kuti ndiri kunyeya mukadzi wako here ?" " As long muchingomutaura asipo muri kumunyeya. Ndichambobuda mama ,Mai TK akadzoka kana andisuwa anondifonera. " " Ibvapa ndini waunoudza izvozvo manje ?" " Yes my favorite mommy . " " Kana asina kukusuwa haakufonere." " Haa mama akasafona chete Chido ndimi munenge mamufurira ndiri kuzviona zvangu. " Vakaseka achibva abuda Takue akaenda. Vakasara vachitamba nemwana wa Takue . Vakamugezesa Mai vacho vachibva vasvika. " Mama maswerasei ? Busy nemurume wenyu eish hakusi kuneta ikoko. " " Ndaswera zvangu ah rega nditambe navo arume ava pamwe ndingangoroorwa zvangu . Hameno dhara ririkuda kuchenera ndebvu mu office. " Vakaseka . " Pamba panenge pachibhowa. " " Panototi pabhowe chete kana pasina kuzara. " " Hahaha don't worry bamnini vanoroora manje manje. With God nothing is impossible. " " Do you think pane something chiri Pana Tafara ?" " Zvogona kuva kudivi remukadzi . " " Eish yha kana zvakadaro ma1. But hapana angazorambira mukadzi kuti anoroiwa ka. Anenge asisina kuita mushe. " " True ipapo ." " I feel ndiyo time yavo bamnini ah zvava kubhows kuti vangogara vachichinja vaskana kunge hembe. " " Taurai henyu zvimwe hazvizoda Mai Tk. Manje baba vacho ,aitova nema babe two pandakamuona . " " Haaa mama ! " " Eh ndakabva ndamuudza kuti mumba muno ndoda kuchinja order and zveshuwa order ndakaichinja ko ndaimbonaniko ini ?" " Hahaha ,neni ndakangoti mhh uyu mwana wekwa Bako handisiye. Ndainamata nechemumoyo kuti asatombofunga zvimwe zvake afungr kudikanda pa kitchen. " Vakaseka. " Kwanga kurisei kubasa ?" " Kwanga kuribho ,ah kudzidzisa kwakamboda kunakidza zvako. " " Ndisati ndakanganwa ,hanzi nemurume wako umufonere kana wamusuwa mutumwa haana mbonje . " Vakadaro vachiseka. " Kuda ndizvare mumwe mwana uko manje hatisi kuita izvozvo . " Akadaro achiseka . " Hahahaha imi vana imi siyanai neni ndanga ndachembera zvakanaka zvisina ma drama . " Akaseka Chido . " Ah mama ,munodyiweiko mumba menyu ?" " Ingoonawo ku kitchen ikoko kuti vabikei. " " Let me take a shower first . " Akasimuka achibva aenda kunogeza. Mwana wake kana kumboita basa namai vacho . Taffy akasvikawo akangoneta neta. " Eh madzoka kubasa atezvara ?" Vakadaro Mai vake vachi feed mwana . "Handina kumboenda ndanga ndina Linet kumba kwake. " " Asi haashande ?" " Ehe ,anoita ma part time kubhora ." " Saka anorarama sei ?" " Mama handisati ndanyatsoziva zvakawanda. It seems like pane zvakawanda zvinoitika mu life make and haasati Andi trust enough kuti ave open kwandiri . " " Ok ko nhau yemwana uya makazoita sei ?" " Ndanga ndichida kumuvhunza but ndazosiyana nazvo after ataura nambuya vake. She got so emotional " " Don't you want to introduce her kwatiri. Patokwana mwedzi apa wasangana nemunhu wako . " " Ndichanzwa naye handidi kumumhanyira . " " Asi nhaiwe Tafara . Kana mwana wawaitaura akaita wako Linet wacho anenge amamuwana kupi kana uchiti wanga usingamuzive ?" " Acha explain . " " I think the sooner the better. Uri kuverengera Tafara. " " It's too early...." Baba vacho vakabva vapinda . " Hanzii mumba muno ?* " Maswerasei Daddy ndiye mwana wako wandiri kuti dai Ari mumwe aita zve DNA as soon as possible. Atleast achawana mukana wekunzwisisa kana mwana Ari wake kuti akabva nekupi sezvo aiti iye muskana uyu haana kubvira asangana naye. Kana dai Tafara aidhakwa zvekudaro taiti pamwe anga akadhakwa akabata mwana wevanhu. Manje toti chii ?" " Chiri kunetsa chii mudhara ?" Vakabvunza baba vacho. " Dad ,this girl is going through a lot. So ndiri kumbomupa mukana weku dealer with whatever zviri kumunetsa. " " Ko zvakaramba zvichimunetsa kusvika afa? " " Dad " " Ita DNA Tafara. Kana Ari muzukuru wangu ndinomuda pano. I am about to retire ndoda kuswera ndichitamba nevazukuru vangu pano uri kundinzwa Blcks ?" " Yes Popman. " " Good . " Akasimuka oenda kuroom kwake ava kumbofunga oitasei nenhau yacho. End of chapter 16 [7/2, 6:47 AM] Theo: *WISPERS OF HEART*🌹 Story by Mani wa Nka . Chapter 17 0784027359/0788659793 " Eish Prisca ,I love that guy handidi zvipere. " Akadaro achinyemwerera zvake. " I hope he feels the same. " " Handisi rini ndakamuudza kuti ndinokuda ndiye. " " Ok manzwikwa. Ndinoona anokuda but nhau yemwana uchaita sei ? Let's say DNA ichabuda in his favor. " " Will cross the bridge when I get there . " " I'm worried shaa. " " Why ?" " I don't want to lose my boy . " " You won't lose him hey wena. Ndewake here?" " I don't know. " " Howz bamnini?" " He's fine uya ndiye benzi manje. Hanzi iwewe wakandibhowa ndokutengera doro odhakwa. " " Serious ?" " Hahahaha ndiri kutokuudza . " " Kana wadhakwa obva aita sei haanzwe haikona ?" " Ah unoti munhu here ?" " Haasi chidhoma . " Vakaseka. " But Blacks munhu bho I hope vemhepo havakusundire . Namwari handisi kuda zvekurova munhu Linet. Ini varoi ndava Kubamura these days ndaneta navo hai ah . " " Eh vanoda kurohwa. " " Ndanga ndichifunga kuti timboenda kumusha pa weekend . Ndiri kuenda na AJ . Ndozodzoka zvangu pandinenge ndaneta nembambaira. " " Mu face wako wamuudza ?* . . " Kuti murume wangu here ? Ndomuudza ndava mubhazi ,kana achida kundiona kure kwagava ndokusina mutsvubvu. " Vakaseka. " I'm telling you ,ndingada kunetswa nevanhu vasina order ndichitadza kuita zvinhu zvangu. Ndosaka ndakanga ndakati zvevarume handichada . " " Manje wakazonyengerwa neni here ?" " Ndakazonyengwawo ndakabvuma ndaona kuti iwewe wava newako ndakati ah siss linet vanozoti ndiri kuita godo ndakuda wavo muface . * Akadaro achiseka. " Ok ,Tafara ati anouya pa weekend kuzondiona. " " Eh mosara muchinyatsoita zvese zvamunoda ndinenge ndabaya nemwana wangu. " " Ukwane . " " Weekend hauna ma games here iwewe ?" " Let me check. " Akatarisa pachifoni chake. " Ah ndine two wena. And it's Saturday and Sunday. " " Saka anokuona before game or after game . " " Yha ndichaona ndodii ipapa. Mainini kundifonera kuti nditengere ambuya shuga Ivo vakadii kuvatengera shuga yacho ?" " Vanorwara ngavasakupa stress nezvisina basa. Vanoda here vakasanwa tea?" " Manje nhau yacho vakutoita big deal . " " Ngavakwane vakawana nguva. Kana wava kunzwa kuda kutenga shuga uchatenga kwete kubatirana demo . " " Nhai hako iwe . Sometimes ndinomboshuwa dai ma parents angu aripo ndisina nhamo yese iyi . " " Watanga Linet. Let me go ndinonwa Doro nevamwe varume biyangu. " Akaseka. " Ok ,don't go ,handichataura nhau dzinochemedza . " " Good girl. " Mazuva akanga achifamba . Linet akamukira kunohodha zvinhu zvake yaiva Friday Kuseni. Akasvika kumba ndokusiya achiwana Prisca akarara . " Prisca ndichambobuda shaa ndoda kuenda kunotarisa murume uya anogadzira simbi . " " Ok nhasi ndine bhabharasi shamwari ." " I hope kana uchinwa unonwa wega. Eish Prisca hausi fair manje birthday ra AJ uri kuda kuti anotambira kumusha here kusina ini?" " Oh zviya ne Sunday I birthday rake ,waona nyaya dzako wakuda kundidzosera kumashure manje. Anyway haisi nyaya ndichaona ndodii ." " Paribho Rega ndimhanye ndauya nechingwa ofanobika tea. Mazai ariko handiti ?" " Haasi ekudyisa sadza here ?" " Anodyiswa sadza kana ndichinge ndamatenga ndini chete. Otherwise kana atengwa nemumwe munhu ndee tea. " Akadaro achiseka zvake. " Ok. Ndotoda iri coffee strong yacho. " " Fine ita zvauri kuda. AJ achakarara ah nhasi avatisa I hope hauna kumunwisa doro. " " Ndiri benzi ramai but handizosvika paiunwisa mwana zvinodhaka usada kundibhowa enda kwawati unoda kuenda . " " Ibvapa saka uri kufunga ndiri kurevesa here newe unenge une mamhepo akagara pamuromo. " " Hahaha Ako akagara mubhrugwa ." " That reminds me ,Blacks akarasa mapants angu pairongedza . Ndatotenga mamwe ndaona kuti ndibgatofa nechando. " " Hahaha chando here ? Waita woma ndokupfeka . ," " Shamwari ndiyo nhamo yangu . Atleast ndeemubhero akanaka. Haamboziva ndamatenga mubhero. " " Yho wamawana kupi awa ko wadii kunditengerawo akanaka shamwari. " " Ndoziva size yaunopfeka here ini plus iwewe handiti haupfeke pant ?" " Ibvapa akakuudza handipfeka pant ndimbuya vako chienda kwawanga uchienda. " Akadaro achiseka. " Ehoi. " Akabuda achiseka zvake. Akasvika pa baba vaya ndokugogodza. " Mamukasei ,ndiri kutsvakawo baba vanoweredha . " " Ndiwe Ani unotsvkaa murume wangu kuseni Kuno ?" " Ndiri customer ndiri kuda kugadzirirwa musika." " Ndizvo zvamunoita munouya muchinyepa munoda kugadzirirwa musika muchihura nemurume wangu. Manje handiitirwe izvozvo wanzwa Mira nhasi ndinoda kukugadzirisa. " Vakadaro vachipinda mumba ndokubuda vakabata simbi. Linet akabva pamba paya omhanya. Muroad mess akanga ava kungozvibvunza kana Mai vaya vakanga vakakwana . Ko chiiko chakadaro chinenge ngozi ? Akazvibvunza mibvunzo isingapere achishaiwa mhinduro yacho . Akafunga kunotsvaka pama shops . Ndiye dhuma nemumwe mu face wakambodanana naye kwe two weeks achibva angonyararawo . " Eh Linet uri mupenyu. " " Ndingaitwa nei zvangu ?" " Ko hatina kuzorambana ka. " " Zvarini?" " Aizve ndakambokuudza kuti handichakuda here ini?" " Ini ndakambokuudza here kuti ndichiri kukuda ? Jerald siyana neni. Wakandi ignore sendisina mweya wekufema handiti. Ndakakufonera waisadaira phone saka wava kutaura rubbish . Ndava neumwe so siyana neni. " " Handina kumbokuramba ,ndainga ndichiri kufunga nhau yekuti une mwana . Ndiyo yandaifunga now ndapedza kufunga nezvazvo ndinokuda nemwana wako. " " Too late. " " Unopenga stereki handina kukuramba plus hausi kuzondiramba uri kuzvinzwa. " Akadaro achimubata ruoko zvine Simba . " Jerald siyana neni mhaniwe . " " Handisi kuzokusiya wazvinzwa ,wakajaidzwa stereki . Ungandiudza kuti hauchandida inini after everything zvaandakakuitira ?" " Siyana neni uri kundikuvadza mhaniwe ." Akadaro achizama kuzvibvisa Pana Jerald. Jerald uya akabva aita hasha . " Uri kutoda kupaparika ? Hausi kundiramba wazvinzwa ka. " Linet akamuruma achida kubvisa ruoko rwake paari. Jerald akamuzarurira neimwe mbama yakanzwa kurira achinoona rima nekunorovera nemusoro ndiye zii akadaro. Jerald achiona vanhu akabva atiza akaenda . To be onsale from chapter 19 End of chapter 17 [7/2, 8:14 AM] Theo: *WISPERS OF HEART*🌹 Story by Mani wa Nka . Chapter 18 0784027359/0788659793 " I'm calling Linet phone yake iri kungorira. I don't know kuti akatamba ma games api chaiwo let me go ndinoona. This girl anoda kundiuraisa ne stress . " Akadaro Blacks . " Haa iwewe wazopinda ne bhutsu newewo handiti. " Akadaro Light achiseka . " I love that girl zvandinofila so. But kana ava kusada kudaira phone sekuti ane zvisvinu zvaari kuita ndipo patava kuzokznana. Kungoti hallo chete ndiko kungatobva kwamuremera zvekudaro ?" " Ah hameno maybe Ari busy kana arasa phone. " " Let me go ndino check ,this girl anenge asiri kuda ndiitise ma DNA. Ana mom's pa den vachikuvava na mudhara kuti ndichakamirira chii. Saka ndanga ndichida kumuudza kuti ndiri kuuya afanogadzirira waona. " " Wakawana asiri wako ke ?" " Ndakawana asiri wangu ipapo eish anenge asiri wangu hapana pandichambomumanikidza ave wangu. " " Wakawana Ari wako ke ?" " Ndipo paya patinenge tava kumanikidzana kuda kuziva kuti akamuwana kupi mwana iyeye. " " Eish I hope achataura zvinonzwika plus haasi kuzotiza nemwana. " " Kutiza achienda kupi?" " Ini my prayer kuti musarambaniswa nekuda kwenhau iyoyi. " " Yha eish ,I love that girl I hope achaita zvinhu kwazvo . Kana asina ah ndinenge ndisina choice kutongoita ma harsh decisions. " " Ngatisafungai zvisina basa now ,go unonzwa kuti chii chiri kutora nzvimbo first tisati tatanga kuronga mahorror. Pamwe aenda somewhere akasiya phone pa charger. Hauna number dze sister yake here ?" " Aiwa handina. " " Ok . " Akabva abuda. Munzira aitofunga kuti akasvika opiwa number dza Prisca kuitira next time kana ava kuda kufona. Akasvika pamba pacho ndokuwana paina Prisca achingobva kumuka zvake. AJ kakanga kamuka kava kudya porridge . " Hey ,ko anodya ega ?" " Eh akura ndeip?" " Akangwarira wena. Hey daddy muri sei boys yangu ?" Akanyemwerera zvake. " Poyiji ,oh. " Akadaro achisimudza spoon. Blacks akanyemwerera achiita ka silent prayer kuti dai mwana akangoita wake uyu. Aiva asina basa kuti akaitwa sei asi chaida angova wake. " Ko mama va AJ vaenda kupi ?" " Abuda pane mudhara waati anoda kunoona anoita zvekugadzira simbi uko. Ndiri kutoshama kuti sei anonoka ." " Ndekupi ikoko?" " Kudhuze nekuma shops uko ,kana uchitoenda kumashops unopaona pamba pane mangwenjere akangowanda wanda so. " " Ok let me go ndinomuona maybe ava kutogadzirawo simbi dzacho. Ndipoo number dzako. " Akamupa. " Ko phone yake iripi ?" " I think aisiya pa charger. " " Ok. " Akabuda otevera kuya. Akasvika pamba paya achibva aburuka. Mai vacho vaitsvaira pa yard . " Makadii amai ?" " Ndiripo mwanangu ,muri kuda kuona baba ?" " Aiwa ndiri kutsvaka mukadzi wangu hanzi auya Kuno achida kugadzirisa simbi. * " Hoo ah uya ati achambononzwa pamashops pakachipa. " Vakadaro vonyepa kuti vakanga vachitaura chokwadi zvakavaremera. " Ok zvakanakai. " Akapinda mumota ndokuenda kuma shops kuya. Akasvika ambulance ichisimuka vanhu vakangoungana. Aka driver around haana kuona munhu. Moyo wake wakamuudza kuti aende paiva nevanhu vakanga vachiri kutaura zvaiva zvaitika pa scene. Akapaka mota kwava kuenda ipapo. " Makadii ,ko chii chiri kuitika panapa ?" " Ah zvakaoma ,pane musikana arikunzi apwanyirwa pasi ne boyfriend . Hameno kana Ari mupenyu ,haa zvinosiririsa. Abuda ropa rakawanda . " " Aiwa amai Kupa hanzi haisi boyfriend yake mukomana anga achimumanikidza kuti vadzokerane. Vana vanga vari apa vataura wani kuti mukomana uyu anga achimuti haundirambe ndipo paazomurova zimbama akadonhera pasi. " " Let's hope haasi munhu wandiri kutsvaka. * " Uri kutsvaka Ani akaita sei?" Akaburitsa phone ndokuvataridza picture. " Ehe ndiye uyu . Ndiye chaiye ende zvakaoma. " " Manje aendeswa kupi?" " Hanzi Parerenyatwa." Blacks akamhanya achinopinda mumota. Aka droppr misodzi. " I hope you will be fine Linet zvakawanda zvandinoda kuziva pamusoro Pako. We still have a long way to go ,you can't leave me ,I just found you . " Akanga otaura ega achirova mota akananga kuchipatara kuya . . . . . Boyfriend ya Prisca yakauya ichida kumupa zvinhu zvakanga atenga . " Nhasi uri kuita kunge wakarohwa neshamhu pakati pemakumbo indava ini ndisina zvandakamboita?" " Shamwari ndisiye zvangu ,ndiri kutofunga zvangu kuti Linet asobuda kare kare asati adzoka asi ava kutobatsira baba vaya here kugadzira simbi dzacho ? Handiti anga achangosiya Mari vosara vachigadzira ozono collect time time ?" " Maybe pane kwapfuura nako ,handiti zvinonzi afamba apota here nhai akomana ?" " Uku hakuchazi kupota kwava kupoterera chaiko. " " Hahaha ,babe newewo you worry too much. Ok kana uri that worried handei tinomutarisa. " " Rega ndipfeke bhutsu ,boyfriend yake yabva pano anga achimutsvaka futi. " " Ok Saka pamwe vaonana vakaenda vese. " " Yna maybe. But eish hausi kupinda here ?" " Ndoda kumhanyira kubasa babe chingondipawo mvura yekunwa. " Akapinda mumba achibva aona phone ichirira. Unknown number. Akadaira. ... " Ndi Blacks ,linet akuvara ndiri ku Pari. " " Akuvara nei ? What happened Blacks ? What happened to my sister Blacks ?" Misodzi yakanga yava kutobuda. " I don't know pandasvika ndasvika Paine ambulance yanga ichisimuka . I asked vanhu vanga varipo ndivo vati adonhedzwa ne boyfriend yake ndiyo yamurova akadonha nemusoro ." " Boyfriend ipi kana usiriwe ? Ndiwe wandinoziva ,let me come . " Akasimudza mwana nekukiya door kana mvura haana kuzombotorera muface wake. " Sister yangu hanzi Ari kuchipatara akuvara. Hanzi akuvadzwa ne boyfriend. " " Haa don't tell me. Let's go. Uri kureva boyfriend yake yabva pano here ?" " No ,Linet ane boyfriend one yandinoziva. Idzo inhema I think vanhu Ve shaisano. I will get that idiot yakuvadza sister yangu. Pandinomubata ndiye achaudza vamwe kuti never mess ne sister ya Prisca munovara." Akataura misodzi iri mumatama. Mota yakarohwa vachinosvika pachipatara. Ma doctors enhema akanga achimhanya mhanya . Vakaswowana Blacks akamira pamota yake Ari pa phone. " Ehe mama nditori kuchipatara so ? " ." Vamu attend here ?" " Vanenge ndiye wandakatomirira ndinzwe kuti zvakamira sei . " " Haa Tafara usaita munhu Ari slow pakufunga handiti. Bvisa mwana ipapo umuendese ku private anorapwa chii pa public hospital ? Iwe wanga uchiregerera chii achiendeswa ikoko ? Eish zvimwe zvinhu zvaunoita so ,we are coming now." Vakakata phone. Vachitora jacket . " Let's go Daddy." " Ndipe makeys angu emota .," " What's going on mama?" " Ndi Linet akunzi akuvara hameno akapona ndipo bamnini vako pavanosiya achiiswa pa public hospital . " " Ah Rega tiende tese . " " Let's go . " Vakabuda vomhanya. Baba vacho vakanga vari busy kufonera baba Light. Mai vacho vachitaura na Mai Light . Chido na Essy akanga atovawo mumota kuendawo kuchipatara ikoko. Blacks aifoneranawo na Blackie ,Light akanga asvikawo. " Hanzi chii Blacks ? I hope sister yangu anoita bho. " Vakasvika vakanga vari munzira. Akauya mumwe doctor ainga aine fear pa face pake . " We tried nepatinogona ,a loser ropa rakawanda unfortunately we lost her. " Prisca akanzwa mabvi achipera Simba mbijana mbijana . Blacks akabata musoro achinogara pa floor ,pain ichinomubaya pachipfuva ..... End of chapter 18 Book redu Rava kutengeswa from chapter 19 . $2 eco or inbucks 110 zig to 0788659793 T Chidamusiya Voucher ,ott ,blue or one for you voucher 40rans 3 $ buddie airtime to 0784027359 .
❤️ 👍 🙏 😢 🍅 23

Comments