Shona Stories 2🇿🇼
March 1, 2025 at 11:00 AM
*SHADOWS OF MY HEART*
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
+26377⁸⁶³⁴221
*CHAPTER 50*
*LISA*
Davie andifunge ndichawana moyo
wekumuregerera.Ndikamuona ndaida
kupedzerana naye haangambotori
zvidhakwa zvake kuti zvinopfimba
vapfana vangu.Daisy akandiudza pafoni
ndakavatsiura hangu kuti
musambovasekerera kana kutaura
navo.Takataura kwenguva yakareba
nevapfana vangu ndanga ndavasuwa.Foni yakazokata ana 2 vanga
vakuchema ndofunga yanga yava nzara.
"Asi mhamha zviri kuita Davie zvakashata" ndakadaro ndichiyamwisa vana vangu.
"Ko aita sei Davie"
"Ari kuziva ndiri kuno akutora
mazishamwari ake kuti vanopfimba Noku
naDaisy ndakutya vanogona
kunyengerwa vakabvuma apana chavati
vakuziva matwins aya"ndakadaro.
"Yohwee Davie ndoshaya chii
chakamugara anoda munamato
wakasimba"
"Anozviitisa uyo pavana vamai vangu
topedzerana andide hangu" ndakadaro.
Manheru ndakabika chikafu chedu ndipo
pakasvika Lean.Lean akasvika kumira
padoor repakitchen akanditarisa.
"Ko maiguru kuzonditarisa kudaro
kwakanaka here" ndakadaro
ndichinyemwerera.
"Lisa ukuda kutora murume wangu ka usatombondisekerera hako unoti handisi
kuzviziva kuti muri 2 namai Matemba
ndimi makaita Hakim andifuratire
asanditevera kumba kwedu"said Lean
akanditarisa.Lean anga achinja ,munhu
anga ari munhu kwaye aku behaver
kunga dovi kudaro.
"Handide murume wenyu maiguru ,Mai
Matemba dai mavasiya vaitova kuside
renyu futi Hakim paiiti akatsamwa"ndakadaro
"Usada kundivhara ndakagara ndazviona
kare kuti unoda murume wangu manje
ndadzoka pamba pangu"said Lean.
"Maiguru chiii chiri kumboitika kwamuri
machinja shuwa amusisiri wandoziva"
"Maindiona kunyarara mofunga
ndakapusa uri kuona ring iri here
ndakachata iwe namai Matemba
hamukwanise kutipesanisa nemurume
wangu"said Lean.
"Ndazvinzwa hangu maiguru asi dai
mandinzwavo andide murume wenyu
kana musingandide pano ndobva hangu
hapana chakaipa" ndakadaro ndanga
ndisisina mufaro.Zvanga zvakuita kunga
ndini ndiri kuparadza imba yaLean.Hakim
andina kana mafeelings naye.
"Lisa ndaikuda nemoyo wese asi
wakatadza kumirawo neni wakaenda side
remunhu akanditadzira pedzozvo
ndakunzwa guhwa rekuti unoda Hakim
zvingani zvandakakubatsira Lisa"said
Lean.
Ndakabuda mukitchen ndisina
kumupindura ndaida kubva pamba pacho
osara.Zita rangu ndiro rakusviba kunzi
ndakutora murume wemunhu.Mai
Matemba vakasvika ndiri kurongedza
hembe mubag.
"Ko zvadiii wafungepi Mai 2"
"Ndanzi ndibve pano ndiri kutora murume
waLean ndizvo zvaataura"ndakadaro
ndakuda kuchema.
"No no ndiye angatobva pano not you
aripi Lean wacho" vakabvunza Mai
Matemba.
"Ari mukitchen mhamha zvandibhowa
achinja zvaava kuita azvinakidze"
Takaenda mukitchen tikamusvikira
achidya hake chikafu chandanga
ndabika.Akaita kuzadza plate chikafu.Ndakashamisika kuti chikafu chiri kuda kudyiwa nemunhu one ichocho.
"Ndiwe wati Lisa abve pano here akati ari
kutora murume wako ndiani" vakabvunza
mai Matemba vakarova serious.
"Pano pamba pangu ndini mai vepano
ndoita zvandada uyu Lisa ane dzungu
handimude pedyo nemurume wangu"said
Lean.
"Muroora wangu Lean inga wanga une
moyo wakanaka chii chikuitika pauri Lisa
uyu ari kungoda kudzidza malessons ake
akapedza anobva haasi kugara pano
zveupenyu hwese"said mama.
"Imimi mhamha magara moda Lisa
muchati chiii ndangoti Lisa andide
kumuona pedyo nemurume wangu
anoonerwa haabatsirike" said Lean.
"Iwewe hauna simba rekumudzinga pano
,Hakim ndiye anomudzinga kana ini
ndichinge ndazvibvuma futi andide
zvenoise newe please"said mama vanga
vatsamwa.
"Noise yei dai madzikama
zvamakandiroya ndakamboti chii hee
izvozvi mafuratidza murume wangu" said
Lean achipinduridza tumaziso kunga
rwavhi.
"Iwe Lean wakufarisa manje usaita kunga
ndiwe watanga kutadzirwa panyika pano
ndak......" andina kupedza kutaura
ndapihwa mbama
naLean.Ndakamudzorera zvekujairirwa
ndanga ndisingachazvide
takaumburudzana mukitchen imomo
mama ndivo vakabata.Lean akatora
kabag kake akabuda akaita kutsamwa.
Ndanga ndafunga zvekutobva pamba apa
ndiende hangu kunogara kumusha. Mhamha ndivo vakazondidzikamisa.
Lean akazodzoka ava manheru apana
akataura naye.Akarara pasofa asina
gumbezi marooms anga akakiyiwa.Mama
ndivo vakasiirwa makeys acho dai Lean
ari munhu kwaye aipihwa zvino
andiratidza chidovi dovi chake.Makuseni
ndakashamisika kuona Diva achisvika
pamba akapfeka hembe dzechirasta.
"Iyazve Lean akadzoka rini ko
kusandiudzawo" akabvunza Diva.Apana
akamudaira munhu wese akaramba ari
zii.
"Ko Lisa dama rakazvimba nei chiii
chikuitika pano amusi kuda kutaura here"
"Ndakakarova kaLisa kako kane dzungu
kanoda kupindira pekasingakwane"said
Lean.
"Kurova Lisa ooh no no saka ndizvo
zvamakatenderana naHakim kuti
mozorova Lisa here mhamha"
Andina kuda kumbotaura ndakaramba
ndiri zii.Ndaida kutomutuka Diva ndanga
ndatomuvenga nenyaya yekuda
kutengesa vapfana vangu.Ndakazoona
vakutukana naDiva.Lean akabatwa
akanokandwa kunze kwegate naDiva.
"Lean handimude pano"said Diva.
"Pamba pako here zvaunotaura
izvozvo" ndakabvunza
"Lisa wakatsamwei mudiwa wangu"said
Diva.Ndakaona kuti anga akatodhakwa
ainhuhwa doro.
"Siyana neni iwe mhani nyarawo mai
vako wakamboita sei wapinda hauna
kana kumbomhoresa mai vako"
"Oooh shem ndanga ndisina kutozviona
muri sei muchembere" said Diva.
"Davie chimbogara pasi mwanangu
ndoda kumbotaura newe"said Mai
Matemba.
Diva akagara pasi mai vake vakatanga
kutaura naye asi vakaona kuti vaitaura
vega munhu wacho apana
zvaimbonzwa.Ndakaona asimuka
kunotakura Tashia kanga kakarara
pasofa. Kakabva kamuka kakabva
katanga kusekerera.Tashia kanopenga
chete ndoshaya kanosekei
ipapa.Ndofunga kanga kakanyepedzera
kurara chete.
Mazuva akafamba takazongonzwa guhwa
rekuti Lean akatevera Hakim
SA. Ndakabvunza Dean kuti Lean
akasvika here zvikanzi haasati
asvika.Ndipo pakapinda shoko
rekushaikwa kwevana vamai vangu
kumusha.Ndakasiya vana namai
Matemba ndikatora mota
yavo. Ndakaenda kumusha ndikasvika
pamba pababa vangu varipo baba
nekamkadzi kavo.Ndakapinda muroom
mana Noku asi handina kuvaona.
"Ko Noku naDaisy varipi".
"Hatisi kuzivawo tane mazuva
tichivashaya ndaifunga kuti wakavatora ini"said baba.
"Baba mundikwanire ndati vana vamai
vangu varipi handibve pano musina
kundiudza" ndakadaro ndakuchema.
"Iwe Lisa ndati handizive moyo wangu uri
kutorwadzawo kuti varipi ndaifunga
vakauya kwauri kugara" said baba.
"Chii chakaitika zuva racho
ramavakashaya" ndakabvunza.
"Vana ava vakarova mkadzi wangu
vakatengesa mauniforms ekuchikoro plus
vaisasvika futi kuchikoro ndakavarova ameno kuti pavakabva pano vakaendepi"
"No no makarova vana vamai vangu ,Mai
Gift vanonyepa ava vanogona varivo
vakatora mauniforms evapfana ava,ko
zvekuti havasvike kuchikoro makaudzwa
nemateachers acho here"
"Zvese izvi ndakazviudzwa namai Gift
hakusi kunetsa vana ava vanga
vakunetsa" said baba.
"Ndakazviona kare baba kuti amuna rudo
nesu vana venyu Noku naDaisy
ndikavashaya mirai muone kunyarara
azvirevi ndakapusa, iwewe Tracy pano unopatama chete" ndakadaro ndakaita
kumunongedza nefoni yangu.
"Lisa ndinokurova ukadzikama wanzwa
leave my wife alone, vana vaLister muri
mahure munondipa BP hazvishamisi
kutonzwa kuti Daisy naNoku vakatotizira
ndinotoshaya kuti Lister akasiya aita sei
vana vake kuti vashaye hunhu"said
baba.Ndakapinda mumota ndikaenda
kwamai Natty ndikasvika varipo.
"hesi kani mwanangu"said Mai Natty.
"Muri sei moms"
"Haaa handisi bhoo umwe wako
akandirwadzisa tanga taronga
kumuendesa kucourse munhu atova
nemimba hake"said mama.
"Umwe wangu upi"
"Natasha ane pamuviri akaramba kuti
tiende kuchipatara asi ndakazviona
hangu kuti azvitakura ndakarwadziwa
pamoyo chaipo Natty ndaida aroorwevo
zvakanaka manje andinyadzisa"said mai
Natty.
"Nhumbu yacho hanzi ndeyani"
"Dean ini Mai Matemba vandirwadzisa
ndaifunga vachinja obvious irevenge
yavakaita kwandiri iyi chete apa Dean
wacho ari kunzi akatiza kuenda SA"
vakadaro Mai Natty vachiratidza
kurwadziwa.
"Mama panyaya iyi dai mabvisa Mai
Matemba apana chavari kutoziva
handifunge vanotoziva kudanana
kwaNatty naDean uyu Dean haana kutiza
asi akaenda kuchikoro"
Natty wacho ainzi akaenda kunogara
kumba kwamai Matemba.Mai Natty
ndakavaudzawo nyaya yangu yematwins ari kushaikwa aya.Vakatoti vava nenguva
vasiri kuvaona vaifunga ndakauya
kuvatora. Ndakaenda pamai Matemba
ndikasvika Natty achidya zvake.Akafara
kundiona.
"Ko besty ko makazoitawo sei
futi"ndakabvunza.
"Haaa zvakandikurirawo besty iiiih
handisisina foni ko Dean ariko here
kutown ndamusuwa" said Natty.
"Iyazve asi haana kusiya ataura kuti
akuenda kuchikoro kuSA"
"Akandiudza ndaifunga ari kujoka ini aaaah zvino ndodiii"said Natty akuchema.
Ndakafonera Dean wacho akadaira
ndikapa Natty wacho paakataura zvekuti
ava nenhumbu ndakanzwa Dean
akukakama.....
_drop your comments_
*Watch out for chapter 51*
❤️
👍
🙏
😮
😂
😢
💙
💚
🤍
225