HoTalk Zimbabwe
February 22, 2025 at 12:02 PM
Yeduwo nyaya yakamira yakadai. Kuma early 2001 Takaenda Joni nemurume wangu. Taishanda sahouse girl nagarden boy pamba pemurungu. Murungu aitipa mari yakanaka chaizvo tikava nehushamwari hwakakomba. Ndaiva nemwana mucheche ipapo varungu vedu vaisava nevana. Ipapo 3rd born yedu ndoyaiva mazamu. Varungu vakabva vati ndibvise mwana pazamu vakatanga kumutengera webhodhoro. Vaiti kana takuenda kumusha voti ndisiye mwana tichimbodaro iyewo anga atovajaira. Mwana aikura achibatwa senge aiva pamba pake. Varungu vakati tiuye nemabirth ake nemacard echipatara vamutorese mapepa eJoni. Takaita sekudaro nekuti taidawo mwana agare zvakanaka. Makore akapindana 2010 takati toda mwana nyaya ikatanga kunetsa. Mwana aiva akutiramba murungu akati imbomirai muri kuditurber mwana chikoro. Ipapo tatapiwa mari tikatenga kamota kedu nemombe dzakawanda tikatama tikanogara Chiredzi kumapurazi. Nyaya yakazonetsa takati tava kuda mwana wedu murungu akati hanti makasigner here kuti mwana hamuchamudi. Murume wangu haana kuita hanya nazvo. Ndakaenda kumapurisa nyaya ikashaya value ndiri kufunga vakapiwawo mari. Ipapo takabva tadzingwa basa. Ndokuuya kuno kuZim. Baba vaimboita zvekupirater nekamota kedu asi hazvina kumbonyatsofamba. Vaiita kana 2 days vari musango vachiita havo zvedoro ini nevana tichikanga waya. Hongu takazoita vamwe vana kutsiva uya asi mongoziva munhu akatakura mimba pfungwa hadzizorori. Wangu mwana mupenyu aripo ari kurarama paari ndopaziva asi mapepa atakasainiswa aya ari kutisungirira kuti tisatora mwana wedu. Hanzi tofanirwa kubhadhara vakachengeta mwana mari dzavo nekuti takavashandisa asi zvinhu izvi hazvina kuitwa mukuwirirana. Guru rarwadza hama dzangu pfungwa hadzizorori mwana wangu ndinomuda chose. Ndoitawo sei kuti ndiwane mwana wangu back.
https://whatsapp.com/channel/0029VaKtlJHCcW4ifLOV8i3y
😢
😂
😮
🙏
👍
❤️
⚡
🐝
💔
💘
73