Shona Stories 2🇿🇼
February 23, 2025 at 02:45 PM
*SHADOWS OF MY HEART*
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
+26377⁸⁶³⁴221
*CHAPTER 33*
*DIVA*
Baba Magitaso ndakaona vanga
vagumbuka vaifunga ndikutamba
nepfungwa dzemkadzi wavo.Ndakaona
kuti apa ndikapusa ndinonyura ndakavati
ndipe 2hours mari yenyu ndouya nayo.Vakabvuma zvavo ndakaenda
kunotengesa foni yangu.Ndakaitengesa
ndikawana kamari kari nani.Ndakaenda
kunopa mai Magitaso mari yavo imwe
yacho ndikabhadhara chirwereti chedrink.Change yakasara ndakanotenga
chamba ndikanochimona ndakagara
pamba pangu.Ndakatanga kuchirova.
Ndakachirova kusvika ndava mulevel
ndikabuda kuenda kunogara kwaiswera
ana Ras Fidza.Takaswera takagara
pachicorna tichirova chamba.
"King Diva ndikuda room ndine kamwe
kamai kandikuda kuvharira, paden pangu
panomakisa kusvika" said Kedha.
"Ana Kedha nyaya dzenyu dzekuda
vakadzi muchakurumidza kutisiya imi"said Ras Fidza.
"Haaa akuna munhu asingade shaa, ko
mota yako Diva iripi handichaoni
mazuvano" akabvunza Kedha.
"Ndakaisiya kumusha mafia yakafa iyo
andina mari yekuigadzirisa" ndakadaro.
Takatanga kufamba zvedu Kedha
akanotora chibabe chake akanochivharira
pamba pangu.Achibuda zvikanzi mwana
anoziva zvaanoita.Masikati ndakaenda
pamba pangu ndikasvika magetsi adzima kuratidza kuti apera.Ndanga ndisina kana
mari kandanga ndinako kashoma ndaida
kutombopisa pahuro.Ndakabuda
ndikanotenga kasadza kangu pane
vamwe vaibika.Ndapedza ndikaenda
kubhawa ndikatenga beer ndikatanga
kunwa zvangu.Ndakanwa kusvika
ndapera naro rakunditonga.
"Ndiani anondimamisa muno ane nharo ngaamire apa" ndakadaro ndakaita kupera
ndisiri kugona kumira.
"Vapfana vemazuvano amuchagoni
kunwa tikuzviona hedu" akadaro umwe
mudhara anga ane mhanza.
"Iwe mudhara haikona kutaura
wakahwanda kana uchida maoko neni
huya apa" ndakadaro.
"Mupfana iwe nyarara ukuziva munhu
wakutaura naye here" akadaro umwe
mupfana airatidza kuti ndewe chidiki anga
akagara pedyo nemudhara wemhanza.
"Andina kana basa nazvo inini
Mayweather anotondiziva kuti andina
kumira mushe ndichiri kurangarira rimwe
gore ndasvika ari kutraining takapihwa
space ndikamupa chibhakera chimwe chete akabva ati ziii ,saka
handivhunditswe nemapete aya"
ndakadaro ndakanongedza mudhara
wemhanza uya.Akaramba akanyarara
achinwa beer rake.Ndakaenda paari
ndikamubata ruoko ameno akandipusha
sei ndakaona ndava pasi.Anga abatwa
neteam rake ndakasimuka
nehasha.Ndakaedza kuenda paari
ndikabatwa nevamwe vanhu.
"Musandibate ndomukuvadza munhu
uyu" ndakadaro.
Ndakaita nharo
ndakaona mudhara wemhanza uya
akubuda hake.Anga anditya andide
zvekujairirwa nemapete
akadai.Ndakabuda ndikatanga kudzedzereka ndichienda
kumba.Ndakasvika nekurara pasofa
kufuma kuedze.Ndakamuka ndiine nzara
apa ndanga ndisina kana mari yekujusa
magetsi apa ndaida kubhadhara mvura
futi.Ndakatora TV yangu plasma
ndikanotengesa iri ndakaridhurisa
ndikatenga magetsi nemvura
zvese.Ndakasara nemari yakawanda
chaizvo.Ndakudzoka ndikaona mudhara
wemhanza uyu aitraina vamwe vanhu
martial arts.Munoziva ndakavhura ziso
haa Mwari vaneni vakagona vanhu
vakabata ndaida kufira mumaoko emunhu
uyu.
Ndakanotenga mabeer netumbanje
twangu team rangu ana Ras Fidza
naKedha vakauya tikazvirova.Zuva iri
takaswera tiri mulevel redu tega.
"Mupfana anonzi Donny takanzwa kuti
akatenga mota wakazvinzwa here King
Diva"akadaro Ras Fidza.
"Kutenga mota kupiko haisi yake ndeye company iyo"ndakadaro.
"Usanyepa iwe haisi yecompany
takanzwa nevamwe vanopinda naye
church vakati akapupura kumberi nechipo
chemota"said Ras Fidza.
"Hooo saka zvakarongeka asi mupfana
iyeye akaomera pamari apa" ndakadaro.
"Haaaa iwe munhu uya kunyima too
much"said kedha.
"Haana skiri apa ibhachura acharara
nemota iyoyo ndiyo ichamuitira vana"
ndakadaro ndichiseka.
"Guys sei mazuvano mababe vachida mari
too much ndakazorambana nekamwe futi
nenyaya yekuda kundidya mari, ko variko
here vasikana vanodawo mkomana zvaari
chero asina mari" akadaro Kedha.
"Babe rinoda mkomana asina mari
unoriwana muma movie eku Nigeria not
this world wangu work hard udyiwe
unyerere"said Ras Fidza.
"Asi apa wataura fair Ras"ndakadaro ndichiseka
"Haaa zvakwana iwewe Kedha wati
mangwana ukuenda Gweru wairevesa here" akabvunza Ras Fidza.
"Ehe inga ndakuudza tetez yangu
yashaya ndaifana kuenda nhasi"said
Kedha.
"Sorry hako,Diva paita graft mudhara
Shuroyaonda ane kombi yake ari
kutsvaga driver saka ndataura naye kuti
ndodriver ndikati ndotora iwewe saHwindi
wangu unoda here"akadaro Ras Fidza.
"Ehe shaa as long zvichiunza mari"
"Zvine mari tombopota tichigura
waiziya"said Ras Fidza.
Takafamba tichiperekedza
Kedha.Takazoona mudhara Shuroyaonda
tikabvumirana navo pamari zvikanzi motanga mangwana.Makuseni takanotora
combi ndikamira padoor ndichadaidzira.
"Hande mama muri kuenda here"
"Ehe ndikuenda" vakadaro vakabva
vapinda.Takatenderera tichitsvaga vanhu.
"Munhu one asara handei handei"
ndaidadzira pamwe pacho ndichiridza
muridzo.Combi yakasvika pakuzara asi
ndaisaziva kuti Ras Fidza vanobata combi
zvakadaro ndakaona vanhu vanga vabatira hana mumaoko.Vanhu
vakatanga kubhadhara ndikaona panga
pane vanhu 2 vasina kubhadhara.
"Ehhhh vasati vabhadhara ndipei
tione"ndakadaro.Ndakaona mari yava
kuuya ndikaverenga ndikaona
yakwana.Vaifunga handizive maths
ndakafunda ini.Vamwe vanofunga kuti
kuita hwindi chibharanzi kushaya zvekuita.Musazvinyepera atoriko
mahwindi akafunda atori nemadegree asi
mabasa haasi kuwanikwa.Unonzwa
umwe achiti hee chihwindi hachiite
chirombe kana musina zvekutaura
ukanyarara unobvei.Hwindi ari kushanda iwe wakagara nedegree rako pamba
uchingohukura isu mahwindi tichidya
mari.
"Please driver itayi slow down pama
humps tanzwa nekudzosera mazamu
mubraa" akadaro umwe musikana
ndakaseka hangu vamwe vanhu havana
kukwana.
Takaswera tiri pabasa zuva iri mari tichi
collecta. Vamwe vanhu vaishamiswa
kundiona ndiri hwindi ndaisambokendeka
ndanga ndakarohwa nechamba.Manheru ndakaona kabbe kaRas Fidza kachiuya parank pataiva tanga tiri
paline.Kamusikana anga kanga
kakawonda Fidza aikadira panyaya
dzes£x kaiziva zvakanoita.Kakabva
kagara pakati pedu akatanga kutaura naRas.
"Nhai veduwee ndeapi ma symptoms
enhumbu ndiri kuti ndikakosora pant
rodonha"said Chary .
"Chary uri kumboti chiii une nhumbu
yaani" akabvunza Ras achiratidza
kuvhunduka nezvanga zvataurwa naChary
*LISA*
Ndakashaya kuti Hakim aizviitisa here
pakandibvunzi kuti uyu ndiani achireva
Noku.
"Haaa pane nyaya apa mainini Lisa
handei kumba uko mese newe Noku"akadaro Hakim anga akabata
Tashia.
Ndakabata Tashley tikatanga
kufamba tichienda kwamai
Matemba.Hakim anga achinja skin yake
even kasmell unonzwa wega kuti ndidzo
mbinga.Takasvika mai Matemba vari busy
kutaura naLean.Lean akamhanya
kundimbundira achifara akabva abata
mwana.Hakim akamhoresa mai vake asi
vakaramba vari zii.
"Kana muchiramba makanyarara
zvinorevei mhamha ndozvinhu
zvandisingafariri izvi" said Hakim akatarisa
mama vake.
"Saka wakoshesa kamunhu aka nhai,wadiii watanga kusvika kuona mai
vako vakakuzvara wozopedzisira
nevamwe ava" vakadaro mai Matemba
vakandinongedza.
"Wamuri kuti kamunhu ndiani ndaiti
kunyepa zvandainzwa manje ndazvionera
sorry kana ndatadza ndauya kuno
because of Lisa ndakanzwa kuti imi
naDavie muri kumushungurudza"said
Hakim.
Hakim akapinda mumba akagara
pasofa Lean akauya kugara paside pake,
vese vanga vakabata ana 2.Mai Matemba
vanga vasunga face vakanditarisa ini
ndakatanga kutya zvakuita as if ndikuda
kuvaparadzanisa.Ziso ranga rakanditarisa
mai Matemba nderekuti buda muno chete.
"Mama hamutarise munhu kudaro
pindurai zvandataura" said Hakim.
"Iwe Hakim usada kundipaka manzwi
apana chaunondiudza Lisa andina
kumushungurudza ndakamuti huya ugare
pano akaramba ega ndaitombomutengera
grocery futi"said Mai Matemba.
"Mama maitiro enyu anotaura ega kuti
zvamuri kutaura ndezvekunyepa
ndatozviona kuti makavenga Lisa moyo
wangu unorwadza sei muchishungurudza nherera iyi sei musinganzwi tsitsi
makatanga kuita hutsinye rini"akadaro
Hakim.
"Handina hutsinye mwanangu asi hunhu
hwaLisa ndihwo hwakaita ndimuvenge
vese naNoku vanondiita benzi nekamwe
kacho kaNatty" vakadaro Mai
Matemba.
Lean ndakaona aifarira vana
vangu anga achamboterera zvaitaurwa
nevanhu here ari busy kufara
naTashley.Dean akabva apinda akafara
achiona mkoma vake.
"Ndiudzei hunhu hwaLisa"
"Haana hunhu plus kundituka nekundiita
benzi akandibira futi midziyo yangu"said
Mai Matemba.
Vakanyepa zvakawanda ndakashaya kuti mai ava ndakavatadzirei
chaizvo.Zvavamboita kunga vachinja
wani.Dean akapikisana namai vake
pamwe chetenaDaisy.Ndakatanga
kubuda misodzi ndakavatarisa.
"Mai Matemba andina mashoko ekutaura
akawanda asi ndinoti Mwari ave nemi"
ndakadaro ndichitora vana vangu
ndikabva ndabuda.
"Mai 2 don't cry kani nyaya inogadziriswa
ichipera"said Lean.
"Mai ava ndivo vakaita Diva andirambe
vapedza vakundinyepera futi zvorwadza"
ndakadaro.Hakim akabuda akanditora
tikadzoka mumba.
"Mama saka muri kuramba here" said
Hakim.
"Hakim moyo wangu unorwadza ndoda
undiregerere panyaya yevana ava ndaisazivavo kuti ndewe musha uno
nekuti Lisa anga agara achizviwanza"said
Mai Matemba.
"Ndambonyarara asi ndaona kuti
makuenderera sis vangu vazviwanza papi
ndakagara ndazviona kuti amuvade siyai
vazvitamburire as long vachirarama" said
Noku.Nyaya yacho yakanetsa kusvika
kwasviba Lean akanobika zvake asi mai
Matemba vakaramba kudya vakarara
vasina kudya hanzi ndakaguta.Ndakanzi
ndirare muroom maDiva ndakaramba
ndakati ndasiya sis vangu vega hazviite
ndirare kuno.Ndakaperekedzwa
naMaiguru Lean.
"Lisa usambochema hako vachakuda
vanhu ivava wakagumira form ani
chikoro"
"Andina kunyora form 4 ndaida kunyora
June zvakavharwa ndamitiswa naDiva"
ndakadaro.
"Usachema ndoda kuti unyore uende
kunoita maextra lessons mari yacho
ndobhadhara then paunopedza kunyora
ndouya ndichikutora kuenda newe
SA"said Lean.Anga ane rudo ndakamumbundira nemufaro.
"Mwari vakurangarirei maiguru mune
moyo wakanaka"
"Hupenyu hunoda kushinga zvakafanana
navamwene vangu havandide asi
ndongonyarara Mwari ndiye anoziva"said
Lean.
Lean akasvika pangu akambotaura
naRopa.Ndakamuudza zvese
zvekudanana kwangu futi
naDiva.Akashoora Diva zvakanyanya
zvikanzi makeys emota
musavapa.Makuseni ndakamukira kuuya
kutorwa naDaisy ndikanzi ndaidiwa
kumba kwaMai Matemba naHakim.
Ndakaenda kumba kwacho ndikasvika muna Mai Natty naNoku aripo futi pamwe
chete naNatasha.Ndakaona kuti pane
nyaya yanga iripo hombe chaiyo.
"Mama ndaisaziva mune moyo wakaoma
kudaro ndimi futi makafurira Davie
arambe Lisa ndanzwa zvese zvamaimuita
eish moyo wangu ukurwadza ndoshuwira
dai baba vangu vari vapenyu but why
mom why why" akadaro Hakim akubudisa
misodzi ndakaona airwadziwa.
"Lisa ndomuda nemoyo wese ameno chiii
chinondibata undiregerewo
mwanangu"said Mai Matemba.
"Wamungatokumbira ruregerero ndiLisa
uyo not me ndaedza kufonera Davies asi
foni yake ikuramba"said Hakim.
"Mama ini kuti ndikuregererei just tell me
chakakutadzirai mai vangu kana chichiita
kuripa ndoripa hangu" ndakadaro.
"Ipapo ndipo pane nyaya yandikuda
kuziva Mai Natty taurai tinzwe"said
Hakim.
"Handina nyaya yandingataura apa
ndikuda kutonzwavo namai venyu ava"said Mai Natty.
"Mai Matemba tell us chii
chamakatadzirana choita chishungurudze
nesu why ini ndakafanana naDaisy
uyu"akabvunza Noku.
"Mai Natty naMai Lisa ndivo vakatanga
kuita zveku......."vakabva vakatwa Mai
Matemba naMai Natty.
"Shamwari usatanderera taura pane
nyaya yako Noku ati sei ndakafanana
naDaisy pindura"said mai Natty
"Ukada kufarisa ndozvitaura kuti ndiwe
wakauraya Mai Lisa iwewe Mai Natty
itodzikama"said Mai Matemba.
Maziso ese
akabva atarisa mai Natty ndakatanga
kuchema ndakavatarisa even Noku futi.
_ko Mai Matemba vari kutaura chokwadi
here avo, kana chiri chokwadi Lisa
naNoku vachazvitambira sei._
_masacrets aya obuda manje_
_Ko Diva achasvika rini achirarama kalife ako_
*Watch out for chapter 34*
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
🔥
🇿🇼
😭
🌼
433