PHIBIE ALL NOVELS
February 18, 2025 at 02:01 PM
*KUCHERA NYOKA NEMUROMO* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *🔥Kuti usasaririra paNganonyorwa dzechinyakare dzinonyorwa na Phibie gara wapinda mu channel. Nekuti book rino pamwe chete nemamwe ma book ake ndiko kwaanouya ku Channel nenguva yakafanira* *👑Group link* https://chat.whatsapp.com/KTcJzBzUlKt4lCrbRgNnd2 STORY BY PHIBION MANDONGWE Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 3 Makarekare pasi pasati parohwa nenyundo, hazvaigona kuti mambo vagare vasina chitsigiso chemuzinda. Zvakafanana nenyanga yechipembere, kana makona. Izvi zvaiitirwa kuti mambo vazezewe nemamwe madzimambo vatyikwe pamwe nekusapambiwa. Kana iri senyanga yechipembere yainge yakakosha kwazvo,nekuti nyanga iyi inorapa zvitenda zvemarudzi ose kunyangwe nazvino inorapa. Mukati mayo mune mafuta arimo ekuti ukadonhedzera mumvura ukapa anorwara akamwa anopora kurwara kwake. Nekudaro kwainge kune mumwe muzinda waiva kuChamhembe kwemuzinda wamambo Chikandamina. Asi muzinda uyu wainge uri chinhambo kwazvo uri kumacheto kwenyika zvokuti pakati pemizinda iyi painge paine mizinda ingangoita mitatu kana mina. Dunhu iri raitongwa nemumwe mambo ainzi Mujenya . Zvino mambo Mujenya vakaona kuti handingararami ndisina nyanga iyi vaida kutsigisa muzinda wavo kuti ugare wakasimba kupfuura zvawanga uri. Pachavo vaiva nemoyo wakaoma sedombo remurwizi. Vaiva nyoka inoruma chaisingadyi. Vainge vaine vakadzi vaviri nevana vatanhatu, vakomana vaviri kozoti vasikana vana badzi. Muzinda wavo waiva pachivavani chaipo asi uri mujinga megomo rimwe chete rainzi Ruti. Wakanga uine masuwo maviri guru raiva mabvazuva nedoko raiva mavirira. Nerimwe zuva mambo Mujenya vakafunga zano rekuti machinda avo anotsvaka chipembere kudivi rekumaodzanyemba kwaiwanikwa mikonde yakawanda sezvo zvipembere zvichinyanyofarira kumwa muto wemukonde. "Muradzikwa jinda rangu, nhau iri pano wainzwa chitorana nemachinda ako rungwanani rwuno. Pano munodzoka nenyanga yandareva. Kunowanikwa Zvipembere unokuziva ndakakuraira. Saka moita nekuchimbidza kudzoka kwenyu nekuti iri kuda kushanda indai muri makumi maviri nevashanu munoita mukomberanwa" vaitaura mambo vagere mudare nemachinda avo. Muradzikwa ndiye aiva Jinda guru ramambo Majenya. "Riri munzeve changamire, ndokuvimbisai mazuva mashanu tinenge tadzoka pano nayo nyanga iri muruoko rwangu uru. Zvikada ndichauya neimwe nyama yechipembere chacho iri munhava mangu umu" anotaura Muradzikwa rume dema dema kunge pasi pehari yabikirwa mbeva. Ainge akamira akabata pfumo kuruoko rwerudyi, tsvimbo yainge yakabairwa muhudyu pedyo nepaiva nebakatwa. Dati remiseve ririkumusana. Vamwe vakabva vaita mahon'era kuratidza kufarira ushingi hwaMuradzikwa. "Pamunodzoka ndokuvimbisai mombe shanu shanu pamunhu asi iwe Muradzikwa ndinokuvimbisa mombe sere. Saka tisingadi kupedzera museve kumakunguwo chisharudza vaungainda navo moita makumi maviri nevashanu" vanotaura mambo Mujenya vachinanzvira muromo wavo. Gandagobvu, Rwauya , Chaitezvi , Mhoba na Mudarikwa newe newe newe" anodoma varwi vakasimba kwazvo vaaiziva kuti imhare sezvo kwaisada kuinda mbwende nekuti Chipembere chinouraya, mbwende dzainosarako. Muradzikwa achipedza kusarudza machinda ake vakabva vatotora zvombo zvavo zvakakwana netsvimbo vachibva vatobuda nekusiwo guru ndokubva vatarira divi remaodzanyemba kwavainge varairwa namambo wavo. Hapana aitaura nemumwe panguva iyi kunze kwetsoka chete dzainzwikwa kutsika pasi pamwe nekuvhunika kwezvimiti. "Kuno kwauya varume kwete vakadzi. Vakadzi nepwere ndovasara kumuzinda uye kwatiri kuinda uko kumaziva ndadzoka . Zvagara kusina mai hakuindwi saka motosunga dzisimbe" anotaura Muradzikwa akamira mberi kwemachinda ake achirovera pfumo rake pasi nekumagadziko kwehwiriko. "Ririmunzeve changamire zviuya zvirimberi, asi ini musandityira kana kuri kutamba nepfumo ndiko kudya kwangu Chipembere ndinofa nacho kana chadonha pasi" anotaura Gandagobvu achisungira tsvimbo muhudyu. "Ndiye murume uyu anobvuma kufa asi abaya. Saka chinzwai tisati tamedzwa nemasango. Rinofanirwa kuti munamai varo ngori tavakure kwazvo kana zvichibvira makomo ose ari mberi kwedu ayo tapota seri kwawo tasvetuka matunhu maviri" anotaura Muradzikwa. "Ndovimba kufamba kweasina chaakabata kurinyore chero kumanya chaiko takazvipira" anodavirawo Chaitezvi. "Kumanya hakusiko kusvika saka ngatiindei nekuti muzuva reshanu tofanirwa kudonhera mumuzinda" anotaura Muradzikwa. Machinda akapatsika pasi zvokuti rakasvika pakupinda munamai varo pasina azorora. Vakaita rombo rakanaka kuti jena guru rainge rakacheka nyika. Havana kuzorora nguva iriyo pasi pachitsikwa chete. Kwakasvika pakuyedza vachingofamba badzi vaifamba vachidya zvimukuyu pamwe nemichero yemusango. Rakasvika pakuvira zvekare vachifamba ndokubva vazozorora pakati pahwo usiku. Vakavata mumiti vakazvisunga nemakavi kuti vasadonha. Vakavata sematahwa nekuda kwemaneto , asi zuva parakangoti vhu-u Muradzikwa akabva atomukawo. "Hatina kuuya kuvata kuno machinda, Gandagobvu mutsa Rwauya ari kuridza ngonono uyo ita kurova muromo wake uyoyo dai tirikumba tamukwidibira nehari mumusoro make toiputsiramo haafi akaita magwiriri zvekare" anotaura Muradzikwa akamira pasi pemuti akaringa mudenga. Gandagobvu anoiregedza mbama ichisviko mhara pamuromo wa Rwauya. Akabva avhunduka achida kuyedza kutsvetuka uku achikwamatata sendumure yatorerwa mombe yedhaka. Asi makavi ainge akamusunga zvekuti haana kwaakainda. Vamwe vese vakabva vati bvu-u kuseka. "Ungaridza ngonono wakashama muromo uku masiriri achibuda mbovha kusvika kunzeve ko ukadonherwa nengoko mumuromo, dzika tiinde hona ndiwe wega wasara mumuti, vamwe handei anotevera uyu" anotaura Muradzikwa achitokanda nhambwe kupfuurira mberi nerwendo. Rwauya anobudisa bakatwa mumuhara maro ndokucheka makavi aainge akazvisunga nawo, achipedza anodzika mumuti sedavi segudo achibva amanya kubata vamwe vake. Vanofamba kusvika zuva ravakurova nhongonya, Muradzikwa akabva amira. "Tasvika machinda angu , handiti munoona gura remikonde yoga ririmberi kwedu iro here?" Anotaura akatendeka nepfumo rake. "Zviri mumaziso changamire " vanodavira machinda ake. "Saka zvava pano tofanirwa kuzorora izvezvi tichiona kuti zvipembere zvacho zviri divi ripi. Mangwana runyanhiriri nguva yerudzoka mazizi tomuka takananga mumusha mazvo umo pari kunzikwa here machinda angu" anotaura Muradzikwa. "Ndikosaka tauya kuno zvapinda munzeve changamire" vanodavira kamwe chete. "Saka ndiyo nhambo yekurodza miseve yenyu nemapfumo vamwe zvimasanho morodzavo" anotaura achibva afamba kuinda panerimwe bvute reMuuzhe achibva agara zvake. Vakaswera vakazorora ndokuvata dzamara kwayedza . Ndipo pavakazomuka vopinda mugura remikonde. "Zviri pano tichaita vashanu vashanu , saka iwe Gandagobvu newe newe nemi vaviri pindai neapa. Iwe Mudarikwa na Mhoba nevatatu ava pindai neapa , iwe Rwauya nevako ava vashanu vasara ndini ndichainda navo,machiona moridza mheterwa touyako nekuchimbidza" anotaura Muradzikwa. Vanoparadzana vachipinda nemimikonde mumwe nomumwe akapakata zvombo zvake. Rakati rotema nhongonya , Chaitezvi nevamwe vake vakabva vaona gurusvusvu rezvipembere zvichimwa mukonde. Chaitezvi anodududza nevamwe vake ndokudzoka shure. "Tsvotsvitsvo , tsvotsvitsvo tsviyo tsviyo" vanoridza mheterwa vose vari vashanu kushevedza vamwe vavo. Nenguva isipi mumhu wese ainge asvika. "Machiona here uye chirikupi" anotaura Muradzikwa. "Hongu , asi hachisi chimwe badzi zvinogona kusvika kana makumi maviri kana kudarika, zviri panyasi apo" anotaura Chaitezvi. "Hoo dzawira mutsvanda isu tinongoda chimwe chete zvimwe izvo tosiya zvichifema, tungamirai tiinde" anotaura Muradzikwa . Chaitezvi anotungamira vamwe vose vachitevera dzamara vasvika pazvaiva. Muradzikwa anoupotsera museve uchibva wanorovera panyanga yechimwe chipembere. Havana kuziva kuti vachera nyoka nemuromo. Zvipembere zvakasimudza musoro ndokubva zvaona vanhu. Veduwe zvaida kuzvionera pamhino sefodya sezvo chitaurirwa hunyimwa. "Musatiza handei kwazviri atiza afa" anotaura Muradzikwa achiita kukwamatata. Asi kwaiva kusunda gomo nemaoko. Vanoiregedza miseve asi zvaiva kupedza nguva kuteya nzou neriva. Zvipembere zvakasviko tunga vashanu vachibva vasiya nyemba zvaiita kutsika tsvika. Chimwe chakabva chananga Muradzikwa uyo akangoti tendeu aona kuti pake papera ndiye fiki achishevedzera. "Tinopera kufa takasvunura sehove teverai". Vanotevera shure kwa Muradzikwa vose vachinanga nekunerumwe rutivi. Vakadzingirirwa kusvika vabuda mugura razvaiva. Vakasiiwa vapota makomo maviri aiva mberi kwavo. Nguva iyi zuva rainge rateuka. Vanosviko gara pajinga perumwe rwizi rwunonzi Mhokore pabvute vachizorora paneto avo. "Tapotsa tafa varume, ini iko handichadzoki tarisai tashota" anotaura Rwauya. "Chakatanga ndochakachenjedza izvi zvakona n'anga murapwa achida kana mambo vaine rimwe zano rekuwana nyanga vachaita ini ndakanda mapfumo pasi" anotaura Muradzikwa jinda guru. "Wareva dama ipapo nekuti---------" Gandagobvu haana kupedzisa kutaura mashoko ake mushure mekunzwa manzwi evanhu mhiri kwekarwizi. "Shi-ii, Chaitezvi ndiwe tsori yakangwara inda unoona kuti vanhu vangani nhasi vachaziva kuti matiri musango hapana anokodzero yekutanjuka , chimbidza uuye neshoko usaonekwa" anotaura Muradzikwa. Chaitezvi anonyahwaira seshato irikuda kubata mbudzi. Anoona vari vanhu vatatu anoona vakufukura mufuku murwizi Mhokore urwu. Anodududza achidzoka kunevamwe vake. "Vanhu vatatu asi zvipfeko zvemumwe wacho anoratidza kuva mambo kana kuti mwana wamambo kana kuti ndeweumambo varikufukura mufuku" anotaura Chaitezvi. "Zvakanaka saka ngativakombe tinzwe kuti varikudei musango rino nhasi pfumo rangu rinosukwa neropa neiyeye wawati anedzakasiyana nevamwe nguo" anotaura achiisa museve pauta. Vanosuka vose ndokubva vatokomba vanhu vaya. Nhambo yainge yakotama mumwe wevatatu ava achida kumwa mvura. Muradzikwa akangoita kukwakuka achipinda murwizi achidaidzira kuti ramba wakadero ukasumuka museve unopinda nekumashure. Vakabatwa vatatu ava vakarohwa zvakaipisisa, Gandagobvu akabva atora nhava yaiva pasi ndokubva adongorera, akanyemwerera akatarisa mukati achibva atambidza mukuru wake Muradzikwa. Muradzikwa achiona nyanga yaiva munhava iyi kuti ndeye chipembere akabva anyemwerera achibva ambundikirana na Gandagobvu kwekanguva ndokuzoregedzana. Muradzikwa sezvo akanga asisina miseve yakawanda mudati make pamwe nevamwe vake, akabva atorera vanhu ava miseve ndokusiya miviri miviri achibva avaudza kuti nyangarikai nekuchimbidza. Vanhu ava vaiva mambo Chikandamina na Harunashe pamwe na Musariri. Muradzikwa anonanzvira muromo wake achiratidza kufara kwazvo. "Machinda angu nyanga taiwana regai vakuru vakati kukava datya kuriyambutsa iyi" anotaura Muradzikwa achiibudisa munhava mayaiva. Machinda ose akabva afara zvikuru achisvetuka kwazvo nyemwerero ichisvika kugotsi. "Asi takoshiwa kunzwa kuti vanhu ava ndivanani uye vanobvepi nekuda kweshungu dzanga dzakandibata. Saka nguva ino ngatibude murwizi muno nenhandashure kuti vakada kuzouya havaoni kuti tananga nepi, zvakawanda tinotaurira mberi" anotaura Muradzikwa achibva atodududza nenhandashure achibuda murwizi umu. Vanofamba vakananga kumuzinda kwavo kuChamhembe asi vakainda nechekunyasi kwegura rezvipembere, vakaziva kuti tsuro haiponi murutsva kaviri. Vakafamba kwazvo ndokubva vamutsa Gwizo munerimwe gwenzi. Gandagobvu akangoregedza tsvimbo yake ichibva yanorova Gwizo iri richibva raomerapo. Muradzikwa anonyemwerera ndokubva abudisa bakatwa rake ndokucheka Gwizo riya muhuro anotora ropa riya ndokuzorera panyanga yechipembere iya yainge yatorerwa mambo Chikandamina. Nyanga yakabva yatsvuka kuti piriviri. "Angonoti bufu kuna mambo kuti nyanga iyi tapamba vanhu chete wainda nyika dzimu nemhuri yako yose tirikunzwanana. Ropa iri randaisa nderekubata mambo kumeso. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara tiri kunzwanana here" anotaura Muradzikwa achisumuka paanga akachonjomara achibva aisa nyanga munhava make. "Riri munzeve changamire vimbai nesu. Vangagoramba papizve ivo vamwe vedu vainda nyika dzimu. Zviri pachena seinda irimubaravara. Handifungi kuti pane angadzungaira kusvika pakutamba nerufu" anotaura Gandagobvu uyewo vamwe vachiita mahon'era kubvumirana nazvo. "Chatinoziva ndechekuti mombe dzatotimirira mberi uko. Handifunge kuti pane asingadi mombe apa . Ati bufu anosongana nazvo" anotaura Rwauya akagara padombo , vamwe vaitovhiya Gwizo kuti vagoche. Vanotsindidzana zuva richibva rati munamai varo ngori. Vanogocha nyama yavo vachiisa pamashizha kuti ipore asi imwe yaidyiwa iri pamoto. Vachipedza vakabva vavata mangwana acho vakafumo muka runyanhiriri chairwo kunanga kudunhu kwavo. Vakafamba zvekuti jongwe rekutanga remanheru rakachema vachitowiravo mumuzinda asi hapana ainge akasvunura panguva idzi. Paingonzwikwa ngonono uye pwere dzaivhumuka badzi. KUPERA KWECHITSAUKO 3
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 150

Comments