King Lee Novels
February 24, 2025 at 10:17 AM
*SHADOWS OF MY HEART* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V _Written by King Lee_ ~Lee Marzy~ +26377⁸⁶³⁴221 *CHAPTER 35* *DAVIE* Ndini ndanga ndakudriver sezvo Ras anga apera nedoro arara zvake.Ndakafunga kutanga kusvika pamba paLisa. Ndakapfuura nepamba pedu ndikasvika Lisa achitonwa zvake drink akagara panze twana twake twake twarara paside naye.Akaramba akagara ini ndakadzika ndikaenda paanga akagara.Ndisati ndataura ndakatarisa vana.Ndanga ndisina kunyanya kudhakwa zvangu.Ndakaramba ndakatarisa vana ava ndikaona one wacho akafanana mai vangu umwe wacho akafanana neni hazvibvunzwe.Kamwe kacho kakabva kamuka kakatanga kuchema ndakuda kukasimudza Lisa akandirambidza. "Usabate vana vangu please"said Lisa. "Vana vako wega here Lisa saka paya waiva serious pawaiti une nhumbu yangu ndakuzviona manje" ndakadaro ndichinyemwerera. "Ko ati vana vako ndiani Diva inga wakati inhumbu yaVhunai saka siyana neni"said Lisa. Ras Fidza akabva aburuka zvake akauya pataive. "Ko wapihwa here makey emota yacho tiende"said Ras Fidza. "Ndanga ndakanganwa Lisa ndipewo kamakeys emota yangu" "Ndini ndakamatora here enda unopihwa nemunhu akamatora" said Lisa. "Aaaah iwe vana vaani ava Diva havasi vana vako here sei vakafanana newe" akabvunza Fidza. "Vana vangu ava ndakuzviona izvozvi ,asi why Lisa usina kundiudzawo kuti wakazvara vana vakafanana neni eish nhasi ndafara andidi kunyepa apa wandifadza"ndakadaro. Kutaura chokwadi ndakafara ndaisambofungira kuti dumbu raLisa ranga rakatakura vana vangu.Ndakashaya kuti ndomutenda nei Lisa zuva iri.Ndakaona kamusikana kanga kakafanana namai vangu kakaramba kachichema.Lisa akaedza kukanyaradza kakaramba kunyarara.Lisa anga apusa manje ini ndanga ndakayeva vana vangu.Ndakabata kamusikana kaya kakabva kanyarara kakatanga kusekerera.Lisa akabva asunga face ndakaona aisada kuti ndibate vana. Saka Bella ndiye asingazvare nhai.Pakabva pasvika Daisy naNoku ndakaona ziso raRas Fidza rakatarisa kuna Daisy naNoku ndakaziva kuti shavi rake rekuda vakadzi ratanga. "Ko matwins aya anogarepi haaa twana twakanaka utwu ndabvuma hangu apa ndoda kunyamura one chete"said Ras Fidza. "Uri kutaura matwins api iwe" ndakabvunza. "Diva haaa mutoriro uri kukuwadza umwe wangu saka hausi kuona vasikana ava vakafanana ndosaka ndavati matwins" said Ras Fidza. "What !! havasi matwins aya asi ehe vakafanana"ndakadaro ameno sei ndaisambozviona makore aya. Ndaida kubvunza mai vangu nyaya iyi.Daisy haana kana kundimhoresa akangonditarisa.Lisa akatora mwana muruoko rwangu iko kakabva katanga kuchema. "Tashia kabenzi aka kakamboita sei kamwana aka kukundwa naTashley asinganetsi" said Noku.Ndipo pandakaziva mazita evana vangu ndakamafarira hangu. Ras Fidza ndakaona vakatarisa Daisy nerimwe ziso so.Ndakaramba ndakanyarara asi zvakandibhowa andide adanane nehanzvadzi yangu angatodanana naNoku uyu.Zvemakey ndakazvisiya ndikati Ras Fidza asare pano ndimbomhanya paden.Ndakafamba kuenda kumba smile ichisvika kugotsi ndava baba sekuseka sekutamba.Ndakasvika ndikashamisika kuona mota imwe yakanaka ndakashaya kuti ndeyani.Ndakapinda mumba ndikaona hezvo Lean akarara pamakumbo aHakim vachitaura nyaya.Ndakapererwa kuti vanhu ava vakauya rini sei vasina kundiudza. "Davie ndiwe zvako" said Hakim. "Yaaa ndini long time ko sei musina kutaura kuti muri kuuya"ndakabvunza. "Ndataura zvozodiii handisi kufara nekuda kwehunhu hwako namama muri kufurirana zvisina basa"said Hakim. "Zvisina basa zvipi kana iri nyaya yaLisa don't blame me ,mama naDaisy ndivo vakati ihure anozviwanza saka paakati ane nhumbu handina kuzvitambira ini ndakaudzwa kuti anodanana naVhunai"ndakadaro. "Wakapusa Diva wanzwa ungabvuma zvotaura mama kuti hauvazive here vanomboita kunga vasina kukwana how many times vachiti siyana naLean nekuti haazvare vakanyepa futi kuti Lean akabvisa chibereko ndikasiyana nazvo ndiwe wakapusa wakatadza kumira neumwe wako" "hakim nestate ina mama kuti ndirambe zvavanotaura BP inokwira ngatingoita zvavari kuda zvacho" "Ita wega ini mkadzi wangu andife ndakamusiya andisi benzi ini, ehe hongu mama vakandizvara asi havana right yekundiudzira zvekuita nelife yangu"said Hakim. "Ko bamunini Diva foni iya iripi" akabvunza Lean.Lean anga achinja atsvukira munhu anga akasviba shuwa Joza inochinja munhu. Hana yangu yakarova pakabvunzwa zvefoni.Ndakaona Hakim akuti ndikuda kuonawo.Ndakamuti ndaisiya kumba vakangoti okay asi Hakim akati ari kuda kuiona. "Diva tell me Lisa unomuda here or aumude" "Ummm handimude asi vana vangu ndovada ndoda kuvatora" ndakadaro ndakataura zvakauya mupfungwa dzangu panguva iyi ndaiva mulevel rangu ndega. "Unopenga mupfana apana mwana wauri kuzotora wakaramba vana ivavo ichiri nhumbu muchiita hutsinye kune nherera iyi muri 2 namama asi chandinoziva Mwari vari kuona Lisa muchamupfugamira chete muchaona henyu" akadaro Hakim akabva abuda nemkadzi wake.Ndakashaya kuti mama vanga vaendepi.ZvaHakim zvekuti vana hausi kuzovatora ndezvekupenga ndoita zvandoda nevana vangu.Ko ndini ndakati asaita vana here ndakaona akurwadziwa neni kuti ndane vana iye asina.Ndakabuda ndikaenda kwandasiya Ras ndikasvika akarara mucombi.Doro riya ranga razomubata. "Lisa wakaudza mkoma vangu kuti chiii sei uchifarisa ndakakushungurudza papi"ndakabvunza ndanga ndisina mufaro. "Diva usada kubhowa sis wangu wanzwa pawavakatambudza pakakwana ukaramba uchiita tunharo utwu ini ndokutema namatombo aya"said Noku achinhonga dombo. "Noku pane dzimwe nyaya dzausingafani kupindira apa ndiri kubvunza zvakanaka ndatadzei" ndakadaro ndakakatarisa.Ndakaramba ndakakayeva mumaziso chaimo ndikaona apana musiyano naDaisy.Daisy anga ari mutsvuku chete. "Usanditarisa satan asi ukuda kundipfimba kani manje ini andife ndakadanana newe ndopika namai vangu vari pachuru nxaaa"said Noku.Mwana uyu ane bag redzungu rorema 50KG.Ndakaona Daisy ava kuseka ndoshaya kuti chii chosetsa apa vanenge vari kufembedza bute vana ava.Ndakaenda mucombi ndikaimutsa ndikaenda kunopaka kumagirosa ndaisada kuenda ndisina kuona mai vangu.Takambogara ikoko ndaida kamusikana kekumbovharira ndainzwa kuda. Asi nyaya yenhengo yangu yairamba kumuka ndizvo zvaindirwadza.Ko chii chakaitika pandiri.Ras Fidza akamuka akati ari kuda matwins aya ese ndikamuti unopfimba Noku. "Haaa kaya kane dzungu ndokagona here" "Ehe ane dzungu iwe kakaita dzungu dzikama ndomavirgin ayo kadambure dzungu riite shoma" ndakadaro. "Saka ndotaura nako sei manje" "Usatya ndoita link naDaisy zvofamba" ndakadaro. Ndakamona chamba tikachirova zvedu tiri mucombi.Pasina time ndakabva ndaona Fadzie aifamba kumagirosa.Ndakamudaidza akafara kundiona akauya kugara mucombi medu. "Ko tell me Lisa anombodanana nani muno"ndakabvunza ndaida kuziva ndizowana zvekutaura kuna Hakim anoti mama vanonyepa. "Lisa ihure iwe vanhu vacho vanopera here aitodanana nebrother yako Dean vana vaanavo ndeva Dean, imbavha futi akaba futi mari kumba kwedu auya kuita maricho"said Fadzie. "What" ndakadaidzira zvekushamiswa. "Diva vaya vana vako inga paya wakati Lisa ndiwe wakamuvhura saka problem iri papi tumahure utwu turi kukuda ausi kuzviona kuda kuti uvenge Lisa ndakadhakwa hangu asi terera mashoko angu ida vana vako"said Ras Fidza.Akabva ambomira achisvuta fodya yake akaenderera mberi. "Ini Diva handisi kurwadziwa newe usaterera gosip iri Lisa ndanyatsa kumutarisa nguva yandasara naye paya andina hangu kutaura naye mwana uya ari bhoo akanaka anoda kuchengetwa zviri bhoo chimusikana bho"said Fidza. Mashoko aFidza akabaya pamoyo pangu chaipo.Ndakafunga madays andakadanana naLisa ndikafunga chakaita tiparadzane.Mai vangu ndivo vaisamuda apa ndakaita kufadza mai vangu nekuseva utano hwavo. "Fadzie ini ukada kundiudza zvekunyepa ndinokumamisa wanzwa here tanga wagona kugeza nxaaa" ndakadaro ndaona kuti ainyepa.Mashoko aRas Fidza aiva nekachokwadi mukati. "F*ck you Diva zimuroyi" akadaro achidzika mucombi. "Futseki mazamu akadonha kunga drip rapera mvura" ndakadaro. "Vanhu vekwaMatemba tinokuzivai makaromba makaurayisa gogo venyu kuti muite mari futseki mwana wemuroyi"said Fadzie achifamba. Ndakanzwa hasha ndakadzika ndikamupa mambama ari strong.Ndakamubata ndikamukanda mucombi ndaida kumugadzirisa.Ndakamutsa mota ndikananga naye kumba kwavo ndikasvika mai vake varipo. "Mai imi batai mwana wenyu uyu anofira mumaoko angu angati mai vangu muroyi pakudiii" "Fadzie how many times ndichiti nyarara hee" said mai vake. Ndakamusiya akutukwa namai vake ndikaenda kumba ndikasvika vasiko.Lean akati mama vari Harare vari kudzoka zvavo soon.Ndakaona kuti apana chekugarira apa. Ndakaenda kunoona vana vangu ndakasvika vakabatwa naNoku naDaisy ameno Lisa anga aendepi.Ras akabva asvika akatanga kutaura tunyambo twake ndakabva ndaziva kuti iskiri rekuda kukwezva Noku "Haaa blaz ava vane nyambo dzinonakidza ndaseka zvangu"said Daisy. Ndakatora Daisy tikaenda paside ndaitira kuti Ras awane kutaura naNoku.Ndakaona Noku aifa nekuseka ndikaziva kuti Ras vane machances ekupinda mahombe. "Haaa ndazobata maths dzenyu manje wandibvisa pana Noku kuti rasta avo vanyenge Noku manje akuna izvozvo ndozvidira jecha"said Daisy achidzoka kuna Noku.Ameno zvakauuda Noku munzveve ndakaona Noku auya kwandiri akafutisa matama. "Satan ndagara ndazviona kuti mune yamuri kuronga manje ini amundigoni manzwa iwe Rasta usafunga kuseka nyambo dzako kukuda no takatomboramba madoctors chaivo kwozoti iwewe hako unoshamisira nei" akadaro Noku.Uyu aiva nedzungu pasina nguva Lisa akabva auya akamonera zambia aibva kunogeza. "Madoctors apinda papi ndiwo ane rudo chete here Noku wangofungira zvisizvo"said Ras achienda kumota nekuti Lisa atora Noku akapinda naye mumba, Daisy akatevera vakabva vavhara door ravo. Kwakasvika pakusviba ndikaudza Ras aende ndaimboda nguva yekuona vana vangu.Ndakamutipa kuti uzoudza mudhara Shuroyaonda kuti Diva akaenda kurufu.Ras haana kuita nharo akati achauya achisofta Noku.Noku naDaisy vakaenda kumba ndikasara ndakagara pamba paLisa anga akavesa moto panze.Akabika chikafu chake akadya kana kumbondipawo zvake.Ndakaenda paseri pemba ndikabatidza chamba changu ndikatanga kurova. "Yoooo saka pamba pangu ndipo panobhemerwa here nhai iwe"said Lisa "Lisa imbodzikama kani,nhasi ndiri kurara pano vana vangu ndovada ava apa wakandigonera"ndakadaro. "Hezvoo Diva usafunga kukunyararira ndikukuda pano aiwa ndakakuvenga andifunge ndikakuregerera mai vako vane zvavakaita nezvekufa kwamai vangu iwewe wakakanganisa future yangu wakaita hako asi ziva rimwe zuva Mwari vac......" "Mai 2 mira ndipedze chamba changu tigotaura" "Anditaure nemunhu akarohwa nechamba andikude pavana vangu wabva kubata chamba chako ichi"akadaro akabva aenda. Ndakasara ndichipedzisa zvangu ndikaenda kwaari asi ndakatukwa nekurohwa.Hasha ndanga ndinadzo asi andina kumudzorera akaramba kuti ndirare pamba pake.Ndakaenda kumba ndikasvika vanhu vachidya. Hakim akaisa plate pasi akauya kundipa chibhakera mudumbu ndikadonha pasi.Ndakarwadziwa zvisingaite ndakashaya kuti ndaparei.Lean ndiye akauya kubata murume wake.Kana simba rekudzorera ndakarishaya nekuda kwemarwadzo. "Diva sei uchida kusvibisa zita redu vanhu vese vakuti vana vekwaMatemba havaite vakashata moyo, ndanzwa futi kuti wauya neshamwari yako kuda kumusoftira Noku why why vakakutadzirei ana Noku naLisa tell me"said Hakim. Ndakaziva kuti Daisy ndiye auya kutaura.Ndaisaziva kuti Daisy anewo dzungu kuita kunga Noku. "Andina problem naNoku ini Ras angoti ari kuda Noku ndikamuti pfimba saka ndatadzei iwewe Daisy usafarisa ndiwe wakaparadza rudo rwangu naLisa mese namama muchinyepa kuti ihure ndakamirira kudzoka kwamama ndoda mundiudze chihure chaita Lisa ne evidence yacho ukatadza kuibudisa uri kufira mumaoko angu aya I hate you handifunge tiri vana vababa one iwewe face yako haisi yepano ndazviona nxaaa kushata atina vanhu vakashata kwaMatemba uri wekwaPotse chete iwewe"ndakadaro ndichirwadziwa.Daisy ndiye aiva number 1 mazuva acho heee Lisa haite apedza oti aitamba. Daisy akadonhedza plate yesadza akatanga kuchema zvakanzwisa tsitsi ini andina kumbomunzwira tsitsi.Lean ndiye akamunyaradza pamwe chete naHakim. "Ini haisi mhosva yangu kuti ndifanane nanaNoku kana ndisiri wepano ndobva hangu mosara henyu pamba penyu ini regai ndibude mufare ndiri mwanawo zvakaitika andingazvizive ndagara ndazviona andichadiwe pano mama vanga vakundiita rough pano anondida ndimkoma Dean chete"said Daisy achichema akabva amiswa naHakim. "Daisy usachema usatevedza zvaDiva akavhiringwa nembanje dzake you are my lil sis usatya mangwana toenda kutown ndokutengera zvauri kuda"said Hakim achipukuta misodzi yaDaisy. "Kufa kuri nani mkoma vanhu vanhu vanoti ndiri mwana wekuhuriwa zvondibata bata izvozvi mkoma Diva vakundipa mhosva yandisina" akadaro Daisy akuchema.Ndakavasiya vachitaura vese ini Daisy ndanga ndatomuvenga ane dzungu rosvota. Ndakabva ndaenda mukitchen ndikaona chikafu chisimo.Panga pangori nechingwa nedrink mufridge muine mapolony ndakazvirova ndikabva ndaenda kunorara.Mangwana ndakamuka ndichinzwa kuti Daisy akanwa mushonga aka..... _Akadiii Daisy_ _ko Diva akuda Lisa here or ichamba chiri kumashandisa_ Drop your comments please *Watch out for chapter 36*
❤️ 👍 😢 🙏 😂 😮 2.7K

Comments