Chihelele Stories
February 26, 2025 at 05:33 AM
https://chat.whatsapp.com/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne *Jambwa* By Nita Chihelele 0780368492 0716847737 *FREE BOOK PLS SHARE* Chapter 14. Farai Hatina kunonoka kuwana malifts ekunanga kwaMurambinda. Aitonzwisa tsitsi Selma. I felt bad nezvaaiva ava mwana wevaridzi nekuda kwangu. I tried kuitawo nyaya not sure kuti ndaizodairwa here after kumudadira kwangu. Ndikatopindurwa zvakanaka naka. "saka wakatanga rinhi kurwara?" waiva mubvunzo nhando. Mhamha vaiva vandiudza zvese. Dzaiva nyadzi chete akati, " ndavane 1 week." "Unopora handiti?" I assured her Kunge ndini ndaiva chiremba. Jacket ndakarikurura tichirimumota kwakumupfekedza pamapfudzi. Kunyangwe kwaisatonhora hako. I was just trying to make her see kuti handisi mhuka. Icho chirokwe chaaiva akapfeka chaiva chakachenuruka zvekutosakara chaiko. Ndakati, " wadii wapfeka rimwe rokwe nhai Selma?" "Hembe dzedu zhinji dzakasviba hatina sipo yekuwacha." ndaiti ndirikutsvaka nyaya nyambisirwa ndakutozvinyadzisa kwakungobwayira bwayira ndatarisa kunze ne window. Takasvika tichinanga kuwindow kwakunobhadhara nekudhindisa. Akapinda mukati akatariswa. Ndokupihwa injection ipapo ipapo. Akazosara agarira mapiritsi mamwe ini ndokunomutsvakira sadza. Aive akuchema nzara. Ratidzo akabva afona ndirikuzvima caravan zvaibikwa sadza achiti, " uribho?" "Yes babie ndiribhoo. Wamuka sei?" akati, " aah daddy shuwa kumuka ikezvino? Hadzisi dzatova kuma1 here? Ndaedza kuisa whatsapp messages kakawanda ndichibvunza kuti mafamba sei kuchipatara but no response. Arikuto ticker 2 saka ndazoti better kufona chaiko. " Ndaive ndaguma kutaura naye Kuseni ndichigadzirira kuenda kuchipatara. I got all busy naSelma zvekuzotadza kutaura naye. " sorry maimwana kungoti munhu wandiinaye pano arikutorwara zvekudaro. So ndini ndirikutofamba ndakamubata balancing her. " I realized kuti ndabhaiza kutaura izvozvo paakapindura achiti, "aaah ko mhamha varipi?" "Mari yekuti tikwire tiri3 haipo shaa. But trust me ndiriwako. Kungomubatsira I feel bad kungomuyeva." akabva ati, " Hapana kuipa hapo my love." Takatombokurukura dzekudanana kwedu tichiudzana masweet nothing ndokuzo cutter. Actually ndaida kumuudza kuti mari yandaiva ndatapudza pamari yeroora rekwavo yaiva shoma. I wanted to buy sipo nezvimwe zvandaive ndaonawo vanamhamha vasina. Ndaive ndisisatumire zvekudaro nemhaka yekuedza kuchengeta mari yekunoroora. Mhamha ndivo vaiva vandisimbisa vachiti, " isu tichaedzawo kurara nezvatiinazvo kuno. Purizi Farai unganidza mari unoroora mwana wevaridzi. Akaona chaanoona tonoreva kunani? Plus munhu akarema anongotyisa kugara naye usingataudzane ne vekwavo." Ndakaenda nesadza ndikatowana agara panze achiti, "ndatopihwa mapiritsi kwasara kuti tichienda." "How are you though?" I enquired akati, "Better injection yavandipa iri strong." ndakamutambidza sadza rake ne spoon yacho Munhu akadya kusvika adikitira. Ndakapotsa ndaseka achidya fast but kuseni chaiko porridge aiva atadza kuridya. Chinhu chandakacherechedza ipapo ndechekuti tunonaka twaidiwa. Ndakasumuka chinyararire kwakuuya necascade iro rakanwiwa rikasiiwa pahalf hanzi, " ndasiira Wadzanai." "Ndomutengera rake iroro nderako." rakabva ratodhudhudzirwa rese. Chero kufamba aiva agwinya zvekugona kuzvifambira. I needed money badly but kuti ndiudze Ratidzo zvaisatoita. Kutapudza pane Iya yeroora futi. Apa the situation was bad kumba. Kuti ndingofuratira zvaisatoita. Of course ndaida kuroora but ndini zve ndaiva ndaita Selma ave musituation yaaiveri. Takananga kwaChoppies nekamari kangu kebhazi kandaiva ndasara nako. Kwakuti kunaSelma, " nhonga zvamusina kumba." akanhonga sipo, shuga mafuta ekubikisa neekuzora nemunyu ne matches. Kwakuti, " ndatora." munhu anenhumbu ndaive ndakutomuziva from Ratidzo. Saka ndaiziva kuti zviripo zvaitodiwa nemoyo wake. But aive nekakunditya kuti azvitaure. Zvinhu zvaaiva atora zvaiva zvemumba chete. "Ko iwe hauna here zvaunoda, zvisiri zvekushandisa mumba. Zvako zvaunofarira." akanyara nyara ndokuti, " tin fish nemabiscuits." ndakanhonga magaba 5 nezvima packets zvemabiscuits 4. Nema cascade matatu. "macascade ndeyako yekunwa kumba imwe ndeyamhamha imwe ndeyaWadza. Mabiscuits amwe ndeamhamha mamwe ndeaWadza . 2 ndeako." akafaririra ndikanzi, " thanks waita hako." Takabuda tatotakura chaizvo. Tavapamisika paye panomira mabhazi I noticed kuti makumbo ake aive aita kuzvimba mutommy. Paitengeswa zvima push. Ndaiona Rati aive akufarira kutenga mapush. I felt bad kwakuti," haude here mapush apo?" Shyly she said," ndomada." "Sarudza aunoda tiende." akatobvisa matommy fitting kwakuzotora eblack. Akabva atopfekwa ipapo ipapo ndikaona shasha ichisekerera. Ndikanzi, "waita hako Farai." "pleasure." I responded. Takasvika kumba Wadza akutobika usavi hwemadeko atobva kuchikoro. Tunonaka twakafarirwa kani. Mhamha vakazosvika kwatosviba vachibva kunyemba kumunda. Vakatenda zvandaive ndatenga but tava tega Ndakanzi, " Farai shuwa ucharoora neyi mwana uya arikutawundi? Isu hatifi nezvatirikudya pano. Wanga wagona kundiendesera munhu uyu kuchipatara. Zvizhinji zvekutambisa mari izvo mwanangu dai wamira." " Don't worry muchembere kamari kangu kandakangoitawo ka piece work paweekend. Yekunoroora handimboibati kana. December uno chaiye tirikuenda kunobvisa without fail. " I lied ndisingade kuona mai vangu vachishungurudzika. Vakangobvumira but vasiri convinced hanzi," please Farai undibatsire hako usaitapudze tipedzerane nazvo. " Manheru ndava kugota kwangu ndakamboita nyaya naRati. Kwakuzotaura neumwe muface wekubasa kwedu ainzi Digo. Aigara anemari yaaikweretesa chimbadzo. So ndakataura naye kuti anditumire painnbucks ndaizonoitora Kuseni kwaMurambinda. Haana kutombonetsera zvakawanda akandipa yandaida. Kuseni seni handina wandakaudza ndakangomukira kwaMurambinda. 12 dzakachaya ndadzoka. Ndakangotora mari nekutenga usavi chete. Mhamha complained ndauya neusavi hanzi, " Farai unotambisireiko mari? Wakagona ukatengera Mandlovu magaba ehove. Isu tinodya chero mwanangu.". "Aaah mhamha amana nyama ye5usd inotora mari ngani ko?" Ndakanozvivharira mugota kwakumbotaura naRati. Aitobvunza kuti Selma ava sei ndikatomuti, " ava bhoo uyu mangwana ndirikuuya babe." Manheru ndakatayimira mhamha vasirikuona kwakupa Selma 20usd ndokuti," it's for you kana pane zvaunenge uchinzwa kuda handiti?" akatenda kunge achandibereka. I hugged her ndikatozovhunduka ndatomumbundira ndokuti," sorry. " Instead she smiled akatarisa dumbu rake hanzi," mwana abva atotamba nhai?" I looked closer padumbu racho ndichida kuona akati," shuwa! " ndakabata dumbu riya ndokuti, " ngaatambe tinzwe." haana kuzotamba kwacho ndikati, " kanemanyemwe nhai. Karikuda kuti ndikumbundire futi katambe handiti?" she smiled achindisiya ndimire. Ndakasara ndikasekererawo. Ka episode kacho kakangondiitira funny nekundinakidza zvese. Madeko acho we had supper pakazosvika tete maiTaka vachitsvaka munyu. Sezvo kwaiva kwasviba ndakazovaperekedza kunovasiya kudhuze nemusha wavo. Ndakudzoka ndakanzi, "Farai hongu mukadzi uya haumude unaye wauri kuda kuroora. Asi ziva kuti akatakura mwana wako. Mwana wako wacho unoti anosimbiswa nani? Uchazvarirwa chirema iwe. Simbisa mwana wako semurume kwete kuzosimbisirwa nanaPaurosi vanongoswerombeya nemombe mumafuro umu. " Havana kumirira kuti ndipindure vakabva vatobvuta munyu wavo wandaiva ndakavatakurira hanzi," dondipa munyu wangu ndiende zvangu. " vakanopinda pachivanze pavo ndikangosara ndapusa. Ndakadzokera kumba ndakutoda kusimbisa mwana kwacho. Unenge utori kure nekufunga zvimwe zvinhu umwe munhu ongokuita uchitange kuzvifunga. Tete vaiva vaita sekuti pane button ravadzvanya mubrugwa mangu. Ndaiva ndakutozvidisisa. Ndakawana vanhu vatopinda mumain house ndikashaya pekutangira kukumbira Selma wacho. Ndakazobatsirwa naRati wandakaita naye nyaya pawhatsapp kusvika kwatova midnight. Kuseni Ndakaonekana namhamha vachitobudawo kuenda kumunda. Wadza aiendawo kuchikoro. Selma ainzi asare achibika. Ndakabva ndatoti ndiwo mukana. Handina zvandakataura naye ndakangomumbundira nekutomunama kiss. Nekufemereka kwandaiva ndoita akabva atoiziva nyaya yacho ndokumuti, "shaa ndirikuda kusiya ndasimbisa mwana wedu." She didn't argue ndokumubata maoko ndichinanga naye kugota kwangu. Ndakangorisudurutsa brugwa rake nekutopinda. Iyewo anenge aiva akatokuvara kare. Ndakamupa 2 rounds dziri strong and kissed her ndokuti, " thanks hako. Kana une zvimwe zvauchasara uchida undifonere handiti ka?" she nodded shyly ndokunzwa, "Mandlovu!" Hana yakarova ndikaona naiyewo akutya. Hameno vaiva vadzokereyi mhamha. Takaramba tiri zii vakapamha kusheedza. Vakazosheedza kechi4 coming straight kwataiveri. Probably vaiva vatsvaka kwese ndokuona door rekugota risina kunyatsovharwa. Ndakaona kuti hapachina kuhwanda kwakuzvigadzirisa fast ndichibuda ndichiti, " Muchembere!" ndichiedza kungwara ngwara. Vakanditarisa ziso richimhanya mhanya ikoko kwaiva kwadya muchero ndokutaura semunhu arikufungisisa hanzi, "uchiripano? Uchiri kuitei?" "Ndanga ndakanganwa something muchembere ndakurova pasi." I responded ivo ndokutarisa kudoor regota hanzi, " Mandlovu aripi?" iye Mandlovu wacho kuda Kutya or kuremekedza akabva abuda ndokumira kuseri kwangu hanzi, "mhaaa." "Farai ka! Ndati Farai urikumboda kuita sei chaizvo? Ukuda kundiuraya nebp here? Barika ungarigona zera rako iroro?" vakadaro vaita kundinongedzera kumeso chaiko nechigunwe chaiita kubvunda. Zvekuti for a second ndakambofunga kuti ndoipihwa mbama chete . Ndakangosekenyeka ndichiedza kuactor cool. End of Chapter.
❤️ 😂 🙏 👍 😢 😮 66

Comments