Shona Stories 2🇿🇼
March 1, 2025 at 11:00 AM
*SHADOWS OF MY HEART* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V _Written by King Lee_ ~Lee Marzy~ +26377⁸⁶³⁴221 *CHAPTER 50* *LISA* Davie andifunge ndichawana moyo wekumuregerera.Ndikamuona ndaida kupedzerana naye haangambotori zvidhakwa zvake kuti zvinopfimba vapfana vangu.Daisy akandiudza pafoni ndakavatsiura hangu kuti musambovasekerera kana kutaura navo.Takataura kwenguva yakareba nevapfana vangu ndanga ndavasuwa.Foni yakazokata ana 2 vanga vakuchema ndofunga yanga yava nzara. "Asi mhamha zviri kuita Davie zvakashata" ndakadaro ndichiyamwisa vana vangu. "Ko aita sei Davie" "Ari kuziva ndiri kuno akutora mazishamwari ake kuti vanopfimba Noku naDaisy ndakutya vanogona kunyengerwa vakabvuma apana chavati vakuziva matwins aya"ndakadaro. "Yohwee Davie ndoshaya chii chakamugara anoda munamato wakasimba" "Anozviitisa uyo pavana vamai vangu topedzerana andide hangu" ndakadaro. Manheru ndakabika chikafu chedu ndipo pakasvika Lean.Lean akasvika kumira padoor repakitchen akanditarisa. "Ko maiguru kuzonditarisa kudaro kwakanaka here" ndakadaro ndichinyemwerera. "Lisa ukuda kutora murume wangu ka usatombondisekerera hako unoti handisi kuzviziva kuti muri 2 namai Matemba ndimi makaita Hakim andifuratire asanditevera kumba kwedu"said Lean akanditarisa.Lean anga achinja ,munhu anga ari munhu kwaye aku behaver kunga dovi kudaro. "Handide murume wenyu maiguru ,Mai Matemba dai mavasiya vaitova kuside renyu futi Hakim paiiti akatsamwa"ndakadaro "Usada kundivhara ndakagara ndazviona kare kuti unoda murume wangu manje ndadzoka pamba pangu"said Lean. "Maiguru chiii chiri kumboitika kwamuri machinja shuwa amusisiri wandoziva" "Maindiona kunyarara mofunga ndakapusa uri kuona ring iri here ndakachata iwe namai Matemba hamukwanise kutipesanisa nemurume wangu"said Lean. "Ndazvinzwa hangu maiguru asi dai mandinzwavo andide murume wenyu kana musingandide pano ndobva hangu hapana chakaipa" ndakadaro ndanga ndisisina mufaro.Zvanga zvakuita kunga ndini ndiri kuparadza imba yaLean.Hakim andina kana mafeelings naye. "Lisa ndaikuda nemoyo wese asi wakatadza kumirawo neni wakaenda side remunhu akanditadzira pedzozvo ndakunzwa guhwa rekuti unoda Hakim zvingani zvandakakubatsira Lisa"said Lean. Ndakabuda mukitchen ndisina kumupindura ndaida kubva pamba pacho osara.Zita rangu ndiro rakusviba kunzi ndakutora murume wemunhu.Mai Matemba vakasvika ndiri kurongedza hembe mubag. "Ko zvadiii wafungepi Mai 2" "Ndanzi ndibve pano ndiri kutora murume waLean ndizvo zvaataura"ndakadaro ndakuda kuchema. "No no ndiye angatobva pano not you aripi Lean wacho" vakabvunza Mai Matemba. "Ari mukitchen mhamha zvandibhowa achinja zvaava kuita azvinakidze" Takaenda mukitchen tikamusvikira achidya hake chikafu chandanga ndabika.Akaita kuzadza plate chikafu.Ndakashamisika kuti chikafu chiri kuda kudyiwa nemunhu one ichocho. "Ndiwe wati Lisa abve pano here akati ari kutora murume wako ndiani" vakabvunza mai Matemba vakarova serious. "Pano pamba pangu ndini mai vepano ndoita zvandada uyu Lisa ane dzungu handimude pedyo nemurume wangu"said Lean. "Muroora wangu Lean inga wanga une moyo wakanaka chii chikuitika pauri Lisa uyu ari kungoda kudzidza malessons ake akapedza anobva haasi kugara pano zveupenyu hwese"said mama. "Imimi mhamha magara moda Lisa muchati chiii ndangoti Lisa andide kumuona pedyo nemurume wangu anoonerwa haabatsirike" said Lean. "Iwewe hauna simba rekumudzinga pano ,Hakim ndiye anomudzinga kana ini ndichinge ndazvibvuma futi andide zvenoise newe please"said mama vanga vatsamwa. "Noise yei dai madzikama zvamakandiroya ndakamboti chii hee izvozvi mafuratidza murume wangu" said Lean achipinduridza tumaziso kunga rwavhi. "Iwe Lean wakufarisa manje usaita kunga ndiwe watanga kutadzirwa panyika pano ndak......" andina kupedza kutaura ndapihwa mbama naLean.Ndakamudzorera zvekujairirwa ndanga ndisingachazvide takaumburudzana mukitchen imomo mama ndivo vakabata.Lean akatora kabag kake akabuda akaita kutsamwa. Ndanga ndafunga zvekutobva pamba apa ndiende hangu kunogara kumusha. Mhamha ndivo vakazondidzikamisa. Lean akazodzoka ava manheru apana akataura naye.Akarara pasofa asina gumbezi marooms anga akakiyiwa.Mama ndivo vakasiirwa makeys acho dai Lean ari munhu kwaye aipihwa zvino andiratidza chidovi dovi chake.Makuseni ndakashamisika kuona Diva achisvika pamba akapfeka hembe dzechirasta. "Iyazve Lean akadzoka rini ko kusandiudzawo" akabvunza Diva.Apana akamudaira munhu wese akaramba ari zii. "Ko Lisa dama rakazvimba nei chiii chikuitika pano amusi kuda kutaura here" "Ndakakarova kaLisa kako kane dzungu kanoda kupindira pekasingakwane"said Lean. "Kurova Lisa ooh no no saka ndizvo zvamakatenderana naHakim kuti mozorova Lisa here mhamha" Andina kuda kumbotaura ndakaramba ndiri zii.Ndaida kutomutuka Diva ndanga ndatomuvenga nenyaya yekuda kutengesa vapfana vangu.Ndakazoona vakutukana naDiva.Lean akabatwa akanokandwa kunze kwegate naDiva. "Lean handimude pano"said Diva. "Pamba pako here zvaunotaura izvozvo" ndakabvunza "Lisa wakatsamwei mudiwa wangu"said Diva.Ndakaona kuti anga akatodhakwa ainhuhwa doro. "Siyana neni iwe mhani nyarawo mai vako wakamboita sei wapinda hauna kana kumbomhoresa mai vako" "Oooh shem ndanga ndisina kutozviona muri sei muchembere" said Diva. "Davie chimbogara pasi mwanangu ndoda kumbotaura newe"said Mai Matemba. Diva akagara pasi mai vake vakatanga kutaura naye asi vakaona kuti vaitaura vega munhu wacho apana zvaimbonzwa.Ndakaona asimuka kunotakura Tashia kanga kakarara pasofa. Kakabva kamuka kakabva katanga kusekerera.Tashia kanopenga chete ndoshaya kanosekei ipapa.Ndofunga kanga kakanyepedzera kurara chete. Mazuva akafamba takazongonzwa guhwa rekuti Lean akatevera Hakim SA. Ndakabvunza Dean kuti Lean akasvika here zvikanzi haasati asvika.Ndipo pakapinda shoko rekushaikwa kwevana vamai vangu kumusha.Ndakasiya vana namai Matemba ndikatora mota yavo. Ndakaenda kumusha ndikasvika pamba pababa vangu varipo baba nekamkadzi kavo.Ndakapinda muroom mana Noku asi handina kuvaona. "Ko Noku naDaisy varipi". "Hatisi kuzivawo tane mazuva tichivashaya ndaifunga kuti wakavatora ini"said baba. "Baba mundikwanire ndati vana vamai vangu varipi handibve pano musina kundiudza" ndakadaro ndakuchema. "Iwe Lisa ndati handizive moyo wangu uri kutorwadzawo kuti varipi ndaifunga vakauya kwauri kugara" said baba. "Chii chakaitika zuva racho ramavakashaya" ndakabvunza. "Vana ava vakarova mkadzi wangu vakatengesa mauniforms ekuchikoro plus vaisasvika futi kuchikoro ndakavarova ameno kuti pavakabva pano vakaendepi" "No no makarova vana vamai vangu ,Mai Gift vanonyepa ava vanogona varivo vakatora mauniforms evapfana ava,ko zvekuti havasvike kuchikoro makaudzwa nemateachers acho here" "Zvese izvi ndakazviudzwa namai Gift hakusi kunetsa vana ava vanga vakunetsa" said baba. "Ndakazviona kare baba kuti amuna rudo nesu vana venyu Noku naDaisy ndikavashaya mirai muone kunyarara azvirevi ndakapusa, iwewe Tracy pano unopatama chete" ndakadaro ndakaita kumunongedza nefoni yangu. "Lisa ndinokurova ukadzikama wanzwa leave my wife alone, vana vaLister muri mahure munondipa BP hazvishamisi kutonzwa kuti Daisy naNoku vakatotizira ndinotoshaya kuti Lister akasiya aita sei vana vake kuti vashaye hunhu"said baba.Ndakapinda mumota ndikaenda kwamai Natty ndikasvika varipo. "hesi kani mwanangu"said Mai Natty. "Muri sei moms" "Haaa handisi bhoo umwe wako akandirwadzisa tanga taronga kumuendesa kucourse munhu atova nemimba hake"said mama. "Umwe wangu upi" "Natasha ane pamuviri akaramba kuti tiende kuchipatara asi ndakazviona hangu kuti azvitakura ndakarwadziwa pamoyo chaipo Natty ndaida aroorwevo zvakanaka manje andinyadzisa"said mai Natty. "Nhumbu yacho hanzi ndeyani" "Dean ini Mai Matemba vandirwadzisa ndaifunga vachinja obvious irevenge yavakaita kwandiri iyi chete apa Dean wacho ari kunzi akatiza kuenda SA" vakadaro Mai Natty vachiratidza kurwadziwa. "Mama panyaya iyi dai mabvisa Mai Matemba apana chavari kutoziva handifunge vanotoziva kudanana kwaNatty naDean uyu Dean haana kutiza asi akaenda kuchikoro" Natty wacho ainzi akaenda kunogara kumba kwamai Matemba.Mai Natty ndakavaudzawo nyaya yangu yematwins ari kushaikwa aya.Vakatoti vava nenguva vasiri kuvaona vaifunga ndakauya kuvatora. Ndakaenda pamai Matemba ndikasvika Natty achidya zvake.Akafara kundiona. "Ko besty ko makazoitawo sei futi"ndakabvunza. "Haaa zvakandikurirawo besty iiiih handisisina foni ko Dean ariko here kutown ndamusuwa" said Natty. "Iyazve asi haana kusiya ataura kuti akuenda kuchikoro kuSA" "Akandiudza ndaifunga ari kujoka ini aaaah zvino ndodiii"said Natty akuchema. Ndakafonera Dean wacho akadaira ndikapa Natty wacho paakataura zvekuti ava nenhumbu ndakanzwa Dean akukakama..... _drop your comments_ *Watch out for chapter 51*
❤️ 👍 🙏 😮 😂 😢 💙 💚 🤍 225

Comments