Chihelele Stories
February 26, 2025 at 05:56 PM
https://chat.whatsapp.com/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne
*Jambwa*
By Nita Chihelele
0780368492
0716847737
*FREE BOOK PLS SHARE*
Chapter 18.
Selma.
Ndakafonerwa namhamha rimwe zuva vachinditi, "Vamamoyo kuri sei kwenyu ikoko?"
I laughed mhamha vaiwanzondideedza ne mutupo kana vakafarisa. Kwakuti, " ndizvo wo hazvo mhamha sei vamwe?" vakati, " vamwe vese vanofara zvavo? Unani ipapo padhuze?"
I was alone mhamha mai Farai vaiva vaenda kumunda. Wadza aive aendawo kuchikoro.
"Ndiri ndega zvangu," vakati, " ko vamwe varipi?" ndakavaudza kwakugadzirisa huro yavo hanzi, "mwanangu zvirikuchinja here zvinhu ikoko?" vaiva vakutaurira pasi pasi. Ndikamboringa ringawo making sure hakuna arikuuya kwakuti, "ehe mhamha akunditumira mari. Ndakutodiwawo December uno ati arikuuya. Haasweri asina kunditaudza."
She whispered hanzi, " Good urambe uchishandisa. Mvura iyoyo inoda kubatsirwa wo netsika dzakanaka. Kusanyima, kutsiurikawo nebvi pasi mazuva ese. Uchanditenda iwe vachakuroora kechi2 mira uone. Haa bodo zvekujairirwa uchingozvariswa ne Zimbabwe yese hazvigoni. Munhu ngaatobatisisa ndipo pako ipapo. Vamwene ndimai vako usatombovasarure. Hama dzemurume udzide kunge dzako uchaona iwe." Ndakangoti," ehoi mhamha. "
" Nhumbu haisi mumaoko munhu ngawanikwe abika, asvayira mvura achera. Kwete kuti vanhu vachibva kwavanobva vopinda busy Kunge vasiya pamba pasina munhu."
Ndakaudziswa kani kamari kavo kakasvika pakupera.
Ndakabva ndatoita wo simba kwakutochera ivhu ndokudzura mukitchen. Kubika zvese zvimwe ndaiita hangu. Ndakadzura nekutokuya. Mhamha vakazouya ndatobika sadza kare.
Yaive first time yangu kudzura mumba. Ndaingoona Wadza achizviita namhamha. Vakaita kurovanidza maoko hanzi, " Yuwiii yuwii! Mukadzi waFarai haugari pasi hako mwanangu. Wakutogona ka kudzura mumba? Ende washanda mwanangu mumba mabva matonaka. Maita basa mamoyo wangu ende hautani kudzidza shuwa. Asi usazozvinyanye zvetuma basa twacho. Hatuperi kani tuma basa twekuruzevha kani. Handidi unyanye kushanda mwanangu nezvauri izvi."
Ndakatendwa kani kunge ndichaberekwa. MaiFarai vaisava ne problem neni havo.
Asiwo mazuva iwayo rudo rwavo rwaiva rwawedzera. Ndaive ndakugara ndakaurayirwa huku. Hanzi handidi unetseke usavi. Yaiurawa konzi ndeyangu ndega yaitoyanikwa kuti ndiseve kwenguva.
Musi iwoyo yakaurawa yaitokandira mazai hanzi, " muroora wangu wakanditakurira muzukuru wangu handidi utambudzike ini mai vako ndakapfuwa."
Manheru acho Farai akafona wo achiti, " babe ndakusuwa ini ndatadza kumirira Christmas. Ndirikuuya mangwana zve2 days chete." I was over the moon.
Mhamha wo vakatouyawo vachiti," murume wako ati arikuuya akuudzawo? "
" Ehe ataura mhamha, " it was her first time kunditi murume wako. Vaisada mazuva ekutanga kuti Farai anzi murume wangu.
Ndakurara Wadza akauya achimhanya akazevezera hanzi,"Maiguru hanzi mukadzi wabhudhi Farai akabatwa anezvikomba kuHarare. Ndanzwa mhamha natete maiTaka vachitaura. Bhudhi Farai havachamudi imi hakuchina kwamuchaenda. Ndanzwa mhamha vachitoti havachadi kumuona pano imi ndimi wavavakuda. Ndafara kani maiguru kuti muite imi mukadzi wabhudhi Farai." ndakapererwa. Ndaive ndamboona tete maiTaka namhamha vachizevezerana rimwe zuva vagere pamumvuri weMusasa waiva pachivanze.
Ndakafarira kuti kana chiri chokwadi chaitaurwa naWadza Farai aive akuzosara ariwangu ndega. Ndakapotsa ndafonera mai vangu husiku ihwohwo ndichivaudza good news. Kwakuzosiyana nazvo.
Mangwana acho akasvika masikati Farai ndinaWadza. Akadzingwa Wadza hanzi, "Ooh dollar iri enda kutuckshop kwamaiChigubhu unotenga mazepe." Wadza wacho kwakuti, "mauya nawo wani bhudhi," pfungwa yaFarai ndatoiona.
Akadzamara ati, " OK ooh tora imwe iyi unotengera tete maiTaka shuga nechingwa ugonovapa." ndokuzobuda kwakaita Wadza achienda.
Paangobuda ndakabva ndatotanga kubatwa batwa hanzi, " babe ndakusuwa ini ndipewo I can't wait kuti undipewo."
Neniwo ndaive ndamusuwa Farai wangu. Ndakamupa nemoyo wese takaita wo fast kurikutya kuwanikidzwa.
Akati apedza akanditenda, " hanzi thanks mamoyo wangu. Ndiwe wandafunga kuroora. Uya munhu ari kuHarare handichadi nezvake."
" Ko mwana Farai? " I was genuinely worried nemwana. Akati, " mwana anoenda namai vake. Umwe neumwe nemwana wake. Ndichange ndichimutumira ari ikoko."
Rudo rwaiva rwaita kunonzi kutambarara serunyemba.
Mhamha vakazouya vakafarirana nemwana wavo. Farai ndakabva ndanzwa achiti," mhamha munhu uya ndakaronga kuti achidzoka kwavo ndimudzorere. Handingagari nemunhu akaita zvakadaro nevarume hobho kudaro. "
Mhamha ndokuti, " ndakanzwa mbuya vako vachindiudza haa ngaende zvake. Chero mbuya vako vakatoti chero rudo naye havachina." ndaisada vaone kuti I was eavesdropping.
Ndakazonzwa Farai achiti," January ndirikuda kuti tiendese mari inemutsindo kwana mamoyo. Kuitira kuti paanozoenda kumasungiro zvisatinetsa."
Akazogara 2days dzake Farai ndichiita kudiwa. Akuenda mai vake ndokuti, " Mazuva afamba munhu uyu asina hembe dzemwana. Wadii waenda naye kunozvitengera mozongodzoka mese paChristmas."
" Mari parizvino handina mhamha but ndosvika ndichiisa mangwana atevere."
Ndozvakazotenderanwa izvozvo kuti nditevere. I expressed my concern yekutya mukadzi waFarai mhamha vakandishamisa hanzi, " uyo ndanzwa Farai achiti Achibva kubva kumba kwavo achanogara kwambuya akamirira kuti abare agozoenda." nyaya yacho ndaisatoinzwisisa. Farai wacho haana kujekesa kuti aiva amubata sei nezvikomba. Handina wo kuda kubvunzisisa.
Farai.
Selma ndiye aiva akudiwa nemoyo wangu. Ratidzo ndaive ndisisadi kumubata. Before kurepwa kakwe aive akungondidhinha so. So kurepwa kwakatondipa excuse.
Ma comments a Selma kumusha aiwanda akaita nditonyanye kuda nezvake. Mbuya vandaityawo nesekuru ended up vakutondi supporter kuti nditore Selma. Pandakadzokera kuHarare I was shocked kuwana Ratidzo atoveko.
Ndakawana arikwambuya sezvo ndaive ndaenda nemakiyi angu.
Ndaitizve semunhu arikuenda kuhurwere hwemwana aisadzoka zvekumhanya.
"Ndadzoka daddy mwana ndakawana atova nani hake," she said tirimunzira kubva kwambuya.
"Hoo irbho but dai wagarira hako kumba kwenyu coz mukadzi wangu arikuuya kuswera mangwana. Ndirikutumira mari mangwana. I can't be with you Ratidzo after what happened paye. Zvekufa nechirwre handidi."
Munhu akatangirira kuchema zvikatondishamisawo. Ipapo aive akatosviba aive akapfeka rokwe raakabva akapfeka.
Hanzi," Farai unoda ndiite sei shuwa veduwe! Handina chirwere ini inga ndakatariswa paye? Ndakanyanyokutadzira papi chaizvo! Farai kani Inga ndinokuitira kese kaunoda wani? "
Akatotanga kuchema zvemhere chaizvo ndikapusa. Lucky kwaiva kwadoka futi kwaisave ne magetsi. Saka vanhu vaisanyatsoona kuti ndivanani.
Ndakatozoita wekutyisidzira takupinda payard pedu kuti anyarare.
Hapana akambofunga zvekudya musi iwoyo seni ndaitonzwa kusemeswa naye Ratidzo.
Akawaridza pake pasi pemazuva ese. Handina kurara musi iwoyo munhu achivhunduka akarara. Achipepuka achiita kubongomora mhere.
Ndakazama kuda kumutyisidzira asi hazvina kushanda.
Ndakatombotyawo kuti chii chaaivhunduka kudaro. Kwakuzomuti, "chii ko nhaiwe? Ndakaneta shaa imbomira noise iyoyo!" She was panting chifuva chichioneka kukwira nekudzika murima hanzi, " Farai ndirikutya ini ndirikungorota ndichirumwa nembwa kani. Ndirikurumwa zvekuzara maziropa anotyisa!"
I clicked my tongue ndokuti, " usiyane ne mbanje dzakachaziwa Ratidzo ukuzvinzwa ka!" kwakubva ndatodzokera mukurara. Achibva atoita kugara hanzi, "sorry hako but ndirikurota zvinotyisa nhasi zviri wesi. Better ndigare hangu zvekurara zvaramba."
End of Chapter.
❤️
😢
🙏
👍
😂
😮
205