Chihelele Stories
February 24, 2025 at 06:13 PM
https://chat.whatsapp.com/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne
*Jambwa*
By Nita Chihelele
0780368492
0716847737
Chapter 09
Farai.
Ndakaita sendichachema kwakuzongozvishingisa semurume. Rati ndakamuonawo kuti zvamubata zvikamudzvanyidzira pasi. I hugged her tightly ndichinzwa hana yake ichirova fast.
Pave paye ndakamurega kwakuve kumutaridzisa kwandiri ndikaona kuti anga ava kutochema. I wipped off her tears and looked her straight into the eyes. Ndakanzwa moyo wangu uchitsemuka tsemuka.
" Babe I'm sorry but I promise kushanda nesimba futi tiwunganidze imwe mari futi tiende kumba kwenyu. "
She tried to act strong akagutsurira musoro misodzi iya yaiva yambomira pandakamupukuta yakabva yatangirira futi. This time akaita kuhwihwidza chaiko. Ndakapinda busy kumunyararidza akazoti pave paye, " Farai it's not like handisi worried nambuya nasekuru. I am, asi ndangorwadziwawo nemunyama wangu wakadai shuwa."
" I know shaa zvinorwadza but I promise kuidzorera yese toenda chete hatiregi. This time ndaudza murungu asatombondihorese igàrire kubasa. Ndozongoitora tava kuenda."
Again she nodded ndokusumuka paye ndichiti, " ndirikunzwa nzara ini. Rega ndibike kasadza ndisati ndadzokera kuchipatara. "
" Mira ndimuke ndobika ini.Ko nhasi hausi kuenda kubasa? " akabvunza akutobuda mumagumbezi. Ndikati, " kubasa ndavafonera kuti zvanhasi handisi kuuya. About kubika babe I know you're stressed hauna kana simba. Let me cook ndoita fast fast. Iwe wagara ka sadza hauride kuseni kuno."
Akabva agara akarembedza makumbo pabed akatura mafemo akayeverwa neni kwakuzoti, " I feel sorry for my poor mom, vachafenda pavachazvinzwa zvekubirwa mari. Ndoziva kuti vanga vachiita chipata pata chekugadzirira vayenzi pamba. Pamwe vanga vatoudza vavakidzani kuti Ratidzo arikuuya kuzoroorwa. Ende Satan so ka!" Akapedzesa akurovanidza maoko.
Zvakaita ndimborega zvandaiita kwakudzokera kunomubhabhadzira ndichimuti," I know shaa but trust me kuenda hatirege. I blame myself ufunge, maybe dai ndisina kumboita humboko hwandaiita mafirst days dai pamwe Mwari asina kundiranga kudai. Ishamhu chete yandapihwa naMwari iyi. But zvichaita chete just trust me babe. Ende kuripisa vanasekuru hazvibudi kana. Vanhu vaye vakamira nesu baba vashaya. Ndivo vakatiendesa kuchikoro kusvika patakasvika ipapa."
Akaratidza hake kunzwisisa kunyangwe zvairwadza. Takazoenda tese kunoona vanambuya. Mbuya was badly shaken, vaingoyeredza misodzi. Handina kuvabvumira kuti vataure vaida kutaura. Sekuru ndivo vakanditi, " muzukuru mari yako ndichaibatanidza ndikabuda muno usatya hako."
" Sekuru ivai worried nekupora zvemari izvo haisi nyaya. Mari inoshandwa sekuru. " vaionekwa kunetseka takazobvapo kwasvika dzimwe hama kuzovaona.
Mhamha vaiva vafona vachiti vaizosvikawo mangwana acho kuzovaona.
Pese apa I was trying kuita umwe wangu anyevenuke. Tichangosvika kumba ndakabva ndafonerwa naTichaona achiti, " amana kana pane pandakaresva sorry kwacho. Ungabva warova kunyarara kuti zii kudaro here? Chero kumagrounds hauchatsiki. Asi chii nhai?"
I wasnt in the mood for nyaya naTich. In fact kubva zvandakatora Ratidzo ndaiva ndatosiya zveshamwari dzese kurikutotya kusekwa navo. But suprisingly I was enjoying the new me asina mashamwari. I was enjoying companionship yaRati kutopfuura yanaTichaona. NaRatidzo taitoronga zvinhu zvipenyu.
" Haa maya hapana pawakandikanganisira wena. Ndingori busy mazuvano mudhara. " akati, " haa busy yacho yakazotangidza wakugara kuDZ here amana? Oky chindipa hako address ndirove chiround ndizokuona." Izvozvo ndozvandaisatoda. Kwandaigara ndaiva ndatiza ivo kuti vaizondi judger.
"Haa ndirikugara kwambuya vangu wena, ende zveshamwari ndozvavasingatombodi havo." I lied and contiued ndichiti, " chero zvekuuya kumagrounds vakazvivharisa hanzi ndiko kurikundiitisa misikanzwa yekumitisana nemvana." Pandakadaro ndaiva ndamunakidza Tichaona akaita kuseka zvake. Kwakuzonditi," irbho ndoriziva team re old school iri haritodi zvisina basa. But ini hangu ndakusuwa wena. Hazvigoni ndingorova chiround ndizokuonera hangu kunze kwegedhi shaa?"
I didnt see any harm in that. Ndakabva ndatomuti," haa iribho hako kana urifree izvezvi. " akati, " nhasi hauna kuenda kubasa? " ndikati, " haa maya ndiripo zvangu ndakumbira ka off day." Iye aiva musecurity saka aishanda husiku dzimwe nguva akabva atoti," bhoo in less than an hour ndinenge ndasvika kuDZ saka undiudze pawhatsapp pekuburukira."
Ndakamuisira madirections neniwo ndaiva ndamusuwa shamwari yangu. But address kwava kuzomupa yekwambuya. Ndaisatoda aone Ratidzo by any chance. Pandakapedza kutaura naTich ndakabva ndotopinda mumba kwakuwana Rati akutobika bika ndikamuti, " ndichambonodongorera kwasekuru. From there ndoenda kunovaona zvemanheru saka ndichadzoka probably kuma7."
" Ko hatisi kuenda tese here kunovaona vanasekuru?"
" Noo zorora unozoenda mangwana shaa," I said that nekutobuda. Ndakafamba nzira yese ndichizvibvunza kuti ndaizohwandisa Ratidzo kusvika nechingani kuvanhu? Pakazofona Tich achiti aburuka ndakamurayira kuti angopota auye kurayini rechi2 kubva kwaaburukira pamba panegedhi reblue. Ndaiva ndaita kumira hangu pagedhi ndichitambisa fon yangu pandakanzwa achiti, " aaah aaah! Fatso urikuchengetwa chibaba nambuya. Kusimba zvese nekutsvukirira kudaro? Oziva kurikusangana muroad ndaitokupfuura ndisisakuzive!" He said that achindiita shoulder bumping. Handina kupokana nezvaakataura izvozvo nekuti chero kubasa munhu wese aiti ndachinja.
Ndakangoseka seka ndichiti, " aah boss kugarisa tisingaonane kani. Hapana chachinja kana!"
" Wachinja hako shaa," takambokurukura zvekubhora achindipa ma updates semunhu aiva asisakuendi. Akazoti," ko Rati akazodii? Wakazongomuvharira kunze zvamuchose?"
" Uyo atori history hameno ikoko kuKambuzuma kwenyu hamumuoni?"
" Aah haako uko akangonyangarika, but she wasnt bad hake wakangoitawo dzungu risina basa paye." Ndakaseka kwakumuti," but shaa hauna here kuti haaite uye imvana?"
" Aah ivo vasikana vazere imomu wati hadzisi mvana here? Vanongoita yese yese ka, at least uyo haana hake kuda kuuraya vana vake. Raingovawo sasi remachinda kwete kuti utozviisa muhana." Ndakarasa rasa maoko ndichiti, " manje its already too late coz ndakatomusiya ndakuita zvimwe. "
" Wakuita zvaSelma?" He asked ndikati, " haa uyo chimunya ndakutamba nevekuno kuDZ kwandiri. "
" Ndiratidze ndione zvawakabura kuno." Ndakati," aah iworking class munhu wacho arikubasa haabatike zvekudaro. " he exclaimed hanzi, " yeah ! Waita kunonzi ku upgrader chaiko mudhara! " hapana nyaya svinu yaakataura neni. Kwakubva atoti," rega ndimboti chuu ! Ndirikuda kumbonoona kababie kangu kaye kukumagrounds kaye."
Ndokuparadzana kwatakaita kwakuzonobatawo makombi ekunanga kuchipatara. Vaiva vava nani havo. Ndakasanganidzana nedzimwe hama dzaiva dzauya kuzovaona. Sekuru ndivo vainzi vachaburitswa vhiki iroro.
Ndakadzokera kumba ndikawana Ratidzo atobika. Tapedza kudya mhamha vangu vakafona vachiti vaizosvika mangwana masikati vachibva kwaMurambinda. Husiku hwacho hatina kumborara Ratidzo achivhunduka. Ndakazomubvunza kuti chii akabva atotanga kuchema hanzi, " Farai i'm scared I have this dream. It looks and sounds so real , I dream it reapetedly. Ndinorota ndakazara ropa mumaoko ndichidzingirirwa nembwa hameno zvorevei."
Ndakamudzikamisa ndichiti, " its just a dream babe, plus nemaitikiro arikuita zvinhu hazvishamisi kurota zvinhu zvisingafadzi. But trust me mari toiwana tigonoroora. Ndichaedza kutaura namhamha vakasvika vandipe mombe nditengese ndozovadzorera coz ndodzavanoshandisawo pakurima kumusha." Ndozvandaiva ndatoronga izvozvo kuti tiendese mari yevaridzi fast. Yekuunganidza kumurungu ndakaona sezvaizotora nguva refu.
Ndakaenda kubasa pakudzoka kwakuwana mhamha vatosvika kuchipatara ndokwatakasangana. Takazobvirako takuenda kumba. Vakafara kuona Ratidzo vakabva vawedzera kumufarira. Ndakazonovavhurira kwasekuru kuti ndiko kwavaizorara asi masikati vaizoswera naRati kwedu sezvo yaiva 1 room. Mazuva akafamba sekuru vakazobuda kwauya mwana wavo aibva kuSA. Musi wacho ndaitobva kubasa kwakupfuura neko ndisati ndaenda kwangu. Ndakastika ndichipinda musitting room ndichiwana Selma agere nevamwe mai vechikuru. Munhu wese akabva angokanda meso kwandiri ndiripa door.
Stay tuned.
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
170