Chihelele Stories
February 27, 2025 at 04:40 AM
https://chat.whatsapp.com/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne *Jambwa* By Nita Chihelele 0780368492 0716847737 *FREE BOOK PLS SHARE* Chapter 19. Selma. Ndaingofonerwa naFarai updating me kusvika asvika kuHarare. Zveshuwa mari yekukwira ikatoiswa mangwana acho. Ndakaperekedzwa naWadza kunokwira achirayira twunonaka. Twaidiwa kani, takati tichakamirira bhazi tete maiTaka kwakupfuura vachienda kumashops. Vakabva vamira vakabata chiuno hanzi, " Iwe mukadzi waFarai kana wakuenda kuchirungu hauwoneki hee? Kuitira kuuya netunonaka ugondinyima. Manje wadzva ndirikuda driringisi riya dzvuku dzvuku riye chero mukagubhu kaduku unenge wandigonera." Vakasekwa naWadza hanzi, " tete murikureva zvima Juice zviye zvinoshata kunge jolly juice? Itiyi vakuvigireyi Mazoe ndodrink chairo chairo. " " Haiwawo iwe Wadza unoziveyi ini ndoda iroro rekuti rurimi runosara rwatsvuka kuti piriviri. " " Ehe zve ariko Mazoe matsvuku anotsvukisa rurimi. " vaive vakupikisana tete vakagumisira vati," mamoyo usateerere Wadza uyu uuye nedringisi rangu randakuudza. Mamoyo usatomboite msindo nemahure emuHarare. Iwe usvike murunyararo utarise murume wako chete. Chero akada kukurwisa iwe zii, " zii yacho yaitaurwa munhu achiita sign yekuzipa muromo. Ndakaziva hure racho ravaireva kunyangwe vasina kuridoma. Ndiwo mashoko andaive ndaudza namaiFarai. Ivo vaiva vati ndiende kwambuya kana mukadzi waFarai akada zvekundirwisa. Ndaisava gwara kana ndaisautetesa muviri wangu. Ndaizoita sekureva kwavo asi kurikuti andiisa ruoko ndopandaizotangira. Chero kumba vaizviziva kuti munhu ndodhinda handina mafunnies. Chero arimukuru kwandiri akandidenha ndairova. "Ehoi tete," vakabva vapfuurira. Bhazi harina wo kunonoka kusvika. Ndakaisira Farai message ndichimuudza kuti ndakwira akatoti, "ndichakumbira kubasa ndizokugamuchira babie." Nzira yese ndakafamba ndichitaura namai vangu vachinditi, "kana ukabvumidzwa uuye wo ka kuzotiona usati wadzokera kumusha takusuwa." Vakazonditi," ndaida kumbonamata newe dai ukauya shuwa." " Ndichakumbira mhamha handifungi ndikarambirwa." Ndaifamba ndichi updater Farai patave. Ndakazoti ndichiburuka ndokuwana atondirindira. Ratidzo. MaiMakoni vakandipa pekurara nemwana wangu. Ndaiti zve semunhu aisafarira zvemakuhwa havana zvavaiziva kwakushamisika vachiti," ko vakwasha veku Harare varipi nhai mwanangu?" Ndakangobwayira bwayira kwakuti, " varikuuya mhai." "Ngavauye shuwa maMpofu shuwa nekugadzira kwaakaita pamba paye achiti varikuuya. Ayewa tirikuvada haasi akabayiwa nechibayo nevhu dzvuku raaituta kwese uko? Saka urikuendepi nemwana?" vaive vandibvunza ndikanyepa ndichiti, " ndirikuda kuenda naye kuskero saka ndaona kuti kuzorarira kuno kurinani. Ndogona kufamba kwakachena. " " Better shuwa urikugona kure kuMachecheni uko nemwana kumusana. Chihera haangazvigoni imi ka muchiri kuzvigona." Takadya ndokunorara vaiva vatozvibvuma zvandaive ndavaudza. Handina kana kubatwa nehope husiku hwacho ndichigaya. Imwe pfungwa yakamboti siya mwana pano umuke unokwira bhazi udzokere. But ndakaona kuti hapana zvandinenge ndaita vaizongomudzorera kumba. Mhamha vaibva vapa tete veku Harare ouyiwa naye kwaFarai. I woke pakati pehusiku kwakumucheuka mwana wangu. She was just over 24months old. Kamwe kaitokava mudumbu. I questioned my God kuti why aindiita zvakadaro. Imwe pfungwa ikamboti ndimuendese kwanaGodknows baba vacho. But still Godknows wacho aigara kuchirungu nemukadzi wake. Uye mai vake chaivo nyakutumbura vaisavepo pamba pacho. Mwana aizongodzorerwa kumba kwedu. Kuma4 ndakamuka kwakuti kunamaiMakoni, " maita basa mhamha ndakuenda ndifambe risati rabuda zuva. Ndinoda kunoita wekutanga kuchipatara." "Wadii wasumuka kuma5? Hakuzi kuchiri kwakasviba kunze?" ndakaramba ndichiti, " kana mhamha kwayedza ndoda kukurumidza kudzoka ndiende kuHarare nhasi." havana havo kuzoramba vachipikisa. Ndakaisa mwana wangu kumusana ndokutakura kabag kaive ne mbatya dzake. Ndakafamba ndakananga kumabhazi waisave mufambo stereki kubva pamaiMakoni. But paive nesango raive nemazitombo. Nzvimbo yekwedu yagara yaive nzvimbo izere mazitombo. Kuramba ndichienda kubustop kwaizoita ndisangane nevanhu vamwe vaimukirira kunohodha kuHarare. Ndakatsaukira musango ndokumbogara padombo mukati Kati mesango ndichifunga. Chinhu 1 chaive chasara chete pamazano angu ese. Ndakaburutsa mwana wangu kwakumuyeva. Akanditarisa wo  aive achiri confused kubva zuro wacho ndichimutora kumba. Aive asisandizive aive akangopusa. Ndaiti ndikamuti,, " Diana!" aingoti, " mmmhh," chese chandaitaura naye aingoti, " mmmh," akanditarisa kumeso zviya zvekuti umbori ani. Pandakamuburutsa ipapo ndakaona Kutya mumeso ake. Zviye zvekuti why ndaburutswa musango uye husiku nemunhu uyu? Questions were written all over her little innocent face. Ndakamudeedza futi ndichiti, " Diana!" akati, "mmmhh." I guess every living thing senses danger at some point. Akadaira achiita kunditarisisa nemeso azere Kutya. " Godknows kana ndichazotongerwa mhosva iyi kudenga newewo unofanirwa kuvapo wo. Nekuti what I'm about to do is all because of you. You left me all alone nevana vako. What were you expecting me to do ndega ndega? Urikurarama hwako upenyu hauna chirikukuvhiringa. Ini hwangu upenyu hunezvibingaidzo zvakakonzerwa newe." I sighed ndokutarisa Diana ndokuti," mwanangu I love you but neniwo ndagumirwa. Mbuya nasekuru vako vakuramba. Kwandinogara hauziikanwe so undiregererewo mwanangu handiti? " as if she understood what I was saying akabva agutsurira musoro staring me right in the face. " I'm even saving you all the troubles of this cruel world. Urimunhukadzi you might as well end up like me uchizvariswa nevarume vachikusiya. So I'm doing us both a favor mwanangu. You will thank me in your next life." with those words ndakabva ndamugadza pasi. Akafemereka zviye zvekutya chifuva chichioneka kukwira nekudzika murima. Hameno kuti she was sensing what I was about to do or kwaiva Kutya kuiswa pasi musango, murima futi. Ndakasumuka kwakumhitsura zidombo  kwakupwanya musoro waDiana mwana waGodknows. I aimed zvekuti zvitovharana zvekutotadza kuscreamer chaiko. Fast fast ndakatora mamwe mazitombo kwakuvhara mutumbi wese. Ndokuvharira zvese nebag rake ipapo pamutumbi. It wasn't my fault but mother earth with her harsh claws made me do it. Ndakaita kuvhunduka ndichiridza mhere pandaive ndigere ndichitorota exactly how I had killed my baby. Farai akamuka zvehasha hanzi, " Iwe ka iwe! Ndakuzokurova manje. Kwasvika pakuyedza uchinditadzisa kurara nenoise yako. Itorongedza kese Kako urikunogara kwambuya mukadzi wangu arikuuya." Ndakamboomesa musoro akanogeza kwakuwana ndigere pamagumbeze. Ndaisaziva kuti Farai anemoyo wevanofamba husiku kudaro. Ndakakandirwa mbatya panze Kuseni seni ikoko ndikazvuvirwa kunze. He locked his house kwakubuda kuenda. Nekusadawo kuva TV yerukeshin gwese ndakanhonga nhonga tunhu twangu fast ndokunanga kwambuya vake. Nzira yese ndakafamba ndichichema. Ipapo ndaisachema kudzingwa. I was now crying for my baby. The little innocent face came back flushing mupfungwa dzangu. End of Chapter.
😢 ❤️ 😮 🙏 👍 😂 106

Comments