Chihelele Stories
February 26, 2025 at 05:56 AM
https://chat.whatsapp.com/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne
*Jambwa*
By Nita Chihelele
0780368492
0716847737
*FREE BOOK PLS SHARE*
Chapter 17.
Ratidzo.
"Usade hako kundiitira miyedzo. Inini manje ndigare nemunhu atorarwa nezana revarume? Ko kana vakusiira chirwere ukuda ndife ka?"
2 days dzaive dzakwana kubva kurepiwa kwandaiva ndaitwa. Ndaitombodemba kuti dai ndisina kumuudza Farai kuti ndarepwa pamwe zvaigona kuita nani. Manje paakapinda ndakabva ndatochema ndichitaura zvese zvaiva zvaitika.
Chero kupolice kwacho ndakatokuenda ndega munhu asiri kutoda kundinzwisisa. Hapana ka chake chaive chatorwa. Mbuya nasekuru vakamboedza kumutsiura explaining to him kuti itsawona wo yaiva yandiwira. He has to support me asi hazvina kushanda. Mbuya vacho wo kwakuzonditi tava tega. "Aah zvakangooma kuti murume akude or kugara newe achitoziva hake kuti wamborarwa." it was like they had taken his side.
Joy ndiye ega munhu wandaingoturira nhamo dzangu. Akatombouya kuzondiona.
Nyaya yacho mapurisa aive ati ndi describe vanhu vacho. Manje vanhu vacho vaive vakatopfeka mabalaclava saka ndakangoedzawo nepandaigona napo kudescriber kwacho.
Ipapo Farai aitopopotera kuti ndararireyi pamubhedha. Akawedzera achiti, " waridza pasi Rati handichakudi pamubhedha wangu. Chihure chako ndochaikonzeresa kuti uzvariswe uchisiiwa ndazozviona. Hapana murume anedzinodhonza angaroora munhu akaita sewe. Shuwa shuwa dzimba dzese idzi vakaziva sei kuti pano hapana kukiyiwa? Uye uriwega? Hausi kuona kuti ritori drama zvaro? "
Ndakawaridza pasi pacho kwakurara iye aingova busy pafon. I guess aitaura na Selma chete.
Husiku hwacho handina kurara. Everytime pandaibiwa nehope ndaipepuka ndichiita kufemereka. Ndaingorota mazimbwa achindidzingirira ndizere ropa maoko ese. Dzemusi iwoyo dzaitotyisa nekuti rimwe zimbwa zidema dema raiva nemazizino Kunge wolf. Randaigara ndichirota randaitotya pakati padzo dzese imbwa dzandairota. Rakabva randibata gumbo iri rikaita kundibvarura. I woke up panting zvekuti Farai akati, "Iwe ka! Ndirikumukira kubasa ini usandiitire noise."
Kubva ipapo handina kutozomborara nekutya. Kuseni seni akamukira kuenda kubasa ndikasara ndakagarwa bhobho namhamha pafon . Ndaiva ndamukirira kunzi, " Ratidzo huya utore mwana wako ukundinzwa?!"
I cried ndatopererwa. Ndakaenda kunambuya vaFarai kwakutonyepa kuti mwana arwara kumusha. Vaiziva wo vakomana matwins aitaurwa naFarai Mazuva ataiwirirana. Vakabva Vatoti, " hii mapatya ndomaziva anonetsa kani. Aah kana Farai anofanirwa kukupa mari unoona mwana shuwa."
Manheru akatouya atopirwa nyaya yacho yekurwara kwemwana nambuya vake. Anenge aive apfuura neko.
Ndakakandirwa 20usd kwakunzi, " utende mbuya vatonditsiura kuti wakatakura mwana wangu. Otherwise ndanga ndichitoda uendere tuu kwenyu. Anyways enda unoona mwana kwacho." aisatoziva hake kuti mwana wacho atodzingwa ndaifanirwa kuuya naye.
Pamari yandaiva ndakandirwa yaive yekungoenda nekudzoka no change yekusvikawo ndakabata kasipo. Ndakangoitora ndokutemutenda ndichiti," waita hako Farai. " ndikanzi," paunouya uchapfuurira kunogara kwaMurambinda. Selma ambouyawo kuno. "
Ndaiziva hangu kuti Farai haachandidi but zvaakataura ipapo zvakaita misodzi yangu iyerere. Ndakachema ndikazvirega.
Mangwana acho ndakaswera ndichiwacha wacha. Kwakunooneka mbuya vaFarai. Ndokuzooneka Joy pafon. Kuseni Farai akatonditi," Buda ndikiye makiyi angu ndozomawanepi?" ini ndaive ndaronga kunomasiira mbuya vake. Handina hangu kupikisana naye.
Ndakanobata bhazi rekwedu kuGuruve makuseni iwayo. On my way I tried kumuisira message Farai ndichimunyengerera but ndopandakatoona kuti ndablockwer. I cried all the way kunosvika kumba. Bhazi racho raiira seraibhururuka. Kuma1 ndaive ndatoburuka. Apa bustop yedu paive pama shops. Ndakasangana nevekuziva Vega Vega. MaiTino muvakidzani wedu ndiye wekutanga kundiona.
Vakarovanidza maoko hanzi, " hezvo hezvo ndiRatidzo uyu?! Ko hauna kuuya nevakwasha wani isu takagadzira pamba kuita pachirungu kudaro?"
Unodemba kunyura muvhu chaimo. Ndakangozhinya trying to act cool ndichiti, " ehe varikuuya vayenzi. Panezvakakosha zvandavinga."
"Haa unotyora maiRati musana uchiuya usati wabvisirwa mhani."
Ndaiita kudedera ndichishaya kuti ipo pamusha waMusavengana ndainopapinda sei. Ndakangoshinga kuenda ndaida kuti kana vairevesa mhamha zvekundidzinga. Ndaida kunorara ndatowambuka kuenda kwavamwe mbuya kunotsvaka pekurara.
My heart bled ndichiona kugadzirwa kwaiva kwaitwa pamba pedu. The effort my mother had put was just too much. Ndakamboda kurova u-turn but imbwa dzekwedu Muchazvirega naDira-Rizare dzaive dzatondiona. Muchazvirega yairuma yaishura. Dira-Rizare ndaive ndasiya kachiri kambwanana chaiko. Makuriro ayaive yaita akandiratidzawo kuti ndaive ndagarisa ndisipo pamba. Lucky Muchazvirega ndakabva ndatoideedza nezita hasha dzayo dzichibva dzatopera. Yakangondinhuhwidza kwakundinhanzwa nhanzwa. Ndakabva ndatoona Takawira my brother wandaisiira mukaka achitarisa munhu aihukurwa nembwa. Instead of welcoming me sezvo aive andiona akafuratira going back inside the house.
Ndakabva ndatoziva kuti pakatsveyama. Ndakasara ndopinda chivanze ndatove mudzimu zvawo.
Munhu akabva atobudikira ndibaba vakabata tsvimbo yavo. Ndakadedera ndakuita kudhanayira ndichipinda pachivanze.
Mhamha vakabva vabudikira nanaTwo avo vakauya wo ndokundimhanyira. Mhamha vakaramba vamire parutivi rwababa. Kamwana kangu kadiki kaDiana kakangomira kakayeva. I guess kaiva kasisandizive.
"Hatisi kukuda pano Ratidzo tora mwana wako muduku ubude. Mapatya anosara akura akugona kufudza mbudzi. Aka kaduku tora zvako hatidi kukuona. Tichakuona pano gore rauchauya nemunhu akakupa mimba iyoyo achizoroora. Ndofunga kukugamuchira uchingouya nevana ndipo patirikuresva. MaiRati mupei kabag kemwana wake pano handisi kutoda kumuona." vakadaro baba vangu pandakaedza kuda kutaudza.
Mhamha havana kana kutora 5 minutes kudzoka vakatakura chibag chandaimboshandisira vana manappy. Ndaive ndakachipihwawo nevamwe mai. Kaiva kasisina zip kabag kacho. Vakanditambidza bag riye ndokunongedzera Diana wangu vachiyererdza misodzi hanzi, " Ratidzo mwanangu asi chii newe? Haa wandiworora hako. Tora mwana wako uende zvimwe ungadzidzawo chidzidzo."
"Ndineurombo mhai nababa. Ndaitarisirawo kuti munhu wangu anouya kuzoroora asi zvinhu zvacho zvakangobhenda...." baba vakandidimbudzira vachiti, " maiRatidzo makutoda kuita nyaya ka nemwana wenyu? Ndati Ratidzo ngaanyangarike nemwana wake or else munopabuda mese pano!"
" Ratidzo enda kani uchengetedze mwana iyeye ikoko! " my mother said that vachiyeredza misodzi. Ini panguva iyoyo hapana kana domhwe remusodzi rakabuda.
Ndakasumudza kaDiana kakangonditarisa looking back at gogo not sure what was going on. Kanenge kaifungidzira kuti ndiri Ani nekuti hakana kumbochema. Vana Two ndivo vakazochema vaona ndakubuda vakatyisidzirwa netsvimbo nasekuru vacho.
Ndakachinja pfungwa dzekuenda kwambuya mudzimai wehanzvadzi yamhamha. Ndatofunga kuti ndaitogona kunokudzingwa vachitya baba vangu kundibvumidza kurara. Ndakafunga wo imwe shirikadzi yaigara kudhuze nechigayo. Yaigara yega nemwana wayo musikana aivawo nemwana pamba. Vainzi maiMakoni, ndiko kwandakangofunga kunokumbira kurara ndofuma hangu ndichidzokera kujeri kwangu kwaFarai. Asi kamwana kandaive ndakatakura ndaitofunga kahobho hobho kuti ndiite zvekudii nako. Ndiko kaizowenzera kuti ndirambwe naFarai. Imwe pfungwa yakamboti siyana nezvaFarai unotsvaka basa. Asi ndaizoshanda sei nendumure nezidumbu.
End of Chapter.
❤️
😢
🙏
👍
😂
😮
191