King Lee Novels
February 24, 2025 at 08:09 AM
*WHETHER YOU LIKE IT OR NOT !!* ๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ WRITTEN BY Nicegirl Guta 0712483943 *Gara waita follow usati waverenga kuitira usazokanganwe๐Ÿ’ƒ๐Ÿป๐Ÿ’ƒ๐ŸปYauya channel ya Nicegirl Guta munyori anetsa muma streets uye ku radio chaiko ma books ake arikuverengwa. Ane hunyanzvi uyu veduwe ingomuita follow undozvinzwira. Book irori rema twins ririkupisa ndati, ingoita follow undozvinzwira ndokwariri kuiswa novel irori๐Ÿ’ƒ๐Ÿป๐Ÿ’ƒ๐Ÿป๐Ÿ’ƒ๐Ÿป* https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X CHAPTER 15 WISEMAN Pandakangoona ari Febby aifona ndakatanga kunzwa ropa kumhanya mhanya nemuviri wangu wese. Ndakanyemwerera kwave kudavira uku Might akanditarisa kunge aiona mufananidzo waasingazive. ๐Ÿ“ž๐Ÿ“ž๐Ÿ“ž๐Ÿ“ž๐Ÿ“ž "Hello bby how are you?" "Not good at all. Iwewe utori safe here Wise?" "Yes ndiri safe. Why uri kuratidza kuvhunduka bby?" Ndaitaura ndakarova srs. Ndaisava nebasa nekuti Might aizoti kudii? "Uuummm Might zvaabva kuno naMoline vasiya ndisina nere muromo. Ndave kufunga kumboenda kumusha kana tete vangodzoka----" "Usazviedze izvozvo. You are not going anywhere---" "Why?" "Because i love you. I will fight for you bby. I love you ok-----" ndakabva ndakata fon. Ndakaziva kuti kwakuenda nyaya yachona ndaitaimirwa naMight. Ndakabva ndaisa fon muhomwe kwave kupfugama pasi ndikatanga kunamata---- "MWARI BABA NDIRANGARIREIWO ZVAZVAOMA KUDAI. TINOZIVA KUTI MURI MWARI NDIMI MUNOPA KUNE VANOKUMBIRA KWAMURI. ZVANDAVE KUDA KUROORA NDIRATIDZEI MUDZIMAI CHAIYE ANOITA. MUNDIRWERE KUVAVENGI ISHE VANONDITARISA NEZISO RERUCHIVA AMEN---" Ndakabva ndati kwanyanu. Ndakaona Might akanditarisa uku misodzi yake yave kubuda. Munoziva ndakanzwa tsitsi. Dai aizogona kutaura neni mushe ndaizongofuma ndoti tora Febby andimudi. Zvino akabva andibata pahuro nguva iyoyo---- "Wiseman stay away from Febby or else i will kill you" "I told you wani. Before you do that , you have to kill her first." Nguva yandainge ndakabatwa huro kudaro , Moline akabva apinda. Ndaitarisira kuti andinunure , asi ndakanzwa ave kuti--- "Wiseman dai wangosiyana nazvo nekuti unogona kufira mahara" "Moline! Asi wapindawo munyay idzi?" "Ndinotadza nei? Why usinganyare siya munhu azviitire zvinhu zvake." "Ndange ndisingamudi Febby. Asi maitiro ako aya ndiwo achandituka kudanana naye. Uchazviuraya wave iwewe wanzwa here? Iwe uchitombokwanisa kubuditsa misodzi kureva kuti uri gwara remurume nxaaaa." Nguva iyoyo ndakashandisa simba rangu rese kwave kumurigira pasi. Ndakabuda mumba kwave kunanga panze. Ndakasvika ndikagara paloan yainge yakasvibirira. Ndakambotsikitsira ndakabata mutsipa wangu wainge wave kurwadza----- "Wiseman what happend?" "Nothing mom" "Usanyepe Wise uri kuratidza kushushikana" "No its ok mom" ndaisada kuti vanyanye kutambura. Kubva kwavaita pandiri ndakaona Milca auyawo sezvo ainge apedza basa. "Wiseman , i can see kuti vaviri ava vave kukukanganisa." "Vanaani iwe? Am ok ini----" "Usanyepa Wiseman. Ndanzwa zvose zvaitika pamange muri musitting room" ndakabva ndamuti ndee mumaziso chaimo. Ndakamboti ziii ndikaona ave kugutsirira musoro wake. "Yes Wise" "Ok Milca , so what do you think-----?" "Mwari ndiye mhinduro. Muudze zvose zvanetsa chete aite kuda kwake. Love your enemy and pray for thos who persecute you." "Thank you so much" "But tell me something. Iwewo wacho wave kudawo Febby here or what?" "Ndaisamuda ini , asi nekuda kwevanhu ndakatanga kutozonzwa kuti ndave kumuda. Andizivewo kuti sei zvadaro kuvana vanyamunhu nhai? Kuti iye ane zvaainazvo here?" "Ok and iyewo anoda iwewe anditi" "Yes" "Ok usafunga izvo zvakaipa. Ahana chaangambova nacho nekuti anoda iwewe wega. Dai aikudai mese pamwe taiti ane zvaainazvo----" "Ok rega tione kuti zvinosvika kupi kwacho?" "Saka usatye just pray my bro. Might anotofanirwa kudzikama ndiye nekuti haadiwe. Nways , lets read bible iri randauya naro. Rine mashoko anogona kukubatsira akawanda kwazvo." "Ok" takatanga hedu kuverenga. Ndakamutenda nekuti aivepo kundibatsira nekundiratidza gwara rakanaka. Zva Moline ndaimuziva kubva kare kuti aisatodawo kunamata kwacho. Asiwo ndainge ndisina kumbobvira ndazvitarisira kuti aizobatana naMightman pakuda kundirongera hondo kudaro. Mazuva akafamba , pakapera mazuva matatu ndisina kuzomboona Febby. Taingotaura hedu pafon zvotopera ipapo. Ndaisada kuramba ndichiita noise naMightman. Iye ndiye aibuda everyday. Andina kumbobvira ndakaona mufaro wake kureva kuti kuna Febby akanga asina chaati abuditsa. Rimwe zuva ndakabva ndaona msg kubva kuna Febby achiti tete vakange vadzoka. Ndaifanirwa kuenda kunovaona kuti nditaure navo--- Ndakatobvawo pamba zvakanaka kuenda kwaana Febby. Might ainge aripo akarara zvake. Ndakangobuda pasina wandaoneka----- "Thanks my love wauya. Asi mashoko iwaya ndinomataura hana yangu ichirova." "Ko , inogorova nekuda kwei?" "Nekuti Might anouya pano zuva nezuva haasi kuneta kuuya---" "Azvina maturo izvo. Nways makadiniko tete?" "Ndinofara zvangu. Kutosuwai bamunini uumm am happy nekuti wakazobvuma muzukuru wangy. Wakaita zvakanaka mufunge" "Ok tete." We had a lot to chat. Ende takapindirana. Nguva diki diki ndakabva ndaoneka. Ndakati Febby asare ndiperekedzwe natete. Munzira mese taitaura nyaya tichiseka. Vakati ivo Febby aiva musikana akanaka ane hunhu. Andina kuzviramba kana kuzvitambira sezvo ndaida kuzozvionera ndega pamhino sefodya. Nguva yatakazopesana ndakaenda kumba ndichimhanya. Ndaida kuti Might arege kunyanya kugumbuka. Ndakaita kusvikirana naye. Iye aiva nemota ini ndichifamba netsoka. Kwaaibva chaiko andina kuziva. Ndakangotiwo zvimwe ainge atumwa hake. "๐Ÿ“ฉ NDAFAMBA BHO BBY. HOW IS TETE" that was the msg yandakasendera Febby ndagara mumba. "๐Ÿ“ฉ TETE AVASATI VADZOKA ANDITI MABUDA MESE HERE?" "๐Ÿ“ฉ HOOO PAMWE VANE KWAVAENDA NAKO." Murudo naFebby ndakange ndavemo zvangu , asi pakudanana naye ndakanga ndisati ndadzikisa gejo ini. Ndaiva nekakurohwa nehana asi moyo uchipfura pfura. After 30 minutes ndakaona msg "๐Ÿ“ฉ NHAI IWE WISEMAN NANHASI HERE WHERE IS TETE?" "๐Ÿ“ฉ IMBOSIYA KUTAMBA BBY. URI KUTI NANHASI TETE AVASATI VASVIKA?" "๐Ÿ“ฉ YES , APA ZUVA RATONYURA. WHERE IS SHE?" Ndakabva ndapererwa. Andina zvimwe zvandakambofunga ipapo ndaida kutoenda ikoko. Nguva yandakabuda ndakaona Might akamira hake kunze kwegate. "Might what are you doing here?" "Iwewe uri kuenda kupi?" "Hapana hangu" "Hooo , inini ndiri kuda kunoona Febby. Ndanzwa kuti tete vake vakadzoka" "Hooo ok" "Yes" ndakabva ndapererwa , asi chekuita pakange pasina. Ndakadzoka mumba ndaita kubatira hana yangu mumaoko. Ende kuenda ikoko pamwe chete naye Mightman zvaisatomboita----------- FEBBY Patakaparadzana na Tashia ndakasara ndiine zvimuvhunzo zvishoma shoma. Tashia aiva akandiudza andakadzokorora kuti ndisade Wise ndide Might zvino apa achafungei sezvo andisvikira ndiina Wise wacho. Ndaizvivhunza zvandaisawana mhinduro. Ndakazosara paye ndokugara zvangu ndichitofunga mashoko angu na Wise aiva avhiringidzwa nekusvika kwa Tashia. Ndiri mukati mekufunga Might akabva asvikawo nekamwe kamusikana kaakati ihanzvadzi yake. Vakatanga kupanana ma intro zvaitondibhowa. Ndakazongoonekana navo mushure mekusanzwanana ndokubva vaenda. Asi kutaura chokwadi ndakabva ndatonzwa kunge kumaka musikana iyeye kunyange yaiva hanzvadzi yemunhu wandaida.----- Mazuva mashoma akadarika ipapo tete vakabva vadzoka. "Hiiii tete ndine zi good news ini.." ndakadaro ndisati ndatombobvunzana navo mufaro." "I good news dzeiko Febby dzaungatanga usati wandivhunza mufaro?." "Tete pese pamaisavapo apa munoziva here kuti Wise aiuye kuzondiona." "Inga zvakarongeka muzukuru wangu chasara kungoti muronge muchato kuchurch. Ko Might akazodii? Haachanetsa here?." "Haaa tete zvakaoma , Might ndomunhu arikunetsa manje zvekuti ndavakutombofunga kuenda kumusha ini kuti ndisaramba ndichimuona coz pese apa aiita achiuya asi hapana patakambowirirana." "Aaa kumusha ndokusingaite kuenda kaa nhai muzukuru. Handiti ndakatokubvisa ikoko kuti umbosiyawo ruzevha? Unongomusiya sezvaurikungoita pauchachata na Wise achadzikama hake." Ndisati ndapindura vakabva vati nditore bag hombe mubedroom mavo. Ndichidzoka naro vakabva vatanga kundibudisira hembe itsva dzavaiva vakanditengera. Ndaiti yandaedza kudai zvotoita kunga ndakazvarwa ndakaipfeka kwaiva kufitwa kwega kwega. Ndakazovatenda tete ndikatanga zvangu kubika chikafu kuti vadye. Wise ndakamuudza kuti tete vaiva vauya and ndakafara achiti aiuya kuzoona tete vacho. Mangwana wacho akanyatsomukira zvake ndokubva auya vakataura natete neni wacho. Pane pakambobuda tete vachienda mubedroom ndokubva Wise anditi ndimbomupa kiss seyandakapa Mightman akatarisa. Ndakaseka zvangu ndikamuudza kuti ndaizomupa mumwe musi tiri tega. Tete pavakadzoka vakabva vauya nema t-shirt akafanana ndokupa Wise yake inini yangu zvikanzi sema couples taizonyoresa zvakafanana. Takatenda pamwe chete ndokubva Wise azooneka kuenda. Avakubuda pa door akabva ati "Tete ndiperekedzei Febby iwewe umbosara pane zvandinoda kutaura na Tete." Ndakabva ndatomuita byee ndokubva vaenda. Ndakasara ndikagara zuva rikasvika pakuda kuvira tete vasati vadzoka. Ndaifonera Wise achinditi tete vadzoka Kare asi kumba kwaiva kusina. Ndakashaya kuziva kuti zviri kufamba sei? Ende hana yangu yaiita kurova. Ndaingofunga kuti pamwe pane zvaitika kwavari. I tried to call , but her fon was off. Kuisa msg kudai , yaisambopinda kana. Ndakaita kunge ndichachema.------ Ndati garei garei ndakabva ndanzwa knock padoor. Ndakapukuta misodzi yangu yose ndichibva ndaenda ikoko-------- *Baya view channel and follow Nicegirl Guta Stories channel ndokune book irori rese kubva pa 1*๐Ÿ’ƒ๐Ÿป๐Ÿ’ƒ๐Ÿป๐Ÿ’ƒ๐Ÿป๐Ÿ’ƒ๐Ÿป End of chapter 15
โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜ข 94

Comments