Chihelele Stories
February 25, 2025 at 07:45 AM
*HAKUNA IMBA MUCHECHETERE*
Written by Mama Praise
(Lorraine R Mare)
*BOOK #23📕📘📗*
*Garira kuchannel so that you don't miss mamwe machapters.*
https://whatsapp.com/channel/0029VaL1OXX2phHFFKqBnx2l
CHAPTER 1
Ndakavhunduka pandakanzi nababa mufundisi, "hamusi kutomboterera zvandiri kutaura pano henyu. Murikumbonakidzwa neiko paphone penyu ipapo ndaona mabvirira kare kunyemwerera."
Ndakavhunduka ndikati, "mhaa matii ooh sorry handina kunzwa kuti manditaudza. Ndange ndichitaudzwa namama vangu vanga vachitocommenta status yangu kuti ndakachena fani ndikatovati dress randakapfeka papikicha ndakatengerwa nemukwasha wenyu vabva vati inga mukwasha ane choice."
Vakabva vaseka baba mufundisi ndikati, "Manga muchiti kudii?"
Vakati, "Ndanga ndichiti tirikufanira kuti timboronga big Sunday kuchurch."
"Yes zvakanaka chaizvo ngatirongei, maida iitwe rini?"
Ndakataura ndakatarisa pafoni pangu ndiri busy kupindura message yava Nyahuni yainga yapinda. Apo message yacho yainakidza zvekuti ndakaita kusekerera, kana zvakataurwa nababa mufundisi handina kunge ndazvinzwa zvakare. Pavakada kudongorera paphone yangu kuti ndiri kumbotaura nani ndakakurumidza kubva pachat ravaNyahuni ndikatanga kuscroller machats. Ndakazobvapo paWhatsapp ndikalocka phone yangu ndokuisa muhomwe yedress randainga ndakapfeka ndikati,
"Mamuchitii ndabva paphone."
"Zvakaoma hazvo saka zvechurch zvandiri kutaura pano hazvina kukosha here nhai mai mufundisi?"
"Ndimama vanga vachinditaudza zvaisaita kuignowa, ndabva zvangu paphone ngatichitaurai."
"Ndanga ndichiti toda kuita big Sunday kuchurch."
"Ehe zvakanaka fani, munoda iite rini?"
Vakavhura calendar yephone vakatanga kutarisa madate vakati,
"2 March parisei?"
"Yes panoita saka this Sunday totogara tazivisa vanhu ka." I said vakati,
"Yes, asi mangwana ndichaenda ndimbonoita meeting nema elders tichironga. Haa ndirikunzwa kuti Mwari vachaita zvihombe Sunday iyoyo I can't wait to see God of miracles vachiita minana yavo pavanhu."
"Shuwa haa kuchanakidza kani.". Ndakangodairawo zvekuti zvindibve hangu. Pfungwa dzangu dzaitova busy kufunga message yaiva yasendwa nava Nyahuni ndaida kutombofunga nezvayo ndiri pangu ndega. Ndaitobhowekana nenyaya yababa mufundisi yezve big Sunday yavo yavaironga.
Ndakatozoita kutsvaga ka excuse kuti ndisimuke pavari ndikanyepa kuti ndaida kupinda mutoilet izvo kwani ndaida kuwana mabviro pavari. Ndakabva ndatosimuka ndikaenda mumba kwakupinda mutoilet ndikavhara door ndokungogara pachamber ndisiri kuita chinhu. Ndakavhura whatsapp yangu ndichiita kusekerera kwava kuenda pachat rava Nyahuni kwakuona vasenda zvakare imwe message yaiva yakanzi,
"Watii shaa ndoda kukuona ka?" Vaitova online ndikati,
"Rini?"
"Anytime pauri free Mary inini I'm always free handina chekutya."
"Okay rega tione mangwana, baba ava ndanzwa vachiti vachada kumbonoona vamwe vekuchurch varikuda kuronga zve big Sunday saka ndinokwanisa kuuya ndokuona. Tosangana kupi manje?"
"I will pick you up mutown. Ndouya newe kuno kumba kwangu ini kwangu hakutyise ndiri bachelor saka pressure zero."
"Okay ndinouya kuzokuona, unenge wakandigadzirira chii?"
"Everything you want shaa ndenge ndiri ready pazvese."
I laughed ndikati, "umm iwewe." Achibva ati,
"Shuwa babe I love you."
Ndikati,
"I love you too."
Achibva asenda chi emoji chelove. Ndakasekerera ndikamuti, "tizotaura shaa byee."
Akati, "Okay babe wangu take care of your self handidi newe."
Ndichibva ndadeleter chat ndikasimuka pachamber. Ndakaflasha mvura kungonyepedzera senge ndange ndichiita something. Ndakabva ndazobuda mutoilet. Handina kuzoda kudzokera kwaiva nababa mufundisi ndaive ndakutotanga kugadzirira zvekubika sezvo nguva dzange dzafamba dzatova past 4pm.
Ndaitobika ndichifunga Nyahuni murume uyu anga afonyora pfungwa dzangu kutaura chokwadi. Pese pandiri ndava kungoona face yake. Ndaingobika ndichifunga mamessage ake kubva paanga atanga kundiudza kuti anondida. I was busy smiling ndichibika vakomana ka chero baba mufundisi havana kumbobvira vandipengesa zvakadai so.
Ndaive ndakutononokerwa nekuti mangwana acho asvike. Ndiri kuda kunoonana nemunhu wangu ane mashoko anotapira uyu. I am confused kuti ndanga ndangoudzwa kuti Mary ndanakirwa newe ndichibva ndatobvuma. Handizive kuti chii chakanyatsoitika kuti ndibvume so fast. Pana baba mufundisi ndakaita 6 months munhu achindifambira ndichimuramba ndikazobvuma ndatoona kuti haasi kudzoka shure aindida zvekurevesa. Mazuva acho ndaitogara zvangu kumusha kwaSeke kunonzi kuChirasavana.
Taiva pachikoro chinonzi
Chikonde Secondary school paiva pachiitwa zvechurch inonzi Great Army Salvation church inova iyo church yatinopinda ini nababa mufundisi. Yaiva Sunday taiva tangopfuurawo nepo ndine shamwari yangu Moreblessing wandaiva ndaperekedza kumashops kwaakanga atumwa namai vake.
Saka mazuva acho baba mufundisi ipapo anga achiri mukomana wechidiki fani, chero nazvino haasati akura zvake. Kwainakidza kani ndipo pandakaona Pastor Mavunga vanova murume wangu. Taiva takagara kumashure ini na Morbie tichiimba nekutamba. Yanga isina kuzara vanhu ndofunga yaiva pakutsvaga vanhu vangajoine chinamato chavo.
Ndakangotanga kushaura karwiyo kandaiziva kekurumbidza Mwari ndobva tatanga kuimba paya patakapedza pastor vakati ngatibva tanamata. Payakapera church ndakaona ndave kudeedzwa neumwe musikana ndikaenda akati, "pastor vati vanoda kukuona usati waenda." Hana yakatorova paya kuti kwakanaka here kwavava kuda kundiona pastor. Ndakati ndinovamirira, ndobva ndadzokera kuna Morbie ndikatomuudza akati ngatimire tigonzwa kuti vanodei. Takavamirira ndokuzoona vasvika pamuti wemu Jacaranda pataive takagara pazidombo naMorbie.
"Iii vasikana munoimba zvenyu ndabvuma hangu." Vakadaro vachisekerera. Taive takungonyara nyara naMorbie vakati, "ndinoshuvira kuti tizova tese nechurch yedu iyi tichinamata pamwechete."
"Ichokwadi." Ndakadaro vachibva vati, "ko ndazongotanga kutaura zvechurch ndisina kukuzivisai kuti ndinonzi ani sorry girls. Ndinoitwa Pastor Kuzivakwashe Mavunga." Pakabva pasvikawo vamwe mukoma vakasvikoti, "ini ndinonzi brother Darell." Takabva tataurawo edu mazita.
"Tafara kukuzivai." Takadaro same time na Morbie. Vakati tirambe tichizouya kuchurch pachikoro ipapa paiva patovhurwa branch re Great Army Salvation church saka ivo pastor ivava ndivo vachambofano bata basa racho kuno kuChirasavana then vozochinjwa zvavo.
Saka kubva ipapo ndiyo church yatanga topinda ini neshamwari yangu. Mukujairana napastor nevamwe vavo vaya brother Darell ndipo mukusvitsana shoko. Ndakaita 6 months ndichivaramba kwakuzobvuma ndatoona kuti havasi kana kuneta nekundiudza kuti vanondida tikatanga kudanana. Morblessing akabva adiwawo naDarell vakadanana wo kusvika pakuroorana saka vanotova family kutaura kuno vanogara kuWaren Park isu tinogara zvedu kuno kuSouthlea park. Ndiwo akava matangiro angu nababa mufundisi, mwana tine 1 musikana anonzi Ropafadzo ane 6 years zvake.
Back to nyaya yangu nava Nyahuni. Ndakazopedza kubika Kuma past 6pm tichibva tagara tavekutanga kudya tiri muneimwe room yataishansisa as a dinning room. Taigara 4 rooms house uye iri imba yekuloja. Vana vesangano ndivo vanotobvisa mari yerent yedu uye kutenga chikafu chekuti tidye also kubhadhara school fees yaRopafadzo. Ropa ndiye anonamatira chikafu pese patinenge toda kudya. Takadya ndokupedza ndobva tazonamata zvekuti tirare hedu. Vakaenda baba mufundisi kubedroom kunorara. Ndakambosara naRopa tichitaura nyaya ndiri paphone yangu busy kutaura navaNyahuni. Zita ravo vanonzi Diamond. Ndakatoona kuti Ropa arikundikanganisa kutaura nemunhu wangu ndichibva ndamudzinga ndikati chienda unorara kuroom kwako achibva aenda ndikasara ndiiri ndega ndave busy chatting paApp naDy.
Takataura ndichiudzwa kusuwiwa kwese, munhu uyu ndaiva ndakasangana naye 2 weeks ago mutown ndaitova ndega zvangu. Pandakapinda muPizza inn ndipo pandakamuona akagara ega achizvidyira. Ndakatengawo zvangu kwakutanga kudya achibva auya pandaive akatanga kunditaudza akakumbira phone number. By that time he was thinking kuti ndiri musikana sezvo body yangu iri flexible inoita kunge yemusikana. Vanhu vasingandizive ndikasatovaudza kuti ndine mwana vanozviramba.
Handina kumbomunyimawo number dzephone ndipo patakatangira kutaura. Ndakamuudza kuti ndine murume saka ndaisada kuti agozondipinzisa busy nababa mufundisi. Saka kubva ipapo taingotaura paphone ndisati ndamuona, hameno kuti pandichasangana naye mangwana chii chichaitika ndirikunzwa kunonokerwa zvangu. Takazoonekana paphone nguva dzanga dzatofamba kusvika 11:50pm ndipo pandakati rega ndinorara baba ava vasati vamukira munamato wa12 midnight. Havana kutondinzwa pandakapinda vaiva vakafa nehope ndikarara paside pavo. Ndakanyepedzera kukotsira pakarira alarm vakabva vandirova rova kundimutsa zvikanzi, "mukai tinamate mai mufundisi."
Ndakanyepedzera kunge ndiri kubva kuhope tichibva tapfugama tikatanga kunamata. Patakapedza kwakurara ndipo pandakazokotsira kusvika kuma 3 am tikanamata zve kwakudzokera kurara. Ndakazomuka kuma 6am tikanamata ndokuzobuda ndoenda kunogadzirira Ropafadzo kuti aende kuchikoro. Ndakazotanga basa repamba kusvika ndapedza, apa ndainonokerwa nekuti nguva dzataiva tataurirana naDiamond dzikwane. Ndakabika tea nechingwa tikanwa vachibva vazogadzirira kubuda baba mufundisi vava kunosangana nevanhu vavo vekuchurch. Vakaenda zvavo ndikasarawo ndichigeza ndikanyatsopfeka dress rangu raitevedza muviri haikona uku ndine weave yakakamwa bho bho ndakanyatsoita make up yangu ndikazvipfapfaidza perfume yainhuwira zviri smooth ndokupfeka mahigh heels angu ndikatora kahandbag nephone ndikabuda. Ndakaita zvekukwira kombi, ndaisada kuti Diamond auye kuno panozoita madziro commit ndikapinda busy. Sezvo ndiri amai mufundisi panongoita wekuchurch anondiona ndichipinda mumota saka ndaisada izvozvo. Ndakapinda mukombi ndokusvika mutown ndichibva ndaenda paPizza in paye patakambosangana ndichibva ndamufonera. Akati ave kutosvika ndikangomira kwe 5 minutes ndikamuona uyo asvika nezijagwa rake remota achibva adzikisa window akandipa sign yekuti huya. Ndakaita kunhonga step ndakananga kumota akavhura door arimukati ndikapinda. Ndakavhara door remota then we exchange hugs and kiss achibva amutsa mota takuenda kumba kwake aiti anogara kuMaranatha.
Patakasvika ndakashamisika neimba yandakaona akati yaiva yake, ndakaratidzwa mota dzaiva mugarage ndakapa kutenda zvangu. Mumba macho kani ndati mumba macho imika wega unozorora. Apa isu vamwe ndipo patiri kugara imba yekulojerwa nevanhu vekuchurch apa haina kana paint yakangoplastwa chete inotoiswa cobra tsvuku. Ndakademba kuti dai Diamond hake ariye murume wangu zvake. Imba yaDiamond yakanaka kani imi ine ceiling matiles yakanyatsopentwa zvakanaka chose apa ngaikure.
End of Chapter 1
Kana marifarira toenda mberi.
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
60