Kurapwa Kwezvirwere🇿🇼
February 28, 2025 at 11:42 AM
*Matanho aka kosha pachivanhu*
. Tsvaga zvinoitwa nedzinza rako
. Dzidza chivanhu kuitira usanoitiswe zvisirizvo
. Kumbirira kubva kune vekwenyu vari kumhepo vakadzama kare usati wangoenda chero kwaenda mhepo. Vanokuudza either kuhope, vision or kwarovera hana
. Usati wasumuka *sumira rwendo rwekumatare*
. *Dzidzai kushanda nemakope uye nekunzwisisa makope*, musango waridze makope nekungo udza vanhu even sahwira unless your instinct is clean maSahwira *Makope idare rako iwe dunga munhu* Dzakanaka dzoserai muchi tenda kune vakupai makope. Dzakaipa dzoserai muchi kumbira kundiso
. Wapinda mudare mirira dzimu riri pana Sahwira rikuitire matare, iwe wobvuma kuramba or kubvunza munzwisise
. *Midzimu iri kubuda inouya nedzinza rechokwadi kwete Moyo ivo vari Phiri*. Instead yenharo bvunzurudza mudare kuti zvaka famba sei kuzonzi Moyo
. Imbomirai zvema fuko until newewo wagutsikana. *Dzimu harisi muma chira*
. *Zvombo zvevari pamafudzi including mafuko hazvisari kwaSahwira, musango, kuhama or kushamwari even for one (1) minute*. Ndipo pamuri kugadzirwa. *Chengetedzai zvombo nemafuko*
. Bvumai kuchenurwa kwete kumhanya kuzvi tengera mafuko kupfekedza mbereka
. *Bvisai mari dzemumatare*, kutiza musina kuripa zvama batsirwa kupusa nekuti mangwana unogona kuda kudzokera. *Kwawabva siya wawoneka nekuti kwaunoenda husiku*.
. Kutaura kwedzimu uri mudare hazvirevi zvakwana kana usati waita bira rinodiwa. *Pedzai mupendere matare*
*Njuzu, njuzu, njuzu dzanetsa ute kurerutswa*. Zvoita sekunge njuzu dzauya negeneration ino. Kunge njuzu dzino wanikwa kuZimbabwe chete. *Njuzu dzinoyera, dzinoda privacy*. Regai kuti *njuzu yangu*. Hadzisi zvidhori. Mumadziva umu hamuna Hama dzedu. *Tungamidzai dzinza ndiro rinokoka njuzu*
. Usamhanyire kurapa varidzi vasati vati vakuita matare. *Mirira vari pama fudzi vaite vega*, otherwise unobika mbodza, kupingwa, or kurohwa nezvinhu zviri pava rapwa. *Kuona hazvirevi wasimba*
*Chivanhu hachide dzungu, chinoda kubatwa negwara, ichi
🤝👏👏👏🪘🪇
Tichidzidza tichifemba
***Bute 🗣️🪘🪇
🙏
👍
7