Chihelele Stories
February 26, 2025 at 05:33 AM
https://chat.whatsapp.com/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne *Jambwa* By Nita Chihelele 0780368492 0716847737 *FREE BOOK PLS SHARE* Chapter 16. Ratidzo. Ndakaita kupera simba. Misodzi yakatanga kuyererera ndakarara facing the wall. I had suspected kuti Farai achinja somehow. I had also suspected kuti ariku communicater na Selma chete. Just that I didn't want to sound like an insecure woman. Ndaive ndazvicherechedza kuti fon yake yava ne password zvinhu zvaaisaita Farai. Sometimes I would find him staring into space zvemunhu arikufungisisa. Aiva asisanyanyi kuda kuti titaure nezvekuenda kwedu kunoroora. Ipapo Mazuva acho aiva aswedera kwaiva kwasara 3 weeks kuti tiende kwedu. Uku wo I was busy lying to my mother ndichitaura amount yemari yandaiita kufungidzira kuti iripo Vaiita kufara kani. Vaigara vachindipawo maupdates ekugadzira kwavaiita pamba kuitira vayenzi. Thinking of how my parents especially my mother were going to be disappointed  shattered my heart. I cried iye munhu akutoridza ngonono. It was my first time kuona akadhakwa kudaro Farai. Ndadzikamira ndakatora fon kwakuisira  Joy message ndichimuudza zvese. Including kunyepera mai vangu kubva na kubva. Aitova offline ndikatoita WhatsApp call kudzamara avhura message yangu. Akandinzwira tsitsi sahwira wangu kwakundisimbisa simbisa. She promised kuzondiona mangwana acho. Kurara kwakanetsa ndikaisirawo tete vangu kwandaimboshanda message telling her my story. Havana kunonoka kudaira havo. Ivo vakabva vatoti, " Rati dambudziko rako ndirikurinzwa ufunge. Asi ka kunyepera mai vako wakatokanganisa. Ndiye munhu waurikufanira kuudza chokwadi chizere akubatsire nemazano. Mai havakutsamwiri zvinoenda kure. Ndivo best friend yako inokuudza chokwadi chisina godo mukati. Zvimwe zvinhu zvakutoda kunamata chaiko. Ndirikukurudzira kunamata chaiko Ratidzo haisi nyore kungozvariswa. But kana hake asina kukuramba pamwe achazoroora hake awana mari. Zvimwe mari yake ishoma zvakudawo ubatsirwe ugone kubatsirana naye. It's understandable though kuti hazvaiita kuti umwe atambure kumusha ariiye akamumitisa. Iwe ingotsvakawo way yekuti mubatsirane nemunhu wako. Ndoona sekuti ndiwe unodiwa ini nekuti arikugara newe. Iwe chirega hako kumuwomesera." Mashoko avo aiva nehudzamu hawo but kuita sekureva kwavo kwairwadza. Ndainzwa kuda kumu ignore zvamuchose Farai. Asi yevana vanozara bhazi iyi ndiyo yaizoita kundipusisa. Kunamata kwavaireva ndaitokunzwira nungo chaidzo. Ndaiti ndakamutarisa so ndainzwa shungu. He didn't make an attempt to cuddle with me husiku ihwohwo. Ndikati wo semunhu aita mabororo it's understandable anenyadzi. Kuseni doro rapera I was expecting kunzi sorry. Farai aiva akundida zvandaionawo. But akatomuka achigeza geza ndokungonditi, " hesi." Nekutobuda kuenda zvake. Unlike mazuva ese pandaiitwa goodbye yekiss. Ndopuruzirwa dumbu ndichivimbiswa denga nenyeredzi dzaro. Ndakangosara ndapusa. I was expecting masorry but munhu wacho acted as if ndini ndamukanganisira. Ndakasara ndichubudawo kuenda kwambuya ndichida wo kunovaudza Shura randaive ndaitirwa naFarai. Ikoko ndaiziva kuti nemadiro avandiita aizotukwa Farai agoita zvinhu kwazvo. They were my only hope sekuru nambuya. Mai vaFarai ndaiva ndisisavavimbi. Ndaitofunga kuti vakutodira mwana wavo Selma. Ndakawana mbuya Vega vakanditi, "kwakanaka Dhunda kusvika pano Kuseni seni so? Asi yarwadza? Hadzitembiwe ka nhumbu dzemazuvano. Dzinongorwadza nguva isati yakwana." kaiva katopfumbira kanickname ikako kekuti Dhunda nekuda kwemuviri wangu. Zvaitombondibhowa mazuva ekutanga but ndaiva ndakutozvijaira. Misodzi yakatungamira ndisati ndavhura muromo. Vakandibata kwakunondigadza pasofa vachiti," Dhunda muzukuru wangu zvekuchema izvi hazvidiwe nezvauri izvi. Chii ko? Akurova Farai?" I couldn't open my mouth to utter a single word. Ndainzwa zibundu raiva rakavhara pahuro. Ndakatombochema vakandiyeva vakutonzwisa tsitsi. Pave paye ndadzikamira vakanditi," ndiudze muzukuru wangu chii ko? " " Mbuya mari yekunoroora hapachina. Farai arikuita basa rekuchengeta musikana wake kumusha." I was expecting kuti vashamisike nazvo. Kwakunzwa vachiti, " kungoti mari yake ishoma mhani Farai. Ndaitotaura nasekuru vake Sam pafon musi uno. Ndichiti dai amuwanirawo kabasa karinani ikoko kuJubheki. Arikuzama hake muzukuru wangu asi mari dzemuno muZimbabwe ingani ko? Uyo uko dumbu rakewo handiti ratokurawo zvizhinji zvinodiwa? Yeah panyaya yekunoroora apa pachati remeyi kuti ayiwunganidze. Akatigadza pasi nasekuru mwedzi wapera uyo akatsanangurawo mafambiro emari dzake. Tikatoonawo kuti akawomerwa." Ndakapera power kwakungoramba ndakavatarisa mbuya maiSam. I could not believe kuti ndivo vaitaura kudaro. Ivo vaiva number 1 kukurudzira Farai kuti awunganidze mari anondiroora. Vakawedzera vachiti," ndandamuti shoma iyoyo beta kungonoita tsvakirayi kuno chete zvakawanda wanda zvinozoonekwa chakakosha hupenyu." iyo shoma yairehwa yaiva 50usd. Paizobuda transport yaizosara marii? Apa nemanyepo andaiva ndabika mai vangu ndichiti tirikuuya nemari kwayo. Probably vaiva vatovhayirawo kumashamwari avo murayini. Ndakanzwa kuchekwa chekwa pamoyo chaipo. Kwakungomedza mate acting as if all was well. Vakazoita dzimwe nyaya ini pfungwa dzaive dzisisipo ipapo. Ndakawoneka kwakudzokera kumba kwangu ndatopererwa nemazano. Joy haana kana kuuya sekuvimbisa kwake fon yake yaisatoita. Ndiye munhu wandaiva ndakatemba kuzombochemera hangu. Farai rakasvika pakudoka asina kumboita zvemazuva ese checking up on me. Handina wo kumutsvaka ndaiva ndakamutsamwira hangu. Ndakabika kusvika ndapedza asina kuuya. Kwakuzorovera moyo padombo ndokufonera mai vangu. Vakatodaira vakafara hanzi, " hiii mwanangu muviri kuneta nekudzura dzimba. Ipapa ndakadzura nevhu dzvuku ndikaisa bhandi rewhite dzimba dzese. Apa rewhite ivhu tirikurituta kwaMutsanyamate kwese uko nemusoro naBibi. Ndiye zve arikudrawer maruva pamidhuri hanzi ndinoda veHarare vaone kuti chero tirikuruzevha asi tinogona kugadzira dzimba dzedu dzedhaga. " she sounded jolly zvakaita moyo wangu utsemuke. Bibi airehwa aive munin'ina wangu. Ainzi Bibiana. Kuti nditaure nyaya yangu kwakamborema ndakutotya kurwadzisa Bibi sekutaura kwamhamha airatidzawo kuti she couldn't wait for my arrival. Plus nebapu raBibi rayini rese hapana aisatoziva hake kuti ndirikuzoroorwa. But kuramba ndichinyepa ndakaona kuti hazvichaita zvamuchose. Ndakakosora kwakuzoti, " mhamha mari hapana yekuti ndizoroorwa." vakambonyarara ndokuzoseka hanzi, "Iwe Ratidzo ziva zvekutamba nazvo iwe," ndikati, " mhamha ndirikurevesa. Munhu ndaiti arikuchengeta mari iye achitoitawo zvimwe nemari yake..." handina kupedza kutaura vakabva vati, " inzwa unzwe Ratidzo Munangi handisi kuzoitirwa zvisina basa newe wazvinzwa? Baba vako vaigara vachindiudza kuti usafarisire zvinhu zvaRatidzo hazvina manyanisi. Ndichiti vanongoda kutaurisa nyambisirwa vaitoziva zvavaitaura nhai? Ini kuvengana ne murume wangu nekuda kwako bodo Rati. Please huya hako uzotora kaduku kamwana kako aka kaChipo. Matwins ndakagara ndamagamuchira kare anosara hawo asi aka kaduku huya hako utore! "  vakabva vato cutter. Apa Farai aisaziva nezvemwana muduku musikana futi. Iye aitongoziva matwins e4 yrs sezvo aimbovatengera mbatya. Ndaizoti ndewani? Ndakatanga kuwomerwa zvekurevesa. Akazosvika Farai ndatorara haana kana kudya. Akanditi," hesi. " Ndakatoona kuti ndini ndaitofanirwa kunyengerera. Pamwe aizongonzwisisa ade nezvemwana wangu tongogara hedu pasina roora racho kusvika Jesu adzoka. Ipapo mhamha vakatanga kubeeper pafon pangu kasingaperi ndikasvika pakutodzima fon yacho. Ndakaedza kurara ndakamugumbatira Farai asi akatorara kuedge kwebed kunge achadonha. Zviye zvekuti handisi kuda. I  was left with no choice but kutomupa makumbo asina kumakumbira. Ndaiti sechinhu chaaifarira aigona kutonyevenuka. Asi hazvina kudaro, akangokwira kunge munhu arikukwira mumutsvubvu. Kwakuita zvaakaita nekutoburuka achifuratira. Zvakandipedza simba ndakutoshaya kuti ndonyengerera sei. Kuseni ndakamuti, "Farai I know things are tough for you my love. I don't blame you for what you did. I'll be patient with you. Ichakwana mari murume wangu ndazozvinzwisisa hangu. Mari iya yacho iripo ndipe ndiedze kuchengeta ichasvika hayo pakukwana." ipapo ndaive ndatoronga kuti yandaimbopihwa kutenga zvemumba ndaizongoedzawo kutapudza ndichichengeta. Payayizokwanirawo ndipapo. "Mari handiti wakairasira pasi zvekuramwa. I used it for other things shamwari," mhinduro yacho yakandigadza pasi. Ipapo fon yake yakarira akatoidaira amire padoor akutoda kubuda kuenda kubasa. Ndikanzwa achiti, " yes babe! Warara bho? Ini manje ndakusuwa kupfuura iwe. OK ndichaona pakati ipapa ndokutumira. But ini ndouya ka1 pa exmas babe." I knew he was talking to Selma. The nerve yekutodeedzana babe ndiripo? I sighed ndakutoda kuchema. Haana kutozondicheuka akabva atofamba kuenda still talking pafon. Ndakaswerera kuchema ukuwo mhamha vaingo beeper. Ndakazovafonera vakangodaira vachiti," ndirikumupa maiTamara mwana wako iwe Rati. Arikuuya navo kana usiri kuda kuzomutora. Chipo nenhumbu iyoyo handivadi pamba pangu. Sababa vako varikudya magaka havasi kuda kutoona iwe pachako." "OK mhamha ndirikuuya kuzomutora hangu." mai Tamara vairehwa nditete vandaimboshandira. Zvaisazobuda zvakanaka mwana wacho akuuya namai Tamara. Kwana Godknows baba vevana vangu kwaisaitoita nekuda kwekuti raiva barika. Plus mai vaGodknows vaiva vakasoshaya karesa. I sighed ndatopererwa, Joy akazofona musi iwoyo achitoti, " hii asikana imi ndirikuchipatara. Ndarwara kani but ndobuda hangu nhasi. Nyon'o chaiyo ndichasvika kwako ndikasimba simba kufamba." Handina kuzoda wo kumuremedza nenyaya dzangu. Farai yaive yava habit yake yekunonoka kusvika pamba. Nerough aiva ava nayo munhu wacho. Panerimwe zuva raakasvika kuma 10 ndikanonoka kukiyinura akapopota hanzi," unenge uchimbokiyireyi uchiziva kuti handisati ndauya? Haisi imba yako ino usade kundibhowa." kubva ipapo ndaingosunda door ndorara. Rimwe zuva ndatorara ndikanzwa kuvhurwa kwedoor kwakuramba ndakafuka musoro. Ndaitoti ndiye Farai. Chakazoita ndivhure musoro imhaka yekuti ndainzwa kunge munevanhu vakawanda. Kwakutosanganidzana nevarume vatatu vaiva vakapfeka mabalaclava kumeso. Ndakada kuridza mhere umwe wacho Kwakuita sign yekuti nyarara nebanga pamuromo. Ndakadedera vachiita kuzunza kese kaiva mumba. Vakaridza tsamwa vashaya zvisvinu zvavaida umwe kwakunditarisa ndokuti, " haa guys we can't just leave empty handed ka. Mbuva iyo ngatidyei fast tirove pasi." hana yakaita seichabuda muhembe ndichiona zvaaireva nekuti aitotaura undoing his belt. Akangouya pamusoro pangu kwakutondipinira pasi akabata huro zvekuti kufema kwaitorema. Ndakatadza kurwisa achiita kundibvarura zverough. Achibva kuchiuya umwe wacho. Lucky umwe kusina kure kwaaenda umwe aive amire ndokuti, "guys pane munhu arikuuya ngatitizeyi!" vakajamba vese ndokubuda vachimhanya. Ndakasara ndangoti rabadaa ndichitadza chero kuvhara ikoko. Farai akabva atopinda..... End of Chapter.
❤️ 😢 🙏 👍 😮 😂 84

Comments