THEOS NOVELS
March 1, 2025 at 04:49 AM
https://chat.whatsapp.com/Hmobo9QRKfG73gwZJv2C51 https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p Join our Facebook https://www.facebook.com/groups/575682863461160/permalink/1279616179734488/ *FATHER OF THE NATION*🌺 Theo Chida . +263784027359.788659793 Chapter 4 Jocy " Nhaiwe Jocy chimbondiudza ndinoda utaure chokwadi handiti ka. Wakanga wakawanikwa ,Iye murume wanga wakakuroora uyu ndiye akakuchinja kuita benzi zvavawa izvi hazvinakidzi hazvo . Zvino mubvunzo wangu Uri Kuti uyu murume uyu akauya pano Uri Kuti chii naye ?" Vakabvunza baba vangu . The best father in the world haa tumwe tubaba twandinomboona vangu he's a good father . Vakanditi mwanangu hakuna murume anokuda achikuturika ruoko . Kana zvanetsa siya unotsvirei kana tea yacho isina shuga. Ndipo pandakazova nechivindi chekusiya . " Ah baba uya mupfuuriwo wenzira handimuzive zvekudaro Ini . " " Wakasangana naye Rini ?* " Last year anhingirina pa sango apo handina kana kumbotaura naye ndakangofunga Kuti idzuramoyo. " " Nhau yako haisi kusangana . Chazvinoita mwanangu, hauna kukura iwe . Wakakasika kuroorwa chete asika uchiri mudiki Jocy. Chokwadi chaicho Kuti uzoita Vana vane mitupo mina Uri pano pamusha hazvigoneke. And ndinoziva sezvo uchiri mudiki ropa richiri kumhanya . Ungadai Uri kundinyepera zvako asi Mwari ndivo vanenge vachiziva chokwadi. Josi ,wakakundikana pawanano yekutanga , usazofamba nenzira uchirara nevarume mwanangu unopiwa zvirwere zvakare mukurara nevarume ikko unotora mweya yakaipa mavari . Umwe neumwe ane ma demon ake. Pane ma demons ano transfer kuburikidza nebonde. Mukore Uno chaiwo Hakuna ana tete vanokuudza zvinhu kwazvo ndinotokuudza Ini mwanangu kana Mai vako vakasakuudza . " " Baba ndizvo zvakakuudzai here mukomana uya ? " " Kuti chii ? Ndiri Kutaura nhau yekuti mwanasikana dzikama . Kana wafunga kuroorwa zvakare Aiwa mukomana ari serious chaiye anokumirira . Kwete zvekuti Aiwa Ini sezvo ndakamboroorwa saka handisisina value . Hakuna zvakadaro mwanangu . " " Ndiri kuzvinzwa baba ." " Mukomana ari paidi neari pakutamba unomuona. Ini mwanangu ndinokuda hakuna kwandinokurasira. Chandingataura ndechekuti ndinoda kukuona uchifara handiti ka. Handidi kuona wakasuwa Jocy ndiwe wega Mwana wangu musikana pamuri six . " " Ehe baba . " " Ndizvo zvandanga ndangoti nditaure newe zvichida unenge uchitya Kuti baba vangu vachandituka kana Kundirova ndakada kuwana wandinofambidzana naye. Ini hangu kana wawana waunofambidzana naye takamuzivawo toziva kana amire pachokwadi. Handione problem Jocy . " Munoziva mudhara wangu anokupa dzimwe pfungwa dzaunenge usina so. Haasi akanakirwa nemota yemuchinda uya here handichamutembawo Ini murume uyu. " Ndazvinzwa baba . " Ndakadaro ndakazvininipisa. Maiti makandiona ndichitaura na baba vangu munoti ndipo pa warehouse pe hunhu apa . Asi ndakada kuhukutura hunhu hwacho ndaiita kuhubheura zvangu kana ndiripanze . Kungoti baba vangu vakanga vachinyatsondiziva saka vaisandirambira zvavo. Mazuva akanga achifamba murume uya akanga achifona zvake dzimwe nguva ndodaira kana kusadaira ndaingoita zvandinenge ndada handiti phone yacho yakanga iri yangu. Mumwe musi ndaitotaura zvangu na Saru takamira kumuhacha ndipo pandakaona Mota yake. Saru haana nekuona ndakanga ndabva padyo naye zvarini. Ndakamhanya veduwe ndichinopinda muroom mangu ndokuisa chihuri nemukati . Ndakatarisa phone ndakaona ine ma missed calls ake hobho. Ndakabva ndati Zano huya fast ,ndokutora phone ndakafonera mama . " Hallo KO unondifonera uripiko ?" " Ah mama ndanga ndichida kukuudzai Kuti ndapinda munzira ndichambosvika kudotito ndoda kunoona atete ." " Wapinda munzira ! Saka kana wafunga rwendo hauoneke unongoenda ?" " Ndazozvifunga Kuti handina kuoneka . " " Kubva zvakanaka una Mai vako waunooneka . Enda ." Vakadaro vachikata phone. Ah hameno ndaizovabatisa chokwadi kana muface uya aenda . . . . . " Tisvikewo ." Akadaro Antony achisvika pamba pana Jocy . " Svika zvako Mwanangu titambire Kani . " Vakadaro Amai vacho . Akapinda Mumba vakakwazisana namai Va Jocy . " Aripo here Jocy ?" " Zvinozivikamwa Nani izvezvi ndiri kubva kudaira phone Yake achiti mama ndava munzira kuenda kwatete kudotito. Nekuti Anga aronga rwendo nguvai chokwadi ndazvishaya. " " Handifunge Kuti ane kwaenda Ini ,Jocy ndamuona kumuhacha uko achibva amhanya achiuya Kuno . " " Ah ende chokwadi Mwana uyu akakwana here? Zvakaoma chokwadi. " " Maybe aona Mota yangu ndosaka abva atiza ." " Kuti unoruma here ?" " Ah zvino ndingati chii ? " "Josi ndiye akutopenga zvake uya ." " Zvichida aripo hake . " " Ah zvakaoma kutarisei kuseri ikoko imba yepakati. " Akabuda achibva atanga kufona. Phone yakarira Josi akanga asina kumbozvifungira kuti aizofonerwa . " Josi ,i know waenda kudotito ,chidzoka . " Matauriro akaita Antony akaita Kuti Josi atange kuseka. Josi akamboramba akanyarara achibva azosimuka akavhura door . " Mhaa ! Ah you ! What are you doing here ?" Akadaro achinyepera kushamisika. " Unonyepera kushamisika sei iwe uchishamisa let's go ." " Go kupiko Antony ?" " Akazokuudza Zita Rangu ndiani waiti haurizive ?" " Asiri ma girlfriend ako anofona pa phone pangu achiti anoda kutaura na Antony . Antony kana watopa munhu Phone kureva yava Yake. Hapasisina zvekuti zviskana zvako zvisina order mu brain zvinoda kundifonera zvichibvunza zvisina basa . ". " Ndazvinzwa come . " " Tiri kuenda kupi ?" " Hapana tingaenda kupi ? Kana Uri Kuda tiende mugomo ?" " Ah kunoitei imomo handiende mugomo newe Ini . Zvakaitika paya was a mistake yandisingafe ndakadzokorora. I thought,I will never see you ndosaka ndakabvuma. " " Asi iwewe Josi Uri Mwari here iwewe ?" " Ndaita sei ?" " Ndiwe unorongera Mwari ? Or planner wake ?" " Taurai nyaya yenyu zvino makada kuhwanda kuseri kwechigunwe zvinobuda here ?" " Nyaya yangu iri pakuti , Josi siyana nekufungira mwari . Iwewe unofunga ndaida kuita dhodhi here that day?" " Anoziva zvawaida kuita ndiwe Saka unondibvunzirei ?" " Inini hangu,i believe ndimwari vakatisanganisa. " " Saka ?" " Saka tinofanira Kuti tidanane. " " Usandiitira mashura wanzwa . Ndakakuudza kudhara Kuti handikude. Apa wava kushaya respect nekungouya pamba pa baba vangu zvisina order . Washaya vaskana here kuharare ikoko kwaunoda kuti takarasima nechembere yakaita seni ?" Akabva anyemwerera zvake Antony. " Eh chembere iyoyo ndiyo yandiri Kuda. " " Kana washaya zvekuita enda unofa . Kufa hakutombouraya zvako . " " Anoda kufa ndiani achisiya iwewe ?" " Siyana neni Antony. " " Handimbosiyana newe nekuti ndiwe wandakapiwa namwari. I love you chero wakati unopenga chero wakati Uri chembere benzi iroro ndiro randakapiwa namwari. " Akapinda Mumba make achibva abuda ne bucket. " Sit . " Akagara pasi . " Nhai Antony rega ndimboshandisawo mukana Uno Kuti ndikubvunzewo kamubvunzo kangu kadiki diki kandinako. Eh unozofara here kudanana nemunhu asingakude ?" " Eh as long ndichimuda. " " Antony hamusi right mu brain mako. Wadii wambonotariswa first? Unodanana sei nemunhu asingakude ?" " Ndinenge ndine hope yekuti maybe one day achazondidawo ." " Ah zvakaoma unoda deliverance chaiyo ." " Anoda deliverance ndiwe usina kukwana . Unoramba muchato wakaita sei ?" " Muchato wekuita sei Antony unomboziva here Kuti pamba pa baba vangu panapa ?* " Ehe ndepa baba vako Saka ? Ndamboti ndepako here Ini ?" " Wandiona chienda ." " Saka wati chii ndiri kutokuda zvekudaro . Futi I'm not taking no for an answer ." " It's fine ,ngatidanane . " " Watii ?" " Ndati ngatidanane Antony handiti ndizvo zvauri Kuda ." " Thank you babe. " " You are welcome . " " So tell me about yourself ." " Haa chitaurirwa hunyimwa sembare dzekumusana . Zvimwe zvinongoda uchizvionera pamhino sefodya ." " Ok ,what do you like ?" " Obvious ,i like you handiti ndiwe wandava kudanana naye here ?" " Josi !" " Be specific ,ok I like a white car ." " I give up . " " Saka tiri kuenda kupi senyika kana uchiti wakandibvunza mubvunzo obva wato give up kana ndichinge ndapindura ?" " Hapana kwatiri kuenda ,let me go . Come and take your things kumota ndoda kudzokera kuharare. " " What things?" " Ndosaka ndati things Josi dai ndanga ndichida kutaura Kuti things yacho chii ndingadai ndakuudza handiti. Usada kundibhowa. " " Ndezvako . " Vakafamba vakadungamidzana kuenda kumota. Josi akatora zvinhu zviya zvakanga aigirwa. Antony akatakura zvimwe kwava kuenda kunooneka. " Mama handichagara regai ndimhanye mangwana kubasa. " " Zvakanaka mwanangu manje wava kuenda nenzara here ?" " Haa ndonodya mberi ,pane kwandiri Kuda kutanga ndamhanyira ndisati ndasvika Kumba. " " Aiwa hazvina kuipa. Josi buditsa mumwe wako. " " Ok zvakanakai. " Vakabva vabuda . " Ndakuenda ,please Josi ndiri kukukumbirisa nenyasha dzamwari. Kana ndakafona daira phone yangu ." " Amboti haadaire phone ndiani ?" " Handisi Kuda zvekunetsana newe kana ndafona usingadaire phone. " " Kana ndiri padhuze nayo ndinodaira asi Kana ndiri Kure handikwanisi kuidaira. " " Ok fine. Ndaenda ,I love you. Saka Mwana wako arikupi ?" " Vana ?" " Une vangani ?* " Zvine basa rei vakawanda iwe une vana ?" " Eh . " " Vangani ?" " Chero 9 . " " Mxm ibvapa wakadhakwa brain haikona. " " Newewo. " " Bye bye ,I love you ok. Take this ." Akadaro achimutambidza mari. " Tenga ma pads ,handina mukadzi anotengerwa ma pads Na baba vake Ini ndiripo." Akadaro Antony. Akatambira Mari Iya Josi ,Antony akabva amutsa Mota akaenda. Akasvika Kumba Sekai auya nema bag. ..... End of chapter 4
❤️ 👍 😂 🙏 😢 🔥 🫂 57

Comments