King Lee Novels
February 24, 2025 at 10:17 AM
*SHADOWS OF MY HEART*
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
+26377⁸⁶³⁴221
*CHAPTER 35*
*DAVIE*
Ndini ndanga ndakudriver sezvo Ras
anga apera nedoro arara
zvake.Ndakafunga kutanga kusvika
pamba paLisa. Ndakapfuura nepamba
pedu ndikasvika Lisa achitonwa zvake
drink akagara panze twana twake twake
twarara paside naye.Akaramba akagara
ini ndakadzika ndikaenda paanga
akagara.Ndisati ndataura ndakatarisa
vana.Ndanga ndisina kunyanya
kudhakwa zvangu.Ndakaramba
ndakatarisa vana ava ndikaona one
wacho akafanana mai vangu umwe
wacho akafanana neni hazvibvunzwe.Kamwe kacho kakabva
kamuka kakatanga kuchema ndakuda
kukasimudza Lisa akandirambidza.
"Usabate vana vangu please"said Lisa.
"Vana vako wega here Lisa saka paya
waiva serious pawaiti une nhumbu yangu
ndakuzviona manje" ndakadaro
ndichinyemwerera.
"Ko ati vana vako ndiani Diva inga wakati inhumbu yaVhunai saka siyana neni"said
Lisa. Ras Fidza akabva aburuka zvake
akauya pataive.
"Ko wapihwa here makey emota yacho
tiende"said Ras Fidza.
"Ndanga ndakanganwa Lisa ndipewo kamakeys emota yangu"
"Ndini ndakamatora here enda unopihwa
nemunhu akamatora" said Lisa.
"Aaaah iwe vana vaani ava Diva havasi
vana vako here sei vakafanana
newe" akabvunza Fidza.
"Vana vangu ava ndakuzviona izvozvi ,asi why Lisa usina kundiudzawo kuti
wakazvara vana vakafanana neni eish
nhasi ndafara andidi kunyepa apa
wandifadza"ndakadaro.
Kutaura chokwadi ndakafara
ndaisambofungira kuti dumbu raLisa
ranga rakatakura vana
vangu.Ndakashaya kuti ndomutenda nei
Lisa zuva iri.Ndakaona kamusikana
kanga kakafanana namai vangu
kakaramba kachichema.Lisa akaedza
kukanyaradza kakaramba kunyarara.Lisa
anga apusa manje ini ndanga ndakayeva
vana vangu.Ndakabata kamusikana kaya
kakabva kanyarara kakatanga kusekerera.Lisa akabva asunga face
ndakaona aisada kuti ndibate vana.
Saka Bella ndiye asingazvare
nhai.Pakabva pasvika Daisy naNoku
ndakaona ziso raRas Fidza rakatarisa
kuna Daisy naNoku ndakaziva kuti shavi
rake rekuda vakadzi ratanga.
"Ko matwins aya anogarepi haaa twana
twakanaka utwu ndabvuma hangu apa
ndoda kunyamura one chete"said Ras
Fidza.
"Uri kutaura matwins api iwe" ndakabvunza.
"Diva haaa mutoriro uri kukuwadza umwe wangu saka hausi kuona vasikana ava
vakafanana ndosaka ndavati
matwins" said Ras Fidza.
"What !! havasi matwins aya asi ehe
vakafanana"ndakadaro ameno sei
ndaisambozviona makore aya.
Ndaida kubvunza mai vangu nyaya
iyi.Daisy haana kana kundimhoresa
akangonditarisa.Lisa akatora mwana muruoko rwangu iko kakabva katanga kuchema.
"Tashia kabenzi aka kakamboita sei
kamwana aka kukundwa naTashley
asinganetsi" said Noku.Ndipo pandakaziva
mazita evana vangu ndakamafarira
hangu.
Ras Fidza ndakaona vakatarisa Daisy
nerimwe ziso so.Ndakaramba
ndakanyarara asi zvakandibhowa andide
adanane nehanzvadzi yangu
angatodanana naNoku uyu.Zvemakey
ndakazvisiya ndikati Ras Fidza asare
pano ndimbomhanya paden.Ndakafamba kuenda kumba smile ichisvika kugotsi
ndava baba sekuseka
sekutamba.Ndakasvika ndikashamisika
kuona mota imwe yakanaka ndakashaya
kuti ndeyani.Ndakapinda mumba
ndikaona hezvo Lean akarara
pamakumbo aHakim vachitaura
nyaya.Ndakapererwa kuti vanhu ava
vakauya rini sei vasina kundiudza.
"Davie ndiwe zvako" said Hakim.
"Yaaa ndini long time ko sei musina
kutaura kuti muri kuuya"ndakabvunza.
"Ndataura zvozodiii handisi kufara nekuda
kwehunhu hwako namama muri kufurirana zvisina basa"said Hakim.
"Zvisina basa zvipi kana iri nyaya yaLisa
don't blame me ,mama naDaisy ndivo
vakati ihure anozviwanza saka paakati
ane nhumbu handina kuzvitambira ini
ndakaudzwa kuti anodanana
naVhunai"ndakadaro.
"Wakapusa Diva wanzwa ungabvuma
zvotaura mama kuti hauvazive here
vanomboita kunga vasina kukwana how
many times vachiti siyana naLean nekuti
haazvare vakanyepa futi kuti Lean
akabvisa chibereko ndikasiyana nazvo
ndiwe wakapusa wakatadza kumira neumwe wako"
"hakim nestate ina mama kuti ndirambe
zvavanotaura BP inokwira ngatingoita
zvavari kuda zvacho"
"Ita wega ini mkadzi wangu andife
ndakamusiya andisi benzi ini, ehe hongu
mama vakandizvara asi havana right
yekundiudzira zvekuita nelife yangu"said Hakim.
"Ko bamunini Diva foni iya iripi"
akabvunza Lean.Lean anga achinja atsvukira munhu anga akasviba shuwa
Joza inochinja munhu.
Hana yangu yakarova pakabvunzwa
zvefoni.Ndakaona Hakim akuti ndikuda
kuonawo.Ndakamuti ndaisiya kumba
vakangoti okay asi Hakim akati ari kuda
kuiona.
"Diva tell me Lisa unomuda here or
aumude"
"Ummm handimude asi vana vangu ndovada ndoda kuvatora" ndakadaro
ndakataura zvakauya mupfungwa dzangu
panguva iyi ndaiva mulevel rangu ndega.
"Unopenga mupfana apana mwana wauri
kuzotora wakaramba vana ivavo ichiri
nhumbu muchiita hutsinye kune nherera
iyi muri 2 namama asi chandinoziva
Mwari vari kuona Lisa
muchamupfugamira chete muchaona
henyu" akadaro Hakim akabva abuda
nemkadzi wake.Ndakashaya kuti mama
vanga vaendepi.ZvaHakim zvekuti vana
hausi kuzovatora ndezvekupenga ndoita
zvandoda nevana vangu.Ko ndini ndakati
asaita vana here ndakaona akurwadziwa
neni kuti ndane vana iye asina.Ndakabuda ndikaenda kwandasiya
Ras ndikasvika akarara mucombi.Doro
riya ranga razomubata.
"Lisa wakaudza mkoma vangu kuti chiii
sei uchifarisa ndakakushungurudza
papi"ndakabvunza ndanga ndisina
mufaro.
"Diva usada kubhowa sis wangu wanzwa
pawavakatambudza pakakwana
ukaramba uchiita tunharo utwu ini
ndokutema namatombo aya"said Noku
achinhonga dombo.
"Noku pane dzimwe nyaya dzausingafani
kupindira apa ndiri kubvunza zvakanaka
ndatadzei" ndakadaro
ndakakatarisa.Ndakaramba ndakakayeva
mumaziso chaimo ndikaona apana
musiyano naDaisy.Daisy anga ari
mutsvuku chete.
"Usanditarisa satan asi ukuda
kundipfimba kani manje ini andife
ndakadanana newe ndopika namai vangu
vari pachuru nxaaa"said Noku.Mwana
uyu ane bag redzungu rorema
50KG.Ndakaona Daisy ava kuseka
ndoshaya kuti chii chosetsa apa vanenge
vari kufembedza bute vana ava.Ndakaenda mucombi ndikaimutsa
ndikaenda kunopaka kumagirosa
ndaisada kuenda ndisina kuona mai vangu.Takambogara ikoko ndaida
kamusikana kekumbovharira ndainzwa
kuda. Asi nyaya yenhengo yangu
yairamba kumuka ndizvo
zvaindirwadza.Ko chii chakaitika
pandiri.Ras Fidza akamuka akati ari kuda
matwins aya ese ndikamuti unopfimba
Noku.
"Haaa kaya kane dzungu ndokagona
here"
"Ehe ane dzungu iwe kakaita dzungu dzikama ndomavirgin ayo kadambure
dzungu riite shoma" ndakadaro.
"Saka ndotaura nako sei manje"
"Usatya ndoita link naDaisy zvofamba"
ndakadaro.
Ndakamona chamba tikachirova zvedu tiri
mucombi.Pasina time ndakabva ndaona
Fadzie aifamba
kumagirosa.Ndakamudaidza akafara
kundiona akauya kugara mucombi medu.
"Ko tell me Lisa anombodanana nani
muno"ndakabvunza ndaida kuziva
ndizowana zvekutaura kuna Hakim anoti
mama vanonyepa.
"Lisa ihure iwe vanhu vacho vanopera
here aitodanana nebrother yako Dean
vana vaanavo ndeva Dean, imbavha futi
akaba futi mari kumba kwedu auya kuita
maricho"said Fadzie.
"What" ndakadaidzira zvekushamiswa.
"Diva vaya vana vako inga paya wakati Lisa ndiwe wakamuvhura saka problem iri
papi tumahure utwu turi kukuda ausi
kuzviona kuda kuti uvenge Lisa
ndakadhakwa hangu asi terera mashoko
angu ida vana vako"said Ras
Fidza.Akabva ambomira achisvuta fodya
yake akaenderera mberi.
"Ini Diva handisi kurwadziwa newe
usaterera gosip iri Lisa ndanyatsa
kumutarisa nguva yandasara naye paya
andina hangu kutaura naye mwana uya
ari bhoo akanaka anoda kuchengetwa
zviri bhoo chimusikana bho"said
Fidza.
Mashoko aFidza akabaya pamoyo
pangu chaipo.Ndakafunga madays
andakadanana naLisa ndikafunga chakaita tiparadzane.Mai vangu ndivo
vaisamuda apa ndakaita kufadza mai
vangu nekuseva utano hwavo.
"Fadzie ini ukada kundiudza zvekunyepa
ndinokumamisa wanzwa here tanga
wagona kugeza nxaaa" ndakadaro
ndaona kuti ainyepa.Mashoko aRas Fidza
aiva nekachokwadi mukati.
"F*ck you Diva zimuroyi" akadaro
achidzika mucombi.
"Futseki mazamu akadonha kunga drip
rapera mvura" ndakadaro.
"Vanhu vekwaMatemba tinokuzivai
makaromba makaurayisa gogo venyu kuti
muite mari futseki mwana wemuroyi"said
Fadzie achifamba.
Ndakanzwa hasha
ndakadzika ndikamupa mambama ari
strong.Ndakamubata ndikamukanda
mucombi ndaida
kumugadzirisa.Ndakamutsa mota
ndikananga naye kumba kwavo
ndikasvika mai vake varipo.
"Mai imi batai mwana wenyu uyu anofira
mumaoko angu angati mai vangu muroyi
pakudiii"
"Fadzie how many times ndichiti nyarara
hee" said mai vake.
Ndakamusiya akutukwa namai vake
ndikaenda kumba ndikasvika vasiko.Lean
akati mama vari Harare vari kudzoka
zvavo soon.Ndakaona kuti apana
chekugarira apa. Ndakaenda kunoona
vana vangu ndakasvika vakabatwa
naNoku naDaisy ameno Lisa anga
aendepi.Ras akabva asvika akatanga
kutaura tunyambo twake ndakabva
ndaziva kuti iskiri rekuda kukwezva Noku
"Haaa blaz ava vane nyambo
dzinonakidza ndaseka zvangu"said
Daisy.
Ndakatora Daisy tikaenda paside
ndaitira kuti Ras awane kutaura
naNoku.Ndakaona Noku aifa nekuseka
ndikaziva kuti Ras vane machances
ekupinda mahombe.
"Haaa ndazobata maths dzenyu manje
wandibvisa pana Noku kuti rasta avo
vanyenge Noku manje akuna izvozvo
ndozvidira jecha"said Daisy achidzoka
kuna Noku.Ameno zvakauuda Noku
munzveve ndakaona Noku auya kwandiri
akafutisa matama.
"Satan ndagara ndazviona kuti mune
yamuri kuronga manje ini amundigoni
manzwa iwe Rasta usafunga kuseka
nyambo dzako kukuda no
takatomboramba madoctors chaivo
kwozoti iwewe hako unoshamisira
nei" akadaro Noku.Uyu aiva nedzungu
pasina nguva Lisa akabva auya
akamonera zambia aibva kunogeza.
"Madoctors apinda papi ndiwo ane rudo
chete here Noku wangofungira
zvisizvo"said Ras achienda kumota nekuti
Lisa atora Noku akapinda naye
mumba, Daisy akatevera vakabva vavhara
door ravo.
Kwakasvika pakusviba ndikaudza Ras
aende ndaimboda nguva yekuona vana
vangu.Ndakamutipa kuti uzoudza
mudhara Shuroyaonda kuti Diva akaenda
kurufu.Ras haana kuita nharo akati
achauya achisofta Noku.Noku naDaisy
vakaenda kumba ndikasara ndakagara
pamba paLisa anga akavesa moto
panze.Akabika chikafu chake akadya
kana kumbondipawo zvake.Ndakaenda
paseri pemba ndikabatidza chamba
changu ndikatanga kurova.
"Yoooo saka pamba pangu ndipo
panobhemerwa here nhai iwe"said Lisa
"Lisa imbodzikama kani,nhasi ndiri kurara
pano vana vangu ndovada ava apa
wakandigonera"ndakadaro.
"Hezvoo Diva usafunga kukunyararira
ndikukuda pano aiwa ndakakuvenga
andifunge ndikakuregerera mai vako vane
zvavakaita nezvekufa kwamai vangu
iwewe wakakanganisa future yangu
wakaita hako asi ziva rimwe zuva Mwari
vac......"
"Mai 2 mira ndipedze chamba changu tigotaura"
"Anditaure nemunhu akarohwa nechamba
andikude pavana vangu wabva kubata
chamba chako ichi"akadaro akabva
aenda.
Ndakasara ndichipedzisa zvangu
ndikaenda kwaari asi ndakatukwa
nekurohwa.Hasha ndanga ndinadzo asi
andina kumudzorera akaramba kuti
ndirare pamba pake.Ndakaenda kumba
ndikasvika vanhu vachidya.
Hakim akaisa plate pasi akauya kundipa
chibhakera mudumbu ndikadonha
pasi.Ndakarwadziwa zvisingaite
ndakashaya kuti ndaparei.Lean ndiye
akauya kubata murume wake.Kana simba
rekudzorera ndakarishaya nekuda
kwemarwadzo.
"Diva sei uchida kusvibisa zita redu
vanhu vese vakuti vana vekwaMatemba
havaite vakashata moyo, ndanzwa futi
kuti wauya neshamwari yako kuda
kumusoftira Noku why why vakakutadzirei
ana Noku naLisa tell me"said
Hakim. Ndakaziva kuti Daisy ndiye auya
kutaura.Ndaisaziva kuti Daisy anewo
dzungu kuita kunga Noku.
"Andina problem naNoku ini Ras angoti
ari kuda Noku ndikamuti pfimba saka
ndatadzei iwewe Daisy usafarisa ndiwe
wakaparadza rudo rwangu naLisa mese namama muchinyepa kuti ihure
ndakamirira kudzoka kwamama ndoda
mundiudze chihure chaita Lisa ne
evidence yacho ukatadza kuibudisa uri
kufira mumaoko angu aya I hate you
handifunge tiri vana vababa one iwewe
face yako haisi yepano ndazviona nxaaa
kushata atina vanhu vakashata
kwaMatemba uri wekwaPotse chete
iwewe"ndakadaro ndichirwadziwa.Daisy
ndiye aiva number 1 mazuva acho heee
Lisa haite apedza oti aitamba.
Daisy akadonhedza plate yesadza
akatanga kuchema zvakanzwisa tsitsi ini
andina kumbomunzwira tsitsi.Lean ndiye akamunyaradza pamwe chete naHakim.
"Ini haisi mhosva yangu kuti ndifanane nanaNoku kana ndisiri wepano ndobva
hangu mosara henyu pamba penyu ini
regai ndibude mufare ndiri mwanawo
zvakaitika andingazvizive ndagara
ndazviona andichadiwe pano mama
vanga vakundiita rough pano anondida
ndimkoma Dean chete"said Daisy
achichema akabva amiswa naHakim.
"Daisy usachema usatevedza zvaDiva
akavhiringwa nembanje dzake you are my
lil sis usatya mangwana toenda kutown
ndokutengera zvauri kuda"said Hakim achipukuta misodzi yaDaisy.
"Kufa kuri nani mkoma vanhu vanhu
vanoti ndiri mwana wekuhuriwa
zvondibata bata izvozvi mkoma Diva
vakundipa mhosva yandisina" akadaro
Daisy akuchema.Ndakavasiya vachitaura
vese ini Daisy ndanga ndatomuvenga ane
dzungu rosvota.
Ndakabva ndaenda mukitchen ndikaona
chikafu chisimo.Panga pangori nechingwa
nedrink mufridge muine mapolony
ndakazvirova ndikabva ndaenda
kunorara.Mangwana ndakamuka
ndichinzwa kuti Daisy akanwa mushonga
aka.....
_Akadiii Daisy_
_ko Diva akuda Lisa here or ichamba chiri
kumashandisa_
Drop your comments please
*Watch out for chapter 36*
❤️
👍
😢
🙏
😂
😮
2.7K