Chihelele Stories
February 25, 2025 at 07:45 AM
/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne *Jambwa* By Nita Chihelele 0780368492 0716847737 Chapter 12. Ratidzo. Pandakaziva kuti Farai akamitisa ndakanzwa Kuzarirwa pachest. Kunzwa kutsva chaiko. Munhu aiva andiudza ndimai vaFarai. The way she broke the news to me yakaita ndiedze kuzvishingisa. She said it in a very nice way. Assuring me kuti ndini chete muroora wavo. Ndakaita sendisina kubatikana nazvo. Pavakangobuda chete ndakasara ndichiita kuzviponda nekuchema. I cried my lungs out. Ndakazogeza geza Farai akuzouyawo. Handina kuda kumuratidza kuti ndambochema iye wacho confirmed zvaiva zvataurwa namai vake. Shungu dzekuchema ipapo dzaiva dzaserera so I managed kutofara as if handina kubatikana nazvo. Pabonde ndakamupa zviye zvekuti chero akaenda kumukadzi iyeye wenhumbu asi asakanganwe chitsidzo chedu. Zvekutsamwa nekuramwa zvaisatomboita nekuti ndaizvizivira yangu nhamo yematorokisi evana. Kunyangwe ndiri ini ndatadzirwa ndakaita kunyengerera. Paakauya rimwe zuva Farai achiti, " babe vekwanaSelma varikutsika madziro wena. Havasi kuda kuti adzokere kumba kwavo. And pakaipa shaa. Apa mari yandanga ndichifanirwa kupihwa nasekuru Sam. Yavakauya nayo kuSA yakunzi tinovhara magap kwana Selma nekuti vanhu vacho varikutoda zve violence chaiyo." I swallowed hard ndichinyatso kuti that wasn't fair. Why kuzoroora munhu asvika zuro chaiye. I couldn't say it out loud. I couldn't control myself kwakuita kuchema chaiko. Farai hugged me achiti," it's okay babe, kungoitira kuti vanhu vacho zvavarikuda musindo vaudzimure. Otherwise handitomude hangu Selma iyeye. Haamo mumoyo shaa inini ndoda iwe. Chero akanobvisirwa chikuru kudiwa neni handitika babe?" Honestly tarisiro yekunobvisirwa  kwangu yaiita ichingodzikira. I tried kubvumirana nezvaandiudza asi kuchema ndakatadza kumira. Farai ndiye akatozobika zuva iroro chero kudya ndakatadza. Hapana akatozodya zuva iroro. He tried kundinyengerera. Kuseni akamukira kubasa ndikasara ndichifonera Joy shamwari yangu. Ndakamuudza zvese akandisimbisawo achiti, "izvo hazvina basa shaa as long murume achida iwe. Iwe itongochangamuka uwedzere kuratidza murume wako rudo chete." Mai vaFarai nambuya vake sezvo vaiva vabuda muchipatara vakazosvika kumasikati ikoko. Ndaive ndakutonzwa hangu hunani. Vakandisimbisawo ndikatoonawo kuti zveshuwa there's nothing to worry myself about. Vhiki rakapera damage ikanobviswa kwana Selma. Rimwe zuva iri weekend Farai aiva adeedzwa kwasekuru akauya achiti, " eish shaa ma1 Selma sekuru vati havagoni kuramba vakamuchengeta. Pano pacho hapaite i1room. Saka mhamha vazongoti vachaenda naye kumusha. But achingobatsirwa mwana arikudzokera kwavo zvavo zvemusindo hameno ikoko. " Ndakangoti, "pakanaka," izvozvo futi zvakandirwadza. Selma was the first kunosvika kumusha wekwa naFarai semuroora ini ndisati. Chekuita paive pasina ndakangoshingira pakuti murume aida ini. I tried nepese pandaigona napo kumufadza Farai. And he appreciated kumufadza kwangu. He tried kupota achindipa kamari ndichitumirawo mhamha vangu nevana. Taiva tatotanga saving up zvekuti December ndopataizonanga kwedu. Taiva muna September ipapo. Kupera kwaOctober mai vaFarai vakafonera vachiti, " Farai mhanya huya kuno munhu wako uyu angomera mazipundu. Akumuvhara huro akutadza kumedza." Farai ndokuti, " muendesei kuchipatara mhamha." vakati, " anoenda nani ko kwaMurambinda kwese Kuya kunotoda ngoro. Ini ndingazvigone ndega shuwa? Ndakutya kufirwa nemwana wevaridzi pano." Akamboda kutsika tsika Farai kudzamara azobvuma. Akanditarisa with begging eyes ndikatura mafemo ndokuti," enda shaa mhamha vanoda help yako. " Deep down ndaisada aende asi paiva pasina zvekuzviita. Akabva ati," sorry hako just know kuti ndoda iwe." I nodded ndachiboira boira trying to fight tears which were threatening to fall. Mataurirwo azvo zvaisaita arare. Akatapudza pakamari kataichengetera kuenda kwedu. Ndakasara ndikazviponda nekuchema. Apa kuudza mai vangu tuma drama twese itwotwo ndaitotya kuti vaizoti watanga kubvuma kupusiswa. Wakuda kutivigira umwe mwana asina baba. So I would lie ndichiti, "mari zvese zvavapo mhamha but problem kubasa kwacho kuti awane ma off days zvinonetsa." she would respond vachiti, " haa achamawana hake chikuru aripa chokwadi uye mari dzababa vako kana anadzo." hana yaizorova after lying to my mother kuda. Husiku hwezuva raenda Farai handina kutomborara zvakanaka. There was this dream which always came. I guess kaiva kechi2 musi iwoyo dreaming it again. Ndakarota maoko angu azere ropa ndichidzingirirwa nemazimbwa kwakumuka ndichiita kuvhunda. The dream always came vividly. Ndaisaona zvese in that dream. But pandaizoona zvakajeka ndepandinenge ndazara ropa mumaoko ndakudzingirirwa nembwa. Kuti zvinenge zvatanga sei ndaisazviratidzwa. I decided kuudza Joy kuseni about it. In fact ndaitoda zvekunoswera naye ndichimuudza wo nhamo dzangu. Kwakutonzwa achiti, " Iwe zvandaitirwa naMunetsi uya. Munhu kundikiyira here kuenda ne makiyi kubasa. Ipapa ndirimumba make aenda hanzi watova mukadz wangu kana ndiwewo ndozvinoitwa here?" Despite my problems ndakatoseka kugegedzera ndichiti, " aah zvakaipei isu vamwe wani tirimo mudzimba dzacho? " " Hii askana ini handidi. Ndirikuda kuroorwa zvekukumbirwa ini. Aah kana achidzoka chete ndirikubuda muno. Besides shaa ndichirikuda kuti mwana wangu amboti kurei zvekuroorwa izvi ngazvimbomira. Dai achitaura hake zvekunokumbira better. " " Hii vasikana bvumai kudiwa kani ini wani ndigere nezero deposit. And by the look of things zvichatodhonza kuti tibudirire kuenda kumba kwedu. Ndichatozosvika pakuita mwana ndakangoti vava pano. " she went on and on again comforting me. Ndakazomuudza about my dream akati," ini hangu I don't believe in dreams. I believe they mean nothing at all. Ini ndofunga kana uri in a bad space you tend to dream bad things." Neniwo hope idzodzo dzaingouya pandinenge ndirimukushungurudzika. Ndakamuti, "but why is that the dream always repeats zvinhu zvimwe chete all the time?" akaseka hanzi, " imbonoona vanaMikoro kuzvisango uko." VanaMikoro vaaireva ndivamwe maporofita atakambonoona ndichirikushanda. Taiva tawana off day same week kwakushaya zvekuita kudzamara taona mapostori aiva akaungana musango. Takanangako ndiye futi Joyce aiva atanga achiseka achiti," hande kumasowe tinopihwawo mvura yekubvisa munyama tiwanewo varume vari serious." Zvatakaudzwa pakupotofitwa neumwe ainzi Mikoro zvakaita tiseke mwedzi wese. Aiva ati kwandiri, "vahanzvadzi ndaona machemberera mujeri nemhosva yekuponda. Munotoda kushandirwa zvakasimba. Musvike kumba kwangu manheru tibatsirane kutsanya zve 3 days chikamu ichi chipfuudzwe." Mikoro wacho aiva netsvina achitonhuhwa dikita zvake. Chakazoita tinyanye kusamutora serious aiva nechirimi. Pese paaitaura taicheukana naJoy towondomoka nekuseka. Takati tabva pasowe racho Joy kwakunditi," endai mainhanha kumba kwamadzibaba Mikoro munobatsirana kutsanya." aitaura nechirimi imitating madzibaba Mikoro. Ndakamuti, " enda iwe." akati, "haa maya zvekuzopihwa muteuro wekuti ndizoroorwa naMikoro bodo. I know those guys ipapa kunyepa watochiviwa. Aah kuuraya munhu anga aurawa newe zvako Ratidzo anenge arimunhu chaiye chaiye kana kuti anenge ariwedhaga. Anodhomoka muporofita uya nxaa." Takaseka pafon paye recalling kadrama kaMikoro. Takazoitirwa shanje nemari mufon yakabva yatopera. But after talking to Joy stress yehope dzangu yakabva yapera kuti hwaa. End of Chapter.
❤️ 🙏 👍 😮 😢 😂 105

Comments