Chihelele Stories
February 25, 2025 at 05:01 AM
https://chat.whatsapp.com/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne
*Jambwa*
By Nita Chihelele
0780368492
0716847737
*FREE BOOK PLS SHARE*
Chapter 13.
Selma.
Ndakanzi ndiende namai vaFarai kumusha. Handina hangu kufara nazvo. Kubva zvaiva zvabviswa mari kumba kwedu mhamha would text me vachindibvunza kuti ndiri sei. Kutsamwa kwaiva kwapera. Tichaona paakangonzwa ndichiti ndakumusha kwana Farai akabva atosiyana neni.
Farai aisanditaudza kana zvake pafon. Vaiva munhu anemoyo munyoro maiFarai. She was patient with me pakundidzidzisa mabasa ekumusha andaisaziva. And she would tell me the truth as it is hanzi, " apa mwanangu kungogarira kuti vekwenyu vasvike pakunyevenuka moyo vabvume kuti udzokere kumba kwenyu. Farai mudiki handingakurudziri kuti aite abarika. Akatosarudza wake." Neniwo ndaitoonawo kuti zvaFarai hapana hapana kungomirira kuita mwana ndoona zvimwe.
Tete naivo vaindifonera everyday vachinditi," ndiro lucky iroro kutoendeswa kumusha kwavo. Advantage unayo Selma. Munhu ngaadzikame ikoko. Uzive zve pamba ipapo. Mai vake vape respect zvese nehama dzake usazvitarise kuti haana basa newe. Ukagona kuita izvozvo unenge watopedza." mhamha vaiisawo message saying the same thing. Mota dzaibva kuHarare dzaipfuura payard chaipo dzichienda kwaMurambinda growth point.
Rimwe zuva mhamha vakanditumira mbatya dzangu. Dzaiva dzimwe hombe soo. Ndaiva ndavaudza kuti dzandaive nadzo dzakundishinya. Mhamha maiFarai vaiva vanditengera maternity dress 1 kumazitye. Ndaive ndabatana nzira nevamwe tete vaFarai vechikuru vaigara murayini imomo kunotenga drezi racho kwaMurambinda. Vaindifarira zvekuti tete ivavo.
Pambatya dzandakatumirwa namhamha ndakanovhura ndava kuroom kwangu. Ndakafara vaiva vaisa dzakati wandei. Amwe aiva marokwe avo avaiva vandipa. Pandaive ndakuyenzani rimwe raiva nema pockets kwakunzwa munekanhu muhomwe.
Ndakaburitsa ndokuona karikagaba so kaiva nemvura mukati. Neka note muhomwe muya. I read the note hanzi, "Selma mwanangu gaba iri urichengetedze zvakanaka pasina achariona. Munemvura imomo utsvake chigubhu idire mvura yacho wowedzeredza kuzadza chigubhu chacho. Unyore zita rako ne remunhu wako iyeye usunganidze neshinda yandaisa muhomwe imomo. Woisa chipepa chacho mumvura imomo. Wogeza nawo muteuro iwoyo every day. Uchaona wo wega kana nguva yekurega kushandisa yakwana. Hakusi kuroya mwanangu asi yekuti uzvariswe uzodzoka pamba haibudi. Wobva wabatsirawo muteuro iwoyo nekupfugama zuva nezuva uchizvikumbirira kuti Mwari vakupe imba iyoyo. Utungamidze ruremekedzo kuhama dzemunhu wako iyeye. Uchazonditenda mwanangu rimwe zuva. Please usaise pachena zvinhu izvozvo. "
Ndakaita kugara pasi rereading ka note kaye. Yaitova iyo handwriting yamai vangu. Kubva kuzvarwa kwangu handina zuva randakaona mai vangu vachiita zvemaporofita kana. Baba vaiva vashaya tichiriku primary level chaiko. Ndakazoita kuvhunduka ndichisheedzwa naWadzanai kamnin'ina kaFarai kachiti, " Ma Ndlovu usakanganwe ka kuti tanzi namhamha tinonhonga nyemba kumunda!"
Ndakapetera chigaba changu chaiva nemvura pahembe dzangu fast kwakuti, "OK Wadza ndiriku uya!"
Takanonhonga nyemba naWadza tikazadza saga ndokudzoka mhamha vasati vadzoka kubva kumusangano. Vaiva vasina kutisiira usavi. Pana Farai aiva Fedelis aitevedzana naFarai but mazuva iwayo aiva aenda kunotsvaka basa kuKwekwe naWadzanai gotwe.
Ndakafunga kutopura nyemba dzeusavi ndokutokwatisa.
Huni dzaisava dzenhamo saka hadzina kunonoka kuibva. Ndaive ndaisa dzakati wandei nedzemutakura wekunwisa tea makuseni. NedzaWadza dzembuva mangwana acho.
Wadza paaiva busy kuita zvemabook zvake ndakaenda kuroom kwangu. Kwakuwedzera mvura muchigaba changu sekureva kwamhamha. Ndakasunda door and tried kunamata kwacho kwandaisatoziva kwekutangira. Kwakungoti, " Mwari baba ndirimwana wenyu. Mai vangu ishirikadzi inozvitamburira zvayo. Ndokumbirawo muitewo kuti Farai achinje pfungwa andiroorewo. Ndaikumbira kuti mvura yandatumirwa namhamha ishande sekushuvira kwavo." I laughed at myself ndatopererwa nezvimwe zvekutaura. Ndakazongosimuka ndichiti,"aah ndizvo zvasvika mupfungwa dzangu aah . Handigoni kunamata kwacho ini."
Mhamha vakazosvika takumona vachiita kufambisa hanzi," ende zvimisangano zvemuno zvisina kurongeka izvi! Taswera takamirira ivo Sabhuku vatombotanga havo vanodhakwa kwaMurambinda uko. Ndauya ndakunzunzutira ndichifunga kuti handina kukuudzai panemufushwa." vakatoburitsa mafon yangu neyavo. Vaiva vaenda nawo kunomachagisa.
" Inga mangwara fani mukatofunga kubika nyemba vanangu. Iwe Ma Ndlovu ndokuziva haudzifarire. Ndanga ndatenga kagaba kehove uchatoseva." Ende nyemba ndaidzivenga vaiva vakutozviziva. Ndakafarira tin fish dzangu ndichiti, " maita basa mhamha." Wadza ndokuti," toseva tose Mandlovu. "
Akabva anzi," Iwe mandlovu usavi hunomunetsa mhani. Ipapa ndirikutotarisira kuti zvaririhombe gaba racho achasevawo kaviri. Unonakidzwa achitadza kudya umwe shuwa?"
Akangobwayira bwayira Wadza wacho. Tapedza kubika ndakamupakurira wo fish mhamha vasiri kuona akafara zvekuti.
Takunorara I had my own room mu3 rooms dzamai Farai. Yainzi ndeyevayenzi. Farai naFide vaiva negota ravo raiva rakazvimiririra kudhuze negedhi. Ndakaita on fon yangu yandaiva ndasuwa ndazvambarara pamagumbezi. Message yandakatanga kuona yaiva yamhamha. Vaibvunza kuti ndadziona here mbatya. Neyekurayira kushandisa kwandaizoita muteuro wangu. Vakakomekedza hanzi, " mwanangu hapana umwe muitiro wandingaite. Asi kutoedzawo kuti uwanewo panoti iwe. But please usafe hako wakaita kuti kagaba ikako kaonekwe ikoko. Vanenge vakufunga kuti huroyi. Please ugeze every day nemvura iyoyo inemazita enyu akasunganidzwa. Usarivare kunamata please Selma ndateterera. " I smiled kunge ndaitovaona mai vangu using that word ndateterera. Waiti ukanzwa vakukuti ndateterera vanenge vachitokumbirisa.
Ndakapindurawo thanking her mbatya dzavaiva vandiisira. Nekuvavimbisa kuti ndaizoita sekureva kwavo. I was surprised nekuvasuwa kwandaiva ndavaita mai vangu. But ndichirikuHarare taisawirirana kana.
Ndakamuka ipapo ipapo kwakunyora zita raFarai in bold letters neranguo in bold letters ndokusunga. Ndokuisa muchigubhu chandakaisa mvura Iya.
Ndakanogeza ipapo ipapo and came back praying exactly the same words dzandaive ndataura masikati. Ndaishaya zvimwe zvekuwedzera.
Ndakatarisa message yangu yandaiva ndaisira mhamha ndikaona yangoita 1 tick kwakumbombeya pawhatsapp ndichishaya zvekuita. Ndakanowira pacontact yaFarai ndikapotsa ndafenda.
Aiva akaisa mukadzi wake paprofile picture. All along I thought I was over Farai but apa ndopandakaona kuti ndaimuda zvekudaro.
Izvozvo zvakaita ndiwane mashoko ekuudza Mwari. I prayed hard zvekuti ndega ndakanzwa kuti apa ndanga ndichitaura naMwari wangu.
Ndakazorara moyo wangu wavakutorwadza ne profile Pic yaFarai.
Days passed ndichingoshandisa mvura yangu. Yaiti ikapera ndowedzera. Ndaiva ndatongojaira kuishandisa zvekutokanganwa kuti ndeyeyi. Ndakazomuka rimwe zuva ndizere mapundu muviri wese. Amwe aiva mumukanwa ndichitadza kumedza chaiko. I told my mother pafon vakanditi, " ngavakuendese zve kuchipatara. Kuti uuye kuno hazvibudi Selma. Hama dzababa vako dzinotaura mushonga chaiwo." mari yaisavepo yekuti ndikwire kuenda kwaMurambinda kuchipatara . Tete vaFarai maiTaka vakati kunamhamha, " mai Farai imbomudeedzai mukomana azobatsira shuwa. Handiti mabasa ake? Shuwa kutambura nemunhu wemunhu muridzi achishanda? Ngauye hake Farai asunge ngoro aende naye kwaMurambinda or amukwidze kana akauya nemari." nekutsvinya kwaFarai ndaisafunga kuti angauya.
To my surprise akatomuka avapo pamba. Ndakamukira kunzi namhamha," akasvika warara Farai muka ugeze ndabika porridge udye mukwire akuendese kuchipatara. "
Ndakangonanayira kunanga kuroom kwangu sezvo ndaive ndakurara namhamha kubva kurwara kwangu.
Ndakangonogeza nemvura yangu iya musikana nekumeso chete. Ndainzwa kupera simba probably yaive nzara. Sezvo kudya kwairema nekuda kwemapundu.
Ndakawana Farai agere mukitchen. Paakandiona akaridza muridzo uya wekushamisika achiti, " amana ndozvaari munhu uyu?!" mhamha ndokuti, " ehe ko wanga uchiti ndirikunyepa?"
Akati, " eish! Ndeipi?"
"bho," I responded akati, " sorry hako tirikuenda kuchipatara unopora hako." I nodded ndichiedza kudya porridge rangu. He seemed genuinely concerned.
Kudya kwacho kwairamba mhamha vakaita zvekundimanikidzira. Takubuda kuenda mhamha ndokuti, " wasiya juzi wani munogona kudzoka kwakutonhora ka" vakaita kusheedzera tatova kugedhi. I turned kuti ndidzokere kunoritora ndikanzi, " it's okay hande you will wear mine."
End of Chapter.
❤️
🙏
😮
👍
😢
😂
120