Chihelele Stories
February 26, 2025 at 05:33 AM
https://chat.whatsapp.com/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne *Jambwa* By Nita Chihelele 0780368492 0716847737 *FREE BOOK PLS SHARE* Chapter 15. Farai. Ndakaenda hana ichirova ndakutya kuti mhamha vaigona kuudza mbuya nasekuru pafon. Kuti ndarara na Selma ikanoita imwe kuHarare. Sekuru baSam nemukadzi wavo ndaivatya. They had made it clear kuti Selma zvandaiva ndatotora Ratidzo. Aizodzokera hake kumba kwavo kana vekumba kwacho hasha dzavo dzaserera. Selma handina kutombomutyira kuti anovhiringwa namhamha nekuti vaisanetsa mai vangu. Zvavaiva vatopopotera ini I knew kuti zvatopera. Ndakambozama kuisira Selma message ndirimu bhazi ndichiti, "babe mhamha Havana kusara vachikupinza busy here? I'm so sorry hako shaa undiregerewo. Ndichakuisira mari wanzwa?" Kwaiva kuzama kunyengerera nekuti ndini zve ndaive ndamufurira. Haina kupindurwa yakatoita maticks 2. Ndakazovarairwa zvangu ne profile Pic raive akaisa. Ndakatoshaya kuti shuwa shuwa ndoshungurudzireiko mwana akasvika svika kudaro? Recalling the way she responded pataiva tarara tese Kuseni ikoko ndakasekerera ndega. Her moans made it more enjoyable. I smiled ndichiita kurizoomer pic rake. Ndakazokanganiswa ne whatsapp call yaRatidzo. Ndakamboyi ignore ndakutozvinyarira. Kwakuzoita zvekunoisa message kuwhatsapp kwacho ndichiti, " babe wadii?" ndopandakatoona kuti she had sent a message kuma6 chaiko pandaitova busy zvangu na Selma. Pandakazopinda mubhazi pfungwa dzaive dzazara Selma so handina kumbofunga ne zvake. Akati, "iih ndati better ndifone munhu haasi kundipindura iye atori online zvake."  ndikati, " maya babie ipapa ndanga ndichitaura nakule Sam. Ndanga ndichitovaudza kuti ndichavatumira kamari vatitengere preparation kuSA. Haa ikoko hanzi zvakachipa shaa." moziva nhema hadzimbodi kugraduater? Kuti nditi ndaive ndamaruka zvenguvai manyepo iwayo handizivi. Ipapo ndaive ndatoronga kuti pamari yandaiva ndakwereta yemuface we kubasa. Ndaitozongonotapudza paneyekuroora. Ndonyepa kuti irikuenda kuSA kupreparation. Zvepreparation zvacho ndaizongoona zvekutaura kana nguva yacho yakwana. I closed my eyes not believing kunyura kwandaiita mukunyepa. Iye Ratidzo kwakufara hanzi, " hiii thanks hako babe mbatya dzekuSA dzagara dzakanaka hadzo. But tisatore yakawanda shaa December tofanirwa kuenda kwedu." she begged ndikati, " December chero dzikarema sei njuga dzacho shaa toenda chete." Honestly ndaive ndisisina simba rekuda kuenda sepekutanga. Hameno zvaive zvangoitikawo. Ndainge ndakutonzwa kuti December wacho togona kusaenda nemafambiro aive akuita mari. But I couldn't say that to her ndichitotya kuchemerwa. Nzira yese ndaive busy kumuvimbisa denga nenyeredzi dzayo. Ndakazosiya kutaura naye fon yangu moto wava mushoma. Ndaive ndisina kuyicharger. Ndatoburuka ndakuenda kumakombi message from Selma yakapinda. Yaive yakanzi, " havana avo vangonditi ndisabvume kutambiswa newe nekuti unemukadzi wako." "Babe ndogona kukutorai mese. You're also my wife hapana kukutambisa kwandaoita." fon yacho shanje yakabva yatodzima. Ndakawana ndakamirirwa na Ratidzo. Ndakapihwa mvura yekugeza ne chikafu kwakupanana rudo sevanhu vaiva vasuwana. Takutandara akati, "Saka chaive chii ko chaikonzeresa mapundu?" "Kwani ko babe kuyema chete chete. Ndasiya hangu ndamuudza kuti handisi kutozombotambisa mari yangu futi ndichifambira zvake zvekupenga." I lied akati, "hiii usadaro Farai muviri mwene wawo anozvinzwira kurwadza. Unofunga anganyepa here? Iwe hauna kumaona here mapundu acho?" "Ndamaona shaa but anga asiri serious," ndakabva ndatotanga imwe nyaya not feeling comfortable nekuramba ndichinyepa. Fon kuiisa pacharger zvemusi iwoyo ndakazeza. Ndakairega yakadzima kudaro kurikutya kuti Selma aigona kufarisa akafona. Manheru takatwasanudza makumbo kuenda kwasekuru. Vakandibvunza hurwere ndikataura izvozvo zvandaive ndaudza Ratidzo kuti Selma kuyema. Mbuya vakatoti, "akangwarisa satete vake uya. Uchenjere kuteyewa ukazomuda. Isu tinoda uyu ndudha wedu uyu." she said that laughing vachipuruzira Rati. Takazobvako kuma9 husiku takunorara. Hatina kurara tichifadzana neumwe wangu. But ndaingozvitongesa nezvandaive ndaita naSelma. Mangwana acho ndakamukira kubasa kwandakanocharger fon yangu. Ndikatowana jahwi rema message from Selma. Ndakapedzera shungu kutaura naye ndirikubasa. Akazondiisira imwe message achiti, " mari iya yawandisiira ndatengera tete Wadza satchel. Ravo ranga risisaite ne mabooks netuma socks. Ndanga ndichikumbirawo  yekugadzirwa musoro." ndakapotsa ndapopota. Amana ndaive ndamuudza inga wani kuti asaratidze munhu mari iyoyo. Obvious mhamha vakatoziva kuti ndini ndaiva ndamusiira mari. Ndakazongoti," iribho ndichaisa pabhazi paweekend ipapa." Ndaive ndazongoona kuti it's only fair kuti ndimupe agadzirwe musoro kwacho. Ratidzo ka aigadzirwa every monthend. Ndakasvika kumba ndokuti, "babe mari yepreparation ndofanirwa kuisa pamukuru kutown mangwana kule vatenge zvinhu zvemwana. Unyore list yezvinhu zvacho." fon ndaive ndatoisa password nekutoisa pasilent. Aisave hake munhu anobata bata fon yangu but ndakangoitira kuti zvisandinetse. Yakafarira shasha ndikaona yakunyora vana baby blanket, vana baby bum cream. Ndikanzwa tsitsi. Kuseni ndakamuka ndichitora amount yemuface we kubasa ndokuti, " ini shaa kuchengetera mari mumba kunombondityisa. Especially ndikafunga incident iya yakawira vanambuya soo ka." akati, " manje toiendesepi? Yeah shuwa mari inonhuwa ka kumbavha." "I was thinking kuti maybe tikaichengetesa boss vangu it's safer that way. Munhu anemari dzake chero akaidya anotipa anytime patinenge takuida. Chero monthend chaiyo togona kungomuudza atipe yekushandisa the rest okanda ipo paneimwe." Ndega ndakanzwa kuti ndataura nhema dzinemusoro. Nechemumoyo ndakangoti dai zve chirichokwadi. Akaifarira pfungwa iyoyo kwakutotakura mari yese ndichienda nayo. Chokwadi chaivepo ndaive ndatoronga kuiisa pamwe pandaizenge ndichivhomora pasina explanation to make. Zvekunoroora December taizongoona kana yasvika nguva yacho. Days passed ndichingotaura naSelma sending here some money nerweseri. Ndakazofonerwa namhamha rimwe zuva vachiti, "Farai December handidi kunzwa ngano. Mari dzaurikutumira Mandlovu ndirikudziona." Lucky ndaitova munzira kubva kumashops ndokuti, " mhamha I know what I'm doing musatye henyu." ndikanzi, " heyaa! Tatotanga ka December nhasi." ndakangwara ngwara ndichiti," yes muchembere ndirikuzviziva. " vakabva vacutter tisina kuonekana ndikasara ndichitura mafemo. Ndichisvika kumba Ratidzo akaita wo sekuti aiva ambotaura namhamha kwakuti," 1 December nhasi my love chitora ka mari kumurungu titange kurongedzerera." ndikati," iribho babe murungu arikuNyanga mazuvano but next week anenge adzoka." akati, " Ko preparation sekuru Sam varkutii? Handiti wakati ndobva ndasungirwa here patinonoroora? Ndanga ndichida kuenda ne zvinhu zvemwana. February wandichabatsirwa kunenge kuchinaya. Kunoita kachando kana kwanaya saka baby blanket ndanga ndichirida nekukasika. " " Kule kungoti munhu Anowandirwa but haisi nyaya hayo ndichavaisira message. " ukuwo mbuya nasekuru vaiva vakundipa pressure yekuti tigadzirire kuenda. Days passed ndichingoita chi dodgy dodgy. Until this day randakadhakwira kuzowana zvivindi zvekutaura chokwadi sezvachiri. Ndakawana atorara Ratidzo pandakapinda akati," shaa wanga uripi? You got me worried ufunge. Hausinonoka kuuya iwe." ndakazvikanda pabed I could hardly stand kwakuti, "shaa sorry mari yekunoroora handina. I had to support Selma kumusha sezvo iwewo ndichikusupporter muno. Ndinayo but it's not much kuti tinoroora. I'm sorry ndichaedza kutsvaka imwe." akati, " what?! Farai stop joking nezvinhu zviri serious shaa." "I'm not joking Ratidzo, tarisa mujacket rangu ririmu wardrobe. Ndakaricheka mucollar utarise mari iri imomo ndiyo yese. Hakuna kwandakamboichengetesa it was there all this time." she laughed kakuseka kekusabvuma zvaaiva anzwa. Ndokumboramba akabata chiuno with both hands akanditarisa. Kwakuzonanga pacho pandaive ndamurayira. Akaburitsa mari iya kwakuyiverenga ndikaona achiita kupera simba achitura mafemo. Akairasira pasi mari iya kwakunozvikanda pabed ndikaona misodzi ichiita senzizi. I pretended kukotsira ndatoona kuti paipa. End of Chapter.
❤️ 😢 👍 🙏 😂 😮 54

Comments