Shona Stories 2🇿🇼
February 23, 2025 at 02:45 PM
*SHADOWS OF MY HEART* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V _Written by King Lee_ ~Lee Marzy~ +26377⁸⁶³⁴221 *CHAPTER 33* *DIVA* Baba Magitaso ndakaona vanga vagumbuka vaifunga ndikutamba nepfungwa dzemkadzi wavo.Ndakaona kuti apa ndikapusa ndinonyura ndakavati ndipe 2hours mari yenyu ndouya nayo.Vakabvuma zvavo ndakaenda kunotengesa foni yangu.Ndakaitengesa ndikawana kamari kari nani.Ndakaenda kunopa mai Magitaso mari yavo imwe yacho ndikabhadhara chirwereti chedrink.Change yakasara ndakanotenga chamba ndikanochimona ndakagara pamba pangu.Ndakatanga kuchirova. Ndakachirova kusvika ndava mulevel ndikabuda kuenda kunogara kwaiswera ana Ras Fidza.Takaswera takagara pachicorna tichirova chamba. "King Diva ndikuda room ndine kamwe kamai kandikuda kuvharira, paden pangu panomakisa kusvika" said Kedha. "Ana Kedha nyaya dzenyu dzekuda vakadzi muchakurumidza kutisiya imi"said Ras Fidza. "Haaa akuna munhu asingade shaa, ko mota yako Diva iripi handichaoni mazuvano" akabvunza Kedha. "Ndakaisiya kumusha mafia yakafa iyo andina mari yekuigadzirisa" ndakadaro. Takatanga kufamba zvedu Kedha akanotora chibabe chake akanochivharira pamba pangu.Achibuda zvikanzi mwana anoziva zvaanoita.Masikati ndakaenda pamba pangu ndikasvika magetsi adzima kuratidza kuti apera.Ndanga ndisina kana mari kandanga ndinako kashoma ndaida kutombopisa pahuro.Ndakabuda ndikanotenga kasadza kangu pane vamwe vaibika.Ndapedza ndikaenda kubhawa ndikatenga beer ndikatanga kunwa zvangu.Ndakanwa kusvika ndapera naro rakunditonga. "Ndiani anondimamisa muno ane nharo ngaamire apa" ndakadaro ndakaita kupera ndisiri kugona kumira. "Vapfana vemazuvano amuchagoni kunwa tikuzviona hedu" akadaro umwe mudhara anga ane mhanza. "Iwe mudhara haikona kutaura wakahwanda kana uchida maoko neni huya apa" ndakadaro. "Mupfana iwe nyarara ukuziva munhu wakutaura naye here" akadaro umwe mupfana airatidza kuti ndewe chidiki anga akagara pedyo nemudhara wemhanza. "Andina kana basa nazvo inini Mayweather anotondiziva kuti andina kumira mushe ndichiri kurangarira rimwe gore ndasvika ari kutraining takapihwa space ndikamupa chibhakera chimwe chete akabva ati ziii ,saka handivhunditswe nemapete aya" ndakadaro ndakanongedza mudhara wemhanza uya.Akaramba akanyarara achinwa beer rake.Ndakaenda paari ndikamubata ruoko ameno akandipusha sei ndakaona ndava pasi.Anga abatwa neteam rake ndakasimuka nehasha.Ndakaedza kuenda paari ndikabatwa nevamwe vanhu. "Musandibate ndomukuvadza munhu uyu" ndakadaro. Ndakaita nharo ndakaona mudhara wemhanza uya akubuda hake.Anga anditya andide zvekujairirwa nemapete akadai.Ndakabuda ndikatanga kudzedzereka ndichienda kumba.Ndakasvika nekurara pasofa kufuma kuedze.Ndakamuka ndiine nzara apa ndanga ndisina kana mari yekujusa magetsi apa ndaida kubhadhara mvura futi.Ndakatora TV yangu plasma ndikanotengesa iri ndakaridhurisa ndikatenga magetsi nemvura zvese.Ndakasara nemari yakawanda chaizvo.Ndakudzoka ndikaona mudhara wemhanza uyu aitraina vamwe vanhu martial arts.Munoziva ndakavhura ziso haa Mwari vaneni vakagona vanhu vakabata ndaida kufira mumaoko emunhu uyu. Ndakanotenga mabeer netumbanje twangu team rangu ana Ras Fidza naKedha vakauya tikazvirova.Zuva iri takaswera tiri mulevel redu tega. "Mupfana anonzi Donny takanzwa kuti akatenga mota wakazvinzwa here King Diva"akadaro Ras Fidza. "Kutenga mota kupiko haisi yake ndeye company iyo"ndakadaro. "Usanyepa iwe haisi yecompany takanzwa nevamwe vanopinda naye church vakati akapupura kumberi nechipo chemota"said Ras Fidza. "Hooo saka zvakarongeka asi mupfana iyeye akaomera pamari apa" ndakadaro. "Haaaa iwe munhu uya kunyima too much"said kedha. "Haana skiri apa ibhachura acharara nemota iyoyo ndiyo ichamuitira vana" ndakadaro ndichiseka. "Guys sei mazuvano mababe vachida mari too much ndakazorambana nekamwe futi nenyaya yekuda kundidya mari, ko variko here vasikana vanodawo mkomana zvaari chero asina mari" akadaro Kedha. "Babe rinoda mkomana asina mari unoriwana muma movie eku Nigeria not this world wangu work hard udyiwe unyerere"said Ras Fidza. "Asi apa wataura fair Ras"ndakadaro ndichiseka "Haaa zvakwana iwewe Kedha wati mangwana ukuenda Gweru wairevesa here" akabvunza Ras Fidza. "Ehe inga ndakuudza tetez yangu yashaya ndaifana kuenda nhasi"said Kedha. "Sorry hako,Diva paita graft mudhara Shuroyaonda ane kombi yake ari kutsvaga driver saka ndataura naye kuti ndodriver ndikati ndotora iwewe saHwindi wangu unoda here"akadaro Ras Fidza. "Ehe shaa as long zvichiunza mari" "Zvine mari tombopota tichigura waiziya"said Ras Fidza. Takafamba tichiperekedza Kedha.Takazoona mudhara Shuroyaonda tikabvumirana navo pamari zvikanzi motanga mangwana.Makuseni takanotora combi ndikamira padoor ndichadaidzira. "Hande mama muri kuenda here" "Ehe ndikuenda" vakadaro vakabva vapinda.Takatenderera tichitsvaga vanhu. "Munhu one asara handei handei" ndaidadzira pamwe pacho ndichiridza muridzo.Combi yakasvika pakuzara asi ndaisaziva kuti Ras Fidza vanobata combi zvakadaro ndakaona vanhu vanga vabatira hana mumaoko.Vanhu vakatanga kubhadhara ndikaona panga pane vanhu 2 vasina kubhadhara. "Ehhhh vasati vabhadhara ndipei tione"ndakadaro.Ndakaona mari yava kuuya ndikaverenga ndikaona yakwana.Vaifunga handizive maths ndakafunda ini.Vamwe vanofunga kuti kuita hwindi chibharanzi kushaya zvekuita.Musazvinyepera atoriko mahwindi akafunda atori nemadegree asi mabasa haasi kuwanikwa.Unonzwa umwe achiti hee chihwindi hachiite chirombe kana musina zvekutaura ukanyarara unobvei.Hwindi ari kushanda iwe wakagara nedegree rako pamba uchingohukura isu mahwindi tichidya mari. "Please driver itayi slow down pama humps tanzwa nekudzosera mazamu mubraa" akadaro umwe musikana ndakaseka hangu vamwe vanhu havana kukwana. Takaswera tiri pabasa zuva iri mari tichi collecta. Vamwe vanhu vaishamiswa kundiona ndiri hwindi ndaisambokendeka ndanga ndakarohwa nechamba.Manheru ndakaona kabbe kaRas Fidza kachiuya parank pataiva tanga tiri paline.Kamusikana anga kanga kakawonda Fidza aikadira panyaya dzes£x kaiziva zvakanoita.Kakabva kagara pakati pedu akatanga kutaura naRas. "Nhai veduwee ndeapi ma symptoms enhumbu ndiri kuti ndikakosora pant rodonha"said Chary . "Chary uri kumboti chiii une nhumbu yaani" akabvunza Ras achiratidza kuvhunduka nezvanga zvataurwa naChary *LISA* Ndakashaya kuti Hakim aizviitisa here pakandibvunzi kuti uyu ndiani achireva Noku. "Haaa pane nyaya apa mainini Lisa handei kumba uko mese newe Noku"akadaro Hakim anga akabata Tashia. Ndakabata Tashley tikatanga kufamba tichienda kwamai Matemba.Hakim anga achinja skin yake even kasmell unonzwa wega kuti ndidzo mbinga.Takasvika mai Matemba vari busy kutaura naLean.Lean akamhanya kundimbundira achifara akabva abata mwana.Hakim akamhoresa mai vake asi vakaramba vari zii. "Kana muchiramba makanyarara zvinorevei mhamha ndozvinhu zvandisingafariri izvi" said Hakim akatarisa mama vake. "Saka wakoshesa kamunhu aka nhai,wadiii watanga kusvika kuona mai vako vakakuzvara wozopedzisira nevamwe ava" vakadaro mai Matemba vakandinongedza. "Wamuri kuti kamunhu ndiani ndaiti kunyepa zvandainzwa manje ndazvionera sorry kana ndatadza ndauya kuno because of Lisa ndakanzwa kuti imi naDavie muri kumushungurudza"said Hakim. Hakim akapinda mumba akagara pasofa Lean akauya kugara paside pake, vese vanga vakabata ana 2.Mai Matemba vanga vasunga face vakanditarisa ini ndakatanga kutya zvakuita as if ndikuda kuvaparadzanisa.Ziso ranga rakanditarisa mai Matemba nderekuti buda muno chete. "Mama hamutarise munhu kudaro pindurai zvandataura" said Hakim. "Iwe Hakim usada kundipaka manzwi apana chaunondiudza Lisa andina kumushungurudza ndakamuti huya ugare pano akaramba ega ndaitombomutengera grocery futi"said Mai Matemba. "Mama maitiro enyu anotaura ega kuti zvamuri kutaura ndezvekunyepa ndatozviona kuti makavenga Lisa moyo wangu unorwadza sei muchishungurudza nherera iyi sei musinganzwi tsitsi makatanga kuita hutsinye rini"akadaro Hakim. "Handina hutsinye mwanangu asi hunhu hwaLisa ndihwo hwakaita ndimuvenge vese naNoku vanondiita benzi nekamwe kacho kaNatty" vakadaro Mai Matemba. Lean ndakaona aifarira vana vangu anga achamboterera zvaitaurwa nevanhu here ari busy kufara naTashley.Dean akabva apinda akafara achiona mkoma vake. "Ndiudzei hunhu hwaLisa" "Haana hunhu plus kundituka nekundiita benzi akandibira futi midziyo yangu"said Mai Matemba. Vakanyepa zvakawanda ndakashaya kuti mai ava ndakavatadzirei chaizvo.Zvavamboita kunga vachinja wani.Dean akapikisana namai vake pamwe chetenaDaisy.Ndakatanga kubuda misodzi ndakavatarisa. "Mai Matemba andina mashoko ekutaura akawanda asi ndinoti Mwari ave nemi" ndakadaro ndichitora vana vangu ndikabva ndabuda. "Mai 2 don't cry kani nyaya inogadziriswa ichipera"said Lean. "Mai ava ndivo vakaita Diva andirambe vapedza vakundinyepera futi zvorwadza" ndakadaro.Hakim akabuda akanditora tikadzoka mumba. "Mama saka muri kuramba here" said Hakim. "Hakim moyo wangu unorwadza ndoda undiregerere panyaya yevana ava ndaisazivavo kuti ndewe musha uno nekuti Lisa anga agara achizviwanza"said Mai Matemba. "Ndambonyarara asi ndaona kuti makuenderera sis vangu vazviwanza papi ndakagara ndazviona kuti amuvade siyai vazvitamburire as long vachirarama" said Noku.Nyaya yacho yakanetsa kusvika kwasviba Lean akanobika zvake asi mai Matemba vakaramba kudya vakarara vasina kudya hanzi ndakaguta.Ndakanzi ndirare muroom maDiva ndakaramba ndakati ndasiya sis vangu vega hazviite ndirare kuno.Ndakaperekedzwa naMaiguru Lean. "Lisa usambochema hako vachakuda vanhu ivava wakagumira form ani chikoro" "Andina kunyora form 4 ndaida kunyora June zvakavharwa ndamitiswa naDiva" ndakadaro. "Usachema ndoda kuti unyore uende kunoita maextra lessons mari yacho ndobhadhara then paunopedza kunyora ndouya ndichikutora kuenda newe SA"said Lean.Anga ane rudo ndakamumbundira nemufaro. "Mwari vakurangarirei maiguru mune moyo wakanaka" "Hupenyu hunoda kushinga zvakafanana navamwene vangu havandide asi ndongonyarara Mwari ndiye anoziva"said Lean. Lean akasvika pangu akambotaura naRopa.Ndakamuudza zvese zvekudanana kwangu futi naDiva.Akashoora Diva zvakanyanya zvikanzi makeys emota musavapa.Makuseni ndakamukira kuuya kutorwa naDaisy ndikanzi ndaidiwa kumba kwaMai Matemba naHakim. Ndakaenda kumba kwacho ndikasvika muna Mai Natty naNoku aripo futi pamwe chete naNatasha.Ndakaona kuti pane nyaya yanga iripo hombe chaiyo. "Mama ndaisaziva mune moyo wakaoma kudaro ndimi futi makafurira Davie arambe Lisa ndanzwa zvese zvamaimuita eish moyo wangu ukurwadza ndoshuwira dai baba vangu vari vapenyu but why mom why why" akadaro Hakim akubudisa misodzi ndakaona airwadziwa. "Lisa ndomuda nemoyo wese ameno chiii chinondibata undiregerewo mwanangu"said Mai Matemba. "Wamungatokumbira ruregerero ndiLisa uyo not me ndaedza kufonera Davies asi foni yake ikuramba"said Hakim. "Mama ini kuti ndikuregererei just tell me chakakutadzirai mai vangu kana chichiita kuripa ndoripa hangu" ndakadaro. "Ipapo ndipo pane nyaya yandikuda kuziva Mai Natty taurai tinzwe"said Hakim. "Handina nyaya yandingataura apa ndikuda kutonzwavo namai venyu ava"said Mai Natty. "Mai Matemba tell us chii chamakatadzirana choita chishungurudze nesu why ini ndakafanana naDaisy uyu"akabvunza Noku. "Mai Natty naMai Lisa ndivo vakatanga kuita zveku......."vakabva vakatwa Mai Matemba naMai Natty. "Shamwari usatanderera taura pane nyaya yako Noku ati sei ndakafanana naDaisy pindura"said mai Natty "Ukada kufarisa ndozvitaura kuti ndiwe wakauraya Mai Lisa iwewe Mai Natty itodzikama"said Mai Matemba. Maziso ese akabva atarisa mai Natty ndakatanga kuchema ndakavatarisa even Noku futi. _ko Mai Matemba vari kutaura chokwadi here avo, kana chiri chokwadi Lisa naNoku vachazvitambira sei._ _masacrets aya obuda manje_ _Ko Diva achasvika rini achirarama kalife ako_ *Watch out for chapter 34*
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 🔥 🇿🇼 😭 🌼 433

Comments