Zim Entertainment
February 20, 2025 at 07:39 AM
_*Zuva randisinga kanganwi*_ Ndakati ndapedza Form 4 yangu ndakano tsvaga basa kuHarare ndakariwana. Asi basa iri raive reuGarden boy. Ndakashanda pamba ipapo kwemwedzi mitatu chete. 1) Mwedzi wekutanga ndakapihwa mari yangu iri half ye pay yandai tambira. 💵💵 2) Mwedzi wechipiri handina kutambira kana cent 💲⛔. 3) Mwedzi wechitatu handina kupihwazve mari, asi basa ndaiita zvekuti huya uwone. Ndakagara pasi ndikatanga kugaya kuti ndinosvika kupi ndakadai. Masikati iwayo ndakatsvaga Rwaivhi rwangu ndikaruisa mumba mandairara, ndikaru kwidibira nechipoto chakabooka booka. Ave manheru tapedza kudya ndaka svitsa nyaya yangu kuna Boss ndichiti basa handichada, ndipei mari yangu ndiende zvangu kumba. Pandaka taura izvi akatanga kupopota😲😲😱 achiti handina mari izvezvi. Panguva iyoyo handina kunonoka, ndakasimuka ndikapinda muBedroom mandaivata ndakatora rwaivhi ruya ndokuruisa muBag rangu pakati pehembe. Ndakatakura Bag rangu ndakananga mu Dining mavaive vakagara, ndikavhura Bag rangu ndikabuditsa rwaivhi ruya vachiona, ndikaenda paCorner mumba imomo. Ndakatanga kuomberera ndichiti: *"Sekuru honai ndakashanda pano mahara havasi kuda kundipa mari yangu saka ini ndava kuenda izvezvi kumusha netsoka. Chisarai muchipuhwa mari yangu mozouya nayo kumusha."* ivo vachinzwa. Pandaka simuka ndakangoti ndava kuenda mari yangu mozopa sekuru avo, uye muchapedzerana navo...... Hama dzangu vanhu wakahuta kudedera kudzoka kuita vadiki. Vakamhanya mhanya nehusiku kunditsvagira mari yangu vakandipa yose. Vakati: *"Pliz Pliz takurai sekuru venyu muende navo......"* Saka kugona munhu kumurongera😂😎…….
😂 👍 👏 16

Comments