King Lee Novels
February 24, 2025 at 06:55 PM
*SHADOWS OF MY HEART*
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
*CHAPTER 36*
*HAKIM*
Patakamuka takambogara tikaona Daisy
asipo.Lean ndiye akazobvunza kuti tete varipi vandisina kumbobvira
ndaona.Ndakafunga kuti pamwe amukira
kwaLisa sezvo ariye waifarira.Lean ndiye
akati hana yangu iri kurova pane zvaitika kuna tete chete.Diva anga achakarara
zvake, Dean anga abuda hanzi ndikunotaimira kamusikana kangu.Daisy
airara namama but mama pavakaenda vakasiya vakiya bedroom ravo.Anga akurara murimwe room rairamba achiti
anotya kurara ega.Ndakasimuka kunovhura door kwakuona munhu akarara pasi pafloor.Ndakamubata ndikanzwa muviri wake waidziya.Lean
anga akutoridza mhere ndipo panobhowerawo vakadzi ipapo.Ini zvakandirwadza kuti why hanzvadzi
yangu yanwa
mushonga.Ndakamusimudza
ndikanomuisa mumota mangu
ndakuvhura gate ndipo pakasvika Noku achimhanya anga asina bhutsu.
"Where is Daisy ndikuda kumuona"said
Noku.
"Kwakanaka here Noku" ndakabvunza.
"Aaah maiguru Lean vakuchema asi twin
wangu afa kani nezuro ndakarota hope dzakashata aita kunga aimhanyiswa
nenyoka hombe akasvika pakudonha
nyoka iya yakuda kumuruma ndipo
pandapepuka" said Noku.Hope dzaNoku
ndakaziva zvadzinoreva dzaiva pachena
handina kukwanisa kumuudza state
yanga ina Daisy asi akangoona ega
zviripo.Akati andisari ndoendawo naye
kuchipatara.Handina kuda
kumurambidza. Lean ndiye wandakati
asare azviite pamba pasare pasina
munhu Diva tingati munhu here
pangasara pakaitwa zvimwe zvinhu.Apa
ndakarova mota ndakananga kuclinic
zvikanzi mhanyai naye kuchipatara
chihombe mutown.Ndakarova mota
tikasvika ndikamuisa mumaoko
emanurse.Akaendeswa kune imwe room Noku aingotevera akazobatwa kuti
asapinda.Noku ainyanya kurwadziwa
ndakashaya kuti bond raNoku naDaisy
ranga riri papi.Kuti havasi vana vababa
umwe ivava.
"Mkoma Hakim tell me chii chakaitika
kuna Daisy"
"Akanwa mushonga ndofunga aunwa
mukuseni chete"
"Ko chii chakaita anwe mushonga nekuti
inini Daisy zvomunetsa anosindiudza"said Noku.
"Ipapo handizive ngatinamatire apone
ndiye achakwanisa kutiudza kuti sei
akadaro" ndakadaro.
"Ko nezuro apana wakanetsana naye
here"
"Ooh vakambonetsana naDiva "
"Shit uyo muroyi ndoda kupedzerana
naye chete" said Noku akabata shaya
akagara patumabench twuya.
Apa anga
asina nebhutsu chiona dress rainga
rakapfekwa hombe kwaari aisambokendenga zvake.Ndakafonera
mai vangu ndikavaudza mamiriro akaita
zvinhu.Zvakavashamisa ndakanzwa vati
ndiri kusvika kuchipatara ikoko manje
manje.
Doctor vakazobuda vakataura
zvakawanda ndanga ndichambozviterera
here chandaingoda kunzwa kuti mupenyu
here mwana wamai vangu.Vakati
mupenyu makurumidza kuuya naye vakati
vachaedza nepavanogona.
"Ko ndingakwanisawo kumuona here
doctor" said Noku.
"Okay no problem"
Takapinda muroom yaanga ari tikaona
anga akarara zvake.Ndakaramba
ndakamutarisa ndikaona ndiMai Lisa
chaivo nehutsvuku hwacho.Mibvunzo
yakatanga kundinetsa mumusoro mangu
kuti how come Daisy afanane naNoku
namai Lisa.Nekuti ndaimbofunga kuti
zvimwe mama vangu vakahura
naPotse. Noku anga amira pabed akabata
ruoko rwaDaisy.
"Daisy my twin my mom muka kani hiiii
uda ndisare nani inga wani sis vangu
vanokuda why wanwa mushonga"said
Noku.
"Noku asi muri matwins kani tell me the truth" ndakabvunza ndakaona kunga Noku
aiziva.
"No asi vanhu vanoti tiri matwins,ini
ndomuti twin or mom nekuti akafanana
namai vangu zvisingaite ndosaka
ndichimufarira ndiye ega shamwari
yangu" said Noku.
Kwakasvika pakusviba tiri pachipatara
mama vakabva vasvika vachiona mwana
wavo ndakaona vakarwadziwa
zvisingaite.
"Ko iwewe uri kudei pano"asker Mama
vachireva Noku.
"Mai Matemba musada kundijairira ndimi
mumwe anoshungurudza Daisy
kakawanda achikubvunzai kuti sei
akafanana neni namai vangu imi
momutuka haaa nxaaa"said Noku.
Akabva
anzi twaaa mbama ndikavabata mai
vangu ndakaona kuti vanga vane
dambudziko hombe.Pamba pedu
paitomboda kudanwa prophet
anonamatira nekuti hey zvakuitika zvacho
zvoda Mwari.
"Ndiwe wapandutsa mwana wangu iwewe
how many times ndichikuti andidi kukuona
unaye heee ucharoya kutodza mai vako
iwewe" said Mama.
"Mama behave semunhu akura
musapedzera hasha pamwana anozivei
,pamakanetsana namai vake anga aripo
here musada kutibhowa mukadzi mukuru
kutiza pamba kuita here ikoko izvozvi
mwana akuda kufa nekuda kwezimwana
renyu Diva"ndakadaro.
"Ndichibva pano ndikuenda kumapurisa
kunotaura kuti imi namai Natty makauraya
mai vangu"akadaro Noku.
Ndakatora mai vangu ndikabuda navo
ndikambosiya Noku ari muward muna
Daisy.Mama ndakambotaura navo
ndichivatsiura vanga vava ziii. Pakuenda
kumba Noku akaramba hanzi ndosara
ndakasiya ndamutengera
chikafu.Manurse aiva paduty vakati
matwins ndizvo zvari last week apa kune
vakazviita futi zvikuitwa nauyu but zviri
bhoo. Takaenda kumba kumusha chaiko
kungoti panga pari pedyo
nepadhorobha.Takasvika Lean akagara
pavaranda ega paakandiona akamhanya
akandimbundira ndikapihwa kiss ipapo.Kanga kandisuwa kamukadzi kangu.Diva anga asipo ameno anga
aendepi.Dean aigona kusvika kana pakati
pehusiku ndaishaya kuti
anomboswerepi.Lean akamhoresa mama
vakadaira zvakanaka.Chikafu
chakaunzwa tikadya ndipo pakabva
pasvika Dean achinyemwerera
zvake.Papera chinguva Diva akasvika
akaita kupera nedoro.
"Kafa here kahure kaya ngakafe Daisy
handimude pano handina hanzvadzi
yakadaro uya mwana waPotse chete"said
Diva takaramba takanyarara ndikaona
mama vatarisa pasi.
"Kakauya pano ndikukamhanyisa mama tell me vana va Lisa ndevani"said Diva.
"Iwe handisi mwana wako pamba pangu
hapanwiwe doro ngazvipere nhasi izvo go
and ask Lisa kuti vana vaani"said mama.
"Makafuratidza moyo wangu kuna Lisa
why, Lisa ndaimuda asi imi nakaDaisy
kenyu makandinyepera mukafuratidza
moyo wangu why why tell me ndakunzi
ndakaipa inini" akadaro Diva.
"Iwewe kwako kuri kupusa here kuterera
zvotaurwa namama ava wakatadza
kumira naLisa nguva yaikuda manje kumuwina kuchanetsa andidi
kukunyepera unoona kunga Lisa akapusa
ka manje haana kupusa" said Dean.
Mama vakabva vasimuka vakaenda
kuroom kwavo kunorara.Ndakatora
mudiwa wangu tikaenda kwedu kunorara
ndaida kumukira makuseni kunoona
Daisy.
"Daddy masiya vari sei tete vangu"said
Lean akaisa musoro pachest pangu.
"Havasati vamuka bbe ngatizviise mumaoko aMwari"
"Vanopora nezita raJesu,ummm daddy i
miss you"said Lean ndakaziva hangu
zvaida.Takaita nyaya dzacho tikabva
tarara.Makuseni Lean akaita basa rese
achibva ageza tikabva taenda tese
kunoona daisy mama ndakasiya
vakarara.Takasvika ndikaona Noku anga
achitaura naDaisy anga amuka.Takamira
padoor ndaida kunzwa nyaya dzavo.
"Daisy mama vangu vakafa ndichiri
mudiki zvinova zvinondirwadza izvozvi
baba havana basa neni vanongoda kamwana kavo Gift"
"Noku ini ndine basa newe mai 2 naMai
natty vanokuda futi usambotya"said
Daisy.
"Ivo Mai Natty vakauraya mai vangu
handichavade"
"Maonero angu mai Natty havana
chekuita nekufa kwamai vako" said Daisy.
"Hooo kuti kudaro here,chindiudza chii
chakaita unwe mushonga"
"Noku ndine zvakawanda zvinondinetsa
pamoyo mai vangu vachinja
havachandide ndikavabvunza sei
ndakafanana newe vanondirova apa mkoma Diva vakanditi ndakashata handisi
wekwaMatemba ndakarwadziwa
ndakaona kuti apana reason yekurarama
panyika kana ndosemwa neveropa
rangu"said Daisy achibudisa
musodzi. Lean akabva apinda
ndikatevera.Mashoko aya akandibata
bata ndaifana kugadzirisa nyaya iyo
nguva ichiripo.Ndakanoona Doctor
vakandipa mushonga yake
ndikavatenda.Ndakatora Daisy tikarova
pasi kudzoka. Takasvika nguva iripo zvedu Daisy akabatirwana naLean
naNoku vakamuisa muroom make.Noku
akasara zvake akagara muroom maDaisy
vachitaura nyaya.Ndakadaidza munhu
wese wanga ari pamba apa Dean,Diva
namama tikagara mudinning Lean anga
akagara pedyo neni.
"Pano chiii chiri kumbonetsa iwewe Davie
wakazviona mashoko ako akaita mwana
anwe mushonga" ndakadaro.
"Taurai henyu mkoma ndosaka muchiona
ndisingasweri pano vanhu vane problem
ndiDiva namama"said Dean.
"Iwewe zvauri kudanana nehure iro
mwana wasabhuku Natasha
ndakambokubvunza here"said Diva.
"Ko Diva zvauri kutaura zvakwana papi
panyaya yatiri kutaura"ndakabvunza.
"Saka wafunga kudiii Hakim ndiwe baba
wepano here iwewe ndiwe munhu
asingandiudze zvekuita"said Diva.
"Davie nyarara mhani remember
ndimkoma vako ava vauri kutaura navo
uchidai" said mama.
"I know mama Hakim ndomupa respect
but iye anoda zvekundiwachisa" said Diva.
"Diva kuti uite Electrician ndiHakim kuti
ufambe nemota iyo ndiye saka why
uchimushoora foni yamakatengerwa
makapa hure renyu Bella ndinozviziva
zvese" said Dean.
"Vana vangu ndimi vanhu vasingafani
kunetsana ivai ne one love uri kuzvinzwa
here Davie"said mama.
"Mama zvamakaita zvekuenda Harare
musina kutaura zvakandibhowa why
muchidaro pamba pano hapasisina peace
hatisi unity pano nekuda kwenyu, you are
the one akafurira Diva uyu newe Diva uri
benzi hona Lisa ari kutambura nekuda
kwako akasiira chikoro panzira
wakauraya future yemwana why mama
how do you feel kunzwa kuti mwana
wenyu Daisy anzwaro" ndakadaro
"Taurai henyu mkoma hapana peace
pano Lisa anonzwisa tsitsi andizive mai
vangu sei vasina moyo wekubereka,Mai
Natty munovavenga henyu asi mkadzi
uya ndiye umwe ari kumira mira Lisa"said Dean
"Diva namama taurai tinzwe
maizvitiirei, iwewe Dean ramba une moyo
wako wakanaka usachinja Mwari
vachakurangirira Lisa akandiudza
wakamira naye hauna kuita chitsotsi
pandakatumira mari dai ari Diva uyu
yakahafurwa"ndakadaro
"Hakim ndikuda ma answers kubva kuna
mama naDaisy ndivo vakati Lisa anohura
vakati nhumbu haisi yangu maida ndiite
sei ivo vakatoti ukaramba uchidanana
naLisa ndofa neBP" said Diva.Mama vanga vari zii zvavo vakanditarisa zvavo.
"Mira ndimbokubvunza pawakarara
naLisa wakawana akazara
here"ndakabvunza.
"Ehe anga akazara but hanzi aiwanza
chihure"
"Saka iwewe uri benzi wakatadza kumira
nemunhu wako wawakazvivhurira
wakatevedza mama ava havauzive
here" ndakadaro.
"Saka vana vangu muri kuti pazvese izvi
ndini ndiri wrong here" vakadaro mama.
"Mama tiri kuda kupedza pane
dambudziko plus pane imwe nyaya yenyu
namai Natty yatiri kuda kunzwa
mungakwanisa kuitaura here"
"Kana pane nyaya vanouya mangwana
votaura nyaya yacho ini maoko angu
akachena andina munhu
wandakauraya"said mama.
"Ko Daisy sei akafanana naMai Lisa" ndakabvunza.
"Inhodzerwa idzo"vakadaro mama.
Vakabva vati vari kudzoka vakabva
vabuda nemota yavo.Ndakaona vadzoka
vakabata kabag maiita kunga mune
chinhu chirimo.Atina kuda kuvabvunza
ndakaramba ndakanyarara ndanga
ndakamirira kuti Mai Natty vazouya
mangwana vataure nyaya yacho.Noku
akazobuda akaenda kumba Daisy
akavigirwa chikafu naLean akadya
zvake.Ndakaona apfugama akunamata
vakabva vanamata vese naLean.Pamba pedu ndakaona vanhu vaisakoshesa
zvekunamata izvo ndosaka satan
aitijairira.Mangwana ndakabuda
ndikaenda kumba kwaLisa ndikasvika
akagara nevana vake achichema.Moyo
wangu wakarwadza kuona achichema.
"Lisa ko uri kuchemei tell me chiii chiri
kunetsa" ndakabvunza.
"Mai Natty kani"
"Vaita sei Mai Natty vacho Lisa"
ndakabvunza.
"Hanzi vafuma vachiti musoro wavo
ukurwadza vadonha pavanga vakuenda
kunogeza vaendeswa kuchipatara ndizvo
zvakaitika futi kuna mai vangu izvi vakafa
ndosara nani ndivo vega mai vandasara
navo" akadaro Lisa.
"Eish Lisa usachema she will be okay
ngativabate paminamato please saka ini
mira ndiende kwavaendeswa"
"Toenda tese Bamukuru"
Ndakaenda kumba ndikanotora mota naLean ,ndikatora Lisa nevana vake
tikarova pasi.Tikasvika paclinic tikasvika
Naison achinyaradza Natty.Sabhuku
vanga vakagara zvavo pabench
vakatarisa pasi.
_Mai Natty vanorarama here or vachafa
mafiro akaita Lister_
_zviri zvega here izvi_
*Watch out for chapter 37*
❤️
👍
😢
🙏
😂
😮
2.7K