Shona Stories 002🇿🇼
February 24, 2025 at 06:55 PM
*SHADOWS OF MY HEART* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V _Written by King Lee_ ~Lee Marzy~ *CHAPTER 36* *HAKIM* Patakamuka takambogara tikaona Daisy asipo.Lean ndiye akazobvunza kuti tete varipi vandisina kumbobvira ndaona.Ndakafunga kuti pamwe amukira kwaLisa sezvo ariye waifarira.Lean ndiye akati hana yangu iri kurova pane zvaitika kuna tete chete.Diva anga achakarara zvake, Dean anga abuda hanzi ndikunotaimira kamusikana kangu.Daisy airara namama but mama pavakaenda vakasiya vakiya bedroom ravo.Anga akurara murimwe room rairamba achiti anotya kurara ega.Ndakasimuka kunovhura door kwakuona munhu akarara pasi pafloor.Ndakamubata ndikanzwa muviri wake waidziya.Lean anga akutoridza mhere ndipo panobhowerawo vakadzi ipapo.Ini zvakandirwadza kuti why hanzvadzi yangu yanwa mushonga.Ndakamusimudza ndikanomuisa mumota mangu ndakuvhura gate ndipo pakasvika Noku achimhanya anga asina bhutsu. "Where is Daisy ndikuda kumuona"said Noku. "Kwakanaka here Noku" ndakabvunza. "Aaah maiguru Lean vakuchema asi twin wangu afa kani nezuro ndakarota hope dzakashata aita kunga aimhanyiswa nenyoka hombe akasvika pakudonha nyoka iya yakuda kumuruma ndipo pandapepuka" said Noku.Hope dzaNoku ndakaziva zvadzinoreva dzaiva pachena handina kukwanisa kumuudza state yanga ina Daisy asi akangoona ega zviripo.Akati andisari ndoendawo naye kuchipatara.Handina kuda kumurambidza. Lean ndiye wandakati asare azviite pamba pasare pasina munhu Diva tingati munhu here pangasara pakaitwa zvimwe zvinhu.Apa ndakarova mota ndakananga kuclinic zvikanzi mhanyai naye kuchipatara chihombe mutown.Ndakarova mota tikasvika ndikamuisa mumaoko emanurse.Akaendeswa kune imwe room Noku aingotevera akazobatwa kuti asapinda.Noku ainyanya kurwadziwa ndakashaya kuti bond raNoku naDaisy ranga riri papi.Kuti havasi vana vababa umwe ivava. "Mkoma Hakim tell me chii chakaitika kuna Daisy" "Akanwa mushonga ndofunga aunwa mukuseni chete" "Ko chii chakaita anwe mushonga nekuti inini Daisy zvomunetsa anosindiudza"said Noku. "Ipapo handizive ngatinamatire apone ndiye achakwanisa kutiudza kuti sei akadaro" ndakadaro. "Ko nezuro apana wakanetsana naye here" "Ooh vakambonetsana naDiva " "Shit uyo muroyi ndoda kupedzerana naye chete" said Noku akabata shaya akagara patumabench twuya. Apa anga asina nebhutsu chiona dress rainga rakapfekwa hombe kwaari aisambokendenga zvake.Ndakafonera mai vangu ndikavaudza mamiriro akaita zvinhu.Zvakavashamisa ndakanzwa vati ndiri kusvika kuchipatara ikoko manje manje. Doctor vakazobuda vakataura zvakawanda ndanga ndichambozviterera here chandaingoda kunzwa kuti mupenyu here mwana wamai vangu.Vakati mupenyu makurumidza kuuya naye vakati vachaedza nepavanogona. "Ko ndingakwanisawo kumuona here doctor" said Noku. "Okay no problem" Takapinda muroom yaanga ari tikaona anga akarara zvake.Ndakaramba ndakamutarisa ndikaona ndiMai Lisa chaivo nehutsvuku hwacho.Mibvunzo yakatanga kundinetsa mumusoro mangu kuti how come Daisy afanane naNoku namai Lisa.Nekuti ndaimbofunga kuti zvimwe mama vangu vakahura naPotse. Noku anga amira pabed akabata ruoko rwaDaisy. "Daisy my twin my mom muka kani hiiii uda ndisare nani inga wani sis vangu vanokuda why wanwa mushonga"said Noku. "Noku asi muri matwins kani tell me the truth" ndakabvunza ndakaona kunga Noku aiziva. "No asi vanhu vanoti tiri matwins,ini ndomuti twin or mom nekuti akafanana namai vangu zvisingaite ndosaka ndichimufarira ndiye ega shamwari yangu" said Noku. Kwakasvika pakusviba tiri pachipatara mama vakabva vasvika vachiona mwana wavo ndakaona vakarwadziwa zvisingaite. "Ko iwewe uri kudei pano"asker Mama vachireva Noku. "Mai Matemba musada kundijairira ndimi mumwe anoshungurudza Daisy kakawanda achikubvunzai kuti sei akafanana neni namai vangu imi momutuka haaa nxaaa"said Noku. Akabva anzi twaaa mbama ndikavabata mai vangu ndakaona kuti vanga vane dambudziko hombe.Pamba pedu paitomboda kudanwa prophet anonamatira nekuti hey zvakuitika zvacho zvoda Mwari. "Ndiwe wapandutsa mwana wangu iwewe how many times ndichikuti andidi kukuona unaye heee ucharoya kutodza mai vako iwewe" said Mama. "Mama behave semunhu akura musapedzera hasha pamwana anozivei ,pamakanetsana namai vake anga aripo here musada kutibhowa mukadzi mukuru kutiza pamba kuita here ikoko izvozvi mwana akuda kufa nekuda kwezimwana renyu Diva"ndakadaro. "Ndichibva pano ndikuenda kumapurisa kunotaura kuti imi namai Natty makauraya mai vangu"akadaro Noku. Ndakatora mai vangu ndikabuda navo ndikambosiya Noku ari muward muna Daisy.Mama ndakambotaura navo ndichivatsiura vanga vava ziii. Pakuenda kumba Noku akaramba hanzi ndosara ndakasiya ndamutengera chikafu.Manurse aiva paduty vakati matwins ndizvo zvari last week apa kune vakazviita futi zvikuitwa nauyu but zviri bhoo. Takaenda kumba kumusha chaiko kungoti panga pari pedyo nepadhorobha.Takasvika Lean akagara pavaranda ega paakandiona akamhanya akandimbundira ndikapihwa kiss ipapo.Kanga kandisuwa kamukadzi kangu.Diva anga asipo ameno anga aendepi.Dean aigona kusvika kana pakati pehusiku ndaishaya kuti anomboswerepi.Lean akamhoresa mama vakadaira zvakanaka.Chikafu chakaunzwa tikadya ndipo pakabva pasvika Dean achinyemwerera zvake.Papera chinguva Diva akasvika akaita kupera nedoro. "Kafa here kahure kaya ngakafe Daisy handimude pano handina hanzvadzi yakadaro uya mwana waPotse chete"said Diva takaramba takanyarara ndikaona mama vatarisa pasi. "Kakauya pano ndikukamhanyisa mama tell me vana va Lisa ndevani"said Diva. "Iwe handisi mwana wako pamba pangu hapanwiwe doro ngazvipere nhasi izvo go and ask Lisa kuti vana vaani"said mama. "Makafuratidza moyo wangu kuna Lisa why, Lisa ndaimuda asi imi nakaDaisy kenyu makandinyepera mukafuratidza moyo wangu why why tell me ndakunzi ndakaipa inini" akadaro Diva. "Iwewe kwako kuri kupusa here kuterera zvotaurwa namama ava wakatadza kumira naLisa nguva yaikuda manje kumuwina kuchanetsa andidi kukunyepera unoona kunga Lisa akapusa ka manje haana kupusa" said Dean. Mama vakabva vasimuka vakaenda kuroom kwavo kunorara.Ndakatora mudiwa wangu tikaenda kwedu kunorara ndaida kumukira makuseni kunoona Daisy. "Daddy masiya vari sei tete vangu"said Lean akaisa musoro pachest pangu. "Havasati vamuka bbe ngatizviise mumaoko aMwari" "Vanopora nezita raJesu,ummm daddy i miss you"said Lean ndakaziva hangu zvaida.Takaita nyaya dzacho tikabva tarara.Makuseni Lean akaita basa rese achibva ageza tikabva taenda tese kunoona daisy mama ndakasiya vakarara.Takasvika ndikaona Noku anga achitaura naDaisy anga amuka.Takamira padoor ndaida kunzwa nyaya dzavo. "Daisy mama vangu vakafa ndichiri mudiki zvinova zvinondirwadza izvozvi baba havana basa neni vanongoda kamwana kavo Gift" "Noku ini ndine basa newe mai 2 naMai natty vanokuda futi usambotya"said Daisy. "Ivo Mai Natty vakauraya mai vangu handichavade" "Maonero angu mai Natty havana chekuita nekufa kwamai vako" said Daisy. "Hooo kuti kudaro here,chindiudza chii chakaita unwe mushonga" "Noku ndine zvakawanda zvinondinetsa pamoyo mai vangu vachinja havachandide ndikavabvunza sei ndakafanana newe vanondirova apa mkoma Diva vakanditi ndakashata handisi wekwaMatemba ndakarwadziwa ndakaona kuti apana reason yekurarama panyika kana ndosemwa neveropa rangu"said Daisy achibudisa musodzi. Lean akabva apinda ndikatevera.Mashoko aya akandibata bata ndaifana kugadzirisa nyaya iyo nguva ichiripo.Ndakanoona Doctor vakandipa mushonga yake ndikavatenda.Ndakatora Daisy tikarova pasi kudzoka. Takasvika nguva iripo zvedu Daisy akabatirwana naLean naNoku vakamuisa muroom make.Noku akasara zvake akagara muroom maDaisy vachitaura nyaya.Ndakadaidza munhu wese wanga ari pamba apa Dean,Diva namama tikagara mudinning Lean anga akagara pedyo neni. "Pano chiii chiri kumbonetsa iwewe Davie wakazviona mashoko ako akaita mwana anwe mushonga" ndakadaro. "Taurai henyu mkoma ndosaka muchiona ndisingasweri pano vanhu vane problem ndiDiva namama"said Dean. "Iwewe zvauri kudanana nehure iro mwana wasabhuku Natasha ndakambokubvunza here"said Diva. "Ko Diva zvauri kutaura zvakwana papi panyaya yatiri kutaura"ndakabvunza. "Saka wafunga kudiii Hakim ndiwe baba wepano here iwewe ndiwe munhu asingandiudze zvekuita"said Diva. "Davie nyarara mhani remember ndimkoma vako ava vauri kutaura navo uchidai" said mama. "I know mama Hakim ndomupa respect but iye anoda zvekundiwachisa" said Diva. "Diva kuti uite Electrician ndiHakim kuti ufambe nemota iyo ndiye saka why uchimushoora foni yamakatengerwa makapa hure renyu Bella ndinozviziva zvese" said Dean. "Vana vangu ndimi vanhu vasingafani kunetsana ivai ne one love uri kuzvinzwa here Davie"said mama. "Mama zvamakaita zvekuenda Harare musina kutaura zvakandibhowa why muchidaro pamba pano hapasisina peace hatisi unity pano nekuda kwenyu, you are the one akafurira Diva uyu newe Diva uri benzi hona Lisa ari kutambura nekuda kwako akasiira chikoro panzira wakauraya future yemwana why mama how do you feel kunzwa kuti mwana wenyu Daisy anzwaro" ndakadaro "Taurai henyu mkoma hapana peace pano Lisa anonzwisa tsitsi andizive mai vangu sei vasina moyo wekubereka,Mai Natty munovavenga henyu asi mkadzi uya ndiye umwe ari kumira mira Lisa"said Dean "Diva namama taurai tinzwe maizvitiirei, iwewe Dean ramba une moyo wako wakanaka usachinja Mwari vachakurangirira Lisa akandiudza wakamira naye hauna kuita chitsotsi pandakatumira mari dai ari Diva uyu yakahafurwa"ndakadaro "Hakim ndikuda ma answers kubva kuna mama naDaisy ndivo vakati Lisa anohura vakati nhumbu haisi yangu maida ndiite sei ivo vakatoti ukaramba uchidanana naLisa ndofa neBP" said Diva.Mama vanga vari zii zvavo vakanditarisa zvavo. "Mira ndimbokubvunza pawakarara naLisa wakawana akazara here"ndakabvunza. "Ehe anga akazara but hanzi aiwanza chihure" "Saka iwewe uri benzi wakatadza kumira nemunhu wako wawakazvivhurira wakatevedza mama ava havauzive here" ndakadaro. "Saka vana vangu muri kuti pazvese izvi ndini ndiri wrong here" vakadaro mama. "Mama tiri kuda kupedza pane dambudziko plus pane imwe nyaya yenyu namai Natty yatiri kuda kunzwa mungakwanisa kuitaura here" "Kana pane nyaya vanouya mangwana votaura nyaya yacho ini maoko angu akachena andina munhu wandakauraya"said mama. "Ko Daisy sei akafanana naMai Lisa" ndakabvunza. "Inhodzerwa idzo"vakadaro mama. Vakabva vati vari kudzoka vakabva vabuda nemota yavo.Ndakaona vadzoka vakabata kabag maiita kunga mune chinhu chirimo.Atina kuda kuvabvunza ndakaramba ndakanyarara ndanga ndakamirira kuti Mai Natty vazouya mangwana vataure nyaya yacho.Noku akazobuda akaenda kumba Daisy akavigirwa chikafu naLean akadya zvake.Ndakaona apfugama akunamata vakabva vanamata vese naLean.Pamba pedu ndakaona vanhu vaisakoshesa zvekunamata izvo ndosaka satan aitijairira.Mangwana ndakabuda ndikaenda kumba kwaLisa ndikasvika akagara nevana vake achichema.Moyo wangu wakarwadza kuona achichema. "Lisa ko uri kuchemei tell me chiii chiri kunetsa" ndakabvunza. "Mai Natty kani" "Vaita sei Mai Natty vacho Lisa" ndakabvunza. "Hanzi vafuma vachiti musoro wavo ukurwadza vadonha pavanga vakuenda kunogeza vaendeswa kuchipatara ndizvo zvakaitika futi kuna mai vangu izvi vakafa ndosara nani ndivo vega mai vandasara navo" akadaro Lisa. "Eish Lisa usachema she will be okay ngativabate paminamato please saka ini mira ndiende kwavaendeswa" "Toenda tese Bamukuru" Ndakaenda kumba ndikanotora mota naLean ,ndikatora Lisa nevana vake tikarova pasi.Tikasvika paclinic tikasvika Naison achinyaradza Natty.Sabhuku vanga vakagara zvavo pabench vakatarisa pasi. _Mai Natty vanorarama here or vachafa mafiro akaita Lister_ _zviri zvega here izvi_ *Watch out for chapter 37*
❤️ 😢 👍 🙏 😂 😮 😭 🇿🇼 🌼 💚 534

Comments